Imbai nziyo dzinodzidzisa kuverenga

Transcription

Imbai nziyo dzinodzidzisa kuverenga
Mazano ekukurudzira kuverenga
Mazano ekukurudzira kuverenga
Save the Children nerutsigiro rweWorld Vision
Na Amy Jo Dowd, Nell O’Donnell, Ces Ochoa, na Ivelina Borisova
Save the Children US
Zviri pamusoro peSave the Children
Save the Children iboka rakazvimiririra, riripo kushandura nenzira
yakadzama hupenyu hwevana vanoda rubatsiro munyika yeAmerica nepasi
rese.
Kuti munzwe zvizhinji nezvavo, endai pakero iyi SavetheChildren.org.
Save the Children USA inhengo yeInternational Save the Children Alliance
inoshanda pamwe chete nemamwe mapoka eSave the Children anosvika
makumi maviri nemapfumbamwe pasi rese. Mapoka eSave the Children
aripo kubatsira, kuona kuti vana vakagara zvakanaka pamwe chete
nekuchengetedzwa kwevana munyika dzinodarika zana nemakumi maviri.
Zviri pamusoro peWorld Vision
World Vision iboka rechiKristu rakazvipira kushanda nevana, mhuri pamwe
chete nevemunharaunda pasi rese kuti vakwanise kubatsirikana
mukurwisana nezvinhu zvinopa hurombo kana kudzvinyirirwa.
World Vision inobatsira vanhu vanoda kusvika zana remiriyoni munyika
dzinoda kusvika zana pasi rese. World Vision inobatsira vanhu vese zvisinei
nechitendero, rudzi kana kuti uyu murume here kana kuti mukadzi.
Save the Children US 2010
Mifananidzo yese iri mubhuku rino yakabva kuSave the Children, US
Mufananidzo uri pabutiro: EL SALVADOR/ Mufananidzo wakatorwa
neveSave the Children.
Bhuku rino rakagadzirwa naBecky Warren wekukambani yeThink in Print,
ThinkinPrint.com
AZERBAIJAN/Photo by Michael Bisceglie
Bhuku iri rekubatsira vari munharaunda
takarigadzirirei?
Bhuku remazano ekubatsira vari munharaunda
iri takarinyorera ani?
Mubasa redu ratinoita nevari munharaunda, tinoda kuti
tisimbise rutsigiro rwatinopa vana vari kuzvidzidzira vega
vasiri kuchikoro. Tinozviziva kuti kune nzira zhinji idzo
vabereki, vemunharaunda kana vana pachavo
dzavanokwanisa kushandisa kuti vana vadzidzire
kuverenga. Nguva zhinji zvinofungirwa kuti vanhu
vakadzidza ndivo chete vanokwanisa kubatsira vamwe
kuti vakwanise kuverenga. Isu tinofunga kuti mafungiro
aya ekuti vakadzidza ndivo chete vanokwanisa kubatsira
vana kuti vakwanise kuverenga haanyatsoita. Kuti munhu
akwanise kubudirira pakudzidza kuverenga,
anofanirwawo kunge achigona kutaura, kuteerera,
kunzwisisa zviri kutaurwa, pamwe chete nekuziva
zvinoreva mazwi akawanda.
Takanyora bhuku rino kuti ribatsire vatungamiriri
vemapurogiramu, vanoshanda nevanhu munharaunda
pamwe chete nevatungamiriri venzvimbo kuti vafungisise
nezvezvinhu zvavangataure nezvazvo pavanodzidzisa
vabereki, vemunharaunda pamwe chete nevana.
Vabereki pamwe chete nevamwe vagere munharaunda
vasingagone kuverenga vanokwanisa kubatsira vana
zvikuru kubudikidza nemushandisirwo wemutauro
nenzira inodzidzisa nekuvaraidza. Zvakakosha kuti
vanoshandira maNGO pamwe chete nevatungamiri
vanoshandisa bhuku rino vasimbise chinhu ichi. Bhuku
rino rinosimbisa kukosha kwekuvandudza mutauro
wemazuva ese pamwe chete nekuti tese tingakurudzire
kukura kwemutauro sei. Rinounganidzawo mazano
angashandiswe nevanoshanda nevana kuti vakurudzire
vana kuti vaverenge zvakanyanya, uye vasingandandame
pamwe chete nekuita hurukuro nekunzwisisa zvehupenyu
hwemazuva ese.
Bhuku remazano ekubatsira vari munharaunda
iri rinoshandiswa sei?
Zviri mubhuku rino zvakareruka, zvinonakidza
nekubatsira vabereki nevana. Zvinobatsira pakuita kuti
kukurudzirwa kwekuverenga kunakidze. Shandisai bhuku
rino sekarenda, kuitira kuti mwedzi wega wega
mudzidzise vanhu vakasiyana-siyana sekuronga kwenyu.
Peji rega rega rinopa zvinhu zvinokwanisa kuitwa
nevabereki nevana kuti vatsigire kuvandudzwa kweruzivo
rwekuverenga mune vamwe. Shandisai mazano aya
sepfungwa huru mukuita hurukuro, ratidzai kuti zvinoitwa
nenzira ipi uye mukurudzire vadzidzi kuti vazame
kuzviita kwemwedzi wese! Kuti munyatsogadzirira kuti
zviite, fungai pamusoro pezvinodikanwa zvekushandisa,
pakakodzera kuti zvingashandiswe nezvazvinobatsira.
Vaudzei kuti vazvizame kakawanda vasati vazouya
kumusangano wenyu unotevera, uye kana vachinge vauya
vauye vakagadzirira kuzogoverana nevamwe
zvavakadzidza. ZVAKAKOSHA: pamusangano wenyu
wepamwedzi wega wega unotevera, tangai nekubvunza
vanhu vese kuti zvakavafambira sei pakudzidza kwavo
uye unyore zvavakasangana nazvo.
Kutsigira basa iri, munokwanisa kutumira muvanhu
vemunharaunda yenyu zvinofanirwa kuitwa mumwedzi
iwoyo kana kukumbira vadzidzisi kuti vape vana tsamba
dzekuendesa kumba nezvebasa iri kana kukurukura
nevabereki. Tinozviziva kuti kudzidza kwerudzi urwu
kunosiyana-siyana nenzvimbo dzamunoshandira pamwe
chete nekusiyana kwekugona kuverenga kwevari
munharaunda yenyu.
Bhuku rino rakarongwa rine chinangwa chekubatsira
mapoka maviri: vabereki nevana. Muchaona kuti rine
misoro inobatsira vese uye nevanogona kuverenga.
Fungai kuti muchada kusangana kwemazuva zvenguva
yakawanda sei, uye kuti ndivana ani vamunenge
muchishanda navo. Bhuku rino rine izvi:

Mazano gumi ekubatsira vabereki

Mamwe mazano matanhatu ekubatsira vabereki
vanogona kuverenga

Mazano masere ekubatsira vana vese zvavo

Mamwe mazano matanhatu ekubatsira vana
vanogona kuverenga
Misoro yakagadzirirwa vabereki inogona kubatsira
kusimbisa basa rekukurudzira kuverenga ragara richiitwa
reSave the Children’s Literary Boost Community Action
Component, uyewo misoro yakagadzirirwa vana vadiki
inogona kudzidziswa muchirongwa chekubatsira
kukurudzira kuverenga cheLiteracy Boost Reading
Camps kana mukudzidza kwemwana kuverenga asiri
muboka guru.
Pane nzira zhinji dzekushandisa bhuku rino kuti
rikubatsirei uye tinovimba kuti muchatibata
muchitizivisawo pfungwa dzenyu, mazano amuinawo
nekuti tingagadzirise zvinoda kugadziriswa sei kuitira
kuti bhuku iri riwedzere ruzivo rwarinopa zvichibva
muzvinhu zvamunosangana nazvo.
Kana muine mibvunzo, mazano kana zvamunoda
kutizivisa nezvebasa iri, batai Amy Jo Dowd pakero iyi
[email protected] kana Ceclie Ochoa pakero iyi
[email protected]
MOZAMBIQUE/Photo by Michael Bisceglie
Mazano ekubatsira
Vabereki Vese
Kukurudzira kudzidzira kuverenga kunogona kutanga mwana achiri mudiki kwazvo. Zvinhu
zvinobatsira kuumba hunyanzvi hwemutauro, zvinovandudza kunzwisisa kwavo nyika yavagere
nezvakavapoteredza uye zvichiwedzera ruzivo rwavo zvinobatsira zvikuru pakugadzira hwaro
hunobatsira kuti mwana agone kuverenga. Zvinhu zvakadai zvinobatsira vana kuti vagone kuona
hukama huri pakati pemutauro nezvinhu kana nezviitiko, vokwanisa kuburitsa pfungwa dzavo
nekunzwisisa mazwi akanyorwa. Mazano ari mubhuku rino mamwe emazano ekuti vabereki vese
vanokwanisa kushandisa nevana kuti vavabatsire kuti vagone kudzidza nekuverenga zviri nani.
Mazano aya anogona kushandiswa nevabereki zvisinei nekuti vanogona kuverenga zvakadii kana
Taura nemwana wako
MALAWI/Photo by Michael Bisceglie
Taura nemwana wako
Mwedzi uno taurirana nevana vako.
Kutaura nemwana wako kwakakosha zvikuru nekuti kunobatsira kuti aburitse pfungwa
dzake nekubatsira kuti anzwisise mutauro. Vana vadiki vanonzwa kunyaradzwa pamwe
chete nekunzwisiswa nekudiwa nevabereki vavo kana vakataurwa navo. Izwi rako
rinodzikamisa nekunyaradza mwana wako. Vadiki vave kutanga kutaura vanotanga
kutevedzera zvavanonzwa uchitaura. Vakurudzirei nekuvapa mikana yekudzokorora
mazwi. Vana pavanoenda vachikura, tangidza zuva rega rega nekuudza mwana wako
zvinhu zvauchaita pazuva iroro, uye panodoka zuva womurondedzera zvinhu zvawaita.
Kana vari vana vakura, vabvunze kuti vakuudze kuti zuva ravo ranga rakaita sei, zvii
zvavaita. Bvunza kuti chii chakanaka chaitika; uye kuti chii chakaoma chavasangana
nacho.
Ita kuti vana vataure!
Zvazvinobatsira:

Vana havazotye; vanonzwa kudzikama, kudiwa pamwe chete nekuchengetedzwa

Mutauro unokura, vana havandandame uye vanotaura vazere nehushingi

Zvinokurudzira kuda kuziva nekunzwisisa pamwe chete nekutaurirana
Taura nyaya dzinopa ruzivo, tsika nemagariro
NEPAL/Photo by Brent Stirton
VIETNAM/Photo by Michael Bisceglie
Taura nyaya dzinopa ruzivo, tsika
nemagariro
Taurira kana kuverengera mwana ngano kana nyaya
mwedzi uno. Itai hurukuro pamusoro pezvevanhu,
nzvimbo nezviitiko zviri munyaya iyoyo. Itai izvi
kakawanda kana muchikwanisa.
Kana vari vana vadiki, edzai kuvataurira nyaya kana ngano kakati wandei pasvondo rega rega. Dzidzisa mwana
wako kuti ajairire kugara pamakumbo ako kana pedyo newe kuti ateerere izwi rako uchimuudza nyaya kana ngano.
Edza kumuudza ngano kana nyaya dzine mhuka uye uedze kutevedzera kuchema kwemhuka dzacho paunomuudza
ngano idzi. Izvi zvinobatsira kuti azive kuti kuchema kwakadai kunoenderana nemhuka yakadai. Semuenzaniso,
“Murimi akaenda kudanga kuti anokama mukaka wemombe, mhuu-u mhuu-u.”
Pavana vemazera ese, vaudze ngano kana nyaya imwe chete, woidzokorora kana waidzokorora woti mwana
akubatsire kuti muitaure zvakare kechitatu mese. Tanga nekutaura nyaya dzisina kuoma dzavanokwanisa
kurangarira. Pese paunotaura nyaya kana ngano, udza mwana chakakosha kwekutanga, pakati nekwekupera
kwenyaya kuitira kuti mwana zvimuitire n’yore kurangarira nekuzotaura ngano kana nyaya yacho ega.
Zvazvinobatsira

Vana havazotye; vanonzwa kudzikama, kudiwa pamwe chete nekuchengetedzwa

Mutauro unokura, vana havandandame uye vanotaura vazere nehushingi

Zvinobatsira kuti pfungwa dzidzidze kuronga nekuchengeta zvinhu

Zvinobatsira kupanana ruzivo pamusoro petsika nemagariro
Ipa mwana wako kudya kwepfungwa
BOLIVIA/Photo by Michael Bisceglie
Ipa mwana wako kudya kwepfungwa
Ita kuti nguva yekudya ivewo nguva yekugadzirira kuverenga. Ita kuti
mwana wako akuudze mazita ezvauri kushandisa pakubika,
ngaazvirenge kuti zvingani, ngaazvironge nekukura kwazvo, nemavara
azvo earufabheti ekutanga, nemavara (colours) azvo nezvimwewo
zvakawanda!
Udza mwana wako zvaunoita kana uchibika kubva uchitanga kusvika kudya kwaibva.
Muudze zvauri kuita. Semuenzaniso: “Iko zvino ndiri kusuka muriwo, kana ndapedza
ndichaucheka-cheka ndouisa mupoto ndoigadza pamoto.” Udza mwana wako pamusoro
pezvese zvauri kushandisa pakubika. Semuenzaniso: “Tinorima madomasi mugadheni
asi mupunga tinoutenga kuchitoro.” Verengai mese nekuyera zvinhu zvamuri kushandisa
pakubika!
Zvazvinobatsira

Mutauro unokura, havandandame uye vanotaura vane chokwadi

Vana vanodzidza kutsanangura mataridzikiro, hukuru, kuverenga nekuyera

Zvinobatsira kuti pfungwa dzidzidze kuronga nekuchengeta zvinhu

Vanodzidza nezvechikafu nekuti chinowanikwa kupi

Mukana wekuti zvatinoita mazuva ese zvive mukana wekudzidza
Imbai nziyo dzinodzidzisa kuverenga
NEPAL/Photo by Brent Stirton
Imbai nziyo dzinodzidzisa kuverenga
Kuimba nziyo kunogona kubatsira mukudzidzira kuverenga.
Nziyo dzine nhetembo, mutinhimira, nemazwi anonakidza
anobatsira vana kuti vadzidze. Mwedzi uno imbai nziyo
munzvimbo yamunogara.
Kubva vana vachingozvarwa, vanoda kuimbirwa uye vanoratidza kufarira nziyo
nekudetemberwa zvikuru. Pamakore maviri chaiwo vana vanotangawo kuda kuzama
kuimba! Pamunoimba muchidzokorora nziyo, ratidzai zvadziri kutaura
muchitonongedzera zvinhu zviripo kana kuti muchiedzesera zvadziri kutaura.
Zvazvinobatsira

Mutauro unokura, vana havandandame uye vanotaura vane chokwadi

Zvinobatsira kupanana ruzivo pamusoro petsika nemagariro

Zvinonakidza!

Mukana wekuti zvatinoita mazuva ese zvive mukana wekudzidza

Zvinoita kuti vana vazive mazwi nemavara, uye nekuti vangazvibatanidze sei kuti ave mashoko
Tengai muchitsvaga ruzivo
NEPAL/Photo by Brent Stirton
Tengai muchitsvaga ruzivo
Pamunenge muchitenga zvinhu zvemhuri muchitoro,
gadzirira kuti mwana atarisire kuzoverenga.
Kana ukanotenga nevana vadiki, vaudze kuti uri kuitei. Vaudze kuti muri kuenda kuchitoro, kuti muri
kuda kunotengei ikoko pamwe chete nekuti chii chamunoda kuti mukwanise kutenga. Kana
muchienda kunotenga munoda pekuzotakurira zvinhu, mari nezvimwewo. Panguva inotevera kana
mave kuenda kumusika, bvunza mwana wako kuti zvii zvamunofanirwa kutakura. Kana mwana
wako asati ave kugona kutaura, muudze kuti atore bhegi rekunoisira zvinhu. Izvi zvinomubatsira kuti
azive hukama huri pakati pemazwi nezvinhu.
Kana mwana ave kuziva, muudze kuti agorangarira zvinhu zvauri kuda kunotenga, uye kana
muchinge masvika kumusika mubvunze kuti akuyeuchidze zvamuri kuda kutenga. Kana masvika
kumusika, ita kuti vana vakuru vanongedzere zvinhu zvese zviri mumusika zvinotanga nevara
rearufabheti raunosarudza. Kana kuti unogona kuti vaverenge mhando dzemichero nekukuudza
mazita ayo.
Zvazvinobatsira

Mutauro unokura, havandandame uye vanotaura vane chokwadi

Vana vanodzidza kutsanangura mataridzikiro, hukuru, kuverenga nekuyera

Zvinobatsira kuti pfungwa dzidzidze kuronga nekuchengeta zvinhu

Vanodzidza nezvechikafu nekuti chinowanikwa kupi

Mukana wekuti zvatinoita mazuva ese zvive mukana wekudzidza
Kurudzirai kuverenga pamunenge muchiita basa mese
MALAWI/Photo by Michael Bisceglie
TAJIKISTAN/Photo by Chris Martin
Kurudzirai kuverenga pamunenge muchiita basa mese
Paye pamunenge muchiita basa renyu remazuva ese, ipa mwana
wako ruzivo rwakakosha. Udza mwana wako zvinhu
zvamunofanirwa kuita kuti basa renyu rifambe. Muratidze kuti
aone kuti zvinoitwa sei, mushure mazvo wozomuti
akutsanangurire kuti zvinoitwa sei.
Semuenzaniso, “Tinotanga tatora mvura yekuwachisa, tokwiza sipo pahembe, towacha,
tozodzumburudza.” Vana vadiki vanonyanya kudzidza mazwi matsva kana vachiona nekubata zvinhu
zvatinenge tichida kuti vadzidze nezvazvo. Kana uchiwacha, siya mwana atambe nemvura
(achitevedzera zvauri kuita achipfachura mvura) uchiramba uchidzokorora izwi rechinhu ichocho
sekuti, “iyi imvura.” Mwana anozopedzisira ave kukuudza izwi riye. Kuvana vave kufamba, mutume
kuti akuunzire zvinhu zvauri kuda kuti basa riitike – semuenzaniso, “Nditorerewo sipo” kana kuti
“Tora dhishi iri risina chinhu unoriisa mukicheni.” Muvana vakuru edza kuvaudza zvinhu zviviri
kana zvitatu zvekuti varangarire nekuita panguva imwe chete. “Enda mumba, unditorere sipo
yekuwachisa uuye nayo undipe.” Vana vakuru vanogona kudzidza zvinofanirwa kuitwa nezuva
rimwe chete uye vagokuudza kuti zvinoitwa sei.
Zvazvinobatsira

Mutauro unokura, havandandame uye vanotaura vane chokwadi

Zvinobatsira kuti pfungwa dzidzidze kuronga nekuchengeta zvinhu

Mukana wekuti zvatinoita mazuva ese zvive mukana wekudzidza
Ivai nenzvimbo yekudzidzira
EL SALVADOR/Photo by Michael Bisceglie
Ivai nenzvimbo yekudzidzira
Imwe nzira inodzidza vana nayo kutamba. Mwedzi uno gadzira
kanzvimbo kekuverengera mumba mako wopa mwana wako nguva
pamwe chete nezvekuverenga zvisingashamisire zvine chekuita
nekuverenga kuti atambise.
Vana vadiki vanowanzotanga kuziva mavara ari muzita ravo. Cheka mavara aya umanamire kumadziro
mumba. Nongedzera mavara acho uchitaura kuti uyu ndiA, uyu ndiD zvichidaro. Kuvana vave kuziva
mavara ari muzita ravo kare, ita kuti vashande nemazita nevanin’ina kana hanzvadzi dzavo, kana zita
rekwamunogara nezvimwe zvakadaro. Itai tumitambo twekuti vana vazive mavara sekuti, “Vara A riri
kupi?” pamwe chete nekubvunza kuti “Vara iri rinonzi ani?”
Muvana vakuru tsvaga zvivharo zvemabhodhoro kana tupepa twusina basa unyore mavara paari. Kana
uchinge wave nearufabheti rakakwana, itai mitambo yekuti vamaronge voperetera mazwi avanoziva.
Gadzirai mamwe makadhi uchishandisa mavara akabatana sa zv, ch, bv. Unogonawo kugadzira makadhi ane
mazwi wobva waashandisa kugadzira mitsara. Isawo manhamba kuti vagobatsirikana nekuverengawo.
Kuti muve nemabhuku enyaya kana engano, tsvagai kana kuti gadzira mabhuku neshamwari nemhuri
dzenyu kuti mugoisa munzvimbo yekuverengera yemudzimba dzenyu.
Zvazvinobatsira

Vana vanodzidzira kuverenga

Zvinobatsira kuti vana vave netsika yekuverenga nyangwe vasiri kuchikoro

Zvinoumba ruzivo rwemavara earufabheti

Panove nekugadzirwa kwezvinhu zvakawanda zvinobatsira pakudzidza kuverenga
Batana nevamwe vanoda kuverenga
INDONESIA/Photo by Richard Lord
Batana nevamwe vanoda kuverenga
Endesa mwana wako kunzvimbo dzinobatsira
nekudzidzira kuverenga. Vana vako vakuru
vanogona kuve vatungamiriri vemapoka akadai
uye vana vako vadiki vanogona kubatsirikana kuti
vadzidze nekutamba vachishandisa ruzivo
rwakakosha rwekuverenga.
Zvazvinobatsira

Zvinonakidza!

Zvinobatsira kuti vana vaedze hunyanzvi hwavo hwekuverenga

Zvinoita kuti vana vakuru vave nehunhu nekufara kuve vaverengi vasingandandame

Zvinobatsira kuti vana vave netsika yekuverenga vega vasiri kuchikoro bedzi

Vanove nekuzivisisa mavara earufabheti
Pananai zvekuverenga nevavakidzani
MALAWI/Photo by Michael Bisceglie
Pananai zvekuverenga nevavakidzani
Taura nemuvakidzani wako kana shamwari yako
nezvekukosha kwekuverengera mwana. Pananai
zvekuverenga nevamakavakidzana navo.
Kunzvimbo dzisina zvekuverenga, kupanana zvekuverenga pakati pevavakidzani nevamwe
vamugere navo kunobatsira nekuwanisawo mukana wekuita hurukuro pamusoro penyaya kana
zvamuri kuverenga nekuti zvinenge zvakafanana. Pananai mabhuku, kana madaro muwirirana nguva
yekuti muzoita hurukuro pamusoro paro kana kuti yekudzokorora kuriverenga zvakare
muchishevedzera.
Zvazvinobatsira
Vana havazotye; vanonzwa kudzikama, kudiwa pamwe chete nekuchengetedzwa
Zvinonakidza
Inzira yekuti zvinonakidza zvinakidze vakawanda uye vamunharaunda vanonzwa kukurudzirwa pakudzidzira
kuverenga
Pembererai kuverenga
MALAWI/Photo by Michael Bisceglie
Pembererai kuverenga
Kana muchiita mhemberero, pembereraiwo kuverenga. Nguva dzenyu
dzezororo dzine nziyo dzakakosha here, kana nhetembo kana zvimwe
zvamunoita zvetsika zvamungagoverane nevamwe? Dzidzisai vana vadiki kuti
vadzokorore nhetembo nenziyo dziri n’yore. Itai kuti vana vakuru vanogona
kunyora vanyore nziyo idzi nezvimwe zvetsika zvinogona kudzidziswa
vamwe.
Zvazvinobatsira

Zvinopa ruzivo rwetsika nemagariro

Zvinonakidza

Mukana wekuti zvatinoita mazuva ese zvive mukana wekudzidza
BANGLADESH/Photo by Jeff Holt
Mazano ekubatsira
Vabereki vanogona kuverenga
Munhu wese anogona kuverenga anokwanisa kubatsira mwana kuti avewo neruzivo
rwechinhu chakakosha ichi kana vakawana kurudziro nezvekushandisa kuti zviite.
Vabereki vanoverenga pamwe chete nevana vavo kana kuti vanoverengera vana vavo
havangobatsira vana chete kuti vadzidzire kuverenga nekuratidza vana kuverenga
kwakanaka, asi vanosimbisa pfungwa yekuti kuverenga kwakakosha uye kuti kunogona
kunakidza nekufadza. Haano mazano mashoma angashandiswe nevabereki kuti
vakurudzire kuda nekugona kuverenga muvana vavo.
Gadzirai mabhuku nezvekuverenga
AFGHANISTAN/Photo by Jeff Holt
Gadzirai mabhuku nezvekuverenga
Mwedzi uno imbozvipai nguva yekugadzirira mwana wenyu
mabhuku nezvekuverenga.
Rangarirai kuti vana vadiki vanofarira mabhuku asina zvizhinji zvinoshamisa asi ane
mavara makuru nemifananidzo. Saka kuti mukwanise kutanga, edzai kugadzira bhuku
rine mapeji mashanu kana matanhatu, riine mufananidzo papeji yega yega nemazwi
mashoma. Vana vakuru vanogona kukubatsirai kunyora mabhuku aya. Kana kuti
vanogona kutove vanyori venyaya dzavo dzavanofunga.
Zvazvinobatsira

Zvinoyamura vana kuti vadzidze kuverenga

Zvinokupai zvekuverenga zvakawanda
Musati
manorara
ndiyo nguva
yakanaka yekuverengera
mwana wako
AFGHANISTAN/Photo by Linda Cullen
Musati manorara inguva yakanaka yekuverengera mwana
Zamai kuverengera mwana wenyu manheru ega ega kwemwedzi
wese! Muchaona kuti imi nemwana wenyu muchanakidzwa
zvikuru.
Kubva vachizvarwa, vana vanofarira kunzwa izwi ramai kana baba vavo, uye
kuvaverengera nyaya kana ngano vasati vanorara kunoita kuti vanzwe kugadzikana
nekuita zvakanaka. Nyangwe vana vadiki vasinganzwisise zviri kuitika munyaya kana
ngano yauri kuvaverengera vanotanga kuve neruzivo rwekuti nyaya kana ngano dzakaita
sei. Pavanozoenda vachikura, vadzidzisei kuti vagone kuvhura mapeji ebhuku,
movadzidzisawo kuti kumberi nekuseri kwebhuku ndekupi, uyewo nekuti unoverenga
uchibva kuoi uchienda kupi. Vana vakuru vanokwanisa kuona paunofambisa mumwe
wako papeji uchiverenga kana kuti vanokwanisawo kupanana majana ekukuverengera.
Zvazvinobatsira

Vana havazotye; vanonzwa kudzikama, kudiwa pamwe chete nekuchengetedzwa

Mutauro unokura, havandandame uye vanotaura vazere nehushingi nekuve muenzaniso wekuverenga kwakanaka

Zvinonakidza!

Zvinobatsira kuti vana vaedze hunyanzvi hwavo hwekuverenga

Zvinobatsira kuti vana vave netsika yekuverenga vega vasiri kuchikoro bedzi
Arufabheti: Zvidhinha zvekuverenga
MALAWI/Photo by Michael Bisceglie
ETHIOPIA/Photo by Michael Bisceglie
Arufabheti: Zvidhinha zvekuverenga
Mwedzi uno tinoda kuti mupemberere mavara earufabheti.
Zuva rega rega, shandai nevara rimwe chete. Tsvagai
panoonekwa pekunyora pabepa kana pamadziro vara
rearufabheti ramunenge madzidza.
Unganidzai mavara earufabheti mumashandise kushongedza mumba kuitira kuti
akwanise kuonekwa mazuva ese. Nyoraiwo nemanhamba kuitira kuti vana vadzidze
zvakawanda. Batsirai vana kuti vadzidzire kunyora mavara earufabheti – muvhu kana
pamapepa. Kubva pamwedzi gumi nemisere kusvika pamakore maviri, vana vanenge
vave kudzidza nekuziva mavara earufabheti rimwe nerimwe.
Zvazvinobatsira
Vana vanoyamurika pakudzidzira kuziva kuverenga
Zvinoumba ruzivo rwemavara nerwezviperengo
Vana vanove vanoziva mavara nemazwi, uye nekubatanidzwa kwemavara kuti agadzire mazwi
Zvinokupai zvekuverenga zvakawanda
Kudzidzira kuverenga muri kumba
VIETNAM/Photo by Chau Doan/Onasia
Kudzidzira kuverenga muri kumba
Zvekudya zvizhinji zvinotengwa zvakaputirwa mumapepa kana kuti
zviine mapepa akanamirwa pazviri. Mwedzi uno imbocherechedzai
kuti zvii zvakanyorwa pamapepa aya. Zviverengei muchishevedzera.
Vana vasati vadzidzira kuverenga nekunyora kana kuziva mavara earufabheti, vanodzidza kuti pane
mutsauko pakati pemifananidzo nezvakanyorwa. Unogona kubatsira mwana wako kuti atange
kudzidza kupatsanura mazwi akanyorwa nemifananidzo kubudikidza nekumuti acheke mapepa ane
mavara emazwi neane mifananidzo. Kana wadaro wochimudzidzisa kuti azviise mumapoka azvo,
mifananidzo nemavara emazwi.
Nevana vakuru munogona kuverenga zvakanyorwa pamapepa ezvekudya moita hurukuro yekuti
zvipepa izvi zvinokupa ruzivo rwerudzii. Ita kuti vana vakuratidze mazwi anotanga nevara raunosarudza, kana kuti ita kuti vaite kuti mazwi arimo aite mabvumira. Ko nhamba dziri pamapepa aya
ndedzekuverenga chii?
Zvazvinobatsira

Mutauro unokura, havandandame uye vanotaura vane chokwadi

Vana vanodzidza kutsanangura mataridzikiro, hukuru, kuverenga nekuyera

Vanodzidza nezvechikafu nekuti chinowanikwa kupi

Zvinoratidza mashandiro ekuverenga mune zvatinoita mazuva ese

Zvinoyamura vana kuti vaedze ruzivo rwavo rwekuverenga

Mukana wekuti zvatinoita mazuva ese zvive mukana wekudzidza

Vana vanove vanoziva mavara nemazwi, uye nekubatanidzwa kwemavara kuti agadzire mazwi
Micherechedzo yese kuverenga
JORDAN/Photo by Simon Photography
Micherechedzo yese minongedzo
pakuverenga
Munguva inotevera ukazoona mucherechedzo unomirira
chimwe chinhu, utsanangure! Mucherechedzo uyu une mavara
nemifananidzo here? Unogona here kuverenga zvaunoreva?
Verengera mumwe munhu wauinaye.
Tsvaga mimwe micherechedzo kana zviziviso zvakanyorwa
paunenge uchifamba munharaunda yenyu nemwana wako.
Pazuva rega rega mumwedzi uno, cherechedzai zvakanyorwa
zviri munharaunda yenyu zvamunoona mazuva ese.
Zvazvinobatsira

Mutauro unokura, vana havandandame uye vanotaura vane chokwadi

Vana vanodzidza kutsanangura mataridzikiro, hukuru, kuverenga nekuyera

Zvinoratidza mashandiro ekuverenga mune zvatinoita mazuva ese

Mukana wekuti zvatinoita mazuva ese zvive mukana wekudzidza
Iva muenzaniso wakanaka
VIETNAM/Photo by Michael Bisceglie
Iva muenzaniso wakanaka
Verengera mwana. Verengera munhu mukuru.
Verengera vamwe uchiratidza kugona kuverenga kwako kuti zvikubatsire kuti
uwedzere kugona kuverenga pamwe chete nekubatsira wauri kuverengera kuti
anzwe kuverenga kwakanaka. Tsvaga bhuku urizivise kune vamwe
kubudikidza nekuriverenga nekuita hurukuro pamusoro paro. Tarisa uone kana
zvichisimbisa hushamwari hwenyu. Zvizamei muone!
Zvazvinobatsira

Mutauro unokura uye kuverenga zvakanaka kunowedzera

Zvinonakidza

Zvinopawo vana vadiki muenzaniso nekuratidza kuti kuverenga kunonakidza uye kwakakosha

Zvinobatsira kuti vana vave netsika yekuverenga vega vasiri kuchikoro bedzi
AFGHANISTAN/Photo by Jeff Holt
Mazano ekubatsira
Vana Vese
Vana vanodzidza kune vamwe vana nguva dzese. Kubudikidza nekutamba kana nemitambo,
kubudikidza nekutaurirana chaiko pamwe chete nekuudzana nyaya, kana kubudikidza nekuimba
nekutamba nziyo. Zvinoitwa nevana vachitamba nevamwe idura rekuvandudza mutauro nedzidzo.
Mazano ekushandisa zvinhu izvi zvinoitwa nevana mazuva ese kuti zvibatsire ruzivo rwavo
rwekuverenga nekudzidza zvinotsanangurwa mumapeji anotevera. Vanhu vanoshanda nevana
vanogona kushandisa mazano aya kukurudzira kudzidzira kuverenga nenzira dzinonakidza
nekushamisa.
Taura nyaya dzinopa ruzivo, tsika nemagariro
BANGLADESH/Photo by Michael Bisceglie
Taura nyaya dzinopa ruzivo, tsika
nemagariro
Taurira kana kuverengera mumwe mwana nyaya kana ngano
mwedzi uno, kana mumwe mwana mudiki. Kana wamuverengera chitaura naye nezvevatambi nezviitiko zviri munyaya
yacho. Ita sekuti uri kuedzesera zviri munyaya yacho kana
uchida. Zvidzokorore kana uchikwanisa.
Zvazvinobatsira

Mutauro unokura uye kuverenga zvakanaka kunowedzera

Zvinonakidza

Zvinopawo vana vakuru kuve nehan’ya negwinyiso pakuverenga zvakanaka

Zvinopawo vana vadiki muenzaniso nekuratidza kuti kuverenga kunonakidza uye kwakakosha

Zvinobatsira kuti vana vave netsika yekuverenga vega vasiri kuchikoro bedzi
Imbai nziyo dzinodzidzisa kuverenga
SUDAN/Photo by Caroline Irby
Imbai nziyo dzinodzidzisa
kuverenga
Kuimba nziyo kunogona kubatsira mukudzidzisa
kuverenga. Nziyo dzine nhetembo, mutinhimira,
mabvumira nemazwi anonakidza anobatsira vana kuti
vadzidze. Mwedzi uno imbai nziyo munzvimbo
yamunogara.
Zvazvinobatsira

Mutauro unokura, vana havandandame uye vanotaura vane chokwadi

Zvinobatsira kupanana ruzivo pamusoro petsika nemagariro

Zvinonakidza!

Mukana wekuti zvatinoita mazuva ese zvive mukana wekudzidza

Zvinoita kuti vana vazive mazwi nemavara, uye nekuti vangazvibatanidze sei kuti ave mashoko
Mazita anorevei?
MOZAMBIQUE/Photo by Michael Bisceglie
Mazita anorevei?
Iwe neshamwari dzako fungai nezvemazwi anopera
nemazwi akafanana nemazita enyu sekuti /Farai/ na/Garai/.
Pananai majana ekutsvaga mazwi ane mabvumira saFarai
naGarai. Munogona kuita kamutambo kenyu
muchishandisa mazwi akadai. Munogonawo kunakidzwa
nekugadzira mazita anosetsa anopa mabvumira kuzita
rako.
Zvazvinobatsira

Zvinonakidza

Mukana wekuti zvatinoita mazuva ese zvive mukana wekudzidza

Zvinoita kuti vana vazive mazwi nemavara, uye nekuti vangazvibatanidze sei kuti ave mashoko
Nyatsoteerera unzwe mazwi
ARMENIA/Photo by Rick D’Elia
Nyatsoteerera unzwe mazwi
Kana uchitamba mitambo yemutauro nemazwi neshamwari
dzako zvinokubatsira kuti ufunge nekukurumidza uchiunganidza
mazwi aunoziva nekunzwisisa.
Zama kutamba mutambo unonzi Nyatsoteerera! Tanga nekuridza maoko ako
pamakumbo ako, wobva wazoombera maoko ako wopedzisira nekuridza zvigunwe.
Muchitevedzera mutinhimira uyu, pananai mukana wekutaura mazwi akakodzera
muchikwata chega chega – semuenzaniso, michero kana miriwo kana mhuka.
Nakidzwai nekamutambo aka!
Zvazvinobatsira
Mutauro unokura, vana havandandame uye vanotaura vane chokwadi
Zvinobatsira kuti pfungwa dzidzidze kuronga nekuchengeta zvinhu
Zvinonakidza
Taurai muchishandisa mibvunzo
AFGHANISTAN/Photo by Jeff Holt
Taurai muchishandisa mibvunzo
Mwedzi uno tangai zuva rega rega nekubvunza mubvunzo.
Bvunza mai vako, baba, mudzidzisi chimwe chinhu chawagara
uchida kuziva.Verenga kuti wabvunza mubvunzo uchishandisa
mibvunzo yekuti sei, chirudzii, ndiani, kupi kana chii kangani
mwedzi uno.
Zvazvinobatsira
Mutauro unokura, vana havandandame uye vanotaura vane chokwadi
Zvinokurudzira kuda kuziva nekutaurirana
Mhuri dzevari kudzidza
GUATEMALA/Photo by Ntongi McFadyen
Mhuri dzevari kudzidza
Bvunza vemhuri yako nezvedzinza renyu. Tsvaga kuti hama
dzako ndivana ani, vabereki vevabereki vako vaive vana ani,
vakoma nehanzvadzi dzako dzekwababamukuru kana
babamunini ndivana ani. Ihama dzako ngani dzinogara
munharaunda yenyu. Ko vanogara kune dzimwe nzvimbo
vangani?
Zvazvinobatsira

Vana havazotye; vanonzwa kudzikama, kudiwa pamwe chete nekuchengetedzwa

Mutauro unokura, havandandame uye vanotaura vazere nehushingi nekuve muenzaniso wekuverenga kwakanaka

Zvinokurudzira kuda kuziva nekutaurirana

Mukana wekuti zvatinoita mazuva ese zvive mukana wekudzidza
Muri kuenda kupi?
NICARAGUA/Photo by Brent Stirton
Muri kuenda kupi?
Manga maenda kupi? Masvikako sei? Mwedzi uno bvunza
shamwari dzako nevemhuri nezvenzvimbo dzavakashanyira uye nekuti vakasvikako sei. Inzendo ngani dzavafamba
mugore rino? Kwakanyanyisa kuita kure kwavakaenda
ndekupi?
Zvazvinobatsira

Mutauro unokura, havandandame uye vanotaura vazere nehushingi nekuve muenzaniso wekuverenga kwakanaka

Vana vanodzidza kutsanangura mataridzikiro, hukuru, kuverenga nekuyera

Mukana wekuti zvatinoita mazuva ese zvive mukana wekudzidza

Zvinokurudzira kuda kuziva nekutaurirana
Unonzi ani?
VIETNAM/Photo by Michael Bisceglie
Unonzi ani?
Bvunza shamwari dzako nevavakidzani vavo kuti mazita
avo anorevei. Ndiani akavapa mazita iwayo? Anotanga
nevara ripi rearufabheti? Ko mamwe mavara ari muzita
ravo earufabheti ndeapi? Ane zita rakareba kudarika
evamwe ndiani? Koa ne zita pfupi kudarika evamwe
ndiani?
Zvazvinobatsira

Mutauro unokura, vana havandandame uye vanotaura vazere nehushingi nekuve muenzaniso wekuverenga
kwakanaka

Vana vanodzidza kutsanangura mataridzikiro, hukuru, kuverenga nekuyera

Mukana wekuti zvatinoita mazuva ese zvive mukana wekudzidza

Zvinokurudzira kuda kuziva nekutaurirana
.
ETHIOPIA/Michael Bisceglie
Mazano ekubatsira
Vana Vanogona Kuverenga
Vana vanogona kuverenga vanoda kupihwa mikana yakawanda yekuti vaverenge.
Hapana imwe nzira yekuti vawane mikana yakawanda yekuti vaverenge inokunda kuti
vapote vachiverengerana pachavo. Hazvinei kuti vana vakuru vari kuverengera vadiki,
kana kuti shamwari neshamwari dziri kuverengerana. Chiripo ndechekuti vana vanogona
kuverenga vanokwanisa kushandisa mazano aya kuti vavandudze ruzivo rwavo
rwekuverenga.
Iva gamba kumwana mudiki kubudikidza nekuve shamwari yake inomubatsira kuverenga
HONDURAS/Photo by Michael Bisceglie
Iva gamba kumwana mudiki kubudikidza nekuve
shamwari yake inomubatsira kuverenga
Vaverengi vechikuru vanokwanisa kugoverana ruzivo rwavo nemwana mudiki
kubudikidza nekuita shamwari yavo inomubatsira kuverenga. Tsvagai nguva
svondo rega rega yamunoverenga bhuku mese.
Batsirai mwana mudiki kuti adzidze kubata bhuku nekuvhura mapeji ebhuku iroro. Kana
achiratidza kusateerera kunyaya yacho yese, munongedzerere mifananidzo iri mubhuku
uchimuudza kuti mifananidzo yacho inorevei. Semuenzaniso, iti, “Iyi imombe iri kudya
huswa.” Vabatsirei kuti vaone nekutaura zviri mubhuku muchinongedzera mifananidzo
nekudzidza mazwi matsva. Kuvana vachiri kudzidzira kuverenga, tevedza papeji
nemunwe wako mazwi auri kuverenga, kana kuti pananai mikana yekuverenga
muchibatsira vana vadiki kana vachida rubatsiro.
Zvazvinobatsira

Zvinonakidza

Zvinobatsira vana kuti vaedze ruzivo rwavo rwekuverenga

Zvinopawo vana vakuru kuve nehan’ya negwinyiso pakuverenga zvakanaka

Zvinopawo vana vadiki muenzaniso nekuratidza kuti kuverenga kunonakidza uye kwakakosha

Zvinobatsira kuti vana vave netsika yekuverenga vega vasiri kuchikoro bedzi
Ndeapi mamwe mazwi ari muzita rako?
UGANDA/Photo by Rick D’Elia
Ndeapi mamwe mazwi ari muzita
rako?
Tsvaga kuti ndeapi mamwe mazwi aungagadzire uchishandisa mavara ari muzita rako! Semuenzaniso, mavara ari
muzita rekuti Munyaradzi anogona kusanganiswa akagadzira mazwi matsva anenge nyara, munya, nyadzi,
mudzi, mui zvichienda zvakadaro. Zvizame neshamwari
dzako muone kuti ndiani ane zita rine mazwi akawanda
kudarika evamwe akahwanda mariri.
Zvazvinobatsira

Mutauro unokura, vana havandandame uye vanotaura vazere nehushingi nekuve muenzaniso wekuverenga kwakanaka

Zvinonakidza

Zvinopa kuti vana vazive mavara nekugona zviperengo
Kudzidzira kuverenga muri kumba
VIETNAM/Photo by Chau Doan/Onasia
Kudzidzira kuverenga muri
kumba
Zvekudya zvizhinji zvinotengwa zvakaputirwa mumapepa
kana kuti zviine mapepa akanamirwa pazviri. Mwedzi uno
imbocherechedzai kuti zvii zvakanyorwa pamapepa aya.
Zviverengei muchishevedzera. Zviverengere shamwari.
Zviverengere vamwe vana. Mapepa akanamirwa kana kuti
akaputira zvekudya aya anotaura nezvei?
Zvazvinobatsira

Mutauro unokura, havandandame uye vanotaura vane chokwadi

Vana vanodzidza kutsanangura mataridzikiro, hukuru, kuverenga nekuyera

Vanodzidza nezvechikafu nekuti chinowanikwa kupi

Zvinoratidza mashandiro ekuverenga mune zvatinoita mazuva ese

Zvinoyamura vana kuti vaedze ruzivo rwavo rwekuverenga

Mukana wekuti zvatinoita mazuva ese zvive mukana wekudzidza
Kana une bhuku, riverengerewo vamwe
BANGLADESH/Photo by Michael Bisceglie
AFGHANISTAN/Photo by Jeff Holt
Mwedzi uno kwereta bhuku kubva kushamwari yako, kana
kuraibhurari kana kuBook Bank uriverengere shamwari
yako, muvakidzani, mukoma, mubereki kana mwana.
Unokwanisa kuriverengera vanhu vangani? Nyaya yacho
ine vatambi vangani? Mutambi waunofarira zvikuru
ndeupi?
Zvazvinobatsira

Mutauro unokura, havandandame uye vanotaura vane chokwadi

Zvinonakidza

Inzira yekuti zvinonakidza zvinakidze vakawanda uye vamunharaunda vanonzwa kukurudzirwa pakudzidzira
kuverenga

Zvinoyamura vana kuti vaedze ruzivo rwavo rwekuverenga
Ideas for children who read
Kana une bhuku, riverengerewo
vamwe
Micherechedzo yese kuverenga
JORDAN/Photo by Simon Photography
Micherechedzo yese ine chekuita
nekuverenga
Munguva inotevera ukazoona mucherechedzo unomirira
chimwe chinhu, utsanangure! Mucherechedzo uyu une
mavara (letters), nhamba nemifananidzo here? Une
mavara (colours) api? Unogona here kuverenga zvaunoreva? Verengera mumwe munhu wauinaye.
Zvazvinobatsira

Mutauro unokura, vana havandandame uye vanotaura vane chokwadi

Vana vanodzidza kutsanangura mataridzikiro, hukuru, kuverenga nekuyera

Zvinoratidza mashandiro ekuverenga mune zvatinoita mazuva ese

Zvinoyamura vana kuti vaedze ruzivo rwavo rwekuverenga
Dzidzira kuita nhetembo usingaverenge
TAJIKISTAN/Photo by Chris Martin
JORDAN/Photo by Carl Triplehorn
Dzidzira kuita nhetembo
usingaverenge
Taura nemudzidzisi wako akupe nhetembo yekuti
udzidzire kuzoitaura nemusoro usingaverenge. Ita svondo
rese rekutanga kwemwedzi uchiidzidzira, wozoiitira shamwari dzako, vemhuri yako nevavakidzani usingaverenge.
Zvazvinobatsira

Mutauro unokura, vana havandandame uye vanotaura vane chokwadi

Zvinobatsira kuti pfungwa dzidzidze kuronga nekuchengeta zvinhu

Inzira yekuti zvinonakidza zvinakidze vakawanda uye vamunharaunda vanonzwa kukurudzirwa pakudzidzira kuverenga
Zviri mukati mebhuku nezvazvinobatsira
Vana havazotye; vanonzwa kudzikama, kudiwa pamwe
chete nekuchengetedzwa
Zvekuita ........................................................ PEJI
Taura nemwana wako ....................................... 7
Taura nyaya dzinopa ruzivo, tsika nemagariro .. 9
Pananai zvekuverenga nevavakidzani venyu .... 23
Musati manorara… verengera mwana wako .. 31
Mhuri dzevari kudzidza ................................... 53
Mutauro unokura, vana havandandame uye vanotaura
vane chokwadi
Zvekuita ........................................................ PEJI
Taura nemwana wako ....................................... 7
Taura nyaya dzinopa ruzivo, tsika nemagariro . 9
Ipa mwana wako kudya kwepfungwa ............. 11
Imbai nziyo dzinodzidzisa kuverenga ............. 13
Tengai muchitsvaga ruzivo ............................. 15
Kurudzirai kuverenga muchiita basa ............... 17
Musati manorara… verengera mwana wako ... 31
Kudzidzira kuverenga muri kumba ................. 35
Micherechedzo yese kuverenga ...................... 37
Iva muenzaniso wakanaka .............................. 39
Taura nyaya dzinopa ruzivo, tsika nemagariro 43
Imbai nziyo dzinodzidzisa kuverenga ............. 45
Nyatsoteerera unzwe mazwi ........................... 49
Taurai muchishandisa mibvunzo .................... 51
Mhuri dzevari kudzidza .................................. 53
Muri kuenda kupi? .......................................... 55
Unonzi ani? ...................................................... 57
Ndeapi mamwe mazwi ari muzita rako? ......... 63
Kudzidzira kuverenga muri kumba ................. 65
Kana une bhuku, riverengere vamwe .............. 67
Micherechedzo yese kuverenga ...................... 69
Dzidzira kuita nhetembo usingaverenge ......... 71
Vana vanodzidza kutsanangura mataridzikiro, hukuru
ZVEKUITA ................................................... PEJI
Ipa mwana wako kudya kwepfungwa .............. 11
Tengai muchitsvaga ruzivo .............................. 15
Kudzidzira kuverenga muri kumba ................. 35
Micherechedzo yese kuverenga ....................... 37
Muri kuenda kupi? ........................................... 55
Unonzi ani?....................................................... 57
Kudzidzira kuverenga muri kumba .................. 65
Micherechedzo yese kuverenga ....................... 69
Zvinobatsira kuti pfungwa dzidzidze kuchengeta zvinhu
ZVEKUITA ................................................... PEJI
Taura nyaya dzinopa ruzivo, tsika nemagariro .. 9
Ipa mwana wako kudya kwepfungwa .............. 11
Tengai muchitsvaga ruzivo .............................. 15
Kurudzirai kuverenga muchiita basa ............... 17
Nyatsoteerera unzwe mazwi ............................ 49
Dzidzira kuita nhetembo usingaverenge .......... 71
Kupanana ruzivo pamusoro petsika nemagariro
ZVEKUITA ................................................... PEJI
Taura nyaya dzinopa ruzivo, tsika nemagariro .. 9
Imbai nziyo dzinodzidzisa kuverenga ............. 13
Pembererai kuverenga ...................................... 25
Imbai nziyo dzinodzidzisa kuverenga ............. 45
Vanodzidza nezvechikafu nekuti chinowanikwa kupi
ZVEKUITA ................................................... PEJI
Ipa mwana wako kudya kwepfungwa .............. 11
Tengai muchitsvaga ruzivo .............................. 15
Kudzidzira kuverenga muri kumba ................. 35
Kudzidzira kuverenga muri kumba ................. 65
Zvinonakidza!
ZVEKUITA ................................................... PEJI
Imbai nziyo dzinodzidzisa kuverenga ............. 13
Batana nevamwe vanoda kuverenga! ............... 21
Pananai zvekuverenga nevavakidzani venyu .. 23
Pembererai kuverenga ...................................... 25
Musati manorara… verengera mwana wako ... 31
Iva muenzaniso wakanaka ............................... 39
Taura nyaya dzinopa ruzivo, tsika nemagariro 43
Imbai nziyo dzinodzidzisa kuverenga ............. 45
Mazita anorevei? ............................................. 47
Nyatsoteerera unzwe mazwi ........................... 49
Iva gamba… shamwari inobatsira kuverenga . 61
Ndeapi mamwe mazwi ari muzita rako? ......... 63
Kana une bhuku, riverengere vamwe .............. 67
Zvinonakidza vakawanda uye vemunharaunda vanonzwa
kukurudzirwa pakuverenga
ZVEKUITA ................................................... PEJI
Pananai zvekuverenga nevavakidzani venyu .. 23
Kana une bhuku, riverengere vamwe .............. 67
Dzidzira kuita nhetembo usingaverenge ......... 71
Zvatinoita mazuva ese unova mukana wekudzidza
ZVEKUITA ................................................... PEJI
Kudzidzira kuverenga muri kumba .................. 35
Micherechedzo yese kuverenga ...................... 37
Kudzidzira kuverenga muri kumba ................. 65
Micherechedzo yese kuverenga ...................... 69
Zviri mukati mebhuku nezvazvinobatsira
Zvinoyamura vana kuti vaedze ruzivo rwavo
ZVEKUITA ................................................... PEJI
Ivai nenzvimbo yekudzidzira .......................... 19
Batana nevamwe vanoda kuverenga! ............... 21
Gadzirai mabhuku nezvekuverenga ................ 29
Musati manorara… verengera mwana wako ... 31
Arufabheti: Zvidhinha zvekuverenga .............. 33
Kudzidzira kuverenga muri kumba ................. 35
Iva gamba… shamwari inobatsira kuverenga . 61
Kudzidzira kuverenga muri kumba ................. 65
Kana une bhuku, riverengere vamwe .............. 67
Micherechedzo yese kuverenga ...................... 69
Zvinopa vana vakuru kuve nehan’ya negwinyiso pakuverenga zvakanaka
ZVEKUITA ................................................... PEJI
Batana nevamwe vanoda kuverenga! ............... 21
Taura nyaya dzinopa ruzivo, tsika nemagariro 43
Iva gamba… shamwari inobatsira kuverenga . 61
Zvinopawo vana vadiki muenzaniso nekuratidza kuti
kuverenga kunonakidza uye kwakakosha
ZVEKUITA ................................................... PEJI
Iva muenzaniso wakanaka .............................. 39
Taura nyaya dzinopa ruzivo, tsika nemagariro 43
Iva gamba… shamwari inobatsira kuverenga . 61
Zvinobatsira kuti vana vave netsika yekuverenga vega
vasiri kuchikoro bedzi
ZVEKUITA ................................................... PEJI
Ivai nenzvimbo yekudzidzira ........................... 19
Batana nevamwe vanoda kuverenga! ............... 21
Musati manorara… verengera mwana wako ... 31
Iva muenzaniso wakanaka ............................... 39
Taura nyaya dzinopa ruzivo, tsika nemagariro 43
Iva gamba… shamwari inobatsira kuverenga .. 61
Zvatinoita mazuva ese unova mukana wekudzidza
ZVEKUITA ................................................... PEJI
Ipa mwana wako kudya kwepfungwa .............. 11
Imbai nziyo dzinodzidzisa kuverenga ............. 13
Tengai muchitsvaga ruzivo .............................. 15
Kurudzirai kuverenga muchiita basa ............... 17
Pembererai kuverenga ...................................... 25
Kudzidzira kuverenga muri kumba ................. 35
Micherechedzo yese kuverenga ....................... 37
Imbai nziyo dzinodzidzisa kuverenga ............. 45
Mazita anorevei? ............................................. 47
Mhuri dzevari kudzidza ................................... 53
Muri kuenda kupi? ........................................... 55
Unonzi ani?....................................................... 57
Kudzidzira kuverenga muri kumba ................. 65
Zvinoumba ruzivo rwemavara
ZVEKUITA ................................................... PEJI
Ivai nenzvimbo yekudzidzira ........................... 19
Batana nevamwe vanoda kuverenga! ............... 21
Arufabheti: Zvidhinha zvekuverenga .............. 33
Ndeapi mamwe mazwi ari muzita rako? ......... 63
Zvinokurudzira kuda kuziva nekunzwisisa pamwe nekutaurirana
ZVEKUITA ................................................... PEJI
Taura nemwana wako ....................................... 7
Taurai muchishandisa mibvunzo ..................... 51
Mhuri dzevari kudzidza .................................. 53
Muri kuenda kupi? .......................................... 55
Unonzi ani? ...................................................... 57
Zvinoita kuti vana vazive mazwi nemavara, uye nekuti
vangazvibatanidze sei kuti ave mashoko
ZVEKUITA ................................................... PEJI
Imbai nziyo dzinodzidzisa kuverenga ............. 13
Arufabheti: Zvidhinha zvekuverenga .............. 33
Kudzidzira kuverenga muri kumba ................. 35
Imbai nziyo dzinodzidzisa kuverenga ............. 45
Mazita anorevei? ............................................. 47
Zvinokupai zvekuverenga zvakawanda
ZVEKUITA ................................................... PEJI
Gadzirai mabhuku nezvekuverenga ................ 29
Arufabheti: Zvidhinha zvekuverenga .............. 33
Ngatibatsirane kuti
kudzidzira kuverenga
kukure
Kubudikidza nekutevedzera zvakatsanangurwa
mubhuku rino, tinogona kubatsira vana kuti
vadzidze kuverenga pamwe chete nekuverenga
kuti vadzidze.