BHAIBHERI RINOMBODZIDZISEI Chaizvo?

Transcription

BHAIBHERI RINOMBODZIDZISEI Chaizvo?
BHAIBHERI RINOMBODZIDZISEI?
BHAIBHERI
RINOMBODZIDZISEI
Chaizvo?
bh-CA
BHAIBHERI
RINOMBODZIDZISEI
Chaizvo?
BHUKU IRI NDERA
Vakatipa Mifananidzo: ˛ Peji 7: Courtesy American Bible Society ˛ Peji 19:
Nyika: NASA photo ˛ Mapeji 24-5: WHO photo by Edouard Boubat
˛ Mapeji 88-9: Kuputika: Based on USAF photo; mwana:
Based on WHO photo by W. Cutting
5 2005
Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
Kudhinda Kana Kukopa Pasina Mvumo Hazvibvumirwi
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
VABUDISI
Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
1 Robert Broom Drive East, Rangeview, Krugersdorp, 1739, R.S.A.
Rakadhindwa muna 2012
Bhuku rino haritengeswi. Rimwe remabhuku anoshandiswa
pabasa rokudzidzisa Bhaibheri munyika yose uye basa iri
rinotsigirwa nezvipo zvokuzvidira.
Kutoti zvaratidzwa, mashoko eMagwaro
anobva muShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene.
What Does the Bible Really Teach?
Shona ( bh-CA)
Made in the Republic of South Africa
Rakadhindwa muRepublic of South Africa
J.G.
ZVIRI MUKATI
CHITSAUKO
PEJI
Izvi Ndizvo Zvaida Mwari Here? 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 3
1. Chokwadi Pamusoro paMwari Ndechipi? 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 8
2. Bhaibheri—Bhuku Rinobva Kuna Mwari 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 18
3. Chinangwa chaMwari Nokuda Kwenyika Ndechei? 9 9 9 9 9 27
4. Jesu Kristu Ndiani? 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 37
5. Rudzikinuro rwaKristu—Chipo Chikuru
Kwazvo chaMwari 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 47
6. Vakafa Vari Kupi? 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 57
7. Tariro Yechokwadi Nokuda Kwevadiwa Vako Vakafa 9 9 9 9 9 66
8. Umambo hwaMwari Chii? 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 76
9. Tiri Kurarama Mu“mazuva Okupedzisira” Here? 9 9 9 9 9 9 9 86
10. Zvisikwa Zvomudzimu—Zvazvinoita Kwatiri 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 96
11. Nei Mwari Achibvumira Kutambura? 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 106
12. Kurarama Nenzira Inofadza Mwari 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 115
13. Ona Upenyu Sezvinoita Mwari 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 125
14. Kuita Kuti Upenyu Hwenyu Hwemhuri Hufadze 9 9 9 9 9 9 9 134
15. Kunamata Kunobvumirwa naMwari 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 144
16. Tsigira Kunamata Kwechokwadi 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 154
17. Swedera Pedyo naMwari Nokunyengetera 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 164
18. Kubhabhatidzwa uye Ukama Hwako naMwari 9 9 9 9 9 9 9 9 9 174
19. Ramba Uri Murudo rwaMwari 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 184
Mashoko Okuwedzera 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 194
Izvi Ndizvo Zvaida Mwari Here?
VERENGA chero pepanhau ripi zvaro. Tarira terevhizheni, kana kuti teerera redhiyo. Kune nyaya dzakawanda dzokuparwa kwemhosva, hondo, uye ugandanga!
Funga nezvematambudziko ako. Zvichida kurwara kana kuti kufirwa nomudiwa
wako kuri kukurwadza zvikuru. Unganzwa sezvakaita murume akanga akanaka Jobho, uyo akataura kuti akanga ati
“chakwata nenhamo.”—Jobho 10:15, The
Holy Bible in the Language of Today.
Zvibvunze kuti:
ˇ Izvi ndizvo zvaida Mwari kuti zviitike
kwandiri uye kune vamwe vanhu vose
here?
ˇ Ndokupi kwandingawana rubatsiro
rwokuti ndikunde matambudziko
angu?
ˇ Pane tariro here yokuti tichazomboona rugare panyika?
Bhaibheri rinopa mhinduro dzinogutsa dzemibvunzo iyi.
4
BHAIBHERI RINODZIDZISA KUTI
MWARI ACHAITA KUTI ZVINHU IZVI
ZVICHINJE PASI PANO.
“Achapukuta misodzi yose pamaziso
avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema
kana kuridza mhere kana kurwadziwa
hazvingazovipozve.”—Zvakazarurwa 21:4
“Munhu akaremara
achakwakuka
sezvinoita nondo
hono.”—Isaya 35:6
“Maziso emapofu
achasvinudzwa.”
—Isaya 35:5
“Vaya vose vari mumakuva
vachayeukwa . . . vobuda.”
—Johani 5:28, 29
“Hakuna mugari
wemo achati:
‘Ndiri kurwara.’ ”
—Isaya 33:24
“Panyika pachava
nezviyo zvizhinji kwazvo.”
—Pisarema 72:16
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
6
BATSIRWA NEZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI
Usakurumidza kuramba zviri kuratidzwa pamapeji apfuura sezvinhu
zvinongodiwawo zvazvo nepfungwa.
Mwari akapikira kuti achaunza zvinhu
zvakadaro, uye Bhaibheri rinotsanangura kuti achazviita sei.
Asi Bhaibheri rinoita zvinopfuura izvozvo. Ndiro rinoita kuti uve noupenyu hunogutsa zvechokwadi kunyange iye zvino. Chimbofunga kwekanguva pamusoro pezvinokudya mwoyo
uye matambudziko ako.
Zvingava kushaya mari, matambudziko emhuri, utano husina kunaka, kana kuti kufa kwomudiwa. Bhaibheri rinogona kukubatsira kugadzirisa matambudziko nhasi, uye
rinogona kukuzorodza nokupindura
mibvunzo yakadai seiyi:
ˇ Nei tichitambura?
ˇ Tingararama sei nezvinhu zvoupenyu zvinoita kuti tizvidye
mwoyo?
ˇ Tingaita sei kuti upenyu hwemhuri yedu huve hunofadza?
ˇ Chii chinoitika kwatiri patinofa?
ˇ Tichazomboonazve vadiwa vedu vakafa here?
ˇ Tingava sei nechokwadi chokuti Mwari achazadzisa zvipikirwa zvake zvenguva yemberi?
Izvi Ndizvo Zvaida Mwari Here?
7
Kuverenga kwauri kuita bhuku rino kunoratidza kuti ungada kuziva zvinodzidziswa neBhaibheri. Bhuku rino richakubatsira. Ona kuti ndima dzacho dzine mibvunzo inoenderana nadzo iri pazasi pepeji yacho. Mamiriyoni evanhu anonakidzwa paanokurukura Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha pachiita zvokubvunzwa mibvunzo uye ichipindurwa. Tinovimba
kuti iwe uchanakidzwawo. Zvino chikomborero chaMwari
ngachive newe sezvaunodzidza zvinhu chaizvo zvinodzidziswa
neBhaibheri zvinonakidza uye zvinogutsa!
ZIVA BHAIBHERI RAKO
BHAIBHERI rine mabhuku netsamba zvinokwana 66. Izvi
zvakakamurwa kuva zvitsauko uye ndima kuti zvive nyore kuzviwana. Pamagwaro akanyorwa mubhuku rino, nhamba yokutanga inotevera zita rebhuku reBhaibheri kana kuti tsamba inoratidza chitsauko, uye nhamba inotevera inoratidza ndima. Somuenzaniso, “2 Timoti 3:16” inoreva kuti tsamba yechipiri yakanyorerwa Timoti, chitsauko 3,
ndima 16.
Uchakurumidza kuziva Bhaibheri nokuvhura magwaro
ari mubhuku rino. Uyewo, wadii kutanga purogiramu yokuverenga Bhaibheri zuva nezuva? Kana ukaverenga zvitsauko zvitatu kusvika kuzvishanu pazuva, unogona kuverenga
Bhaibheri rose pagore.
CHITSAUKO 1
Chokwadi Pamusoro
paMwari Ndechipi?
Mwari ane hanya newe zvechokwadi here?
Mwari akaita sei? Ane zita here?
Zvinoita here kuti uswedere pedyo naMwari?
WAKAMBOCHERECHEDZA here mabvunziro anoita vana mibvunzo? Vakawanda vanotanga kubvunza pavanongogona kutaura. Vakanyatsovhura maziso, vachida kuziva, vanokutarisa,
vobvunza zvinhu zvakadai sokuti: Nei denga riri rebhuruu?
Nyeredzi dzakagadzirwa nei? Ndiani akadzidzisa shiri kuimba?
Ungaedza chaizvo kupindura, asi hazvisi nyore nguva dzose.
Kunyange mhinduro yako yakanaka chaizvo ingamutsa mumwe mubvunzo wokuti: Nei?
2 Vana havasivo voga vanobvunza mibvunzo. Sezvatinokura, tinoramba tichibvunza. Tinoita izvi patinobvunza nzira, uye
kuti tizive njodzi dzatinofanira kudzivisa, kana kuti kugutsa kuda kuziva. Asi vanhu vazhinji vanoita sevanorega kubvunza mibvunzo, kunyanya iya inokosha
kwazvo. Zvichida vanorega kutsvaka mhinduro.
3 Chimbofunga nezvomubvunzo uri pabutiro rebhuku rino,
mibvunzo iri mumashoko oku1, 2. Nei zvichiwanzova zvakanaka kubvunza
mibvunzo?
3. Nei vakawanda vachirega kuedza kutsvaka
mhinduro dzemibvunzo inokosha kwazvo?
Chokwadi Pamusoro paMwari Ndechipi?
9
suma, kana kuti iya iri panotangira chitsauko chino. Iyi mimwe yemibvunzo inokosha kwazvo yaungabvunza. Asi vanhu
vakawanda vakarega kuedza kutsvaka mhinduro dzacho. Nei?
Bhaibheri rine mhinduro dzacho here? Vamwe vanofunga kuti
mhinduro dzaro dzakanyanya kuoma kuti munhu adzinzwisise. Vamwe vanonetseka kuti kubvunza mibvunzo kungaita kuti vanyadziswe. Uye vamwe vanosarudza kuti zvakanaka kusiyira mibvunzo yakadaro kuvatungamiriri vezvitendero nevadzidzisi. Zvakadini newe?
4 Zvichida, unoda kuwana mhinduro dzemibvunzo inokosha youpenyu. Hapana mubvunzo kuti dzimwe nguva unomboshamisika kuti: ‘Chinangwa choupenyu chii? Upenyu huno ndihwo hwoga huripo here? Mwari akamboita sei chaizvo?’ Zvakanaka kubvunza mibvunzo yakadai, uye zvakakosha kuti usarega kusvikira wawana mhinduro dzinogutsa uye
dzechokwadi. Mudzidzisi akakurumbira, Jesu Kristu akati: “Rambai muchikumbira, uye muchapiwa; rambai muchitsvaka,
uye muchawana; rambai muchigogodza, uye muchazarurirwa.”—Mateu 7:7.
5 Kana ‘ukaramba uchitsvaka’ mhinduro dzemibvunzo inokosha, uchawana kuti kutsvaka kwacho kungakuunzira mubayiro mukuru. (Zvirevo 2:1-5) Pasinei nokuti vamwe vanhu vangave vakakuudza chii, mhinduro dziripo, uye unogona kudziwana—muBhaibheri. Mhinduro dzacho hadzina kunyanya kuoma kuti udzinzwisise. Zvinotobatsira zvakanyanya ndezvokuti dzinopa tariro uye mufaro. Uye dzinogona kukubatsira kurarama upenyu hunogutsa iye zvino. Kutanga, ngatikurukurei
mubvunzo wanetsa vanhu vakawanda.
MWARI HAANA HANYA UYE
ANE MWOYO WAKAOMA HERE?
6 Vanhu vakawanda vanofunga kuti mhinduro yomubvu4, 5. Ndeipi mimwe mibvunzo inokosha kwazvo yatingabvunza muupenyu, uye nei tichifanira kutsvaka mhinduro dzacho?
6. Nei vanhu vakawanda vachifunga kuti Mwari haana hanya nokutambura kwevanhu?
10
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
nzo iwoyo ndihungu. Vanofunga kuti, ‘Kudai Mwari aiva nehanya, nyika yaisazova nzvimbo yakasiyana zvikuru nezvairi
here?’ Tinoona nyika izere nehondo, kuvengana, uye nhamo.
Uye somunhu oga oga, tinorwara, tinotambura, tinofirwa nevadiwa vedu. Saka, vakawanda vanoti, ‘Kudai Mwari aiva nehanya nesu uye nematambudziko edu, aisazoita kuti zvinhu zvakadaro zvirege kuitika here?’
7 Zvakatoipa ndezvokuti dzimwe nguva vafundisi vanoita
kuti vanhu vafunge kuti Mwari ane mwoyo wakaoma. Sei? Panouya dambudziko, vanoti kuda kwaMwari. Chokwadi, vafundisi vakadaro vanopomera Mwari kuti ndiye anoita kuti zvinhu zvakaipa zviitike. Ichocho ndicho chokwadi here pamusoro paMwari? Bhaibheri rinombodzidzisei chaizvo? Jakobho
1:13 inopindura kuti: “Paanenge achiedzwa, munhu ngaarege
kuti: ‘Ndiri kuedzwa naMwari.’ Nokuti hapana munhu angaedza Mwari nezvinhu zvakaipa uyewo iye haaedzi munhu.” Saka Mwari haasi iye anokonzera uipi hwaunoona kwose kwose munyika. (Jobho 34:10-12) Chokwadi, iye anobvumira kuti zvinhu zvakaipa zviitike. Asi kubvumira kuti chimwe chinhu
chiitike uye kuchikonzera zvakasiyana zvikuru.
8 Somuenzaniso, funga nezvababa vakachenjera uye vane
rudo vane mwanakomana akura uyo achiri kugara pamba nevabereki vake. Mwanakomana wacho paanopanduka, osarudza kubva pamba, baba vake havamurambidzi. Mwanakomana wacho anorarama nenzira yakaipa, opinda mumatambudziko. Baba vacho ndivo vanenge vakonzera matambudziko
omwanakomana wavo here? Kwete. (Ruka 15:11-13) Saizvozvowo, Mwari haarambidzi vanhu pavanosarudza kurarama nenzira yakaipa, asi haasiri iye anokonzera matambudziko anozo7. (a) Vafundisi vakaita sei kuti vakawanda vafunge kuti Mwari ane
mwoyo wakaoma? (b) Bhaibheri rinombodzidzisei chaizvo nezvemiedzo yatingatambura nayo?
8, 9. (a) Ungaenzanisira sei kusiyana kwakaita kubvumira kuti uipi
huvepo uye kuhukonzera? (b) Nei zvaisazova zvakanaka kuti tishore
kusarudza kwakaita Mwari kubvumira vanhu kurarama nenzira yakaipa?
Chokwadi Pamusoro paMwari Ndechipi?
11
vapo. Saka, chokwadi zvaisazova zvakanaka kupomera Mwari
matambudziko ose evanhu.
9 Mwari ane zvikonzero zvakanaka zvokubvumira vanhu kurarama nenzira yakaipa. SoMusiki wedu akachenjera uye ane
simba, haafaniri hake kutitsanangurira zvikonzero zvake. Zvisinei, nokuda kworudo, Mwari anoita izvi. Uchadzidza zvakawanda nezvezvikonzero izvi muChitsauko 11. Asi iva nechokwadi chokuti Mwari haasi iye anokonzera matambudziko atinotarisana nawo. Asi anotipa tariro imwe chete yokugadzirisa zvinhu!—Isaya 33:2.
10 Uyezve, Mwari mutsvene. (Isaya 6:3) Izvi zvinoreva kuti
akachena. Haana kana kauipi zvako. Saka tinogona kuvimba
naye zvizere. Hatigoni kuita saizvozvo nevanhu, avo dzimwe
nguva vanova nouori. Kunyange munhu ane chiremera akatendeseka kwazvo, kazhinji haana simba rokugadzirisa kukanganisa kunoitwa nevanhu vakaipa. Asi Mwari ane simba rose.
Anogona uye achabvisa migumisiro yose yakaunzwa pavanhu
nouipi. Mwari paachaita izvozvo, achazviita nenzira ichagumisa uipi nokusingaperi!—Pisarema 37:9-11.
MWARI ANONZWA SEI NOKUSARURAMISIRA
KWATINOTARISANA NAKO?
11 Panguva ino, Mwari anonzwa sei nezviri kuitika munyika uye muupenyu hwako? Kutanga, Bhaibheri rinodzidzisa kuti Mwari “anoda kururamisira.” (Pisarema 37:28) Saka ane hanya chaizvo nezvakarurama uye zvakaipa. Anovenga kusaruramisira kwose. Bhaibheri rinotaura kuti Mwari “akarwadziwa
mumwoyo make” zvakaipa pazvakazadza nyika munguva yakapfuura. (Genesisi 6:5, 6) Mwari haana kuchinja. (Maraki 3:6)
Achiri kuvenga kuona kutambura kuri kuitika munyika yose.
Uye Mwari anovenga kuona vanhu vachitambura. “Iye ane hanya nemi,” rinodaro Bhaibheri.—1 Petro 5:7.
10. Nei tingavimba kuti Mwari achabvisa migumisiro yose youipi?
11. (a) Mwari anonzwa sei pamusoro pokusaruramisira? (b) Mwari
anonzwa sei pamusoro pokutambura kwako?
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
12
Tingava sei nechokwadi chokuti Mwari anovenga kuona
kutambura? Hehuno humwe uchapupu. Bhaibheri rinodzidzisa kuti munhu akasikwa nomufananidzo waMwari. (Genesisi
1:26) Saka tine unhu hwakanaka nokuti Mwari ane unhu hwakanaka. Somuenzaniso, zvinokunetsa here kuona vanhu vasina mhosva vachitambura? Kana uine hanya nokusaruramisira
kwakadaro, iva nechokwadi chokuti Mwari anotova nehanya
zvakanyanya nezvokusaruramisira kwacho.
13 Chimwe chinhu chakanaka kwazvo chine vanhu kukwanisa kuratidza rudo. Izvozvo zvinoratidzawo zvakaita Mwari.
Bhaibheri rinodzidzisa kuti “Mwari rudo.” (1 Johani 4:8) Tinoratidza rudo nokuti Mwari anoratidza rudo. Rudo rwaizoita
kuti ugumise kutambura uye kusaruraKana uchida kuti
misira kwaunoona munyika here? Kudai
mumwe munhu
waiva nesimba rokuita izvozvo, waizoakuzive,
zviita here? Chokwadi waizozviita! Unohaumuudzi here
gona kuvawo nechokwadi chokuti Mwazita rako? Mwari
ri achagumisa kutambura uye kusaruraanotizivisa zita
misira. Zvipikirwa zvinotaurwa mumarake muBhaibheri
shoko okusuma ebhuku rino hazvisi kungorota kana kuti tarisiro dzisina basa.
Zvechokwadi zvipikirwa zvaMwari zvichazadzika! Zvisinei, kuti utende zvipikirwa zvakadaro, unofanira kuziva zvakawanda nezvaMwari akazviita.
12
MWARI ANODA KUTI
UZIVE KUTI IYE NDIANI
14 Kana uchida kuti mumwe munhu
akuzive, ungaitei? Waisazoudza munhu
12, 13. (a) Nei tiine unhu hwakanaka hwakadai sorudo, uye rudo runoita kuti tione sei
nyika? (b) Nei ungava nechokwadi chokuti
Mwari zvechokwadi achagadzirisa matambudziko enyika?
14. Zita raMwari ndiani, uye nei tichifanira
kurishandisa?
Bhaibheri rinodzidzisa
kuti Jehovha ndiye Musiki
ane rudo wezvinhu zvose
wacho zita rako here? Mwari ane zita here? Zvitendero zvakawanda zvinopindura kuti zita rake ndi“Mwari” kana kuti
“Ishe,” asi iwayo haasi mazita chaiwo. Iwo mazita okuremekedza, akangofanana nemazita okuremekedza akadai sa“mambo” uye “purezidhendi.” Bhaibheri rinodzidzisa kuti Mwari
ane mazita mazhinji okuremekedza. Mamwe acho ndi“Mwari”
uye “Ishe.” Zvisinei, Bhaibheri rinodzidzisawo kuti Mwari ane
zita rake pachake: Jehovha. Pisarema 83:18 rinoti: “Imi, mune zita rokuti Jehovha, imi moga ndimi Wokumusorosoro kumusoro kwenyika yose.” Kana Bhaibheri rako risina zita iroro,
ungada kuona Mashoko Okuwedzera ari pamapeji 195-7 ebhuku rino kuti udzidze kuti nei zvakadaro. Chokwadi ndechokuti
14
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
zita raMwari rinowanika kane zviuru mune zvakanyorwa zveBhaibheri zvekare. Saka Jehovha anoda kuti uzive zita rake uye
kuti urishandise. Neimwe nzira, ari kushandisa Bhaibheri kukuudza zita rake.
15 Mwari akazvipa zita rine zvarinoreva chaizvo. Zita rake rokuti Jehovha, rinoreva kuti Mwari anogona kuzadzisa chipikirwa chero chipi zvacho chaanoita uye anogona kuita chero chipi zvacho chaanoda chaanenge achifunga.1 Zita raMwari
rakasiyana nemamwe, zvechokwadi rakasiyana nemamwe ose.
Nderake iye chete. Jehovha akasiyana nevamwe munzira dzinoverengeka. Sei?
1 MuMashoko Okuwedzera ari pamapeji 195-7 mune dzimwe pfungwa dzine chokuita nezvinorehwa nezita raMwari uye madudzirwo
aro.
15. Zita rokuti Jehovha rinorevei?
Rudo urwo baba
vakanaka vanarwo
nokuda kwevana vavo
runoratidza rudo
rukuru urwo Baba
vedu vokudenga
vanarwo kwatiri
Chokwadi Pamusoro paMwari Ndechipi?
15
Taona kuti Pisarema 83:18 rati nezvaJehovha: “Imi moga ndimi Wokumusorosoro.” Saizvozvowo, Jehovha chete ndiye anonzi “Wemasimbaose.” Zvakazarurwa 15:3 inoti: “Jehovha Mwari, Wemasimbaose, mabasa enyu makuru uye anoshamisa. Nzira dzenyu dzakarurama uye ndedzechokwadi, imi Mambo asingagumi.” Zita rokuremekedza rokuti “Wemasimbaose” rinotidzidzisa kuti Jehovha ndiye munhu ane simba zvikuru kupfuura vose. Simba rake harina rimwe raringaenzaniswa
naro; iguru kwazvo. Uye zita rokuremekedza rokuti “Mambo
asingagumi” rinotiyeuchidza kuti Jehovha akasiyana nevamwe
mune imwe pfungwa. Iye chete ndiye agara aripo. Pisarema
90:2 rinoti: “Muri Mwari kubvira narini kusvikira narini [kana kuti, nokusingaperi].” Pfungwa iyoyo haiiti kuti ushamisike
here?
17 Jehovha akasiyanawo nevamwe pakuti iye chete ndiye Musiki. Zvakazarurwa 4:11 inoti: “Jehovha, imi Mwari wedu, makakodzera kuti mugamuchire kukudzwa nokuremekedzwa nesimba, nokuti makasika zvinhu zvose, uye nemhaka yokuda
kwenyu zvakavapo uye zvakasikwa.” Zvinhu zvose zvaungafunga nezvazvo—kubvira kuzvisikwa zvomudzimu zvisingaoneki zviri kudenga kusvika kunyeredzi dzinozadza denga usiku,
michero inokura pamiti, hove dzinofamba mumakungwa uye
munzizi—zvose zvazvo zviripo nokuti Jehovha ndiye Musiki!
16
UNOGONA KUVA PEDYO NAJEHOVHA HERE?
Kuverenga nezvounhu hwaJehovha hunoshamisa kunoita kuti vamwe vanhu vati ityei. Vanotya kuti Mwari akanyanya kukwirira kwavari, zvokuti havangambovi pedyo naye kana kuti kunyange kuva vanokosha kuna Mwari akakwirira kudaro. Asi pfungwa iyi yakarurama here? Bhaibheri rinodzidzisa zvakanyatsosiyana. NezvaJehovha rinoti: ‘Chokwadi, haasi kure nomumwe nomumwe wedu.’ (Mabasa 17:27)
18
16, 17. Tingadzidzei nezvaJehovha kubva mumazita okuremekedza
anotevera: (a) “Wemasimbaose”? (b) “Mambo asingagumi”? (c) “Musiki”?
18. Nei vamwe vanhu vachifunga kuti havangambovi pedyo naMwari, asi Bhaibheri rinodzidzisei?
16
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
Bhaibheri rinototikurudzira kuti: “Swederai pedyo naMwari,
uye iye achaswedera pedyo nemi.”—Jakobho 4:8.
19 Ungaswedera sei pedyo naMwari? Kutanga, ramba uchiita
zvauri kuita iye zvino—kudzidza nezvaMwari. Jesu akati: “Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kuramba vachiwana zivo pamusoro penyu, imi Mwari wechokwadi chete, uye
pamusoro pouya wamakatuma, iye Jesu Kristu.” (Johani 17:3)
Chokwadi, Bhaibheri rinodzidzisa kuti kudzidza nezvaJehovha naJesu zvinoita kuti tiwane “upenyu husingaperi”! Sezvatotaurwa, “Mwari rudo.” (1 Johani 4:16) Jehovha anewo humwe unhu hwakawanda hwakanaka uye hunofadza. Somuenzaniso, Bhaibheri rinoti Jehovha ndi“Mwari ane ngoni nenyasha, anononoka kutsamwa uye azere nomutsa worudo, nechokwadi.” (Eksodho 34:6) ‘Akanaka uye akagadzirira kukanganwira.’ (Pisarema 86:5) Mwari anoshivirira. (2 Petro 3:9)
Akavimbika. (Zvakazarurwa 15:4) Paunenge uchiverenga zvakawanda muBhaibheri, uchaona maratidziro ayo Jehovha akaita kuti ane unhu uhwu uye humwe huzhinji hunofadza.
20 Chokwadi, haugoni kuona Mwari nokuti iye mudzimu
usingaoneki. (Johani 1:18; 4:24; 1 Timoti 1:17) Zvisinei, unogona kusvika pakumuziva somunhu nokudzidza nezvake muBhaibheri. Sezvakataurwa nomunyori wepisarema, unogona
‘kuona kufadza kwaJehovha.’ (Pisarema 27:4; VaRoma 1:20)
Kana ukadzidza zvakawanda nezvaJehovha, iye achavawo munhu chaiye kwauri uye uchavawo nechikonzero chokumuda
zvakanyanya uye kunzwa uri pedyo naye.
21 Uchasvika pakunzwisisa nei Bhaibheri richitidzidzisa kuti
tione Jehovha saBaba vedu. (Mateu 6:9) Upenyu hwedu hahungobvi kwaari chete asi anoda kuti tive noupenyu hwakanaka
kwazvo—souhwo chero baba vapi zvavo vane rudo vaizoda ku19. (a) Tingatanga sei kuswedera pedyo naMwari, uye zvichibatsirei?
(b) Unonyanya kufadzwa nounhu hupi hwaMwari?
20-22. (a) Kusakwanisa kwedu kuona Mwari kunotidzivisa kuva pedyo naye here? Tsanangura. (b) Vamwe vanhu vanenge vachifunga
kuti vari kuita zvakanaka vangakukurudzira kuitei, asi iwe unofanira
kuitei?
Chokwadi Pamusoro paMwari Ndechipi?
17
ti vana vavo vave nahwo. (Pisarema 36:9) Bhaibheri rinodzidzisawo kuti vanhu vanogona kuva shamwari dzaJehovha. (Jakobho 2:23) Chimbozvifunga—unogona kuva shamwari yoMusiki wezvinhu zvose!
22 Sezvaunodzidza zvakawanda muBhaibheri, ungawana kuti vamwe vanhu vanenge vachifunga kuti vari kuita zvakanaka vachakukurudzira kurega kudzidza kwakadai. Vanganetseka kuti uchachinja zvaunotenda. Asi usarega chero munhu upi
zvake achikutadzisa kuva noushamwari hwakanakisisa hwaungava nahwo.
23 Chokwadi, pakutanga pachava nezvinhu zvausinganzwisisi. Zvingada kuzvininipisa kuti ukumbire kubatsirwa, asi usarega uchityira kuti unganyadziswa. Jesu akati zvakanaka kuzvininipisa somwana muduku. (Mateu 18:2-4) Uye vana, sezvatinoziva, vanobvunza mibvunzo yakawanda. Mwari anoda kuti
uwane mhinduro dzacho. Bhaibheri rinorumbidza vamwe vaiva nechido chokudzidza nezvaMwari. Vainyatsoongorora Magwaro kuti vave nechokwadi chokuti zvavaidzidza ndizvo zvaiva chokwadi.—Mabasa 17:11.
24 Nzira yakanaka kwazvo yokudzidza nezvaJehovha ndeyokuongorora Bhaibheri. Iro rakasiyana nemamwe mabhuku.
Sei? Chitsauko chinotevera chichakurukura nyaya iyoyo.
23, 24. (a) Nei uchifanira kuramba uchibvunza mibvunzo ine chokuita nezvauri kudzidza? (b) Chitsauko chinotevera chichakurukurei?
ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI
ˇ Mwari ane hanya newe.—1 Petro 5:7.
ˇ Zita raMwari pachake ndiJehovha.—Pisarema
83:18.
ˇ Jehovha anokukoka kuti uswedere pedyo
naye.—Jakobho 4:8.
ˇ Jehovha ane rudo, ane mutsa, uye ane
ngoni.—Eksodho 34:6; 1 Johani 4:8, 16.
CHITSAUKO 2
Bhaibheri—Bhuku
Rinobva Kuna Mwari
Bhaibheri rakasiyana nemamwe
mabhuku ose munzira dzipi?
Bhaibheri ringakubatsira sei
kukunda matambudziko ako?
Nei ungavimba nouprofita
hwakanyorwa muBhaibheri?
UNGAYEUKA here nguva yawakagamuchira chipo chakanaka kwazvo chaibva kushamwari inodiwa? Zvichida, izvozvo
zvaisangofadza chete, asi zvainyevenutsawo mwoyo. Chokwadi, chipo chinokuudza chimwe chinhu nezvomunhu anenge
achipa—kuti anokoshesa ushamwari hwenyu. Hapana mubvunzo kuti wakaratidza kuonga chipo chawakapiwa neshamwari yanyatsofunga nezvacho.
2 Bhaibheri chipo chinobva kuna Mwari, chiya chatingaonga zvechokwadi. Bhuku iri rakasiyana nemamwe ose rinobudisa pachena zvinhu zvataisazombofa takaziva. Somuenzaniso, rinotiudza nezvokusikwa kwematenga azere nenyeredzi, nyika, uye murume nomukadzi vokutanga. Bhaibheri rine chokwadi chinokosha chakavimbika chinotibatsira kukunda matambudziko oupenyu uye kuzvidya mwoyo. Rinotsanangura kuti Mwari achazadzisa sei chinangwa chake, ounza
mamiriro ezvinhu ari nani panyika. Chokwadi Bhaibheri chipo chinofadza zvikuru!
1, 2. Bhaibheri chipo chinofadza zvikuru chinobva kuna Mwari munzira dzipi?
19
“Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro
Matsvene” inowanika mumitauro yakawanda
3 Bhaibheri chipowo chinonyevenutsa mwoyo, nokuti rinobudisa pachena chimwe chinhu pamusoro poMupi wacho, Jehovha Mwari. Kupiwa kwatakaitwa bhuku rakadaro kunoratidza kuti anoda kuti timuzive zvakanaka. Chokwadi, Bhaibheri
rinogona kukubatsira kuswedera pedyo naJehovha.
4 Kana uine Bhaibheri, hausi woga unaro. Bhaibheri rakabudiswa mumitauro inopfuura 2 300, rakazara kana kuti muchikamu uye vanhu vanogara panyika vanopfuura 90 muzana
vanogona kuriwana. Paavhareji, maBhaibheri anopfuura miriyoni imwe chete anoparadzirwa vhiki yoga yoga! Mabhiriyoni emaBhaibheri zvichida akazara kana kuti chikamu akabudiswa. Chokwadi, hapana rimwe bhuku rakafanana neBhaibheri.
5 Uyezve, Bhaibheri ‘rakafuridzirwa naMwari.’ (2 Timoti 3:
16) Sei? Bhaibheri pacharo rinopindura kuti: “Vanhu vakataura zvichibva kuna Mwari sezvavaitungamirirwa nomudzimu mutsvene.” (2 Petro 1:21) Kuenzanisira: Muzvinabhizimisi
3. Kupiwa kwatakaitwa Bhaibheri kunotiudzei nezvaJehovha, uye nei
izvi zvichinyevenutsa mwoyo?
4. Chii chinokufadza nezvokuparadzirwa kweBhaibheri?
5. Bhaibheri ‘rakafuridzirwa naMwari’ sei?
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
20
angaita kuti mabharani anyore tsamba. Tsamba iyoyo inenge
iine pfungwa uye mirayiridzo zvamuzvinabhizimisi. Saka, chaizvoizvo iyo itsamba yake, kwete yamabharani. Saizvozvowo,
Bhaibheri rine mashoko aMwari, kwete evanhu vakarinyora.
Saka, Bhaibheri rose zvechokwadi i“shoko raMwari.”—1 VaTesaronika 2:13.
RINOBVUMIRANA UYE RAKARURAMA
Bhaibheri rakanyorwa mukati menguva yemakore anopfuura 1 600. Vanyori varo vakararama panguva dzakasiyana uye
vaibva mumamiriro ezvinhu oupenyu akasiyana-siyana. Vamwe vaiva varimi, vabati vehove, uye vafudzi. Vamwe vaiva
vaprofita, vatongi, uye madzimambo. Ruka, munyori weEvhangeri, aiva chiremba. Pasinei nemamiriro ezvinhu akasiyanasiyana evanyori varo, Bhaibheri rinobvumirana kubvira kwokutanga kusvika kwokupedzisira.1
7 Bhuku rokutanga reBhaibheri rinotiudza matangire akaita
matambudziko evanhu. Bhuku rokupedzisira rinoratidza kuti
nyika yose ichava paradhiso. Mashoko ose ari muBhaibheri anotaura nezvenhoroondo yezvakaitika kare kwezviuru zvemakore uye ane chokuita nenzira yakati nokubuda pachena kwechinangwa chaMwari. Kubvumirana kweBhaibheri kunofadza, asi
izvozvo ndizvo zvataizotarisira pabhuku rinobva kuna Mwari.
8 Bhaibheri rakarurama mune zvesayenzi. Rinotova nemashoko akanga asati ava kuzivikanwa panguva yaro. Somuenzaniso, bhuku raRevhitiko raiva nemitemo yevaIsraeri vekare yaitaura nezvokuisa munhu airwara kwake oga uye youtsanana nepo marudzi akanga akavapoteredza akanga asina chaaiziva pa6
1 Kunyange zvazvo vamwe vanhu vachiti zvimwe zvikamu zveBhaibheri zvinopikisa zvimwe zvikamu zvaro, kutaura kwakadaro hakusi
kwechokwadi. Ona Chitsauko 7 chebhuku rinonzi Bhaibheri—iShoko
raMwari Here Kana Kuti Romunhu? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
6, 7. Nei kubvumirana kwemashoko ari muBhaibheri kuchinyanya
kukosha?
8. Ipa mienzaniso inoratidza kuti Bhaibheri rakarurama mune zvesayenzi.
Bhaibheri—Bhuku Rinobva Kuna Mwari
21
nyaya dzakadaro. Panguva yakwaiva nepfungwa dzisina kururama pamusoro pezvakaita nyika, Bhaibheri rakati yaiva denderedzwa, kana kuti bhora. (Isaya 40:22) Bhaibheri rakataura zvakarurama kuti nyika ‘yakaturikwa pasina chinhu.’ (Jobho 26:7)
Chokwadika, Bhaibheri harisi bhuku rezvesayenzi. Asi parinotaura nezvesayenzi, iro rakarurama. Izvi handizvo here zvataizotarisira pabhuku rinobva kuna Mwari?
9 Bhaibheri rakarurama uye rakavimbikawo pane zvine chokuita nezvakaitika kare. Nhoroondo dzaro dzakananga. Hadzingotauri mazita chete, asi dzinotaurawo madzinza evanhu vacho.1 Kusiyana nevanhu venyika vanonyora zvakaitika kare, avo vasingawanzotauri nezvokukundwa kwevanhu vekwavo,
vanyori veBhaibheri vakanga vakatendeseka, vachitonyora kunyange zvikanganiso zvavo pachavo uye zviya zvorudzi rwavo.
Somuenzaniso, mubhuku reBhaibheri raNumeri, munyori wacho Mosesi anobvuma kukanganisa kwake kwakakomba kwaakatsiurirwa zvikuru. (Numeri 20:2-12) Kutendeseka kwakadaro
hakuwanzowaniki mune dzimwe nhoroondo dzezvakaitika kare asi kunowanika muBhaibheri nokuti ibhuku rinobva kuna
Mwari.
BHUKU RINE UCHENJERI HUNOBATSIRA
Bhaibheri zvarakafuridzirwa naMwari, ri“nobatsira pakudzidzisa, pakutsiura, pakururamisa zvinhu.” (2 Timoti 3:16)
Chokwadi, Bhaibheri ibhuku rinobatsira. Rinoratidza kunzwisisa kwazvo zvakaita vanhu. Hazvishamisi kuti, Muridzi waro, Jehovha Mwari, ndiye Musiki! Anonzwisisa mafungiro edu
uye manzwiro edu zviri nani kupfuura zvatinoita. Uyezve, Jehovha anoziva zvatinoda kuti tive vanofara. Anozivawo nzira
dzatinofanira kudzivisa.
10
1 Somuenzaniso, ona nhoroondo inonyatsotsanangura dzinza raJesu yakanyorwa pana Ruka 3:23-38.
9. (a) Bhaibheri rinoratidza munzira dzipi kuti pane zvakaitika kare
rakarurama uye rakavimbika? (b) Kutendeseka kwevanyori varo kunokuudzei nezveBhaibheri?
10. Nei zvisingashamisi kuti Bhaibheri ibhuku rinobatsira?
Munyori
weBhaibheri Isaya
akafanotaura
nezvokuparara
kweBhabhironi
11 Funga nezvehurukuro yaJesu inonzi Mharidzo yepaGomo,
yakanyorwa muzvitsauko zvaMateu, 5 kusvika ku7. Paaidzidzisa zvine unyanzvi, Jesu akataura nezvezvinhu zvakawanda, kusanganisira nzira yokuwana nayo mufaro wechokwadi, kugadzirisa kukakavadzana, kunyengetera, uye kuona zvinhu zvo-
11, 12. (a) Jesu akakurukura zvinhu zvipi muMharidzo yake yepaGomo? (b) Ndedzipi dzimwe nyaya dzinobatsira dzinokurukurwa
muBhaibheri, uye nei zano raro richishanda nguva dzose?
Bhaibheri—Bhuku Rinobva Kuna Mwari
23
kunyama zvakakodzera. Mashoko aJesu achine simba uye achiri kubatsira mazuva ano sezvaakanga akangoita paakaataura.
12 Chimwe chokwadi chinokosha chiri muBhaibheri chine
chokuita noupenyu hwemhuri, mashandiro, uye ukama nevamwe. Chokwadi chinokosha chiri muBhaibheri chinoshanda
kuvanhu vose, uye zano raro rinobatsira nguva dzose. Uchenjeri huri muBhaibheri hunotaurwa nenzira pfupi nemashoko aMwari aakataura achishandisa muprofita Isaya, okuti: “Ini,
Jehovha, ndini Mwari wako, Iye anokudzidzisa kuti ubatsirwe.”—Isaya 48:17.
BHUKU ROUPROFITA
Bhaibheri rine uprofita hwakawanda, huzhinji hwacho hwakatozadzika. Funga nezvomuenzaniso mumwe chete.
Achishandisa muprofita Isaya, uyo akararama muzana remakore rechisere B.C.E., Jehovha akafanotaura kuti guta reBhabhironi raizoparadzwa. (Isaya 13:19; 14:22, 23) Mashoko
akadzama akapiwa kuti aratidze kuti guta racho raizokundwa
sei. Mauto aipinda nechisimba aizoomesa rwizi rweBhabhironi, ofora achipinda muguta asingarwi. Izvozvo handizvo chete. Uprofita hwaIsaya hwakatotaura zita ramambo aizokunda
Bhabhironi—Koreshi.—Isaya 44:27–45:2.
14 Makore anenge 200 gare gare—usiku hwaOctober 5/6,
539 B.C.E.—uto rakadzika misasa pedyo neBhabhironi. Mutungamiriri waro aiva ani? Mambo wePezhiya ainzi Koreshi. Saka
mamiriro ezvinhu akanga ava kuita kuti uprofita hunoshamisa huzadzike. Asi uto raKoreshi raizopinda muBhabhironi nechisimba risingarwi, sezvakanga zvafanotaurwa here?
15 VaBhabhironi vakanga vachiita mutambo usiku ihwohwo
uye vainzwa vakachengeteka vari seri kwemasvingo avo eguta akanga akakura kwazvo. Munguva iyi, Koreshi noungwaru
akatsausa mvura yorwizi yaiyerera nomuguta racho. Munguva
pfupi mvura yacho yakanga yava shoma zvokuti varume vake
13
13. Mashoko api akadzama ayo Jehovha akafuridzira muprofita Isaya
kunyora pamusoro peBhabhironi?
14, 15. Mamwe mashoko akadzama ouprofita hwaIsaya pamusoro peBhabhironi akazadzika sei?
24
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
vaigona kuyambuka rwizi rwacho ndokusvika pamasvingo eguta. Asi uto raKoreshi raizopfuura sei masvingo eBhabhironi? Nokuda kwechimwewo chikonzero, usiku ihwohwo masuo eguta
racho akangosiyiwa zvawo akavhurika!
16 NezveBhabhironi, zvakafanotaurwa kuti: “Harizombogarwi, uyewo harizorambi riripo kwezvizvarwa nezvizvarwa. MuArabhu haazodziki tende rake imomo, uye hapana vafudzi vachaita kuti mapoka avo arare imomo.” (Isaya 13:20) Uprofita uhwu hwakataura zvinopfuura kungoparara kweguta racho.
Hwakaratidza kuti Bhabhironi raizova dongo zvechigarire. Unogona kuona uchapupu hwokuzadzika kwemashoko aya. Nzvimbo isingagarwi yeBhabhironi rekare—iri makiromita anenge
50 kumaodzanyemba kweBaghdad, muIraq—uchapupu hwokuti zvakataurwa naJehovha achishandisa Isaya zvakazadzika, zvokuti: “Ndicharitsvaira nomutsvairo wokutsakatisa.”—Isaya 14:
22, 23.1
1 Kuti uwane mamwe mashoko ane chokuita nouprofita hweBhaibheri, ona mapeji 27-9 ebhurocha rinonzi A Book for All People, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
16. (a) Isaya akafanotaurei nezvezvaizoitika kuBhabhironi pakupedzisira? (b) Uprofita hwaIsaya pamusoro pokuparara kweBhabhironi
hwakazadzika sei?
Bhaibheri—Bhuku Rinobva Kuna Mwari
25
Kufunga nezvokuti Bhaibheri ibhuku rouprofita hwakavimbika hakusimbisi kutenda here? Chokwadi, kana Jehovha
Mwari akazadzisa zvaakapikira munguva yakapfuura, tine chikonzero chakanaka chokuva nechivimbo chokuti achazadzisawo zvaakapikira zvine chokuita nepasi rinenge riri paradhiso.
(Numeri 23:19) Zvechokwadi, tine “tariro youpenyu husingaperi iyo Mwari, asingamborevi nhema, akapikira kare kare.”
—Tito 1:2.1
17
“SHOKO RAMWARI IBENYU”
Pane zvatakurukura muchitsauko chino, zviri pachena kuti zvechokwadi Bhaibheri ibhuku rakasiyana nemamwe ose.
18
1 Kuparara kweBhabhironi unongova muenzaniso mumwe chete
wouprofita hweBhaibheri hwakazadzika. Mimwe mienzaniso inosanganisira kuparara kweTire uye Ninivhi. (Ezekieri 26:1-5; Zefaniya 2:
13-15) Uyewo, uprofita hwaDhanieri hwakafanotaura umambo hwenyika hunotevedzana hwaizotonga pashure peBhabhironi. Uhwu hwaisanganisira Medhiya nePezhiya uye Girisi. (Dhanieri 8:5-7, 20-22)
Ona Mashoko Okuwedzera, mapeji 199-201, nokuda kwokukurukurwa
kwouprofita hwakawanda hwaMesiya hwakazadzika pana Jesu Kristu.
17. Kuzadzika kwouprofita hweBhaibheri kunosimbisa sei kutenda?
18. Pauro, muapostora wechiKristu anotaura mashoko api ane simba
ane chokuita ne“shoko raMwari”?
Matongo eBhabhironi
26
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
Asi kukosha kwaro kunopfuura pakungova rinobvumirana iro
pacharo, kururama mune zvesayenzi uye zvakaitika kare, uchenjeri hunobatsira, uye uprofita hwakavimbika. Pauro, muapostora wechiKristu akanyora kuti: “Shoko raMwari ibenyu uye
rine simba, rakapinza kupfuura bakatwa chero ripi zvaro rinocheka nekwose uye rinobaya kusvikira panoparadzana mweya
nomudzimu, uye mapfundo nemwongo yawo, uye rinokwanisa kunzwisisa kufunga nevavariro zvomwoyo.”—VaHebheru
4:12.
19 Kuverenga “shoko” raMwari riri muBhaibheri kunogona
kuchinja upenyu hwedu. Kunogona kutibatsira kuzviongorora zvatisina kumboita kare. Tingataura kuti tinoda Mwari, asi
zvatinoita kune zvinodzidziswa neShoko rake rakafuridzirwa,
Bhaibheri, zvicharatidza pfungwa dzedu dzechokwadi, kunyange vavariro chaidzo dzomwoyo.
20 Zvechokwadi Bhaibheri ibhuku rinobva kuna Mwari.
Ibhuku rinofanira kuverengwa, kudzidzwa, uye kukosheswa.
Ratidza kuonga kwaunoita chipo ichi chinobva kuna Mwari nokuramba uchitarira zviri mariri. Paunoita izvozvo, uchanzwisisa zvikuru chinangwa chaMwari nokuda kwevanhu. Kuti chinangwa ichocho chii uye kuti chichazadziswa sei zvichakurukurwa muchitsauko chinotevera.
19, 20. (a) Bhaibheri ringakubatsira sei kuzviongorora? (b) Ungaratidza sei kuti unoonga chipo chaMwari chakasiyana nezvimwe zvose,
Bhaibheri?
ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI
ˇ Bhaibheri rakafuridzirwa naMwari, saka
rakarurama uye rakavimbika.—2 Timoti 3:16.
ˇ Zviri muShoko raMwari zvinobatsira
muupenyu hwezuva nezuva.—Isaya 48:17.
ˇ Zvipikirwa zvaMwari zviri muBhaibheri
zvichatozadzika.—Numeri 23:19.
CHITSAUKO 3
Chinangwa chaMwari Nokuda
Kwenyika Ndechei?
Chinangwa chaMwari
nokuda kwevanhu ndechei?
Mwari akadenhwa sei?
Upenyu panyika huchange hwakaita
sei munguva yemberi?
CHINANGWA chaMwari nokuda kwenyika chinoshamisa
zvechokwadi. Jehovha anoda kuti nyika izare nevanhu vanofara, vane utano hwakanaka. Bhaibheri rinotaura kuti “Mwari akagadzira munda muEdheni” uye kuti “akameresa miti yose inoyevedza . . . yakanakira kudya.” Pashure pokunge
Mwari asika murume nomukadzi vokutanga, Adhamu naEvha, akavaisa mumusha iwoyo wakanaka zvikuru akavaudza
kuti: “Berekai muwande, muzadze nyika, muikurire.” (Genesisi 1:28; 2:8, 9, 15) Naizvozvo chinangwa chaMwari chaiva
chokuti vanhu vave nevana, vawedzere ukuru hweparadhiso
iyoyo kuti ive munyika yose, uye kuti vatarisire mhuka.
2 Unofunga kuti chinangwa chaJehovha Mwari nokuda kwevanhu kuti vagare muparadhiso pasi pano chichazombozadziswa here? “Ndakazvitaura,” Mwari anozivisa kudaro, “ndichazviitawo.” (Isaya 46:9-11; 55:11) Chokwadi, zvinoitwa chinangwa naMwari, achazviitawo! Anoti ‘haana kungosika nyika pasina’ asi “akaiumba kuti igarwe.” (Isaya 45:
18) Mwari aida kuti panyika pagarwe nevanhu vakaita sei?
1. Chinangwa chaMwari nokuda kwenyika ndechei?
2. (a) Tinoziva sei kuti chinangwa chaMwari nokuda kwenyika
chichazadziswa? (b) Bhaibheri rinotii nezvokurarama kwevanhu nokusingaperi?
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
28
Uye aida kuti vagare pano kwenguva yakareba sei? Bhaibheri
rinopindura kuti: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi.”—Pisarema 37:29; Zvakazarurwa
21:3, 4.
3 Zviri pachena kuti izvi hazvisati zvaitika. Iye zvino vanhu
vanorwara uye vanofa; vanotorwisana uye vanourayana. Chimwe chinhu chakakanganisika. Kunyange zvakadaro, chokwadi Mwari haana kuita chinangwa chokuti nyika ive sezvatinoiona iri mazuva ano! Chii chakaitika? Nei chinangwa
chaMwari chisina kuzadzika? Hapana bhuku rezvakaitika kare rakanyorwa nomunhu rinogona kutiudza nokuti dambudziko racho rakatangira kudenga.
KUTANGA KWAKAITA MUVENGI
Bhuku rokutanga reBhaibheri rinotiudza nezvomushori
waMwari akaoneka mumunda weEdheni. Anotsanangurwa
se“nyoka,” asi akanga asiri mhukawo zvayo. Bhuku rokupedzisira reBhaibheri rinomuzivisa so‘uya anonzi Dhiyabhorosi uye Satani, ari kutsausa nyika yose inogarwa.’ Anonziwo “nyoka yepakutanga.” (Genesisi 3:1; Zvakazarurwa 12:9)
Iyi ngirozi ine simba, kana kuti chisikwa chomudzimu chisingaoneki, yakashandisa nyoka kutaura naEvha, kungofanana nenyanzvi inogona kuita kuti zviite sokuti inzwi rayo riri kubuda muchidhori chiri pedyo. Hapana mubvunzo kuti
munhu iyeyo womudzimu akanga aripo Mwari paakagadzirira vanhu nyika.—Jobho 38:4, 7.
5 Zvisinei, zvisikwa zvaJehovha zvose zvazvakakwana, ndiani akaita “Dhiyabhorosi,” uyu, “Satani” uyu? Zvichitaurwa
nenzira iri nyore, mumwe wevanakomana vaMwari vomudzimu ane simba akazviita Dhiyabhorosi. Izvi zvakaitika sei?
Mazuva ano, tinofanira kuziva kuti munhu aimbova akana4
3. Iye zvino panyika pane mamiriro api ezvinhu anosiririsa, uye izvi
zvinomutsa mibvunzo ipi?
4, 5. (a) Ndiani chaizvoizvo akataura naEvha achishandisa nyoka?
(b) Munhu aimbova akanaka, akatendeseka angava sei mbavha?
Chinangwa chaMwari Nokuda Kwenyika Ndechei?
29
ka uye akatendeseka angava mbavha. Izvozvo zvinoitika sei?
Munhu wacho angabvumira kuti chido chakaipa chitange
mumwoyo make. Kana akaramba achifunga nezvacho, chido
chakaipa ichocho chingasimba kwazvo. Saka kana pakava nomukana, angaita maererano nechido chacho chakaipa chaave achifunga nezvacho.—Jakobho 1:13-15.
6 Izvi zvakaitika kuna Satani Dhiyabhorosi. Zviri pachena kuti akanzwa Mwari achiudza Adhamu naEvha kuti vave nevana uye kuti vazadze nyika nevana vavo. (Genesisi 1:
27, 28) ‘Chokwadi, vanhu vose ava vanganamata ini panzvimbo paMwari!’ Zviri pachena kuti Satani akafunga kudaro.
Naizvozvo chido chakaipa chakatanga mumwoyo make. Pakupedzisira, akanyengera Evha nokumuudza nhema pamusoro paMwari. (Genesisi 3:1-5) Saka akabva ava “Dhiyabhorosi,” zvinoreva kuti “Mucheri.” Panguva iyoyowo, akava “Satani,” zvinoreva kuti “Mushori.”
7 Nokushandisa nhema uye unyengeri, Satani Dhiyabhorosi akaita kuti Adhamu naEvha varege kuteerera Mwari. (Genesisi 2:17; 3:6) Saka ivo vakazofa, sezvakanga zvataurwa naMwari kuti vaizoita kana vakasateerera. (Genesisi 3:17-19)
Adhamu zvaakava asina kukwana paakaita chivi, vana vake
vose vakaberekwa vaine chivi chakabva kwaari. (VaRoma 5:
12) Mamiriro acho ezvinhu angaenzanisirwa nepani inoshandiswa kubikira chingwa. Kana pani yacho yakabofoka, chii
chinoitika kuchingwa chimwe nechimwe chinobikirwa mupani yacho? Chingwa chacho chimwe nechimwe chinenge
chakabofoka, kana kuti chakakanganisika. Saizvozvowo, munhu mumwe nomumwe akaberekwa aine “kubofoka” kwokusakwana kwakabva kuna Adhamu. Ndokusaka vanhu vose
vachikwegura, vofa.—VaRoma 3:23.
6. Mwanakomana waMwari womudzimu aiva nesimba akava sei Satani Dhiyabhorosi?
7. (a) Nei Adhamu naEvha vakafa? (b) Nei vana vaAdhamu vose vachikwegura, vofa?
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
30
Satani paakaita kuti Adhamu naEvha vatadzire Mwari,
zvechokwadi akanga achitungamirira pakupanduka. Akanga
achishora matongero aJehovha. Chaizvoizvo, Satani akanga
achiti: ‘Mwari mutongi akaipa. Anoreva nhema uye anonyi8
8, 9. (a) Sezviri pachena, Satani akapomerei Mwari? (b) Nei Mwari
asina kubva angoparadza vapanduki vacho?
Satani aigona sei kupa Jesu
umambo hwose hwenyika kudai
hwakanga husiri hwake?
Chinangwa chaMwari Nokuda Kwenyika Ndechei?
31
ma vanhu vaanotonga zvinhu zvakanaka. Vanhu havafaniri
havo kutongwa naMwari. Vanogona kuzvisarudzira chakanaka nechakaipa. Uye vachabudirira ndichivatonga ini.’ Mwari
aizoita sei nokupomerwa kunozvidza zvakadaro? Vamwe vanofunga kuti Mwari aifanira kudai akangouraya vapanduki
vacho. Asi izvozvo zvingadai zvakapindura kupomera kwaSatani here? Zvingadai zvakabudisa pachena here kuti matongero aMwari akarurama?
9 Kururamisira kwaJehovha kwakakwana kwaisazomubvumira kubva angouraya vapanduki vacho. Akasarudza kuti nguva yaidiwa kuti apindure kupomera kwaSatani nenzira inogutsa uye kuratidza kuti Dhiyabhorosi murevi wenhema. Saka Mwari akasarudza kuti aizobvumira vanhu kuti vazvitonge kwenguva yakati vachitungamirirwa naSatani.
Chikonzero nei Jehovha akaita izvozvo uye nei akabvumira
kuti nguva yakareba kudai ipfuure asati agadzirisa nyaya idzi
zvichakurukurwa muChitsauko 11 chebhuku rino. Zvisinei,
iye zvino zvakanaka kufunga nezveizvi: Adhamu naEvha vakanga vakarurama here kuti vadavire Satani, uyo asina kana
chakanaka chaakanga avaitira? Zvakanga zvakarurama here
kuti vadavire kuti Jehovha, uyo akanga avapa zvinhu zvose
zvavaiva nazvo, aiva murevi wenhema ane utsinye? Iwe ungadai wakaitei?
10 Zvakanaka kuti tifunge nezvemibvunzo iyi nokuti mumwe nomumwe wedu anotarisana nenyaya dzakafanana mazuva ano. Chokwadi, une mukana wokutsigira Jehovha pakupindura kupomera kwaSatani. Unogona kubvuma Jehovha soMutongi wako, wobatsira kuratidza kuti Satani murevi wenhema. (Pisarema 73:28; Zvirevo 27:11) Zvinosuruvarisa
kuti vashomanana chete pamabhiriyoni evanhu vari munyika ino vanosarudza kudaro. Izvi zvinomutsa mubvunzo unokosha wokuti, Chaizvoizvo Bhaibheri rinodzidzisa kuti Satani ari kutonga nyika ino here?
10. Ungatsigira sei Jehovha pakupindura kupomera kwaSatani?
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
32
NDIANI ARI KUTONGA NYIKA INO?
Jesu haana kumbopikisa kuti Satani ndiye mutongi wenyika ino. Nenzira inoshamisa, Satani akamboratidza Jesu “umambo hwose hwenyika nokubwinya kwahwo.” Satani
akabva avimbisa Jesu kuti: “Ndichakupa zvinhu zvose izvi kana ukawira pasi wongondinamata kamwe chete.” (Mateu 4:
8, 9; Ruka 4:5, 6) Funga nezveizvi. Kupa Jesu izvozvo kungadai kwaiva muedzo here kudai Satani akanga asiri mutongi
woumambo uhwu? Jesu haana kuramba kuti hurumende
dzose idzi dzenyika dzaiva dzaSatani. Chokwadi, Jesu angadai
akaita izvozvo kudai Satani akanga asiri simba raiva seri kwadzo.
12 Zvechokwadi, Jehovha ndiMwari wemasimbaose, Musiki wezvinhu zvose zvinoshamisa. (Zvakazarurwa 4:11) Asi,
hapana apo Bhaibheri rinotaura kuti Jehovha Mwari kana
kuti Jesu Kristu ndiye mutongi wenyika ino. Chokwadi, Jesu
akataura zvakananga nezvaSatani so“mutongi wenyika ino.”
(Johani 12:31; 14:30; 16:11) Bhaibheri rinototaura nezvaSatani Dhiyabhorosi sa“mwari wemamiriro ezvinhu epanguva
ino.” (2 VaKorinde 4:3, 4) Nezvomushori uyu, kana kuti Satani, Johani, muapostora wechiKristu akanyora kuti: “Nyika yose iri musimba reakaipa.”—1 Johani 5:19.
11
KUBVISWA
KUCHAITWA NYIKA YASATANI
13 Gore roga roga, nyika iri kuramba ichiva nengozi. Iri kuzadzwa nemauto anorwisana, vezvematongerwo enyika vasina kutendeseka, vatungamiriri vezvitendero vanonyengera,
uye matsotsi emakoko. Nyika yose zvayo haichagadzirisiki.
Bhaibheri rinoratidza kuti nguva yava pedyo apo Mwari achabvisa nyika yakaipa muhondo yake yeAmagedhoni. Nyika
11, 12. (a) Kuedzwa kwakaitwa Jesu kunoratidza sei kuti Satani ndiye mutongi wenyika ino? (b) Ndezvipi zvimwe zvinoratidza kuti
Satani ndiye mutongi wenyika ino?
13. Nei nyika itsva ichidiwa?
Chinangwa chaMwari Nokuda Kwenyika Ndechei?
33
ino ichatsiviwa nenyika itsva yakarurama.—Zvakazarurwa 16:
14-16.
14 Jehovha Mwari akasarudza Jesu Kristu kuti ave Mutongi
woUmambo Hwake hwokudenga, kana kuti hurumende. Kare kare, Bhaibheri rakafanotaura kuti: “Takazvarirwa Mwana,
takapiwa Mwanakomana; umambo huchava papfudzi rake; zita rake richanzi . . . Muchinda worugare. Kukura kwoumambo
hwake nekworugare hazvina mugumo.” (Isaya 9:6, 7, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona nomunyorero mutsva) Nezvehurumende iyi, Jesu akadzidzisa vateveri vake kunyengetera kuti:
“Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika, sezvakunoitwa kudenga.” (Mateu 6:10) Sezvatichaona gare gare mubhuku rino, Umambo hwaMwari huchakurumidza
kubvisa hurumende dzose dzenyika ino, uye ihwo huchadzitsiva dzose zvadzo. (Dhanieri 2:44) Panguva iyoyo Umambo
hwaMwari huchaita kuti nyika ive paradhiso.
NYIKA ITSVA YAVA PEDYO!
Bhaibheri rinotivimbisa kuti: “Kune matenga matsva
nenyika itsva zvatakamirira maererano nezvaakapikira [iye
Mwari], uye kururama kuchagara mazviri.” (2 Petro 3:13; Isaya 65:17) Dzimwe nguva Bhaibheri parinotaura nezve“nyika,” rinenge richitaura vanhu vanogara panyika. (Genesisi
11:1) Saka “nyika itsva” yakarurama vanhu vanofarirwa naMwari.
16 Jesu akapikira kuti munyika itsva iri kuuya, vaya vanofarirwa naMwari vachawana chipo cho“upenyu husingaperi.” (Mako 10:30) Tapota vhura Bhaibheri rako pana Johani 3:
16 uye 17:3, uverenge zvakataurwa naJesu kuti tinofanira kuita kuti tiwane upenyu husingaperi. Zvino chifunga kubva
muBhaibheri zvikomborero zvichawanikwa nevaya vanonzi
15
14. Mwari akasarudza ani kuti ave Mutongi woUmambo Hwake, uye
izvi zvakafanotaurwa sei?
15. “Nyika itsva” chii?
16. Ndechipi chipo chinokosha zvikuru chinobva kuna Mwari chichapiwa vaya vaanofarira, uye tinofanira kuitei kuti tichiwane?
34
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
vakakodzera kuwana chipo ichocho chinoshamisa chinobva
kuna Mwari muParadhiso yepasi pano iri kuuya.
17 Uipi, hondo, kuparwa kwemhosva, uye chisimba zvichange zvisisipo. “Munhu akaipa haazovipozve . . . Asi vanyoro
ndivo vachagara nhaka yenyika.” (Pisarema 37:10, 11) Rugare ruchavapo nokuti ‘Mwari achagumisa hondo kusvikira kumugumo wenyika.’ (Pisarema 46:9; Isaya 2:4) Panguva iyoyo
“munhu akarurama achamera, uye rugare rukuru ruchavapo
kusvikira mwedzi usisipo”—uye izvozvo zvinoreva kuti nokusingaperi!—Pisarema 72:7.
18 Vanamati vaJehovha vachagara vakachengeteka. Chero
bedzi vaIsraeri vaiteerera Mwari munguva inotaurwa muBhaibheri, vaigara vakachengeteka. (Revhitiko 25:18, 19) Zvichava zvakanaka zvikuru sei kuva vakachengeteka zvakafanana
muParadhiso!—Isaya 32:18; Mika 4:4.
19 Hapazovi nokushomeka kwezvokudya. “Panyika pachava
nezviyo zvizhinji kwazvo,” akaimba kudaro munyori wepisarema. “Zvichafashukira pamusoro pemakomo.” (Pisarema
72:16) Jehovha Mwari achakomborera vanhu vake vakarurama, uye “nyika ichabereka zvibereko zvayo.”—Pisarema 67:6.
20 Nyika yose ichava paradhiso. Misha mitsva yakanaka chaizvo uye mapaki zvichagadzirwa panyika yakanga yamboparadzwa nevanhu vane zvivi. (Isaya 65:21-24; Zvakazarurwa
11:18) Sezvo nguva inopfuura, zvikamu zvenyika zvinenge
zvatokurirwa zvichawedzera kusvikira nyika yose yanaka uye
yava kubereka zvibereko kufanana nomunda weEdheni. Uye
Mwari haazombokundikani ‘kuvhura ruoko rwake, ogutsa
zvinodiwa nezvinhu zvipenyu zvose.’—Pisarema 145:16.
21 Vanhu nemhuka zvichava norugare. Mhuka dzomusango
17, 18. Tingava sei nechokwadi chokuti kwose kwose panyika kuchange kuine rugare uye kuchengeteka?
19. Nei tichiziva kuti zvokudya zvichange zvakawanda munyika itsva
yaMwari?
20. Nei tingava nechokwadi chokuti nyika yose ichava paradhiso?
21. Chii chinoratidza kuti vanhu nemhuka zvichange zviine rugare?
36
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
nezvipfuwo zvichafura pamwe chete. Kunyange kamwana
hakazotyi mhuka dzine ngozi iye zvino.—Isaya 11:6-9; 65:25.
22 Zvirwere zvichanyangarika. SoMutongi woUmambo hwaMwari hwokudenga, Jesu acharapa vanhu zvakanyanya kupfuura zvaakaita paaiva pasi pano. (Mateu 9:35; Mako 1:40-42;
Johani 5:5-9) Panguva iyoyo “Hakuna mugari wemo achati:
‘Ndiri kurwara.’ ”—Isaya 33:24; 35:5, 6.
23 Vadiwa vakafa vachadzoswa kuupenyu vaine tarisiro yokusazombofazve. Vose vaya vakarara murufu vanoyeukwa naMwari vachadzoswa kuupenyu. Zvechokwadi, “kuchava nokumuka kwevakarurama nevasina kururama.”—Mabasa 24:
15; Johani 5:28, 29.
24 Chokwadi iyoyo inguva yemberi inoshamisa yakamirira vaya vanosarudza kudzidza nezvoMusiki wedu Mukuru, Jehovha Mwari, uye vanosarudza kumushumira! Paakavimbisa mutadzi akafira pedyo naye kuti: “Uchava neni muParadhiso,” Jesu akanga achitaura nezveParadhiso yepasi pano iri kuuya. (Ruka 23:43) Zvinokosha kuti tidzidze zvakawanda nezvaJesu Kristu, uyo achashandiswa kuita kuti tiwane zvikomborero zvose izvi.
22. Chii chichaitika kuzvirwere?
23. Nei rumuko ruchizoita kuti mwoyo yedu ifare?
24. Unonzwa sei nezvokugara muParadhiso pasi pano?
ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI
ˇ Chinangwa chaMwari chokuita kuti pasi rive
paradhiso chichazadzika.—Isaya 45:18; 55:11.
ˇ Satani ari kutonga nyika ino iye zvino.
—Johani 12:31; 1 Johani 5:19.
ˇ Munyika itsva iri kuuya, Mwari achapa
vanhu zvikomborero zvakawanda.—Pisarema
37:10, 11, 29.
CHITSAUKO 4
Jesu Kristu Ndiani?
Basa rinokosha raJesu nderei?
Akabva kupi?
Aiva munhu akaita sei?
MUNYIKA mune vanhu vakawanda vakakurumbira. Vamwe
vanozivikanwa zvikuru munzvimbo yavanogara, guta, kana
kuti nyika. Vamwe vanozivikanwa munyika yose. Zvisinei, kungoziva zita romumwe munhu akakurumbira hazvirevi kuti
unonyatsomuziva. Hazvirevi kuti unoziva zvakadzama mamiriro ake ezvinhu uye zvaari chaizvo somunhu.
2 Vanhu vari munyika yose vakanzwa chimwe chinhu nezvaJesu Kristu, kunyange zvazvo akararama panyika makore
anenge 2 000 akapfuura. Nepo vakawanda vanovhiringidzika pamusoro pokuti Jesu aimbova ani chaizvo. Vamwe vanoti
aingovawo zvake munhu akanaka. Vamwe vanotaura kuti aingovawo zvake muprofita. Uyezve vamwe vanodavira kuti Jesu ndiye Mwari uye anofanira kunamatwa. Anofanira kunamatwa here?
3 Zvinokosha kuti uzive chokwadi pamusoro paJesu. Nei?
Nokuti Bhaibheri rinoti: “Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kuramba vachiwana zivo pamusoro penyu, imi
Mwari wechokwadi chete, uye pamusoro pouya wamakatuma, iye Jesu Kristu.” (Johani 17:3) Chaizvoizvo, kuziva chokwadi pamusoro paJehovha Mwari uye Jesu Kristu kunogona
kuita kuti munhu awane upenyu husingaperi muparadhiso
1, 2. (a) Nei kuziva nezvomumwe munhu akakurumbira kusingarevi kuti unonyatsomuziva? (b) Kuvhiringidzika kupi kuripo pamusoro
paJesu?
3. Nei zvichikosha kuti uzive chokwadi pamusoro paJesu?
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
pasi pano. (Johani 14:6) Uyezve, Jesu
akaratidza muenzaniso wakanaka kwazvo
wemararamiro uye kubata vamwe. (Johani 13:34,
35) Muchitsauko chokutanga chebhuku rino, takakurukura chokwadi pamusoro paMwari. Iye zvino ngatikurukurei
zvinodzidziswa neBhaibheri pamusoro paJesu Kristu.
MESIYA AKAPIKIRWA
Kare kare Jesu asati aberekwa, Bhaibheri rakafanotaura kuuya kwouya aizotumwa naMwari saMesiya, kana kuti Kristu.
Zita rokuti “Mesiya” (kubva mushoko rechiHebheru) uye
rokuti “Kristu” (kubva mushoko rechiGiriki) ose anoreva “Muzodziwa.” Uyu akapikirwa aizozodzwa, kure4
4. Zita rokuti “Mesiya” uye “Kristu” anorevei?
Paakabhabhatidzwa, Jesu akava
Mesiya, kana kuti Kristu
Jesu Kristu Ndiani?
39
va kuti, aizosarudzwa naMwari kuti ave munzvimbo inokosha. Muzvitsauko zvichazotevera zvebhuku rino, tichadzidza
zvakawanda nezvenzvimbo inokosha yaMesiya pakuzadziswa
kwezvipikirwa zvaMwari. Tichadzidzawo nezvezvikomborero
izvo Jesu anogona kutiunzira kunyange iye zvino. Zvisinei, Jesu asati aberekwa, hapana mubvunzo kuti vakawanda vainetseka kuti, ‘Ndiani achava Mesiya?’
5 Muzana remakore rokutanga C.E., vadzidzi vaJesu wokuNazareta vaiva nechokwadi chizere chokuti iye ndiye aiva Mesiya akanga afanotaurwa. (Johani 1:41) Mumwe wevadzidzi
vacho, murume ainzi Simoni Petro, akataura pachena kuna
Jesu kuti: “Ndimi Kristu.” (Mateu 16:16) Zvisinei, vadzidzi ivavo vaigona sei kuva nechokwadi—uye isu tingava sei nechokwadi—chokuti chaizvoizvo Jesu ndiye Mesiya akapikirwa?
6 Vaprofita vaMwari vakararama Jesu asati auya vakafanotaura mashoko akadzama pamusoro paMesiya. Mashoko aya
akanga akadzama aizobatsira vamwe kuti vamuzive. Tingazvienzanisira seizvi: Ngatitii waizokumbirwa kuenda kuchiteshi
chemabhazi chakazara vanhu kana kuti chezvitima kana kuti
kunhandare yendege kunotambira mumwe munhu wausina
kumbobvira waona. Zvaisazobatsira here kudai mumwe munhu aizokupa mashoko akadzama mashomanana ane chokuita nomunhu wacho? Saizvozvowo, achishandisa vaprofita
vomuBhaibheri, Jehovha akapa rondedzero yakatodzama yezvaizoitwa naMesiya uye zvaizoitika kwaari. Kuzadzika kwouhwu uprofita hwakawanda kwaizobatsira vanhu vakatendeka
kunyatsomuziva.
7 Funga nezvemienzaniso miviri chete. Kutanga, kuchine
makore anodarika 700, muprofita Mika akafanotaura kuti Iye
akapikirwa wacho aizoberekerwa muBhetrehema, taundi duku raiva munyika yeJudha. (Mika 5:2) Jesu akamboberekerwa
5. Vadzidzi vaJesu vaiva nechokwadi chizere chei nezvake?
6. Enzanisira kuti Jehovha akabatsira sei vanhu vakatendeka kuziva
Mesiya.
7. Ndohupi uprofita huviri hwakazadzika hwaiva nechokuita naJesu?
40
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
kupi chaizvo? Chokwadi, mutaundi iroro chairo! (Mateu 2:1,
3-9) Chechipiri, kuchine mazana emakore akawanda, uprofita hwakanyorwa pana Dhanieri 9:25 hwakataura gore chairo
raizoonekwa Mesiya—29 C.E.1 Kuzadzika kwouprofita uhwu
nohumwe kunoratidza kuti Jesu ndiye akanga ari Mesiya akapikirwa.
8 Humwe uchapupu hwokuti Jesu ndiye akanga ari Mesiya hwakava pachena gore ra29 C.E. rava kuda kunopera. Iroro ndiro gore rakaenda Jesu kuna Johani Mubhabhatidzi kuti
anobhabhatidzwa muRwizi rwaJodhani. Jehovha akanga avimbisa kupa Johani chiratidzo chaizoita kuti azive Mesiya. Johani akaona chiratidzo ichocho pakabhabhatidzwa Jesu. Bhaibheri rinotaura kuti izvi ndizvo zvakaitika: “Achangobva kubhabhatidzwa, Jesu akabuda mumvura; uye tarira! matenga
akavhurika, Johani akaona mudzimu waMwari uchiburuka
wakaita senjiva uchiuya paari. Tarira! Kwaivawo neinzwi rakabva kumatenga rakati: ‘Uyu ndiye Mwanakomana wangu,
anodiwa, wandafarira.’ ” (Mateu 3:16, 17) Pashure pokunge
aona uye anzwa zvakanga zvaitika, Johani haana kuva nomubvunzo kuti Jesu akanga atumwa naMwari. (Johani 1:3234) Panguva yakadururwa mudzimu waMwari, kana kuti simba rinoita basa paari zuva iroro, Jesu akava Mesiya, kana kuti
Kristu, uya akasarudzwa kuti ave Mutungamiriri uye Mambo.
—Isaya 55:4.
9 Kuzadzika kwouprofita hweBhaibheri uye uchapupu hwaJehovha Mwari pachake zvinoratidza pachena kuti Jesu ndiye
akanga ari Mesiya akapikirwa. Asi Bhaibheri rinopindura mimwe mibvunzo miviri inokosha pamusoro paJesu Kristu: Akabva kupi, uye aiva munhu akaita sei?
1 Kuti uwane kutsanangurwa kwouprofita hwaDhanieri hwakazadzika hwaiva nechokuita naJesu, ona Mashoko Okuwedzera, mapeji
197-9.
8, 9. Uchapupu hupi hwokuti Jesu ndiye akanga ari Mesiya hwakava
pachena paakabhabhatidzwa?
Jesu Kristu Ndiani?
41
JESU AKABVA KUPI?
Bhaibheri rinodzidzisa kuti Jesu akararama mudenga asati auya pasi pano. Mika akaprofita kuti Mesiya aizoberekerwa
muBhetrehema uye akataurawo kuti Iye aiva we“panguva yokutangatanga.” (Mika 5:2) Kakawanda, Jesu pachake akataura kuti akararama kudenga asati aberekwa somunhu. (Johani
3:13; 6:38, 62; 17:4, 5) Sechisikwa chomudzimu chaiva kudenga, Jesu aiva noukama chaihwo naJehovha.
11 Jesu ndiye Mwanakomana waJehovha anokosha zvikuru
—uye izvozvo zvine chikonzero chakanaka. Iye anonzi “dangwe rezvisikwa zvose,” nokuti aiva chisikwa chokutanga
chaMwari.1 (VaKorose 1:15) Pane chimwewo chinhu chinoita kuti Mwanakomana uyu ave anokosha chaizvo. Iye ndiye “Mwanakomana . . . akaberekwa ari mumwe oga.” (Johani
3:16) Izvi zvinoreva kuti Jesu ndiye chete akasikwa naMwari
zvakananga. Jesu ndiye chete akashandiswa naMwari paakasika zvimwe zvinhu zvose. (VaKorose 1:16) Uyewo Jesu anonzi
“Shoko.” (Johani 1:14) Izvi zvinotiudza kuti aitaura achimiririra Mwari, pasina mubvunzo achiendesa mashoko uye murayiridzo kune vamwe vanakomana vaBaba, vomudzimu uye
vanhu.
12 Mwanakomana wedangwe akaenzana naMwari, sezvinodavirwa nevamwe here? Izvozvo handizvo zvinodzidziswa neBhaibheri. Sezvataona mundima yapfuura, Mwanakomana akaita zvokusikwa. Saka zviri pachena kuti iye akava
10
1 Jehovha anonzi Baba nokuti ndiye Musiki. (Isaya 64:8) Sezvo Jesu
akasikwa naMwari, iye anonzi Mwanakomana waMwari. Nokuda kwezvikonzero zvakafanana, zvimwe zvisikwa zvomudzimu kunyange munhu Adhamu zvinonzi vanakomana vaMwari.—Jobho 1:6; Ruka 3:38.
10. Bhaibheri rinodzidzisei nezvokuvapo kwaJesu asati auya pasi
pano?
11. Bhaibheri rinoratidza sei kuti Jesu ndiye Mwanakomana waJehovha anokosha zvikuru?
12. Tinoziva sei kuti Mwanakomana wedangwe haana kuenzana naMwari?
42
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
nepaakatangira, nepo Jehovha Mwari haana paakatangira kana mugumo. (Pisarema 90:2) Mwanakomana akaberekwa ari
mumwe oga haana kumbofunga nezvokuedza kuti ave akaenzana naBaba vake. Bhaibheri rinodzidzisa zviri pachena kuti Baba vakuru pane Mwanakomana. (Johani 14:28; 1 VaKorinde 11:3) Jehovha chete ndiye “Wemasimbaose.” (Genesisi
17:1) Saka hapana waakaenzana naye.1
13 Jehovha noMwanakomana wake wedangwe vaishamwaridzana zvikuru kwemabhiriyoni emakore—kare kare matenga azere nenyeredzi uye nyika zvisati zvasikwa. Vanofanira kuva vaidanana zvikuru! (Johani 3:35; 14:31) Mwanakomana uyu anodiwa akanga akangoita saBaba vake. Ndokusaka Bhaibheri richitaura nezvoMwanakomana wacho so“mufananidzo waMwari asingaoneki.” (VaKorose 1:15) Chokwadi, mwanakomana womunhu zvaangava akafanana zvikuru nababa vake munzira dzakasiyana-siyana, Mwanakomana uyu wokudenga akaratidza zvakaita Baba vake uye unhu
hwavo.
14 Mwanakomana waJehovha akaberekwa ari mumwe oga
akabva kudenga achizvidira, akauya pasi pano kuzorarama
somunhu. Asi ungashamisika kuti, ‘Zvakaitika sei kuti chisikwa chomudzimu chiberekwe somunhu?’ Kuti aite izvi, Jehovha akaita chishamiso. Akatamisa upenyu hwoMwanakomana wake wedangwe kubva kudenga kuenda mudumbu remhandara yechiJudha yainzi Mariya. Hapana baba vari munhu vakabatanidzwa. Saka Mariya akabereka mwanakomana
akakwana ndokumutumidza kuti Jesu.—Ruka 1:30-35.
1 Nokuda kwohumwe uchapupu hunoratidza kuti Mwanakomana
wedangwe haana kuenzana naMwari, ona Mashoko Okuwedzera, mapeji 201-4.
13. Bhaibheri rinorevei parinotaura nezvoMwanakomana so“mufananidzo waMwari asingaoneki”?
14. Mwanakomana waJehovha akaberekwa ari mumwe oga akasvika
sei pakuberekwa somunhu?
Jesu Kristu Ndiani?
43
JESU AIVA MUNHU AKAITA SEI?
Zvakataurwa uye zvakaitwa naJesu paaiva pasi pano zvinotibatsira kumuziva zvakanaka. Uyewo, kuburikidza naJesu
tinosvika pakuziva Jehovha zviri nani. Nei zvakadaro? Yeuka kuti Mwanakomana uyu mufananidzo wakakwana waBaba
vake. Ndokusaka Jesu akaudza mumwe wevadzidzi vake kuti:
“Aona ini aonawo Baba.” (Johani 14:9) Mabhuku eBhaibheri mana anozivikanwa seEvhangeri—Mateu, Mako, Ruka, uye
Johani—anotiudza zvakawanda nezvoupenyu, basa, uye unhu
hwaJesu Kristu.
16 Jesu ainyanya kuzivikanwa so“Mudzidzisi.” (Johani 1:38;
13:13) Akadzidzisei? Ainyanya kutaura nezve“mashoko akanaka oumambo”—kureva Umambo hwaMwari, hurumende
yokudenga ichatonga nyika yose uye ichaunza zvikomborero zvisingaperi kuvanhu vanoteerera. (Mateu 4:23) Zvaaitaura izvi zvaiva zvaani? Jesu pachake akati: “Zvandinodzidzisa
hazvisi zvangu, asi ndezvaiye akandituma,” kureva Jehovha.
(Johani 7:16) Jesu aiziva kuti Baba vake vaida kuti vanhu vanzwe mashoko akanaka oUmambo. Muchitsauko 8, tichadzidza zvimwe zvine chokuita noUmambo hwaMwari uye zvahuchaita.
17 Jesu aidzidzisira kupi? Kwose kwose kwaaiwana vanhu
—mumaruwa uyewo mumaguta, mumisha, mumisika, uye
mudzimba dzavo. Jesu aisatarisira kuti vanhu vauye kwaari. Iye ndiye aienda kwavaiva. (Mako 6:56; Ruka 19:5, 6) Jesu akaitirei zvakawanda zvose izvozvo uye kushandisa nguva yake yakawanda kwazvo achiparidza uye achidzidzisa? Nokuti kuita izvozvo ndizvo zvaidiwa naMwari kuti aite. Jesu aiita zvaidiwa naBaba vake nguva dzose. (Johani 8:28, 29) Asi
paiva nechimwe chikonzero nei aiparidza. Ainzwira tsitsi ma15
15. Nei tichigona kutaura kuti kuburikidza naJesu tinosvika pakuziva
Jehovha zviri nani?
16. Ndezvipi zvainyanya kutaurwa naJesu, uye zvaaidzidzisa zvaibva
kupi?
17. Jesu aidzidzisira kupi, uye nei akaita zvakawanda kwazvo kuti adzidzise vamwe?
Jesu aiparidza chero kwaaiwana vanhu
poka evanhu vaiuya kuzomuona. (Mateu 9:35, 36) Vakanga
vangosiyiwa zvavo nevatungamiriri vavo vechitendero, avo
vaifanira kunge vachivadzidzisa chokwadi pamusoro paMwari uye zvinangwa zvake. Jesu aiziva kuti vanhu vacho vaida
zvikuru kunzwa shoko roUmambo.
18 Jesu aiva munhu aiva netsiye nyoro uye ainzwira tsitsi
chaizvo. Saka vamwe vaiona zviri nyore kutaura naye uye kuti aiva nomutsa. Kunyange vana vainzwa vakasununguka vainaye. (Mako 10:13-16) Jesu akanga asingasaruri. Aivenga uori uye kusaruramisira. (Mateu 21:12, 13) Panguva apo vakadzi vaisanyanya kuremekedzwa uye vaiva neropafadzo shoma, iye aivaremekedza. (Johani 4:9, 27) Jesu aizvininipisa zvechokwadi. Pane imwe nguva, akageza tsoka dzevaapostora vake, basa raiwanzoitwa nomushandi akaderera.
19 Jesu aiva nehanya zvikuru nezvaidiwa nevamwe. Izvi zvainyanya kuoneka paaiita zvishamiso zvokuporesa achitunga18. Unonyanya kufarira unhu hupi hwaJesu?
19. Muenzaniso upi unoratidza kuti Jesu aiva nehanya zvikuru nezvaidiwa nevamwe?
45
mirirwa nomudzimu waMwari. (Mateu 14:14) Somuenzaniso, mumwe murume aiva nemaperembudzi akauya kuna Jesu akati: “Kana muchida henyu, munogona kundichenesa.”
Jesu pachake akanzwa kurwadziwa kwomurume uyu uye kutambura kwake. Asiririswa, Jesu akatambanudza ruoko rwake,
akabata murume wacho, achiti: “Ndinoda. Cheneswa.” Uye
murume wacho airwara akaporeswa! (Mako 1:40-42) Ungafungidzira here kuti murume iyeye akanzwa sei?
AKARAMBA AKATENDEKA KUSVIKA PAKUPEDZISIRA
20 Jesu akaratidza muenzaniso wakanaka kwazvo wokuteerera Mwari nokuvimbika. Akaramba akatendeka kuna Baba
vake vokudenga mumamiriro ezvinhu ose uye pasinei nokushorwa kwemarudzi ose uye kutambura. Jesu akarwisa zvakasimba uye zvinobudirira miedzo yaSatani. (Mateu 4:1-11) Pane imwe nguva, dzimwe hama dzaJesu hadzina kumutenda,
dzichitotaura kuti akanga “ava kupenga.” (Mako 3:21) Asi Jesu
20, 21. Jesu akaratidza sei muenzaniso wokuteerera Mwari nokuvimbika?
46
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
haana kudzirega dzichimukanganisa; akaramba achingoita
basa raMwari. Pasinei nokunyombwa uye kuitirwa zvakaipa,
Jesu akaramba achizvidzora, asingamboedzi kukuvadza vaimushora.—1 Petro 2:21-23.
21 Jesu akaramba akatendeka kusvika pakufa—kuurayiwa
nevavengi vake zvine utsinye uye zvairwadza. (VaFiripi 2:8)
Funga zvaakatsungirira pazuva rokupedzisira roupenyu hwake somunhu. Akasungwa, akapomerwa nezvapupu zvenhema, akatongwa nevatongi vane uori, akasekwa nemhomho
yevanhu, uye akatambudzwa nevarwi. Arovererwa padanda,
akafema kokupedzisira, achishevedzera kuti: “Zvaitika!” (Johani 19:30) Zvisinei, pazuva rechitatu Jesu afa, Baba vake vokudenga vakamumutsirazve kuupenyu hwomudzimu. (1 Petro 3:18) Kwapera vhiki shomanana, iye akadzokera kudenga.
Ikoko, “akagara kuruoko rworudyi rwaMwari” ndokumirira
kugamuchira simba rokuva mambo.—VaHebheru 10:12, 13.
22 Jesu akapedzei nokuramba akatendeka kusvika pakufa?
Chaizvoizvo kufa kwaJesu kunoita kuti tiwane mukana woupenyu husingagumi muparadhiso pasi pano, maererano nechinangwa chaJehovha chepakutanga. Kuti rufu rwaJesu runoita sei kuti izvozvo zviitike zvichakurukurwa muchitsauko
chinotevera.
22. Jesu akapedzei nokuramba akatendeka kusvika pakufa?
ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI
ˇ Uprofita hwakazadzika uye uchapupu hwaMwari pachake zvinoratidza kuti Jesu ndiye Mesiya,
kana kuti Kristu.—Mateu 16:16.
ˇ Jesu akararama kudenga sechisikwa chomudzimu kare kare asati auya pasi pano.—Johani 3:13.
ˇ Jesu aiva mudzidzisi, munhu aiva netsiye
nyoro, uye muenzaniso wokuteerera Mwari
kwakakwana.—Mateu 9:35, 36.
CHITSAUKO 5
Rudzikinuro rwaKristu—Chipo
Chikuru Kwazvo chaMwari
Rudzikinuro rwacho chii?
Rwakagoverwa sei?
Rungarevei kwauri?
Ungaratidza sei
kuti unoruonga?
CHIPO chikuru kwazvo chawati wambogamuchira chii? Chipo hachifaniri hacho kuva chinodhura kuti chive chinokosha. Chokwadi, kukosha chaiko kwechipo hakuratidzwi hako
nemari yacho. Asi kana chipo chichiita kuti ufare kana kuti
chiine zvachinokubatsira chaizvo muupenyu hwako, chinokosha zvikuru kwauri.
2 Pazvipo zvizhinji zvawaizotarisira kugamuchira, pane chimwe chete chinokunda zvimwe zvose. Icho chipo chakapiwa
vanhu naMwari. Jehovha akatipa zvinhu zvakawanda, asi chipo chake chikuru kwazvo chaakatipa chibayiro chorudzikinuro choMwanakomana wake, Jesu Kristu. (Mateu 20:28) Sezvatichaona muchitsauko chino, rudzikinuro rwacho ndicho
chipo chinokosha kwazvo chawaizombofa wagamuchira, nokuti chinogona kukuunzira mufaro usingatauriki uye chinogona kukubatsira pane zvaunoda zvinonyanya kukosha. Zvechokwadi rudzikinuro ndirwo kuratidzirwa kukuru kwazvo
kworudo rwaJehovha kwauri.
1, 2. (a) Chipo chinonyanya kukosha kwauri papi? (b) Nei zvinganzi
rudzikinuro ndirwo chipo chinokosha zvakanyanya chawaizombofa
wagamuchira?
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
48
RUDZIKINURO RWACHO CHII?
Kana zvichitaurwa zviri nyore, rudzikinuro inzira yaJehovha yokununura, kana kuti yokuponesa, vanhu muchivi norufu. (VaEfeso 1:7) Kuti tinzwisise zvinorehwa nedzidziso iyi
yeBhaibheri, tinofanira kufunga pamusoro pezvakaitika kare
mumunda weEdheni. Tikangonzwisisa chete zvakaraswa naAdhamu paakatadza tinogonawo kunzwisisa nei rudzikinuro
ruri chipo chinokosha zvakadaro kwatiri.
4 Paakasika Adhamu, Jehovha akamupa chinhu chinokosha zvechokwadi—upenyu hwomunhu hwakakwana. Funga
kuti izvozvo zvairevei kuna Adhamu. Zvaakanga asikwa aine
muviri uye pfungwa zvakakwana, aisazomborwara, kukwegura, kana kuti kufa. Somunhu akakwana, aiva noukama chaihwo naJehovha. Bhaibheri rinotaura kuti Adhamu akanga ari
“mwanakomana waMwari.” (Ruka 3:38) Saka Adhamu aiva
noukama hwapedyo naJehovha Mwari, sohuya hwomwanakomana nababa vane rudo. Jehovha aikurukurirana nomwanakomana wake wepasi pano, achipa Adhamu basa rinogutsa uye achimuzivisa zvaaitarisirwa kuita.—Genesisi 1:28-30;
2:16, 17.
5 Adhamu akasikwa “nomufananidzo waMwari.” (Genesisi
1:27) Izvozvo zvaisareva kuti Adhamu aiva nechitarisiko chakafanana nechaMwari. Sezvatakadzidza muChitsauko 1 chebhuku rino, Jehovha mudzimu usingaoneki. (Johani 4:24) Saka Jehovha haana muviri wenyama neropa. Kusikwa nomufananidzo waMwari zvaireva kuti Adhamu akasikwa aine unhu
hwakaita sohuya hwaMwari, hunosanganisira rudo, uchenjeri, kururamisira, uye simba. Adhamu akanga akaita saBaba
vake mune imwe nzira inokosha pakuti aizvisarudzira. Saka
Adhamu akanga asina kuita somuchina unongoita zvawaka3
3. Rudzikinuro chii, uye chii chatinofanira kutanga tanzwisisa kuti tizonzwisisa zvizere chipo ichi chinokosha?
4. Upenyu hwomunhu hwakakwana hwairevei kuna Adhamu?
5. Bhaibheri rinorevei parinoti Adhamu akasikwa “nomufananidzo
waMwari”?
Rudzikinuro rwaKristu—Chipo Chikuru Kwazvo chaMwari
49
gadzirirwa kuti uite chete kana kuti zvawakarongerwa kuti uite. Asi aigona kuzvisarudzira, achisarudza zvakanaka nezvakaipa. Kudai akanga asarudza kuteerera Mwari, angadai akararama nokusingaperi muParadhiso pasi pano.
6 Saka zviri pachena kuti Adhamu paasina kuteerera Mwari, akatongerwa rufu, akarasikirwa nechinhu chinokosha zvikuru. Chivi chake chakaita kuti arasikirwe noupenyu hwake hwakakwana pamwe chete nezvikomborero zvahwo zvose. (Genesisi 3:17-19) Zvinosuruvarisa kuti Adhamu haasi
iye chete akarasikirwa noupenyu uhwu hunokosha asiwo vana vake vomunguva yemberi. Shoko raMwari rinoti: “Chivi
zvachakapinda munyika nomunhu mumwe chete [Adhamu]
uye rufu zvarwakapinda nechivi, saizvozvowo rufu rwakapararira kuvanhu vose nokuti vose vakanga vatadza.” (VaRoma
5:12) Chokwadi, tose zvedu takaberekwa tiine chivi chakabva
kuna Adhamu. Nokudaro Bhaibheri rinotaura kuti ‘akazvitengesa’ pamwe chete nevana vake muuranda hwechivi norufu. (VaRoma 7:14) Pakanga pasina tariro nokuda kwaAdhamu
naEvha nokuti vakasarudza nemaune kusateerera Mwari. Asi
zvakadini nevana vavo, kusanganisira isu?
7 Jehovha akasarudza kununura vanhu achishandisa rudzikinuro. Rudzikinuro chii? Pfungwa yorudzikinuro ingareva zvikurukuru zvinhu zviviri. Kutanga, rudzikinuro imari
inobhadharwa yokusunungura kana kuti kutengazve chimwe
chinhu. Rungafananidzwa nemari inobhadharwa kuti musungwa anenge abatwa muhondo asunungurwe. Chechipiri, rudzikinuro imari inobhadhara mutengo wechimwe chinhu. Rwakafanana nemari inobhadharwa nokuda kwokukuvadzwa kunenge kwaitwa munhu kana chinhu. Somuenzaniso, kana munhu akakonzera tsaona, anofanira kubhadhara
chitsama chinonyatsoenderana, kana kuti chakaenzana noukoshi hwezvinenge zvaparadzwa.
6. Adhamu paasina kuteerera Mwari, akarasikirwa nei, uye vana vake
vakabatanidzwa sei?
7, 8. Rudzikinuro rungareva zvikurukuru zvinhu zviviri zvipi?
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
50
Zvaizogoneka sei kubhadhara chinhu chikuru chatakarasikirwa nacho tose zvedu pamusana paAdhamu ndokusunungurwa muuranda hwechivi norufu? Ngatimbofungai nezvorudzikinuro urwo Jehovha akagovera uye zvazvingareva kwauri.
8
KUGOVERA KWAKAITA JEHOVHA RUDZIKINURO
Upenyu hwomunhu hwakakwana zvahwakaraswa, hapana upenyu hwomunhu husina kukwana hwaigona kuzombohudzikinura. (Pisarema 49:7, 8) Chaidiwa rwaiva rudzikinuro
rwaikosha zvakafanana nezvakanga zvaraswa. Izvi zvinoenderana nomutemo wokururamisira kwakakwana uri muShoko raMwari, unoti: “Mweya unofanira kutsiviwa nomweya.”
(Dheuteronomio 19:21) Saka chii chaizoripa zvakakwana kukosha kwomweya wakakwana womunhu, kana kuti upenyu,
hwakaraswa naAdhamu? Humwe upenyu hwomunhu hwakakwana ndihwo “rudzikinuro runoenzanirana” rwaidiwa.
—1 Timoti 2:6.
10 Jehovha akagovera sei rudzikinuro rwacho? Akatuma
mumwe wevanakomana vake vomudzimu vakakwana pasi pano. Asi Jehovha haana kungotuma chero chisikwa chipi
zvacho chomudzimu. Akatuma chaikosha zvakanyanya kwaari, Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga. (1 Johani 4:9, 10) Achizvidira, Mwanakomana uyu akasiya musha
wake wokudenga. (VaFiripi 2:7) Sezvatakadzidza muchitsauko
chakapfuura chebhuku rino, Jehovha akaita chishamiso paakatamisa upenyu hwoMwanakomana uyu kuenda mudumbu
raMariya. Pachishandiswa mudzimu mutsvene waMwari, Jesu akaberekwa somunhu akakwana uye akanga asina chivi.
—Ruka 1:35.
11 Munhu mumwe chete aigona sei kuva rudzikinuro rwe9
9. Rudzikinuro rwakaita sei rwaidiwa?
10. Jehovha akagovera sei rudzikinuro?
11. Munhu mumwe chete aigona sei kuva rudzikinuro rwemamiriyoni evanhu?
Rudzikinuro rwaKristu—Chipo Chikuru Kwazvo chaMwari
51
vazhinji, chokwadika, rwemamiriyoni evanhu? Ko mamiriyoni evanhu akambova sei vatadzi pakutanga? Yeuka kuti nokutadza kwaakaita, Adhamu akarasa upenyu hwakakwana hwaikosha hwaaiva nahwo. Saka, aisagona kupfuudza upenyu
hwakakwana ihwohwo kuvana vake. Pane kudaro, aigona kupfuudza chivi norufu chete. Jesu, uyo Bhaibheri rinoti “Adhamu wokupedzisira,” aiva noupenyu hwomunhu hwakakwana, uye haana kumboita chivi. (1 VaKorinde 15:45) Mupfungwa yakati, Jesu akapinda munzvimbo yaAdhamu kuti atinunure. Nokupa upenyu hwake hwakakwana achiteerera
Mwari zvakakwana, Jesu akabhadhara mutengo wechivi chaAdhamu. Saka Jesu akaunza tariro kuvana vaAdhamu.—VaRoma 5:19; 1 VaKorinde 15:21, 22.
12 Bhaibheri rinotsanangura nemashoko akadzama kutambura kwakatsungirirwa naJesu asati afa. Akarohwa zvakaomarara, akarovererwa zvine utsinye, uye akafa zvinorwadza
padanda rokutambudzikira. (Johani 19:1, 16-18, 30; Mashoko
Okuwedzera, mapeji 204-6) Nei zvakanga zvakakodzera kuti Jesu atambure zvikuru saizvozvo? Mune chimwe chitsauko chinotevera chebhuku rino, tichadzidza kuti Satani haana kuva nechokwadi chokuti Jehovha ane vanhu vanomushumira avo vaizoramba vakatendeka vachiedzwa. Nokutsungirira akatendeka pasinei nokutambura kukuru, Jesu akapa mhinduro yakanaka kwazvo pakupomera kwaSatani. Jesu akaratidza kuti munhu akakwana anozvisarudzira anogona kuramba akavimbika zvakakwana kuna Mwari pasinei nezvingaitwa naDhiyabhorosi. Jehovha anofanira kuva akafara kwazvo nokutendeka kwoMwanakomana wake anodiwa!
—Zvirevo 27:11.
13 Rudzikinuro rwakabhadharwa sei? Pazuva rechi14 romwedzi wechiJudha waNisani, 33 C.E., Mwari akabvumira Mwanakomana wake akakwana, asina chivi kuti aurayiwe. Saka Jesu akabayira upenyu hwake hwakakwana “kamwe
12. Kutambura kwaJesu kwakaratidzei?
13. Rudzikinuro rwakabhadharwa sei?
Jehovha akapa
Mwanakomana wake
akaberekwa ari
mumwe oga kuti ave
rudzikinuro rwedu
Rudzikinuro rwaKristu—Chipo Chikuru Kwazvo chaMwari
53
chete zvachose.” (VaHebheru 10:10) Pazuva rechitatu pashure
pokunge Jesu afa, Jehovha akamumutsira kuupenyu hwomudzimu. Ava kudenga, Jesu akapa Mwari kukosha kwoupenyu
hwake hwakakwana hwaaiva nahwo ari munhu hwakabayirwa kuti huve rudzikinuro mukutsinhana nevana vaAdhamu.
(VaHebheru 9:24) Jehovha akagamuchira kukosha kwechibayiro chaJesu sorudzikinuro rwaidiwa kuti vanhu vanunurwe
muuranda hwechivi norufu.—VaRoma 3:23, 24.
ZVINGAREHWA NORUDZIKINURO KWAURI
Pasinei zvapo nokuva kwedu nechivi, tinogona kuva
nezvikomborero zvisingatauriki zvinounzwa norudzikinuro.
Ngatimbokurukurei zvimwe zvatinobatsirwa nazvo nechipo
ichi chikuru kwazvo chaMwari iye zvino uye munguva yemberi.
15 Kukanganwirwa zvivi. Pamusana pokusakwana kwatakaberekwa nako, tinotofanira kurwisa chaizvo kuti tiite zvakarurama. Tose zvedu tinotadza pakutaura kana kuti pane zvatinoita. Asi kuburikidza nechibayiro chorudzikinuro chaJesu,
tinogona ‘kukanganwirwa zvivi zvedu.’ (VaKorose 1:13, 14)
Zvisinei, kuti tikanganwirwe, tinofanira kupfidza zvechokwadi. Tinofanirawo kuteterera Jehovha tichizvininipisa, tichikumbira kuti atikanganwire nokuda kwokutenda kwedu chibayiro chorudzikinuro choMwanakomana wake.—1 Johani 1:
8, 9.
16 Hana yakachena pamberi paMwari. Hana ine mhosva inogona nyore nyore kuita kuti tisava netariro, yoita kuti tifunge
kuti hatikoshi. Zvisinei, nokukanganwirwa kunounzwa norudzikinuro, Jehovha nenzira yomutsa anoita kuti tikwanise kumunamata nehana yakachena pasinei nokusakwana kwedu.
(VaHebheru 9:13, 14) Izvi zvinoita kuti tikwanise kutaura naJehovha takasununguka. Naizvozvo, tinogona kunyengetera
14
14, 15. Kuti ‘tikanganwirwe zvivi zvedu,’ tinofanira kuitei?
16. Chii chinoita kuti tikwanise kunamata Mwari nehana yakachena,
uye kuva nehana yakadaro kunokosha zvakadini?
Kuziva zvakawanda
nezvaJehovha
ndeimwe nzira
yokuratidza nayo
kuti unoonga
chipo chake
chorudzikinuro
kwaari takasununguka. (VaHebheru 4:14-16) Kuramba tiine
hana yakachena kunoita kuti tive norugare rwepfungwa, tizviremekedze, uye tifare.
17 Tariro youpenyu husingaperi muparadhiso pasi pano. “Mubayiro wechivi ndirwo rufu,” inodaro VaRoma 6:23. Ndima
iyoyo inowedzera kuti: “Asi chipo chinopiwa naMwari achishandisa Kristu Jesu Ishe wedu ndihwo upenyu husingaperi.”
MuChitsauko 3 chebhuku rino, takakurukura zvikomborero
zveParadhiso yepasi pano iri kuuya. (Zvakazarurwa 21:3, 4)
Zvikomborero zvose izvozvo zvomunguva yemberi, kusanganisira upenyu husingaperi tiine utano hwakakwana, zvinogona kuwanika nokuti Jesu akatifira. Kuti tiwane zvikomborero
izvozvo, tinofanira kuratidza kuti tinoonga chipo chorudzikinuro.
UNGARATIDZA SEI KUONGA KWAKO?
Nei tichifanira kuonga kwazvo Jehovha nokuda kworudzikinuro? Chokwadi, chipo chinonyanya kukosha kana munhu ari kuchipa ashandisa nguva yake, ashanda zvakaoma,
kana kuti ashandisa mari kuti atipe chipo chacho. Tinobayiwa
18
17. Zvikomborero zvipi zvinogona kuwanika nokuti Jesu akatifira?
18. Nei tichifanira kuonga Jehovha nokuda kwechipo chorudzikinuro?
Rudzikinuro rwaKristu—Chipo Chikuru Kwazvo chaMwari
55
mwoyo patinoona kuti chipo kuratidzirwa kworudo rwechokwadi kunoitwa neari kutipa. Rudzikinuro ndirwo chipo chinokosha kupfuura zvimwe zvose, nokuti Mwari akarasikirwa
zvikuru kwazvo kuti arugovere. “Mwari akada nyika kwazvo
zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe
oga,” inodaro Johani 3:16. Rudzikinuro ndirwo uchapupu hunoshamisa kwazvo hwokutida kunoita Jehovha. Uchapupuwo hworudo rwaJesu, nokuti akatipa upenyu hwake achizvidira. (Johani 15:13) Saka chipo chorudzikinuro chinofanira
kuita kuti tive nechokwadi chokuti Jehovha noMwanakomana wake vanotida somunhu oga oga.—VaGaratiya 2:20.
19 Saka, ungaratidza sei kuti unoonga chipo chaMwari chorudzikinuro? Kutanga, ziva zvakawanda nezvoMupi Mukuru,
Jehovha. (Johani 17:3) Kudzidza Bhaibheri uchibatsirwa nebhuku rino kuchakubatsira kuita izvozvo. Sezvaunowedzera
kuziva Jehovha, kumuda kwako kuchawedzerawo. Uyewo, kumuda ikoko kuchaita kuti ude kumufadza.—1 Johani 5:3.
20 Ratidza kuti unotenda muchibayiro chorudzikinuro chaJesu. NezvaJesu zvinonzi: “Anotenda muMwanakomana ane
upenyu husingaperi.” (Johani 3:36) Tingaratidza sei kuti tinotenda muna Jesu? Kutenda kwakadaro hakuratidzwi nemashoko chete. “Kutenda kusina mabasa kwakafa,” inodaro Jakobho 2:26. Chokwadi, kutenda kwechokwadi kunoratidzwa
ne“mabasa,” kureva kuti, nezvatinoita. Imwe nzira yatinoratidza nayo kuti tinotenda muna Jesu ndeyokuita zvose zvatinokwanisa kumutevedzera kwete chete pane zvatinotaura asi pane zvatinoitawo.—Johani 13:15.
21 Ivapo paKudya kwaShe Kwemanheru kunoitwa gore negore. Manheru aNisani 14, 33 C.E., Jesu akatanga chiitiko
chaicho chinonzi neBhaibheri “kudya kwaShe kwemanheru.”
(1 VaKorinde 11:20; Mateu 26:26-28) Chiitiko ichi chinonziwo
19, 20. Munzira dzipi dzaungaratidza kuti unoonga chipo chaMwari
chorudzikinuro?
21, 22. (a) Nei tichifanira kupinda Kudya kwaShe Kwemanheru kunoitwa gore negore? (b) Chii chichatsanangurwa muZvitsauko 6 ne7?
56
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
Chirangaridzo chorufu rwaKristu. Jesu akachitanga kuti abatsire vaapostora vake uye vaKristu vose vechokwadi vaizouya shure kwavo kuti vayeuke kuti norufu rwake somunhu akakwana, akapa mweya wake, kana kuti upenyu, kuti uve rudzikinuro. Nezvechiitiko ichi, Jesu akarayira kuti: “Rambai muchiita izvi muchindiyeuka.” (Ruka 22:19) Kuvapo paChirangaridzo kunotiyeuchidza nezvorudo rukuru rune chokuita norudzikinuro rwakaratidzwa naJehovha naJesu. Tinogona kuratidza kuonga kwedu rudzikinuro nokuvapo panoitwa Chirangaridzo chorufu rwaJesu gore negore.1
22 Rudzikinuro urwu rwatakapiwa naJehovha zvechokwadi
chipo chinokosha zvikuru. (2 VaKorinde 9:14, 15) Chipo ichi
chisingatauriki chinogona kubatsira kunyange vaya vakafa.
Zvitsauko 6 ne7 zvichatsanangura kuti zvingadaro sei?
1 Kuti uwane mamwe mashoko ane chokuita noKudya kwaShe Kwemanheru, ona Mashoko Okuwedzera, mapeji 206-8.
ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI
ˇ Rudzikinuro inzira yaJehovha yokununura
vanhu muchivi norufu.—VaEfeso 1:7.
ˇ Jehovha akagovera rudzikinuro nokutuma
Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe
oga pasi pano kuti atifire.—1 Johani 4:9, 10.
ˇ Kuburikidza norudzikinuro,
tinokanganwirwa zvivi, tinowana hana
yakachena, uye tariro youpenyu husingaperi.
—1 Johani 1:8, 9.
ˇ Tinoratidza kuti tinoonga rudzikinuro
nokuziva zvakawanda nezvaJehovha,
nokuratidza kuti tinotenda muchibayiro
chorudzikinuro chaJesu, uye kuvapo
paKudya kwaShe Kwemanheru.—Johani 3:16.
CHITSAUKO 6
Vakafa Vari Kupi?
Chii chinoitika kwatiri patinofa?
Nei tichifa?
Zvinganyaradza here kuziva
chokwadi pamusoro porufu?
IYI mibvunzo yakafungwa nevanhu kwezviuru zvemakore.
Mibvunzo inokosha. Hazvinei nokuti tiri vanaani kana kuti
tinogara kupi, mhinduro dzacho dzine chokuita nomumwe
nomumwe wedu.
2 Muchitsauko chakapfuura, takadzidza kuti chibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu chakaita sei kuti pave nomukana
wokuwana upenyu husingaperi. Takadzidzawo kuti Bhaibheri rinofanotaura nezvenguva apo ‘rufu rusingazovipo.’ (Zvakazarurwa 21:4) Munguva ino, tose tinofa. “Vapenyu vanoziva kuti vachazofa,” akadaro Mambo akachenjera Soromoni.
(Muparidzi 9:5) Tinoedza kurarama sezvatingagona. Asi, tinoshamisika kuti chii chichaitika kwatiri patichafa.
3 Vadiwa vedu pavanofa, tinochema. Uye tingabvunza kuti: ‘Chii chaitika kwavari? Vari kutambura here? Vari kutitarisira here? Tinogona kuvabatsira here? Tichazombovaonazve
here?’ Zvitendero zviri munyika zvinopindura mibvunzo iyi
zvakasiyana-siyana. Zvimwe zvinodzidzisa kuti kana ukararama upenyu hwakanaka, uchaenda kudenga asi kana ukararama upenyu hwakaipa, uchatsva munzvimbo inotambudzirwa
vanhu. Zvimwe zvitendero zvinodzidzisa kuti parufu, vanhu
vanoenda kunyika yemidzimu kuti vanova nemadzitateguru
1-3. Vanhu vanobvunza mibvunzo ipi pamusoro porufu, uye zvitendero zvakasiyana-siyana zvinoipindura sei?
58
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
avo. Uyewo zvimwe zvinodzidzisa kuti vakafa vanoenda kunyika yepasi kuti vanotongwa, vobva vaberekwazve vava nomumwe muviri.
4 Dzidziso dzezvitendero dzakadaro dzine pfungwa imwe
chete yakafanana—yokuti chimwe chikamu chedu chinopukunyuka rufu rwomuviri wenyama. Maererano nezvinenge
zvitendero zvose, zvekare uye zvemazuva ano, nenzira yakati tinorarama nokusingaperi tichikwanisa kuona, kunzwa,
uye kufunga. Asi, izvozvo zvingava zvakadaro sei? Manzwiro
edu, pamwe chete nepfungwa dzedu, zvose zvakabatanidzwa
nokushanda kwouropi hwedu. Patinofa, uropi hunomira kushanda. Zvataiyeuka, manzwiro edu, uye pfungwa hazvirambi
zvichishanda zviri zvoga nenzira inoshamisa. Hazvipukunyuke kuparara kwouropi hwedu.
CHII CHINOMBOITIKA
CHAIZVO PARUFU?
5 Chinoitika parufu hachisi chinhu chakavanzika kuna Jehovha, Musiki wouropi. Anoziva chokwadi, uye muShoko rake, Bhaibheri, anotsanangura mamiriro ezvinhu evakafa. Dzidziso yaro yakajeka ndeiyi: Munhu paanofa, anoguma kuvapo. Rufu kusava noupenyu. Vakafa havaoni kana kunzwa kana
kufunga. Hapana kana chikamu chedu chimwe chete chinopukunyuka rufu rwomuviri. Hatina mweya kana kuti mudzimu usingafi.1
6 Pashure pokunge Soromoni ataura kuti vapenyu vanoziva
kuti vachazofa, akanyora kuti: “Asi vakafa havana kana chavanoziva.”Akabva awedzera pachokwadi ichocho chinokosha
nokutaura kuti vakafa havagoni kuratidza rudo kana ruve1 Kuti uwane kukurukurwa kwemashoko okuti “mweya” uye “mudzimu,” tapota ona Mashoko Okuwedzera, mapeji 208-11.
4. Zvitendero zvakawanda zvine pfungwa ipi yakafanana ine chokuita norufu?
5, 6. Bhaibheri rinodzidzisei nezvemamiriro ezvinhu evakafa?
Vakafa Vari Kupi?
ngo uye kuti “[muguva] hamuna basa kana
kuronga mazano kana zivo kana uchenjeri.”
(Muparidzi 9:5, 6, 10) Nenzira yakafanana,
Pisarema 146:4 rinotaura kuti panofa munhu, “pfungwa dzake dzinoparara.” Tinofa
uye hatipukunyuki rufu rwemiviri yedu.
Upenyu hwatiinahwo hwakafanana nerimi
rekenduru. Kana rimi racho rikadzimwa, hapana kwarinoenda. Harisisipo chete.
ZVAKATAURWA
NAJESU NEZVORUFU
7 Jesu Kristu akataura nezvemamiriro ezvinhu evakafa. Akaita izvozvo pamusoro paRazaro, munhu waainyatsoziva uye uyo akanga afa. Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Razaro shamwari yedu azorora.” VadziRimi racho
dzi vakafunga kuti Jesu aireva kuti Razaro
raenda kupi?
akanga achizorora akarara, kuti apore pakurwara kwaaiita. Vakanga vasina kururama. Jesu akatsanangura kuti: “Razaro afa.” (Johani 11:11-14) Ona kuti Jesu akafananidza rufu nokuzorora uye kurara. Razaro akanga asiri kudenga kana kuti muhero inopisa. Akanga asina kuenda kunosangana nengirozi kana kuti madzitateguru. Razaro akanga asiri
kuberekwazve somumwe munhu. Akanga akazorora murufu,
sokunge akanga akafa nehope asingatomboroti. Mamwe magwaro anofananidzawo rufu nokurara. Somuenzaniso, pakatemwa mudzidzi Stefani nematombo kusvikira afa, Bhaibheri
rinoti “akarara.” (Mabasa 7:60) Saizvozvowo, muapostora Pauro akanyora nezvevamwe vomunguva yake vakanga “vakarara” murufu.—1 VaKorinde 15:6.
8 Pakutanga, Mwari aida kuti vanhu vafe here? Kana! Jehovha akasika vanhu kuti vararame nokusingaperi pasi pano.
Sezvatakadzidza kwokutanga mubhuku rino, Mwari akaisa
7. Jesu akatsanangura sei zvakaita rufu?
8. Tinoziva sei kuti Mwari akanga asingadi kuti vanhu vafe?
60
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
vanhu vaviri vokutanga muparadhiso yaifadza kwazvo. Akavakomborera noutano hwakakwana. Jehovha aida kuti vave nezvakanaka chete. Chero mubereki upi zvake ane rudo angada kuti vana vake varwadziwe nokuchembera uye kufa here? Chokwadi kwete! Jehovha aida vana vake uye aida kuti
vave nomufaro usingaperi pasi pano. Nezvevanhu, Bhaibheri
rinoti: “[Jehovha] akaisawo nguva isingagumi mumwoyo mavo.” (Muparidzi 3:11) Mwari akatisika tiine chido chokuraraJehovha akasika vanhu kuti vararame
nokusingaperi pasi pano
Vakafa Vari Kupi?
61
ma nokusingaperi. Uye akaita kuti pave nomukana wokuti chido ichocho chizadziswe.
CHIKONZERO NEI VANHU VACHIFA
Saka nei vanhu vachifa? Kuti tiwane mhinduro yacho,
tinofanira kufunga zvakaitika pakwaingova nomurume mumwe chete uye mukadzi mumwe chete panyika. Bhaibheri rinotsanangura kuti: “Jehovha Mwari akameresa miti yose inoyevedza panyika, yakanakira kudya.” (Genesisi 2:9) Zvisinei, pane chimwe chete chavakarambidzwa. Jehovha akaudza Adhamu kuti: “Ungadya miti yose yomunda kusvikira
waguta. Asi usadya muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa, nokuti nezuva raunoudya chokwadi uchafa.” (Genesisi 2:16, 17)
Murayiro uyu wakanga usina kuoma kuteerera. Paiva nemimwe miti yakawanda iyo Adhamu naEvha vaigona kudya. Asi
zvino vakapiwa mukana chaiwo wokuratidza kuonga kwavo
Uya akanga avapa zvinhu zvose, kusanganisira upenyu hwakakwana. Kuteerera kwavo kwaizoratidzawo kuti vairemekedza chiremera chaBaba vavo vokudenga uye kuti vaida kutungamirira kwavo kworudo.
10 Zvinosuruvarisa kuti vanhu vaviri vokutanga vakasarudza kusateerera Jehovha. Achitaura achishandisa nyoka, Satani akabvunza Evha kuti: “Ichokwadi here kuti Mwari akati
hamufaniri kudya miti yose yomumunda?” Evha akapindura kuti: “Tingadya hedu michero yemiti yomumunda. Asi kana kuri kudya muchero womuti uri pakati pomunda, Mwari
akati, ‘Musaudya, kana kuubata kuti murege kufa.’ ”—Genesisi 3:1-3.
11 “Chokwadi hamungafi,” akadaro Satani. “Mwari anoziva kuti zuva ramuchaudya, maziso enyu achasvinudzwa uye
muchava vakafanana naMwari, muchiziva zvakanaka nezva9
9. Adhamu akarambidzwei naJehovha, uye nei murayiro uyu wakanga usina kuoma kuti ateerere?
10, 11. (a) Vanhu vaviri vokutanga vakasvika sei pakusateerera Mwari? (b) Nei kusateerera kwaAdhamu naEvha kwakanga kuri nyaya
yakakomba?
62
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
kaipa.” (Genesisi 3:4, 5) Satani aida kuti Evha adavire kuti aizobatsirwa nokudya muchero wakarambidzwa. Maererano naSatani, Evha aigona kuzvisarudzira chakanaka nechakaipa; aigona kuita zvaaida. Satani akapomerawo Jehovha kuti akanga areva nhema nezvemigumisiro yokudya muchero
wacho. Evha akadavira Satani. Saka akatanha mimwe michero yacho akadya. Akabva apa murume wake, naiye akadyawo. Havana kuita izvi vasingazivi. Vaiziva kuti vakanga vachinyatsoita zvavakanga vaudzwa naMwari kuti varege kuita. Nokudya muchero wacho, vakaramba kuteerera murayiro wakanga uri nyore uye wakanaka vachitoziva zvavo. Vakaratidza
kuzvidza Baba vavo vokudenga uye chiremera chavo. Kusare-
Adhamu akabva muguruva,
uye akadzokera kuguruva
Vakafa Vari Kupi?
63
mekedza Musiki wavo ane rudo kwakadaro kwakanga kusingagoni kuregererwa!
12 Kuenzanisira: Waizonzwa sei kudai waizorera uye kutarisira mwanakomana kana kuti mwanasikana aisazokuteerera nenzira yairatidza kuti iye akanga asingakuremekedzi kana
kuti kukuda? Izvozvo zvaizokurwadza chaizvo. Saka, chimbofungidzira kurwadziwa uko Jehovha anofanira kuva akanzwa
apo Adhamu naEvha vakaita zvaipesana naye.
13 Jehovha akanga asina chikonzero chokuita kuti Adhamu
naEvha vakanga vasingateereri varambe varipo nokusingaperi. Ivo vakafa, sezvaakanga ataura chaizvo. Adhamu naEvha
vakaguma kuvapo. Havana kuenda kunyika yemidzimu. Tinoziva izvi nokuda kwezvakataurwa naJehovha kuna Adhamu pashure pokutaura naye nezvokusateerera kwake. Mwari
akati: “[Ucha]dzokera kuvhu, nokuti wakatorwa kwariri. Zvauri guruva uchadzokera kuguruva.” (Genesisi 3:19) Mwari
akanga asika Adhamu neguruva renyika. (Genesisi 2:7) Izvozvo zvisati zvaitika, Adhamu akanga asipo. Saka, Jehovha paakati Adhamu aizodzokera kuguruva, aireva kuti Adhamu aizodzokera pakusavapo. Adhamu aizova asina upenyu seguruva raakanga atorwa kwariri.
14 Adhamu naEvha vangadai vari vapenyu nhasi, asi vakafa nokuti vakasarudza kusateerera Mwari ndokutadza. Isu tinofa nokuti chivi chaAdhamu pamwe chete norufu zvakapfuudzwa kuvazukuru vake vose. (VaRoma 5:12) Chivi ichocho chakafanana nechirwere chakaipisisa chokuberekwa nacho chisina anogona kuchinzvenga. Mugumisiro wacho, rufu, kutukwa. Rufu muvengi, kwete shamwari. (1 VaKorinde
15:26) Tinoonga zvikuru kuti Jehovha akagovera rudzikinuro kuti atinunure pamuvengi uyu anotyisa!
12. Chii chingatibatsira kunzwisisa manzwiro akaita Jehovha apo
Adhamu naEvha vakaita zvaipesana naye?
13. Jehovha akati chii chaizoitika kuna Adhamu paaizofa, uye izvi zvinorevei?
14. Nei tichifa?
64
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
KUZIVA CHOKWADI PAMUSORO
PORUFU KUNOBATSIRA
15 Zvinodzidziswa neBhaibheri pamusoro pemamiriro ezvinhu evakafa zvinonyaradza. Sezvataona, vakafa havarwadziwi. Hapana chikonzero chokuti tivatye, nokuti havagoni kutikuvadza. Havadi rubatsiro rwedu, uye ivo havagoni kutibatsira. Hatigoni kutaura navo, uye ivo havagoni kutaura nesu.
Vatungamiriri vakawanda vezvitendero vanotaura zvenhema
kuti vanogona kubatsira vaya vakafa, uye vanhu vanodavira
vatungamiriri vakadaro vanovapa mari. Asi kuziva chokwadi
kunotidzivirira pakunyengedzwa nevaya vanodzidzisa nhema
dzakadaro.
16 Chitendero chako chinobvumirana nezvinodzidziswa
neBhaibheri pamusoro pevakafa here? Zvitendero zvakawanda hazvidaro. Nei? Nokuti zvazvinodzidzisa zvakavhiringidzwa naSatani. Anoshandisa chitendero chenhema kuita kuti vanhu vadavire kuti pashure pokunge miviri yavo yafa, vachapfuurira kurarama munyika yemidzimu. Idzi inhema dzinobatanidzwa naSatani nedzimwe nhema kuti atsause vanhu
pana Jehovha Mwari. Sei?
17 Sezvataona kare, zvimwe zvitendero zvinodzidzisa kuti kana munhu akararama upenyu hwakaipa, pashure pokufa achaenda kunzvimbo yokutambudzwa achipiswa kuti atambure nokusingaperi. Dzidziso iyi inozvidza Mwari. Jehovha
ndiMwari ane rudo, uye aisazomboita kuti vanhu vatambure
seizvi. (1 Johani 4:8) Waizonzwa sei pamusoro pomunhu anoranga mwana asingateereri nokuisa maoko ake mumoto? Waizoremekedza munhu akadaro here? Chokwadi, waizoda kunyange kumuziva here? Kana! Zvimwe waizofunga kuti ane
utsinye chaizvo. Asi Satani anoda kuti tidavire kuti Jehovha
anotambudza vanhu mumoto nokusingaperi—kwemabhiriyoni emakore asingaverengeki!
15. Nei zvichinyaradza kuziva chokwadi pamusoro porufu?
16. Ndiani akavhiringidza dzidziso dzezvitendero zvakawanda, uye
sei?
17. Nei dzidziso yokutambudzwa nokusingagumi ichizvidza Jehovha?
Vakafa Vari Kupi?
65
Satani anoshandisawo zvimwe zvitendero kudzidzisa kuti kana vanhu vafa vanova midzimu inofanira kuremekedzwa
uye kukudzwa nevapenyu. Maererano nedzidziso iyi, midzimu yevakafa inogona kuva shamwari dzine simba kana kuti vavengi vanotyisa. Vanhu vazhinji vanodavira nhema idzi.
Vanotya vakafa uye vanovaremekedza nokuvanamata. Kusiyana neizvi, Bhaibheri rinodzidzisa kuti vakafa vakarara uye
kuti tinofanira kungonamata Mwari wechokwadi, Jehovha,
Musiki wedu noMugoveri.—Zvakazarurwa 4:11.
19 Kuziva chokwadi pamusoro pevakafa kunokudzivirira
pakutsauswa nenhema dzechitendero. Kunokubatsirawo kunzwisisa dzimwe dzidziso dzeBhaibheri. Somuenzaniso, paunoziva kuti vanhu havaendi kunyika yemidzimu pavanofa,
chipikirwa choupenyu husingaperi muparadhiso pasi pano
chinova nezvachinonyatsoreva kwauri.
20 Kare kare, murume akanga akatendeka ainzi Jobho akabvunza mubvunzo uyu: “Kana murume akagwinya akafa,
angararamazve here?” (Jobho 14:14) Munhu asina upenyu
akarara murufu angadzoswa kuupenyu here? Zvinodzidziswa
neBhaibheri pamusoro peizvi zvinonyaradza kwazvo, sezvicharatidzwa nechitsauko chinotevera.
18
18. Kunamata vakafa kunotorwa panhema dzipi dzechitendero?
19. Kuziva chokwadi pamusoro porufu kunotibatsira kunzwisisa
imwe dzidziso yeBhaibheri ipi?
20. Muchitsauko chinotevera tichakurukura mubvunzo upi?
ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI
ˇ Vakafa havaoni kana kunzwa kana kufunga.
—Muparidzi 9:5.
ˇ Vakafa vakazorora; havatamburi.—Johani
11:11.
ˇ Tinofa nokuti takaberekwa tiine chivi
chakabva kuna Adhamu.—VaRoma 5:12.
CHITSAUKO 7
Tariro Yechokwadi Nokuda
Kwevadiwa Vako Vakafa
Tinoziva sei kuti rumuko
ruchaitika zvechokwadi?
Jehovha anonzwa sei
pamusoro pokumutsa vakafa?
Ndivanaani vachamutswa?
CHIMBOFUNGIDZIRA kuti uri kutiza muvengi anotyisa kwazvo. Akasimba kwazvo uye anomhanya chaizvo kukupfuura.
Unoziva kuti haana tsitsi nokuti wakamuona achiuraya dzimwe shamwari dzako. Hazvinei nokuti unoedza zvakaoma sei
kuti umusiye, iye anongoramba achiswedera pedyo. Panoita sepasina tariro. Zvisinei, mununuri anongoerekana ava pedyo newe. Iye ane simba kwazvo kupfuura muvengi wako, uye
anovimbisa kukubatsira. Izvozvo zvinoita kuti unzwe wazorodzwa zvikuru!
2 Mupfungwa yakati, uri kudzingirirwa nomuvengi akadaro. Tose zvedu tiri kudzingirirwa. Sezvatakadzidza muchitsauko chakapfuura, Bhaibheri rinodana rufu kuti muvengi. Hapana mumwe wedu angarutiza kana kuti kurudzivisa. Vakawanda vedu takaona muvengi uyu achiuraya vanhu vataida
chaizvo. Asi Jehovha ane simba zvikuru kupfuura rufu. Iye
ndiye Mununuri ane rudo uyo akatoratidza kuti anogona kukunda muvengi uyu. Uye anovimbisa kuparadza zvachose
muvengi uyu, irwo rufu. Bhaibheri rinodzidzisa kuti: “Muvengi wokupedzisira achaparadzwa ndirwo rufu.” (1 VaKorinde
15:26) Iwayo mashoko akanaka kwazvo!
1-3. Muvengi upi anotidzingirira tose zvedu, uye nei kukurukura zvinodzidziswa neBhaibheri kuchizotizorodza?
Tariro Yechokwadi Nokuda Kwevadiwa Vako Vakafa
67
Kutanga ngatimbokurukurei kuti muvengi uyu rufu anoita kuti tinzwe sei patinofirwa. Kuita izvi kuchatibatsira kunzwisisa chimwe chinhu chichaita kuti tifare. Unoona, Jehovha anopikira kuti vakafa vachararamazve. (Isaya 26:19) Vachadzoswa kuupenyu. Iyoyo ndiyo tariro yorumuko.
3
PANOFA MUNHU WATINODA
Wakambofirwa here nomunhu wawaida? Kurwadziwa, kushungurudzwa, uye kunzwa usingabatsiri zvingaita sezvisingatsungiririki. Panguva yakadaro, tinofanira kuverenga Shoko raMwari kuti tinyaradzwe. (2 VaKorinde 1:3, 4) Bhaibheri rinotibatsira kunzwisisa manzwiro anoita Jehovha uye Jesu pamusoro porufu. Jesu, uyo airatidza zvakakwana zvakaita Baba vake,
aiziva kurwadza kunoita kufirwa nomumwe munhu. (Johani
14:9) Paaiva muJerusarema, Jesu aiwanzoshanyira Razaro nehanzvadzi dzake, Mariya naMarita, vaigara mutaundi raiva pedyo
reBhetani. Vakava shamwari dzepedyo. Bhaibheri rinoti: “Jesu
aida Marita nomunun’una wake naRazaro.” (Johani 11:5) Zvisinei, sezvatakadzidza muchitsauko chakapfuura, Razaro akafa.
5 Jesu akanzwa sei nokufirwa neshamwari yake? Nhoroondo yacho inotiudza kuti Jesu akaenda kuhama neshamwari dzaRazaro pavaishungurudzwa nokufirwa uku. Achivaona,
Jesu akasiririswa kwazvo. “Akagomera neshungu, akanetseka.”
Nhoroondo yacho inobva yati, “Jesu akasvimha misodzi.” (Johani 11:33, 35) Kushungurudzwa kwaJesu kwaireva here kuti akanga asina tariro? Kwete. Chokwadi, Jesu aiziva kuti chimwe chinhu chinoshamisa chakanga chava kuda kuitika. (Johani 11:3, 4) Kunyange zvakadaro, akanzwa kurwadziwa uye
kushungurudzwa zvinokonzerwa norufu.
6 Neimwe nzira, kushungurudzwa kwaJesu kunotikurudzira. Kunotidzidzisa kuti Jesu naBaba vake, Jehovha, vanovenga
4
4. (a) Nei zvakaitwa naJesu pakafa munhu waaida zvichitidzidzisa
nezvemanzwiro aJehovha? (b) Jesu akava noushamwari chaihwo hwakaita sei?
5, 6. (a) Jesu akaita sei paaiva nemhuri uye shamwari dzaRazaro
vakanga vachishungurudzika? (b) Nei kushungurudzika kwaJesu kuchitikurudzira?
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
68
rufu. Asi Jehovha Mwari anokwanisa kurwisa uye kukunda
muvengi iyeye! Regai tione kuti Mwari akaita kuti Jesu agone
kuitei.
“RAZARO, BUDA!”
Razaro akanga avigwa mubako, uye Jesu akakumbira kuti
dombo rakanga rakavhara musuo waro ribviswe. Marita akaramba, nokuti pashure pemazuva mana, muviri waRazaro unofanira kuva wakanga wava kuora. (Johani 11:39) Nemaonero
evanhu, pakanga pachine tariro yei?
8 Dombo racho rakabviswa, uye Jesu akashevedzera nenzwi
guru kuti: “Razaro, buda!” Chii chakaitika? “Murume akanga
akafa akabuda.” (Johani 11:43, 44) Ungafungidzira here kufara kwakaita vanhu vaiva ipapo? Pasinei nokuti Razaro akanga
ari hanzvadzi yavo, hama, shamwari, kana kuti muvakidzani,
ivo vaiziva kuti akanga afa. Asi heuno—murume mumwe chete iyeye aidiwa kwazvo—akanga amirazve pakati pavo. Izvozvo
zvinofanira kuva zvakaita sezvisingadaviriki. Hapana mubvunzo kuti vakawanda vakambundira Razaro vachifara. Chokwadi kwaiva kukunda rufu kukuru!
9 Jesu haana kutaura kuti akanga aita chishamiso ichi chinoshamisa nesimba rake pachake. Paakanga achinyengetera asati ashevedzera kuna Razaro, akabudisa pachena kuti Jehovha
ndiye akanga achizomumutsa. (Johani 11:41, 42) Iyi handiyo
nguva chete iyo Jehovha akashandisa simba rake kumutsa munhu. Kumutswa kwaRazaro kunongova kumwe chete kwezvishamiso zvipfumbamwe zvakadai zvakanyorwa muShoko raMwari.1 Zvinofadza kuverenga uye kudzidza nezvenhoroondo
7
1 Dzimwe nhoroondo dziri pana 1 Madzimambo 17:17-24; 2 Madzimambo 4:32-37; 13:20, 21; Mateu 28:5-7; Ruka 7:11-17; 8:40-56; Mabasa 9:36-42; uye 20:7-12.
7, 8. Nei kuvanhu vakanga vakatarira zvakaita sokuti pakanga pasisina tariro pamusoro paRazaro, asi Jesu akaitei?
9, 10. (a) Jesu akaratidza sei kwaibva simba rokumutsa Razaro?
(b) Ndezvipi zvimwe zvakanakira kuverenga nhoroondo dzeBhaibheri dzorumuko?
Eriya akamutsa
mwanakomana wechirikadzi.
—1 Madzimambo 17:17-24
Muapostora
Petro akamutsa
mukadzi wechiKristu
ainzi Dhokasi.
—Mabasa 9:36-42
Kumutswa kwaRazaro
kwakaunza mufaro mukuru.
—Johani 11:38-44
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
70
idzi. Dzinotidzidzisa kuti Mwari haasaruri, nokuti vanhu vacho vakamutswa vaisanganisira vaduku nevakuru, vanhurume nevanhukadzi, vaIsraeri uye asiri muIsraeri. Uye mufaro
unotsanangurwa mundima idzi mukuru! Somuenzaniso, Jesu
paakamutsa musikana muduku kubva kuvakafa, vabereki vake
vakanga “vasingachabatiki nomufaro mukuru kwazvo.” (Mako 5:42) Chokwadi, Jehovha akanga avapa chikonzero chokufara chavaisazombofa vakakanganwa.
10 Chokwadi, vaya vakamutswa naJesu vakazofa zvakare. Izvi
zvinoreva here kuti zvakanga zvisingabatsiri kuvamutsa? Kwete. Nhoroondo idzi dzeBhaibheri dzinosimbisa chokwadi chinokosha uye dzinoita kuti tive netariro.
KUDZIDZA KUBVA MUNHOROONDO DZORUMUKO
Bhaibheri rinodzidzisa kuti vakafa “havana kana chavanoziva.” Havasi vapenyu uye havazivi kuti vari kupi. Nhoroondo yaRazaro inosimbisa izvi. Paakadzoka kuupenyu, Razaro
akafadza vanhu nokurondedzera zvakaita kudenga here? Kana kuti akaita kuti vatye nenyaya dzinotyisa kwazvo dzehero
inopisa here? Kwete. Bhaibheri harina mashoko akadaro akataurwa naRazaro. Mumazuva mana aakanga akafa, akanga asina ‘kana chaaiziva.’ (Muparidzi 9:5) Razaro akanga akangorara murufu.—Johani 11:11.
12 Nhoroondo yaRazaro inotidzidzisawo kuti rumuko chinhu chaicho, kwete nganowo zvayo. Jesu akamutsa Razaro pamberi peboka rezvapupu zvakanga zvichiona. Kunyange vatungamiriri vechitendero, avo vaivenga Jesu, havana kuramba
kuti chishamiso ichi chakanga chaitika. Asi vakati: “Toitei, nokuti munhu uyu [Jesu] anoita zviratidzo zvizhinji?” (Johani
11:47) Vanhu vakawanda vakaenda kunoona murume wacho
akanga amutswa. Saka, vakawanda vavo vakatotenda muna Jesu. Vakaona pana Razaro uchapupu hwechokwadi hwokuti Je11
11. Nhoroondo yokumuka kwaRazaro inotibatsira sei kusimbisa chokwadi chakanyorwa pana Muparidzi 9:5?
12. Nei tingava nechokwadi chokuti rumuko rwaRazaro rwakanyatsoitika?
Tariro Yechokwadi Nokuda Kwevadiwa Vako Vakafa
71
su akanga atumwa naMwari. Uchapupu uhwu hwakanga huine simba zvikuru zvokuti vamwe vatungamiriri vechitendero
vechiJudha vaiva nemwoyo yakaoma vakaronga kuuraya Jesu
naRazaro.—Johani 11:53; 12:9-11.
13 Hazvina musoro here kubvuma kuti rumuko ndorwechokwadi? Kwete, nokuti Jesu akadzidzisa kuti nerimwe zuva
“vaya vose vari mumakuva vachayeukwa,” vomutswa. (Johani 5:28) Jehovha ndiye Musiki woupenyu hwose. Zvinofanira kuva zvakaoma here kudavira kuti anogona kusikazve upenyu? Chokwadi, zvakawanda zvaizova nechokuita nokuyeuka kwaJehovha. Angayeuka here vadiwa vedu vakafa? Nyeredzi dzisingaverengeki dzakazadza matenga, asi Mwari anopa
imwe neimwe zita! (Isaya 40:26) Saka Jehovha Mwari anogona kuyeuka zvose zvakanga zvakaita vadiwa vedu vakafa, uye
anogona kuvadzosa kuupenyu.
14 Zvisinei, Jehovha anonzwa sei pamusoro pokumutsa vakafa? Bhaibheri rinodzidzisa kuti anoda chaizvo kumutsa vakafa. Murume akanga akatendeka ainzi Jobho akabvunza kuti: “Kana murume akagwinya akafa, angararamazve here?” Jobho akanga achitaura nezvokumirira ari muguva kusvika paizosvika nguva yokuti Mwari amuyeuke. Akati kuna Jehovha:
“Muchashevedza, uye ini ndichakupindurai. Nokuti muchasuwa basa remaoko enyu.”—Jobho 14:13-15.
15 Chimbofunga nezvazvo! Jehovha anosuwa kudzosa vakafa kuupenyu. Izvi hazvinyevenutsi mwoyo here kuziva kuti
Jehovha anonzwa saizvozvo? Asi zvakadini norumuko urwu
rwomunguva yemberi? Ndivanaani vachamutswa, uye kupi?
16
“VAYA VOSE VARI MUMAKUVA”
Nhoroondo dziri muBhaibheri dzorumuko dzinotidzi-
13. Ndezvipi zvinoita kuti tidavire kuti zvechokwadi Jehovha anogona kumutsa vakafa?
14, 15. Sezvinoenzanisirwa nezvakataurwa naJobho, Jehovha anonzwa sei pamusoro pokudzosa vakafa kuupenyu?
16. Vakafa vachamutswa kuti vagare mumamiriro ezvinhu akaita sei?
72
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
dzisa zvakawanda nezvorumuko ruchauya. Vanhu vakamutsirwa kuupenyu pasi pano chaipo vakavazve pamwe chete nevadiwa vavo. Rumuko rwomunguva yemberi ruchange rwakafanana—asi ruri nani zvikuru. Sezvatakadzidza muChitsauko 3, Mwari anoda kuti nyika yose ive paradhiso. Saka vakafa
havazomutsirwi munyika izere nehondo, kuparwa kwemhosva, uye kurwara. Vachava nomukana wokurarama nokusingaperi pasi pano mumamiriro ezvinhu ane rugare nomufaro.
17 Ndivanaani vachamutswa? Jesu akati “vaya vose vari mumakuva vachayeukwa uye vachanzwa inzwi rake [Jesu], vobuda.” (Johani 5:28, 29) Nenzira yakafanana, Zvakazarurwa 20:
13 inoti: “Gungwa rakabudisa vaya vakafa vakanga vari mariri, uye rufu neHadhesi zvakabudisa vakafa vakanga vari mazviri.” Shoko rokuti “Hadhesi” rinoreva guva revanhu vose.
(Ona Mashoko Okuwedzera, mapeji 212-13.) Iri guva revanhu
vose richabviswa vose varimo. Mabhiriyoni ose iwayo evanhu
vakazorora imomo vachararamazve. Muapostora Pauro akati:
“Kuchava nokumuka kwevakarurama nevasina kururama.”
(Mabasa 24:15) Izvozvo zvinorevei?
18 “Vakarurama” vanosanganisira vanhu vakawanda vatinoverenga nezvavo muBhaibheri vakararama Jesu asati auya
pasi pano. Ungafunga nezvaNoa, Abrahamu, Sara, Mosesi, Rute, Esteri, uye vamwe vakawanda. Vamwe vevarume nevakadzi ava vaiva nokutenda kwakasimba vanokurukurwa nezvavo muchitsauko 11 chaVaHebheru. Asi “vakarurama” vanosanganisirawo vashumiri vaJehovha vari kufa munguva yedu.
Pamusana petariro yorumuko, isu tingasatya kufa.—VaHebheru 2:15.
19 Zvakadini nevanhu vose vasina kushumira kana kuti ku17. Rumuko ruchange rwakakura sei?
18. Ndivanaani vanobatanidzwa pane “vakarurama” vachamutswa,
uye tariro iyi ingakuitei iwe pachako?
19. “Vasina kururama” ndivanaani, uye mukana upi uyo Jehovha anovapa nenzira yomutsa?
Tariro Yechokwadi Nokuda Kwevadiwa Vako Vakafa
73
teerera Jehovha nokuti vaisamboziva nezvake? Mabhiriyoni
aya e“vasina kururama” haazokanganwiki. Ivowo vachamutswa, vopiwa nguva yokuti vadzidze nezvaMwari wechokwadi uye yokuti vamushumire. Munguva yemakore ane chiuru, vakafa vachamutswa, vopiwa mukana wokubatana nevanhu vakatendeka vanenge vari pasi pano pakushumira Jehovha. Ichava nguva inofadza zvikuru. Nguva iyi ndiyo inonzi
neBhaibheri Zuva Rokutongwa.1
20 Izvi zvinoreva here kuti vanhu vose vakamborarama vachamutswa? Kwete. Bhaibheri rinotaura kuti vamwe vakafa
vari mu“Gehena.” (Ruka 12:5) Gehena rakawana zita raro kubva padurunhuru remarara raiva kunze kweJerusarema rekare. Zvitunha nemarara zvaipisirwa imomo. Vakafa vaiva nemitumbi yaikandwa imomo vainzi nevaJudha havana kukodzera kuvigwa uye kuzomutswa. Saka Gehena chiratidzo chakakodzera chokuparadzwa nokusingaperi. Kunyange zvazvo
Jesu achava nezvaachaitawo pakutongwa kwevapenyu nevakafa, Jehovha ndiye Mutongi wokupedzisira. (Mabasa 10:42)
Haazombomutsi vaya vaanotonga kuti vakaipa uye vasingadi
kuchinja.
KUMUTSIRWA KUENDA KUDENGA
Bhaibheri rinotaurawo nezvorumwe rumuko, ruya rwokuva noupenyu sechisikwa chomudzimu kudenga. Muenzaniso mumwe chete worumuko urwu ndiwo wakanyorwa muBhaibheri, ruya rwaJesu Kristu.
22 Pashure pokunge Jesu aurayiwa somunhu, Jehovha haana kubvumira Mwanakomana Wake akatendeka kuti arambe ari muguva. (Pisarema 16:10; Mabasa 13:34, 35) Mwari
21
1 Kuti uwane mamwe mashoko pamusoro peZuva Rokutongwa uye
zvichatongerwa vanhu, tapota ona Mashoko Okuwedzera, mapeji
213-15.
20. Gehena chii, uye ndivanaani vanoenda imomo?
21, 22. (a) Ndorupi rumwe rumuko ruripo? (b) Ndiani aiva wokutanga kumutsirwa kuupenyu hwomudzimu?
74
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
akamutsa Jesu, asi kwete somunhu. Muapostora Petro anotsanangura kuti Kristu ‘akaurayiwa panyama, asi akaitwa mupenyu mumudzimu.’ (1 Petro 3:18) Chokwadi ichi chaiva chishamiso chikuru. Jesu akanga ava mupenyu zvakare somunhu womudzimu ane simba! (1 VaKorinde 15:3-6) Jesu ndiye
akanga ari wokutanga kumutswa zvinokudzwa zvakadai. (Johani 3:13) Asi aisazova wokupedzisira.
23 Achiziva kuti aizokurumidza kudzokera kudenga, Jesu
akaudza vateveri vake vakatendeka kuti aizonova‘gadzirira
nzvimbo’ ikoko. (Johani 14:2) Jesu akataura nezvevaya vanoenda kudenga se“boka duku” rake. (Ruka 12:32) Vangani
vachava muboka iri duku revaKristu vakatendeka? Maererano naZvakazarurwa 14:1, muapostora Johani anoti: “Ndakaona, uye, tarira! Gwayana [Jesu Kristu] rimire paGomo reZiyoni, riine vane zviuru zvine zana nemakumi mana nezvina vakanga vaine zita raro nezita raBaba varo rakanyorwa pahuma
dzavo.”
24 VaKristu ava vane 144 000, kusanganisira vaapostora vaJesu vakatendeka, vanomutsirwa kuupenyu hwokudenga. Rumuko rwavo runoitika rini? Muapostora Pauro akanyora kuti
rwaizoitika munguva yokuvapo kwaKristu. (1 VaKorinde 15:
23) Sezvauchadzidza muChitsauko 9, iye zvino tiri kurarama
munguva iyoyo. Saka vaya vashomanana vasara vevane 144000 vanofa munguva yedu vanobva vangomutsirwa kuupenyu hwokudenga. (1 VaKorinde 15:51-55) Zvisinei, vamwe vanhu vose vane tariro yokumutsirwa kuupenyu muParadhiso
pasi pano munguva yemberi.
25 Chokwadi, Jehovha achakunda muvengi wedu rufu, uye
ruchaparadzwa nokusingaperi! (Isaya 25:8) Asi, unganetseka
kuti, ‘Vaya vachamutswa kuti vaende kudenga vachanoitei
ikoko?’ Vachava vamwe vehurumende yoUmambo inoshamisa iri kudenga. Tichadzidza zvakawanda nezvehurumende
iyoyo muchitsauko chinotevera.
23, 24. Ndivanaani vari mu“boka duku” raJesu, uye vachava vangani?
25. Chii chichakurukurwa muchitsauko chinotevera?
Tariro Yechokwadi Nokuda Kwevadiwa Vako Vakafa
ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI
ˇ Nhoroondo dzorumuko dziri muBhaibheri
dzinotipa tariro yechokwadi.—Johani 11:39-44.
ˇ Jehovha anoda chaizvo kudzosa vakafa
kuupenyu.—Jobho 14:13-15.
ˇ Vose vaya vari muguva revanhu vose
vachamutswa.—Johani 5:28, 29.
MuParadhiso, vakafa vachamutswa uye
vachavazve pamwe chete nevadiwa vavo
75
CHITSAUKO 8
Umambo hwaMwari Chii?
Bhaibheri rinotiudzei
nezvoUmambo hwaMwari?
Umambo hwaMwari huchaitei?
Umambo hwacho huchaita kuti zvinoda
Mwari zviitwe panyika rini?
MAMIRIYONI evanhu munyika yose vanoziva munyengetero unowanzonzi nevakawanda Munyengetero waShe. Mashoko aya anotaura nezvomunyengetero wakakurumbira wakapiwa naJesu Kristu pachake achienzanisira. Iwo munyengetero une zvaunoreva chaizvo, uye kukurukura zvikumbiro
zvawo zvitatu zvokutanga kuchakubatsira kudzidza zvakawanda pamusoro pezvinonyatsodzidziswa neBhaibheri.
2 Paakatanga munyengetero uyu wokuenzanisira, Jesu akarayira vakanga vakamuteerera kuti: “Saka, munofanira kunyengetera seizvi: ‘Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngaritsveneswe. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika, sezvakunoitwa kudenga.’ ” (Mateu 6:9-13)
Zvikumbiro zvitatu izvi zvinorevei?
3 Kusvika iye zvino tadzidza zvakawanda nezvezita raMwari
rokuti Jehovha. Uye tati kurukurei zvinodiwa naMwari—zvaakaita uye zvaachaitira vanhu. Zvisinei, Jesu akanga achitaura nezvechii paakatiudza kuti tinyengetere tichiti: “Umambo
hwenyu ngahuuye”? Umambo hwaMwari chii? Kuuya kwahwo kuchatsvenesa sei zita raMwari, kana kuti kuriita dzve1. Munyengetero upi wakakurumbira uchaongororwa iye zvino?
2. Ndezvipi zvinhu zvitatu izvo Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kunyengeterera?
3. Chii chatinofanira kuziva nezvoUmambo hwaMwari?
Umambo hwaMwari Chii?
77
ne? Uye kuuya kwoUmambo kwakabatana sei nokuita zvinoda Mwari?
CHIRI UMAMBO HWAMWARI
Umambo hwaMwari ihurumende yakatangwa naJehovha Mwari ina Mambo akasarudzwa naMwari. Mambo woUmambo hwaMwari ndiani? NdiJesu Kristu. Jesu saMambo,
mukuru kupfuura vatongi vose vevanhu uye anonzi “Mambo wevaya vanotonga semadzimambo uye Ishe wevaya vanotonga semadzishe.” (1 Timoti 6:15) Ane simba rokuita zvakanaka kwazvo kupfuura chero mutongi wevanhu upi zvake,
kunyange akanaka kwazvo wavo.
5 Umambo hwaMwari huchatonga huri kupi? Ko Jesu anombova kupi? Chokwadi unoyeuka uchidzidza kuti akaurayirwa padanda rokutambudzikira, akabva azomutswa. Nguva pfupi izvozvo zvaitika, akakwira kudenga. (Mabasa 2:33)
Saka, ikoko ndiko kune Umambo hwaMwari—kudenga. Ndokusaka Bhaibheri richihuti ‘umambo hwokudenga.’ (2 Timoti 4:18) Kunyange zvazvo Umambo hwaMwari huri kudenga,
ihwo huchatonga nyika.—Zvakazarurwa 11:15.
6 Chii chinoita kuti Jesu ave Mambo anoshamisa? Kutanga, haazombofi. Richienzanisa Jesu nemamwe madzimambo ari vanhu, Bhaibheri rinomuti “iye oga asingafi, anogara muchiedza chisingasvikiki.” (1 Timoti 6:16) Izvi zvinoreva kuti zvakanaka zvose zvinoitwa naJesu zvicharamba zviripo. Uye achaita zvakawanda zvichabatsira vanhu.
7 Funga nezvouprofita hweBhaibheri uhwu pamusoro paJesu hunoti: “Mudzimu waJehovha uchagara pamusoro pake, mudzimu wouchenjeri uye wokunzwisisa, mudzimu wezano uye wokuva nesimba, mudzimu wokuziva uye wokutya Jehovha; uye iye achafara pakutya Jehovha. Haazotongi
4
4. Umambo hwaMwari chii, uye Mambo wahwo ndiani?
5. Umambo hwaMwari huchatonga huri kupi, uye huchatonga chii?
6, 7. Chii chinoita kuti Jesu ave Mambo anoshamisa?
78
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
nokungoona chete nemaziso ake, kana kungotsiura maererano nezvaanenge anzwa nenzeve dzake. Asi achatongera
vakaderera nokururama, uye achatsiura nokururama nokuda kwevanyoro venyika.” (Isaya 11:2-4) Mashoko iwayo anoratidza kuti Jesu aizova Mambo akarurama uye anonzwira
tsitsi vanhu vari panyika. Waizoda kuva nomutongi akadaro
here?
8 Hechino chimwe chokwadi chine chokuita noUmambo
hwaMwari: Jesu haazotongi ari oga. Achava nevamwe vaachatonga navo. Somuenzaniso, muapostora Pauro akaudza
Timoti kuti: “Kana tikaramba tichitsungirira, tichatongawo
pamwe chete semadzimambo.” (2 Timoti 2:12) Chokwadi,
Pauro, Timoti, uye vamwe vanhu vakatendeka vakasarudzwa naMwari vachatonga pamwe chete naJesu muUmambo hwokudenga. Vangani vachava nomukana iwoyo unoshamisa?
9 Sezvakataurwa muChitsauko 7 chebhuku rino, muapostora Johani akaratidzwa “Gwayana [Jesu Kristu] rimire paGomo reZiyoni [nzvimbo yake youmambo kudenga], riine
vane zviuru zvine zana nemakumi mana nezvina vakanga
vaine zita raro nezita raBaba varo rakanyorwa pahuma dzavo.” Vane 144 000 ivavo ndivanaani? Johani pachake anotiudza kuti: “Ava ndivo vanoramba vachitevera Gwayana pasinei nokwarinoenda. Ava vakatengwa pakati pevanhu sezvibereko zvokutanga kuna Mwari nokuGwayana.” (Zvakazarurwa 14:1, 4) Chokwadi, ivo vateveri vaJesu Kristu vakatendeka vakanyatsosarudzwa kuti vanotonga kudenga pamwe naye. Pashure pokunge vamutswa kubva murufu vachienda kuupenyu hwokudenga, “vachatonga semadzimambo
pamusoro penyika” pamwe chete naJesu. (Zvakazarurwa 5:
10) Kubvira pamazuva evaapostora, Mwari ave achisarudza
vaKristu vakatendeka kuti azadzise nhamba yevane 144 000.
8. Ndivanaani vachatonga naJesu?
9. Vangani vachatonga pamwe chete naJesu, uye Mwari akatanga kuvasarudza rini?
Umambo hwaMwari Chii?
79
Urongwa hwakaitwa hwokuti Jesu nevane 144 000 vatonge vanhu kuratidzwa kworudo kukuru. Kutanga, Jesu anoziva zvazvinoreva kuva munhu uye kutambura. Pauro akataura kuti Jesu haasi munhu “asingagoni kunzwira tsitsi kusava
nesimba kwedu, asi akaedzwa muzvinhu zvose kufanana nesu, asi iye akaramba asina chivi.” (VaHebheru 4:15; 5:8) Vaachatonga navo vakatamburawo uye vakatsungirira sevanhu.
Uyewo, vakarwisana nokusakwana, vakatsungirira marudzi
ose okurwara. Zvechokwadi, ivo vachanzwisisa matambudziko anotarisana nevanhu!
10
UMAMBO HWAMWARI HUCHAITEI?
Jesu paakataura kuti vadzidzi vake vaifanira kunyengeterera Umambo hwaMwari kuti huuye, akataurawo kuti vaifanira kunyengeterera kuti kuda kwaMwari kuitwe “panyika, sezvakunoitwa kudenga.” Mwari ari kudenga, uye zvaanoda zvagara zvichiitwa ikoko nengirozi dzakatendeka. Zvisinei, muChitsauko 3 chebhuku rino, takadzidza kuti ngirozi yakaipa yakarega kuita zvinoda Mwari, ikaita kuti Adhamu
naEvha vatadze. MuChitsauko 10, tichadzidza zvakawanda
pamusoro pezvinodzidziswa neBhaibheri nezvengirozi iyoyo yakaipa, yatinoziva saSatani Dhiyabhorosi. Satani nezvisikwa zvomudzimu, ngirozi dzakasarudza kumutevera—dzinonzi madhimoni—vakabvumirwa kuramba vari kudenga kwenguva yakati. Saka, panguva iyoyo havasi vose mudenga vaiita zvaidiwa naMwari. Izvozvo zvaizochinja Umambo hwaMwari pahwaizotanga kutonga. Mambo akanga achangobva
kugadzwa, Jesu Kristu, aifanira kurwa naSatani.—Zvakazarurwa 12:7-9.
12 Mashoko ouprofita anotevera anorondedzera zvaizoiti11
10. Nei urongwa hwokuti Jesu nevane 144 000 vatonge vanhu kuri
kuratidzwa kworudo?
11. Nei Jesu akataura kuti vadzidzi vake vaifanira kunyengeterera kuda kwaMwari kuti kuitwe kudenga?
12. Ndezvipi zviitiko zviviri zvinokosha zvinorondedzerwa pana Zvakazarurwa 12:10?
80
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
ka: “Ndakanzwa inzwi guru kudenga richiti: ‘Zvino ruponeso rwazoitika nesimba noumambo hwaMwari wedu nechiremera chaKristu wake, nokuti anopomera hama dzedu [Satani] akandwa pasi, anodzipomera masikati nousiku pamberi paMwari wedu!’ ” (Zvakazarurwa 12:10) Waona here zviitiko zviviri zvinokosha kwazvo zvarondedzerwa mundima yeBhaibheri iyoyo? Kutanga, Umambo hwaMwari huchitungamirirwa naJesu Kristu hunotanga kutonga. Chechipiri, Satani anodzingwa kudenga ndokukandwa panyika.
13 Zviitiko zviviri izvozvo zvakaguma nei? Pamusoro pezvakaitika kudenga, tinoverenga kuti: “Saka farai, imi matenga nemi munogara maari!” (Zvakazarurwa 12:12) Chokwadi, ngirozi dzakatendeka dziri kudenga dzinofara, nokuti iye
zvino Satani nemadhimoni ake zvavasisiko kudenga, wose
ariko akatendeka kuna Jehovha Mwari. Kune rugare rwakakwana, rusingakanganiswi uye kunzwanana. Zvinoda Mwari
zviri kuitwa kudenga.
14 Zvisinei, zvakadini nenyika? Bhaibheri rinoti: “Mune
nhamo imi nyika negungwa, nokuti Dhiyabhorosi aburuka
kwamuri, akatsamwa kwazvo, achiziva kuti ane nguva pfupi.”
(Zvakazarurwa 12:12) Satani akatsamwa nokudzingwa kwaakaitwa kudenga uye kuva kwake asarirwa nenguva pfupi. Akatsamwa kudaro anokonzera matambudziko, kana kuti “nhamo,” panyika. Tichadzidza zvakawanda nezve“nhamo” iyoyo muchitsauko chinotevera. Asi tichifunga nezvaizvozvo, tingabvunza kuti, Umambo hungaita sei kuti zvinodiwa naMwari zviitwe panyika?
15 Yeuka zvinoda Mwari nokuda kwenyika. Wakadzidza
nezvazvo muChitsauko 3. MuEdheni, Mwari akaratidza kuti zvaanoda ndezvokuti nyika ino ive paradhiso izere nevanhu vasingafi, vakarurama. Satani akaita kuti Adhamu naEvha vatadze, uye izvozvo zvakakanganisa kuzadzika kwezvi13. Kudzingwa kwaSatani kudenga kwakaguma nei?
14. Satani zvaakakandwa panyika chii chakaitika?
15. Ndezvipi zvinoda Mwari nokuda kwenyika?
Umambo hwaMwari Chii?
81
noda Mwari nokuda kwenyika asi hazvina kuzvichinja. Jehovha achine chinangwa chokuti “vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi.” (Pisarema 37:29)
Uye Umambo hwaMwari huchaita izvozvo. Sei?
16 Funga nezvouprofita huri pana Dhanieri 2:44. Ipapo tinoverenga kuti: “Mumazuva emadzimambo iwayo, Mwari wokudenga achamutsa umambo husingazomboparadzwi.
Umambo hwacho hahuzopfuudzwi kune vamwe vanhu. Huchapwanya, hwogumisa umambo hwose uhwu, uye ihwo
huchamira nokusingagumi.” Izvi zvinotiudzei nezvoUmambo hwaMwari?
17 Kutanga, zvinotiudza kuti Umambo hwaMwari hwaizogadzwa “mumazuva emadzimambo iwayo,” kana kuti humwe umambo huchiripo. Chechipiri, zvinotiudza kuti Umambo hwacho huchagara nokusingaperi. Hahuzokundwi uye
hahuzotsiviwi neimwe hurumende. Chechitatu, tinoona kuti pachava nehondo pakati poUmambo hwaMwari noumambo hwenyika ino. Umambo hwaMwari huchakunda. Pakupedzisira, ihwo huchava hurumende imwe chete inenge ichitonga vanhu. Panguva iyoyo vanhu vachava noutongi hwakanaka kwazvo hwavasati vambowana.
18 Bhaibheri rine zvakawanda zvokutaura nezvehondo yokupedzisira pakati poUmambo hwaMwari nehurumende
dzenyika ino. Somuenzaniso, rinodzidzisa kuti mugumo zvaunoswedera pedyo, midzimu yakaipa ichaparadzira nhema
kuti inyengedze “madzimambo enyika yose inogarwa.” Nechinangwa chei? “Kuti [i]aunganidzire [madzimambo] kuhondo yezuva guru raMwari Wemasimbaose.” Madzimambo
enyika achaungana “kunzvimbo inonzi Ha-Magedhoni muchiHebheru.” (Zvakazarurwa 16:14, 16) Nokuda kwezvinotaurwa mundima idzodzo mbiri, kurwisana kwokupedzisira
16, 17. Dhanieri 2:44 inotiudzei nezvoUmambo hwaMwari?
18. Hondo yokupedzisira pakati poUmambo hwaMwari nehurumende dzenyika ino inonzi chii?
82
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
pakati pehurumende dzevanhu noUmambo hwaMwari kunonzi hondo yeHa-Magedhoni, kana kuti Amagedhoni.
19 Umambo hwaMwari huchapedzei neAmagedhoni? Chimbofungazve nezvokuti zvinodiwa naMwari nokuda kwenyika ndezvipi. Jehovha Mwari akaita chinangwa chokuti nyika izare nevanhu vakarurama, vakakwana vanenge vachimushumira muParadhiso. Chii chinotadzisa izvozvo kuti zviitike iye zvino? Kutanga, tine zvivi, uye tinorwara tofa.
Zvisinei, takadzidza muChitsauko 5 kuti Jesu akatifira kuitira kuti tirarame nokusingaperi. Zvimwe unoyeuka mashoko
akanyorwa muEvhangeri yaJohani anoti: “Mwari akada nyika kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa
ari mumwe oga, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.”—Johani 3:16.
20 Rimwe dambudziko nderokuti vanhu vakawanda vanoita zvinhu zvakaipa. Vanoreva nhema, vanonyengera, uye vanoita unzenza. Havadi kuita zvinoda Mwari. Vanhu vanoita
zvinhu zvakaipa vachaparadzwa muhondo yaMwari yeAmagedhoni. (Pisarema 37:10) Chimwezve chikonzero nei zvinoda Mwari zvisiri kuitwa panyika ndechokuti hurumende hadzikurudziri vanhu kuzviita. Hurumende dzakawanda dzave
dzisina simba, dziine utsinye, uye dziine uori. Bhaibheri rinoti nenzira yakajeka: “Munhu akatonga mumwe munhu achimukuvadza.”—Muparidzi 8:9.
21 Pashure peAmagedhoni, vanhu vachange vava pasi pehurumende imwe chete, Umambo hwaMwari. Umambo ihwohwo huchaita zvinoda Mwari uye huchaunza zvikomborero zvinoshamisa. Somuenzaniso, huchabvisa Satani nemadhimoni ake. (Zvakazarurwa 20:1-3) Simba rechibayiro chaJesu richashandiswa zvokuti vanhu vakatendeka havazorwarizve, vofa. Asi, mukutonga kwoUmambo vachazokwanisa
19, 20. Chii chinotadzisa zvinoda Mwari kuti zviitwe panyika iye
zvino?
21. Umambo huchaita sei kuti zvinoda Mwari zviitwe panyika?
Kudzingwa kwakaitwa Satani
nemadhimoni ake kudenga
kwakaunza nhamo panyika.
Matambudziko akadaro
achakurumidza kupera
84
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
kurarama nokusingaperi. (Zvakazarurwa 22:1-3) Nyika ichaitwa paradhiso. Saka Umambo huchaita kuti zvinoda Mwari
zviitwe panyika uye huchatsvenesa zita raMwari. Izvi zvinorevei? Zvinoreva kuti pakupedzisira muUmambo hwaMwari
munhu wose anenge ari mupenyu achakudza zita raJehovha.
UMAMBO HWAMWARI
HUCHAITA IZVOZVO RINI?
22 Jesu paakaudza vateveri vake kuti vanyengetere vachiti, “Umambo hwenyu ngahuuye,” zvaiva pachena kuti Umambo ihwohwo hwakanga husati hwauya panguva iyoyo.
Hwakauya here Jesu paakakwira kudenga? Kwete, nokuti Petro naPauro vakataura kuti pashure pokunge Jesu amutswa,
uprofita huri pana Pisarema 110:1 hwakazadzika paari, hwokuti: “Jehovha akati kunaShe wangu: ‘Gara kuruoko rwangu
rworudyi kusvikira ndaita kuti vavengi vako vave sechitsiko
chetsoka dzako.’ ” (Mabasa 2:32-35; VaHebheru 10:12, 13) Paiva nenguva yokumirira.
23 Zvaizotora nguva yakareba sei? Muzana remakore rechi19 nerechi20, vadzidzi veBhaibheri vomwoyo wose vakanzwisisa zvishoma nezvishoma kuti nguva yacho yokumirira
yaizoguma muna 1914. (Nezvomusi uyu, ona Mashoko Okuwedzera, mapeji 215-18.) Zviitiko zvenyika zvakatanga mu22. Nei tichiziva kuti Umambo hwaMwari hahuna kuuya Jesu paaiva pasi pano kana kuti achangomutswa?
23. (a) Umambo hwaMwari hwakatanga kutonga rini? (b) Chii chichakurukurwa muchitsauko chinotevera?
Mukutonga kwoUmambo, zvinoda Mwari
zvichaitwa panyika sezvazvinoitwa kudenga
Umambo hwaMwari Chii?
85
ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI
ˇ Umambo hwaMwari ihurumende yokudenga
ina Jesu Kristu saMambo, uye vane 144 000
vanotorwa pakati pevanhu kuti vanotonga
pamwe chete naye.—Zvakazarurwa 14:1, 4.
ˇ Umambo hwakatanga kutonga muna
1914, uye kubvira panguva iyoyo Satani
akadzingwa kudenga ndokukandwa panyika.
—Zvakazarurwa 12:9.
ˇ Umambo hwaMwari huchakurumidza
kuparadza hurumende dzevanhu, uye nyika
ichava paradhiso.—Zvakazarurwa 16:14, 16.
na 1914 zvinosimbisa kuti kunzwisisa ikoko kwevadzidzi veBhaibheri vomwoyo wose kwakanga kwakarurama. Kuzadzika kwouprofita hweBhaibheri kunoratidza kuti muna 1914,
Kristu akava Mambo uye Umambo hwaMwari hwokudenga hwakatanga kutonga. Saka, tiri kurarama mu“nguva pfupi” iyo Satani asarirwa nayo. (Zvakazarurwa 12:12; Pisarema 110:2) Tinogonawo kutaura nechivimbo kuti nokukurumidza Umambo hwaMwari huchaita chimwe chinhu kuitira kuti zvinoda Mwari zviitwe panyika. Unoona here izvi zviri mashoko anofadza zvikuru? Unodavira here kuti ndezvechokwadi? Chitsauko chinotevera chichakubatsira kuona kuti zvechokwadi Bhaibheri rinodzidzisa zvinhu izvi.
CHITSAUKO 9
Tiri Kurarama Mu“mazuva
Okupedzisira” Here?
Zviitiko zvipi zvomunguva yedu
zvakafanotaurwa muBhaibheri?
Shoko raMwari rinoti vanhu vaizova
vakaita sei mu“mazuva okupedzisira”?
Nezve“mazuva okupedzisira,” Bhaibheri
rinofanotaura zvinhu zvipi zvakanaka?
WAKAMBOONA here nhau paterevhizheni, ukashamisika kuti, ‘Nyika ino yakananga kupi?’ Njodzi dzinongoerekana dzaitika zvokuti hapana munhu anogona kufungidzira kuti chii
chichaitika mangwana. (Jakobho 4:14) Zvisinei, Jehovha anoziva zvichaitika mune ramangwana. (Isaya 46:10) Kare kare,
Shoko rake Bhaibheri, rakafanotaura zvinhu zvakanaka kwazvo zvichaitika munguva yemberi iri pedyo kwete zvinhu zvakaipa chete zviri kuitika munguva yedu.
2 Jesu Kristu akataura nezvoUmambo hwaMwari, uhwo huchagumisa uipi uye huchaita kuti nyika ive paradhiso. (Ruka
4:43) Vanhu vaida kuziva nguva yaizouya Umambo. Chokwadi, vadzidzi vaJesu vakamubvunza kuti: “Chii chichava chiratidzo chokuvapo kwenyu nechokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho?” (Mateu 24:3) Achipindura, Jesu akavaudza kuti Jehovha Mwari chete ndiye aiziva nguva chaiyo yaizosvika kuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva ino.
(Mateu 24:36) Asi Jesu akafanozivisa zvinhu zvaizoitika panyika nguva pfupi Umambo husati hwaunzira vanhu rugare rwe1. Tingadzidza nezvenguva yemberi kupi?
2, 3. Vadzidzi vakabvunza Jesu mubvunzo upi, uye iye akapindura sei?
Tiri Kurarama Mu“mazuva Okupedzisira” Here?
87
chokwadi nokuchengeteka. Zvaakafanozivisa zviri kuitika iye
zvino!
3 Tisati taongorora uchapupu hwokuti tiri kurarama munguva yo“kuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho,”
ngatimbokurukurei zvishoma nezvehondo iyo isina munhu
aigona kuiona. Yakaitika kumatenga asingaoneki, uye mugumisiro wayo une chokuita nesu.
HONDO MUDENGA
Chitsauko chakapfuura mubhuku rino chakatsanangura
kuti Jesu Kristu akava Mambo kudenga mugore ra1914. (Dhanieri 7:13, 14) Nguva pfupi ava Mambo, Jesu akaita chimwe
chinhu. “Hondo yakavapo mudenga,” rinodaro Bhaibheri.
“Mikaeri [rimwe zita raJesu] nengirozi dzake vakarwa nedhiragoni [Satani Dhiyabhorosi], dhiragoni nengirozi dzayo vakarwa.”1 Satani nengirozi dzake dzakaipa, madhimoni, vakakundwa muhondo iyoyo uye vakakandirwa pasi vachibva kudenga. Vanakomana vaMwari vakatendeka vomudzimu vakafarira kuti Satani nemadhimoni ake vakanga vadzingwa. Zvisinei, vanhu vaisazofara saizvozvo. Asi, Bhaibheri rakafanotaura kuti: ‘Une nhamo iwe nyika nokuti Dhiyabhorosi aburuka kwauri, akatsamwa kwazvo, achiziva kuti ane nguva pfupi.’
—Zvakazarurwa 12:7, 9, 12.
5 Tapota ona zvaizoguma zvaitika nehondo yakaitika kudenga. Akashatirwa, Satani aizounza nhamo, kana kuti dambudziko, pane vaya vari panyika. Sezvauchaona, iye zvino tiri kurarama munguva iyoyo yenhamo. Asi ichange iri pfupi zvikuru—“nguva pfupi” chete. Kunyange Satani anozviziva izvozvo. Bhaibheri rinotaura nezvenguva iyi se“mazuva okupedzisira.” (2 Timoti 3:1) Tinogona kufara zvikuru kuti
4
1 Kuti uwane mashoko anoratidza kuti Mikaeri nderimwe zita raJesu Kristu, ona Mashoko Okuwedzera, mapeji 218-19.
4, 5. (a) Chii chakaitika kudenga nguva pfupi Jesu agadzwa kuva Mambo? (b) Maererano naZvakazarurwa 12:12, hondo yakaitika kudenga
yaizoguma nei?
88
Mwari achakurumidza kubvisa kukanganisa nyika kwaDhiyabhorosi! Ngatikurukurei zvimwe zvinhu zvakafanotaurwa muBhaibheri zviri kuitika iye zvino. Izvi zvinoratidza kuti tiri kurarama
mumazuva okupedzisira uye kuti Umambo hwaMwari huchakurumidza kuunza zvikomborero zvisingaperi kune vaya vanoda Jehovha. Kutanga, ngationgororei zvikamu zvina zvechiratidzo
chakataurwa naJesu kuti chaizozivisa
nguva yatiri kurarama.
ZVIITIKO ZVIKURU
ZVEMAZUVA OKUPEDZISIRA
6 “Rudzi ruchamukira rudzi noumambo huchamukira umambo.” (Mateu
24:7) Mamiriyoni evanhu akaurayiwa
muhondo muzana remakore rapfuura.
Mumwe munyori wezvakaitika kare wokuBritain akanyora kuti: “Zana remakore rechi20 ndiro rakanga rakazara nokuteura ropa kupfuura mamwe ose akanyorwa pane zvakaitika kare. . . . Range riri zana remakore rehondo isingaperi, richingova nenguva pfupi uye shomanana dzange dzisina hondo yakarongwa kune dzimwe nzvimbo.” Mashoko
akabva kuWorldwatch Institute anoti:
“Vanhu vakawanda nekatatu vakafira
muhondo muzana remakore [rechi20]
kupfuura dzimwe hondo dzose dzakarwiwa kubva muzana remakore rokuta6, 7. Mashoko aJesu pamusoro pehondo nokushomeka kwezvokudya ari kuzadzika sei
mazuva ano?
89
nga AD kusvika muna 1899.” Vanhu
vanopfuura mamiriyoni 100 vakafa nemhosva yehondo kubvira muna 1914.
Kunyange zvazvo tichiziva kurwadziwa
kunokonzerwa nokuurayirwa munhu
watinoda muhondo, hatimbogoni kufungidzira nhamo uye kurwadziwa zvemamiriyoni evanhu vakaurayirwa vadiwa vavo nehondo.
7 “Kuchava nokushomeka kwezvokudya.” (Mateu 24:7) Vanotsvakurudza vanoti kugadzirwa kwezvokudya kwakawedzera zvikuru mumakore 30 akapfuura. Kunyange zvakadaro, kushomeka kwezvokudya kuri kuenderera mberi nokuti vanhu vakawanda havana mari yakakwana yokutenga zvokudya kana
kuti havana munda wokurima. Munyika dzichiri kusimukira, vanhu vanopfuura bhiriyoni vanotofanira kurarama
nemari yavanotambira pazuva inokwana US$1 (Z$6 200) kana kuti shoma. Vakawanda vevanhu ava vanotambura nenzara kwenguva refu. World Health Organization inofungidzira kuti kushaya
zvokudya zvinovaka muviri ndicho chinhu chikuru chinokonzera kufa kwevana vanopfuura mamiriyoni mashanu
gore roga roga.
8 “Kuchava nokudengenyeka kwenyika kukuru.” (Ruka 21:11) Maererano
neU.S. Geological Survey, gore roga roga panoitika kudengenyeka kwenyika
8, 9. Chii chinoratidza kuti uprofita hwaJesu pamusoro pokudengenyeka kwenyika uye
matenda huri kuzadzika?
90
kune simba kunenge 19. Kudengenyeka
kwacho kune simba zvikuru zvokuparadza zvivako uye kutsemura nyika. Uye
paavhareji, kudengenyeka kwenyika kune simba zvokugona kuparadza zvivako
zvachose kwave kuchiitika gore roga roga. Zvinyorwa zviripo zvinoratidza kuti
kudengenyeka kwenyika kwakauraya vanhu vanopfuura mamiriyoni maviri kubva muna 1900. Dzimwe nhau dzinoti:
“Kunatsiridzwa kworuzivo rwokugadzira zvinhu kwakangoderedza zvishoma
nhamba yevanhu vanofa.”
9 ‘Kuchava nematenda.’ (Ruka 21:11)
Pasinei nokubudirira mune zvokurapa,
zvirwere zvagara zviripo uye zvitsva zviri kutambudza vanhu. Mamwe mashoko
akataurwa anoti zvirwere 20 zvinonyatsozivikanwa—zvinosanganisira tibhii,
marariya, uye korera—zvakanyanya kuvapo mumakumi emakore achangopfuura, uye zvimwe zvirwere zviri kuramba
zvichiva zvakaoma kurapa nemishonga.
Kutaura zvazviri, zvirwere zvitsva zvinenge 30 zvavapo. Zvimwe zvacho hazvirapiki uye zvinouraya.
VANHU VOMUMAZUVA
OKUPEDZISIRA
10 Kunze kwokutsanangura zvimwe
zviitiko zvikuru zvenyika, Bhaibheri rakafanotaurawo kuti mazuva okupedzisira aizozivikanwa nokuchinja kwevanhu. Muapostora Pauro akarondedzera
10. Maitiro api akafanotaurwa pana 2 Timoti
3:1-5 auri kuona muvanhu mazuva ano?
91
kuti vanhu vaizova vakaita sei. Pana
2 Timoti 3:1-5, tinoverenga kuti: “Mumazuva okupedzisira nguva dzinonetsa
dzakaoma kubata nadzo dzichasvika.”
Muchikamu, Pauro akati vanhu vaizova
ˇ vanozvida
ˇ vanoda mari
ˇ vasingateereri vabereki
ˇ vasina kuvimbika
ˇ vasina rudo rukuru rwokuzvarwa
narwo
ˇ vasingazvidzori
ˇ vanotyisa
ˇ vanoda mafaro panzvimbo
pokuda Mwari
ˇ vane mufananidzo wokuzvipira
kuna Mwari, asi vachikundikana
kurarama maererano nesimba
rakwo
11 Kwaunogara vanhu ndizvo zvavava here? Hapana mubvunzo kuti ndizvo
zvavava. Kwose kwose kune vanhu vane maitiro akaipa. Izvi zvinoratidza kuti Mwari achakurumidza kuita chimwe
chinhu, nokuti Bhaibheri rinoti: “Vakaipa pavanomera sezvinomera uye vanhu
vose vanoita zvinhu zvinokuvadza pavanotumbuka, zvinoitirwa kuti vatsakatiswe nokusingaperi.”—Pisarema 92:7.
11. Pisarema 92:7 rinotsanangura sei zvichaitika kune vakaipa?
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
92
ZVIITIKO ZVAKANAKA!
Zvechokwadi mazuva okupedzisira azere nenhamo, sezvakafanotaurwa neBhaibheri. Zvisinei, munyika ino yatambura, pane zviitiko zvakanaka pakati pevanamati vaJehovha.
13 “Zivo yechokwadi ichawanda,” bhuku reBhaibheri raDhanieri rakafanotaura kudaro. Izvozvo zvaizoitika rini? Mu“nguva yokuguma.” (Dhanieri 12:4) Kunyanya kubvira muna 1914, Jehovha akabatsira vaya vanoda zvechokwadi kumushumira kuti vawedzere kunzwisisa Bhaibheri. Vakawedzera kunzwisisa chokwadi chinokosha pamusoro pezita raMwari uye chinangwa chake, chibayiro chorudzikinuro chaJesu
Kristu, mamiriro ezvinhu evakafa, uye rumuko. Uyezve, vanamati vaJehovha vakadzidza kurarama nenzira inovabatsira uye inorumbidza Mwari. Vakanzwisisawo zvakajeka basa
roUmambo hwaMwari uye magadzirisire ahuchaita zvinhu
panyika. Vanozoitei neiyi zivo? Mubvunzo iwoyo unotisvitsazve pane humwe uprofita huri kuzadzika mumazuva ano
okupedzisira.
14 “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa munyika yose inogarwa,” akadaro Jesu Kristu muuprofita hwake pamusoro po“kuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho.”
(Mateu 24:3, 14) Munyika yose, mashoko akanaka oUmambo
—chiri Umambo hwacho, zvahuchaita, uye mawaniro atingaita zvikomborero zvahwo—ari kuparidzwa munyika dzinopfuura 230 uye mumitauro inopfuura 400. Mamiriyoni eZvapupu zvaJehovha anoshingairira kuparidza mashoko akanaka
oUmambo. Zvinobva “kumarudzi ose nemadzinza nevanhu
nendimi.” (Zvakazarurwa 7:9) Zvapupu zvinodzidza Bhaibheri mumisha nemamiriyoni evanhu vanoda kuziva chaizvo
zvinodzidziswa neBhaibheri vasingabhadhari. Zvechokwadi uku kuzadzika kwouprofita kunoshamisa, kunyanya sezvo
12
12, 13. “Zivo yechokwadi” yakawanda sei muino “nguva yokuguma”?
14. Kuparidzwa kwemashoko akanaka oUmambo kwakapararira zvakadini mazuva ano, uye ndivanaani vari kuaparidza?
“Aya mashoko akanaka
oumambo achaparidzwa
munyika yose inogarwa.”
—Mateu 24:14
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
94
Jesu akafanotaura kuti vaKristu vechokwadi vaizo“vengwa nevanhu vose”!—Ruka 21:17.
UCHAITEI?
Uprofita hwakawanda hweBhaibheri zvahuri kuzadzika
mazuva ano, haubvumi here kuti tiri kurarama mumazuva
okupedzisira? Pashure pokunge mashoko akanaka aparidzwa
kusvikira Jehovha agutsikana, chokwadi “kuguma” kuchasvika. (Mateu 24:14) “Kuguma” kunoreva nguva apo Mwari
achabvisa uipi panyika. Kuti aparadze vose vanomushora nemaune, Jehovha achashandisa Jesu pamwe chete nengirozi
dzine simba. (2 VaTesaronika 1:6-9) Satani nemadhimoni ake
havazotsausi marudzi zvakare. Pashure paizvozvo, Umambo
hwaMwari huchadururira zvikomborero pane vose vanozviisa pasi pokutonga kwahwo kwakarurama.—Zvakazarurwa 20:
1-3; 21:3-5.
16 Kuguma kwemamiriro ezvinhu aSatani zvakwava pedyo, tinofanira kuzvibvunza kuti, ‘Ndinofanira kunge ndichiitei?’ Kuchenjera kuramba tichidzidza zvakawanda nezvaJehovha uye zvaanoda kuti tiite. (Johani 17:3) Shingairira kudzidza Bhaibheri. Iva netsika yokugara uchishamwaridzana nevamwe vanoedza kuita zvinoda Jehovha. (VaHebheru 10:24,
25) Wana zivo yakawanda iyo Jehovha Mwari akaita kuti iwanikwe nevanhu munyika yose, wochinja mararamiro ako sezvingadiwa kuitira kuti ufarirwe naMwari.—Jakobho 4:8.
17 Jesu akafanotaura kuti vanhu vakawanda vaisazova nehanya nouchapupu hwokuti tiri kurarama mumazuva okupedzisira. Kuparadzwa kwevakaipa kuchangoerekana kwasvika, vanhu vasingatarisiri. Kufanana nembavha inouya usiku, kuchashamisa vanhu vakawanda. (1 VaTesaronika 5:2) Jesu akanyevera kuti: “Sezvakanga zvakaita mazuva aNoa, ndi15
15. (a) Unodavira here kuti tiri kurarama mumazuva okupedzisira,
uye nei? (b) “Kuguma” kucharevei kune vaya vanoshora Jehovha uye
kune vaya vanozviisa pasi pokutonga kwoUmambo hwaMwari?
16. Kwaizova kuchenjera kuti uitei?
17. Nei kuparadzwa kwevakaipa kuchizoshamisa vanhu vakawanda?
Tiri Kurarama Mu“mazuva Okupedzisira” Here?
95
zvo zvichaitawo kuvapo kwoMwanakomana womunhu. Nokuti sezvavakanga vakaita mumazuva iwayo mafashamo asati auya, vakanga vachidya vachinwa, varume vachiroora nevakadzi vachiroorwa, kusvikira zuva rakapinda Noa muareka;
uye havana kucherechedza kusvikira mafashamo auya akavakukura vose, ndizvo zvichaitawo kuvapo kwoMwanakomana
womunhu.”—Mateu 24:37-39.
18 Saka Jesu akaudza vateereri vake kuti: “Zvichenjererei kuti mwoyo yenyu irege kumboremerwa nokudyisa nokunwisa
nokuzvidya mwoyo nezvinhu zvoupenyu, uye zuva iroro rikangoerekana rakusvikirai pakarepo seriva. Nokuti richauya
pane vaya vose vanogara pamusoro penyika yose. Saka rambai makamuka, muchigara muchiteterera kuti mugone kupukunyuka zvinhu zvose izvi zvinofanira kuitika, uye kumira [vachifarirwa] pamberi poMwanakomana womunhu.” (Ruka 21:34-36) Kuchenjera kufungisisa mashoko aJesu. Nei? Nokuti vaya vanofarirwa naJehovha Mwari uye “Mwanakomana womunhu,” Jesu Kristu, vanotarisira kupukunyuka kuguma kwemamiriro ezvinhu aSatani uye kurarama nokusingaperi munyika itsva inoshamisa yava pedyo zvikuru!—Johani
3:16; 2 Petro 3:13.
18. Inyevero ipi yakapiwa naJesu yatinofanira kufungisisa?
ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI
ˇ Mazuva okupedzisira anozivikanwa nehondo,
kushomeka kwezvokudya, kudengenyeka kwenyika, uye matenda.—Mateu 24:7; Ruka 21:11.
ˇ Mumazuva okupedzisira, vakawanda vanozvida,
vanoda mari, uye mafaro asi havadi Mwari.
—2 Timoti 3:1-5.
ˇ Mumazuva ano okupedzisira, mashoko akanaka
oUmambo ari kuparidzwa munyika yose.
—Mateu 24:14.
CHITSAUKO 10
Zvisikwa Zvomudzimu
—Zvazvinoita Kwatiri
Ngirozi dzinobatsira vanhu here?
Midzimu yakaipa yakakanganisa sei vanhu?
Tinofanira kutya midzimu yakaipa here?
KAKAWANDA kuziva munhu kunosanganisira kuziva chimwe
chinhu nezvemhuri yake. Saizvozvowo, kuziva Jehovha Mwari kunosanganisira kuziva zviri nani mhuri yake yengirozi.
Bhaibheri rinodana ngirozi kuti ‘vanakomana vaMwari.’ (Jobho 38:7) Saka, basa radzo muchinangwa chaMwari nderei?
Pane zvadzakaitawo here pane zvakaitika kuvanhu munguva
yakapfuura? Ngirozi dzine zvadzinoita paupenyu hwako here? Kana zvakadaro, sei?
2 Bhaibheri rinotaura nezvengirozi kane mazana. Ngatimbokurukurei nzvimbo shomanana madzinotaurwa kuti tidzidze zvakawanda nezvengirozi. Ngirozi dzakabva kupi? VaKorose 1:16 inoti: “Pachishandiswa iye [Jesu Kristu] zvimwe
zvinhu zvose zvakasikwa zviri kumatenga nezviri panyika.”
Saka, zvisikwa zvose zvomudzimu zvinonzi ngirozi zvakasikwa chimwe nechimwe naJehovha Mwari achishandisa Mwanakomana wake wedangwe. Kune ngirozi ngani? Bhaibheri rinoratidza kuti mazana emamiriyoni engirozi dzakasikwa, uye
dzose zvadzo dzine simba.—Pisarema 103:20.1
1 Nezvengirozi dzakarurama, Zvakazarurwa 5:11 inoti: ‘Kuwanda
kwadzo kwakanga kuri makumi ezviuru emakumi ezviuru.’ Saka Bhaibheri rinoratidza kuti kune mazana emamiriyoni engirozi dzakasikwa.
1. Nei tichifanira kuda kudzidza nezvengirozi?
2. Ngirozi dzakabva kupi, uye ingani?
Zvisikwa Zvomudzimu—Zvazvinoita Kwatiri
97
Shoko raMwari, Bhaibheri, rinotiudza kuti nheyo dzenyika padzakavakwa, ‘vanakomana vose vaMwari vakatanga kushevedzera vachirumbidza.’ (Jobho 38:4-7) Saka ngirozi dzakanga dziripo kare kare vanhu vasati vasikwa, kunyange nyika
isati yasikwa. Ndima iyi yeBhaibheri inoratidzawo kuti ngirozi dzine manzwiro adzinoita, nokuti inoti “dzakashevedzera
nomufaro pamwe chete.” Ona kuti “vanakomana vose vaMwari” vakafara pamwe chete. Panguva iyoyo, ngirozi dzose dzakanga dziri mhuri yakabatana yaishumira Jehovha Mwari.
3
KUTSIGIRA UYE KUDZIVIRIRA KUNOITA NGIROZI
Kubvira pazvakaona vanhu vokutanga vachisikwa, zvisikwa zvomudzimu zvakatendeka zvakaratidza kufarira chaizvo kukura kwemhuri yevanhu uye kuzadzika kwechinangwa
chaMwari. (Zvirevo 8:30, 31; 1 Petro 1:11, 12) Zvisinei, nokufamba kwenguva, ngirozi dzakaona kuti vakawanda vemhuri yevanhu vakatsauka pakushumira Musiki wavo ane rudo.
Hapana mubvunzo kuti izvi zvakasuruvarisa ngirozi dzakatendeka. Ukuwo, pose apo kunyange munhu mumwe chete
anodzoka kuna Jehovha, “mufaro unovapo pakati pengirozi.”
(Ruka 15:10) Ngirozi zvadziine hanya chaizvo nokugara zvakanaka kwevaya vanoshumira Mwari, hazvishamisi kuti Jehovha akashandisa ashandisazve ngirozi kuti dzisimbise uye dzidzivirire vashumiri vake vakatendeka vari pasi pano. (VaHebheru 1:7, 14) Funga nezvemimwe mienzaniso.
5 Ngirozi mbiri dzakabatsira murume akanga akarurama
Roti nevanasikana vake kuti vapukunyuke kuparadzwa kwemaguta akanga akaipa eSodhoma neGomora nokuvabudisa
munzvimbo iyoyo. (Genesisi 19:15, 16) Mazana emakore gare gare, muprofita Dhanieri akakandwa mugomba reshumba, asi haana kukuvadzwa uye akati: “Mwari wangu atuma
ngirozi yake, ikavhara miromo yeshumba.” (Dhanieri 6:22)
4
3. Jobho 38:4-7 inotiudzei nezvengirozi?
4. Bhaibheri rinoratidza sei kuti ngirozi dzakatendeka dzinofarira zvinoitwa nevanhu?
5. Mienzaniso ipi yokutsigira kwengirozi yatinowana muBhaibheri?
98
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
Muzana remakore rokutanga C.E., imwe ngirozi yakasunungura muapostora Petro mujeri. (Mabasa 12:6-11) Uyezve,
ngirozi dzakatsigira Jesu paakatanga ushumiri hwake pasi pano. (Mako 1:13) Uye nguva pfupi Jesu asati afa, imwe ngirozi yakazviratidza kuna Jesu, “ikamusimbisa.” (Ruka 22:43)
Izvozvo zvinofanira kuva zvakanyaradza Jesu zvikuru panguva idzodzo dzaikosha chaizvo muupenyu hwake!
6 Mazuva ano, vashumiri vaMwari vari pasi pano havachaoni ngirozi. Kunyange zvazvo dzisingaoneki nemaziso evanhu, ngirozi dzaMwari dzine simba dzichiri kudzivirira vanhu
vake, kunyanya pachinhu chero chipi zvacho chinokuvadza
pakunamata. Bhaibheri rinoti: “Ngirozi yaJehovha inodzika
musasa ichikomba vose vanomutya, uye inovanunura.” (Pisarema 34:7) Nei mashoko iwayo achifanira kutinyaradza zvikuru? Nokuti kune zvisikwa zvomudzimu zvakaipa uye zvine
ngozi zvinoda kutiparadza! Zvisikwa izvozvo ndivanaani? Zvinobva kupi? Zviri kuedza kutikuvadza sei? Kuti tiwane mhinduro, regai tikurukure zvishoma chimwe chinhu chakaitika
apo vanhu vakatanga kuvapo.
ZVISIKWA ZVOMUDZIMU
ZVATAKAVENGANA NAZVO
7 Sezvatakadzidza muChitsauko 3 chebhuku rino, imwe yengirozi yakatanga chido chokutonga vamwe, ikabva yapandukira Mwari. Ngirozi iyi yakazozivikanwa saSatani Dhiyabhorosi. (Zvakazarurwa 12:9) Mumakore anenge 1 600 pashure pokunge anyengera Evha, Satani akabudirira kutsausa vanenge vanhu vose pana Mwari kunze kwevashomanana vakanga vakatendeka, vakadai saAbheri, Inoki, uye Noa.—VaHebheru 11:4, 5, 7.
8 Munguva yaNoa, dzimwe ngirozi dzakapandukira Jeho6. (a) Ngirozi dzinodzivirira vanhu vaMwari sei mazuva ano? (b) Mibvunzo ipi yatichakurukura iye zvino?
7. Satani akabudirira zvakadini kutsausa vanhu pana Mwari?
8. (a) Dzimwe ngirozi dzakava sei madhimoni? (b) Kuti apone Mafashamo omunguva yaNoa, madhimoni aifanira kuitei?
Zvisikwa Zvomudzimu—Zvazvinoita Kwatiri
99
vha. Dzakasiya nzvimbo yadzo mumhuri yaMwari yokudenga, dzikauya panyika, dzikapfeka miviri yenyama. Nei? Tinoverenga pana Genesisi 6:2 kuti: “Vanakomana vaMwari wechokwadi vakaona vanasikana vevanhu, kuti vakanga vakanaka; vakatora madzimai, kureva ose avakasarudza.” Asi Jehovha Mwari haana kubvumira zvaiitwa nengirozi idzi uye uori
hwaikonzerwa naizvozvo pavanhu kuti zvipfuurire. Akaunza
mafashamo panyika yose ayo akaparadza vanhu vose vakanga
vakaipa, akachengetedza vashumiri vake vakatendeka chete. (Genesisi 7:17, 23) Saka, ngirozi dzakapanduka, kana kuti
madhimoni, dzakamanikidzwa kusiya miviri yadzo yenyama
ndokudzokera kudenga sezvisikwa zvomudzimu. Dzakanga
“Mwari wangu atuma ngirozi
yake, ikavhara miromo yeshumba.”
—Dhanieri 6:22
100
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
dzatsigira Dhiyabhorosi, uyo akabva ava “mutongi wemadhimoni.”—Mateu 9:34.
9 Ngirozi dzakanga dzisingateereri padzakadzokera kudenga, hadzina kugamuchirwa, kufanana nomutongi wadzo Satani. (2 Petro 2:4) Kunyange zvazvo iye zvino dzisingakwanisi
kupfeka miviri yevanhu, dzichiri kukanganisa vanhu chaizvo.
Chokwadi, achibatsirwa nemadhimoni aya, Satani “ari kutsausa nyika yose inogarwa.” (Zvakazarurwa 12:9; 1 Johani 5:19)
Sei? Madhimoni anonyanya kushandisa nzira dzokuti atsause
vanhu. (2 VaKorinde 2:11) Ngatikurukurei dzimwe nzira dzacho.
MATSAUSIRE ANOITA MADHIMONI
Kuti atsause vanhu, madhimoni anoshandisa kuita zvemidzimu. Kuita zvemidzimu kubatanidzwa nemadhimoni,
zvakananga kana kuti pachishandiswa svikiro. Bhaibheri rinoshora kuita zvemidzimu uye rinotinyevera kuti tirege zvinhu zvose zvine chokuita nako. (VaGaratiya 5:19-21) Madhimoni anoshandisa kuita zvemidzimu sokungoshandiswa kunoitwa hwambo nevabati vehove. Mubati wehove anoshandisa hwambo hwakasiyana-siyana kuti abate hove dzakasiyanasiyana. Saizvozvowo, midzimu yakaipa inoshandisa kuita zvemidzimu kwakasiyana-siyana kuitira kuti vanhu vose vakasiyana-siyana vave pasi payo.
11 Imwe mhando yehwambo hunoshandiswa nemadhimoni kushopera. Kushopera kuita sei? Iko kuedza kuziva nezvenguva yemberi kana kuti chimwe chinhu chisingazivikanwi.
Dzimwe mhando dzokushopera ndeidzi, kududzira kushanda
kwenyeredzi paupenyu hwevanhu, kushandisa makadhi kutsvaka remangwana romunhu, kutarisa muchibhora chinoonekera, kududzira mitsetse yomuchanza, kutenda mashura,
kana kuti kurotswa. Kunyange zvazvo vanhu vakawanda vachi10
9. (a) Chii chakaitika kumadhimoni paakadzokera kudenga? (b) Chii
chatichakurukura chine chokuita nemadhimoni?
10. Kuita zvemidzimu chii?
11. Kushopera kuita sei, uye nei tichifanira kukudzivisa?
Madhimoni anoshandisa nzira
dzakasiyana-siyana kunyengedza vanhu
funga kuti kushopera hakukuvadzi, Bhaibheri rinoratidza kuti
vafemberi vanoshanda pamwe chete nemidzimu yakaipa. Somuenzaniso, Mabasa 16:16-18 inotaura nezve“dhimoni rokushopera” raiita kuti mumwe musikana ‘afembere.’ Asi haana
kuzokwanisa kuita izvi dhimoni racho parakadzingwa maari.
12 Imwe nzira inoshandiswa nemadhimoni kutsausa vanhu
ndeyokuvakurudzira kubvunza vakafa. Vanhu vanenge vachitambudzika nokufirwa nomunhu wavanoda vanowanzonyengedzwa nepfungwa dzisina kururama dzine chokuita nevakafa. Svikiro ringapa mashoko anokosha kana kuti ringataura nenzwi rinoita seromunhu akafa. Somugumisiro, vanhu vakawanda vanodavira kuti vakafa zvechokwadi vapenyu uye kukurukura navo kuchabatsira vapenyu kutsungirira kushungurudzika. Asi “kunyaradzwa” chero kupi zvako kwakadaro ndokwenhema uyewo kune ngozi. Nei? Nokuti madhimoni anogona kuedzesera inzwi romunhu akafa, opa svikiro mashoko ane
chokuita nomunhu wacho akafa. (1 Samueri 28:3-19) Uyezve,
12. Nei zviine ngozi kuedza kukurukurirana nevakafa?
NZIRA DZOKURWISA
NADZO MIDZIMU
YAKAIPA
ˇ Rasa zvinhu zvose
ˇ
ˇ
zvine chokuita
nemidzimu
Dzidza Bhaibheri
Nyengetera
kuna Mwari
Zvisikwa Zvomudzimu—Zvazvinoita Kwatiri
103
sezvatakadzidza muChitsauko 6, vakafa havasisipo. (Pisarema
115:17) Saka munhu “anobvunza vakafa” anenge atsauswa nemidzimu yakaipa uye anenge achiita zvinopesana nezvinodiwa naMwari. (Dheuteronomio 18:10, 11; Isaya 8:19) Naizvozvo, ngwarira kuti urambe hwambo uhwu hune ngozi hunoshandiswa nemadhimoni.
13 Midzimu yakaipa haingotsausi vanhu chete asi inovatyisidzirawo. Mazuva ano, Satani nemadhimoni ake vanoziva
kuti vanongova ne“nguva pfupi” vasati vaitwa kuti varege kuita basa, uye iye zvino varura kupfuura kare. (Zvakazarurwa
12:12, 17) Kunyange zvakadaro, zviuru zvevanhu vaimborarama zuva roga roga vachitya midzimu yakaipa yakadaro vakakwanisa kusununguka. Vakaita sei izvi? Munhu angaitei kunyange zvazvo kana achitoita zvemidzimu?
NZIRA DZOKURWISA NADZO MIDZIMU YAKAIPA
Bhaibheri rinotiudza nzira dzokurwisa nadzo midzimu
yakaipa uye dzokurega kukurukurirana nayo. Funga nezvomuenzaniso wevaKristu vomuzana remakore rokutanga vaiva
muguta reEfeso. Vamwe vavo vaiita zvemidzimu vasati vava
vaKristu. Pavakasarudza kurega kuita zvemidzimu, vakaitei?
Bhaibheri rinoti: “Vazhinji vevaya vaiita zvemashiripiti vakaunganidza mabhuku avo, vakaapisa pamberi pevanhu vose.”
(Mabasa 19:19) Nokuparadza mabhuku avo aiva nechokuita nemashiripiti, vaKristu vatsva ivavo vakaratidza muenzaniso kune vaya vanoda kurwisa midzimu yakaipa mazuva ano.
Vanhu vanoda kushumira Jehovha vanofanira kurasa zvose
zvine chokuita nemidzimu. Izvozvo zvinosanganisira mabhuku, magazini, mafirimu, mapepa anonamirwa kumadziro uye
nziyo dzakarekodhwa dzinosimudzira kuita zvemidzimu uye
dzinoita kuti kuite sokunofadza. Zvimwe zvinofanira kuraswawo matumwa kana kuti mazango zvinoshandiswa kudzivirira
pane zvakaipa.—1 VaKorinde 10:21.
14
13. Vakawanda vaimbotya madhimoni vakakwanisa kuitei?
14. Kufanana nevaKristu vomuzana remakore rokutanga vaiva muEfeso, tingarega sei kukurukurirana nemidzimu yakaipa?
104
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
Makore akawanda pashure pokunge vaKristu vaiva muEfeso vaparadza mabhuku avo ezvemashiripiti, muapostora
Pauro akavanyorera achiti: ‘Tinorwa nemasimba emidzimu
yakaipa.’ (VaEfeso 6:12) Madhimoni akanga asina kukanda
mapfumo pasi. Akanga achiri kuedza kukunda. Saka, chii chimwe chaifanira kuitwa nevaKristu ivavo? “Kupfuura zvinhu
zvose,” akadaro Pauro, “torai nhoo huru yokutenda, yamuchakwanisa kudzima nayo zvombo zvinopisa zvinoita zvokukandwa zveakaipa,” Satani. (VaEfeso 6:16) Kana nhoo yedu
yokutenda ikava yakasimba chaizvo, tichakwanisawo kurwisa
kwazvo masimba emidzimu yakaipa.—Mateu 17:20.
16 Saka, tingasimbisa sei kutenda kwedu? Nokudzidza Bhaibheri. Kusimba kworusvingo rwokudzivirira kunobva zvakanyanya pakusimba kwefaundesheni yarwo. Saizvozvowo, kusimba kwokutenda kwedu kunobva zvakanyanya pakusimba
kwepakwakavakirwa, pazivo yakarurama yeShoko raMwari,
Bhaibheri. Kana tikaverenga uye tikadzidza Bhaibheri zuva
nezuva, kutenda kwedu kuchava kwakasimba. Sorusvingo
rwakasimba, kutenda kwakadaro kuchatidzivirira pakukanganiswa nemidzimu yakaipa.—1 Johani 5:5.
17 VaKristu ivavo vaiva muEfeso vaifanira kutora rimwe danho ripi? Vaifanira kudzivirirwazve nokuti vaigara muguta rakanga rakazara noudhimoni. Saka Pauro akavaudza kuti: “Ramba[i] muchinyengetera mumudzimu nguva dzose nokunyengetera kworudzi rwose nokuteterera.” (VaEfeso 6:18) Isuwo
zvatinogara munyika izere noudhimoni, kunyengetera nomwoyo wose kuna Jehovha kuti atidzivirire kunokosha pakurwisa midzimu yakaipa. Chokwadi, tinofanira kushandisa zita raJehovha muminyengetero yedu. (Zvirevo 18:10) Saka, tinofanira kuramba tichinyengetera kuna Mwari kuti ‘atinunure pane akaipa,’ Satani Dhiyabhorosi. (Mateu 6:13) Jehovha
15
15. Kuti tirwise masimba emidzimu yakaipa, tinofanira kuitei?
16. Tingasimbisa sei kutenda kwedu?
17. Nderipi danho rinokosha kuti tirwise midzimu yakaipa?
Zvisikwa Zvomudzimu—Zvazvinoita Kwatiri
105
achapindura minyengetero yomwoyo wose yakadaro.—Pisarema 145:19.
18 Midzimu yakaipa ine ngozi, asi hatifaniri kurarama tichiitya kana tikarwisa Dhiyabhorosi uye tikaswedera pedyo
naMwari nokuita zvaanoda. (Jakobho 4:7, 8) Simba remidzimu yakaipa rine zvarisingagoni kuita. Yakarangwa munguva yaNoa, uye yakatarisana nokutongwa kwayo kwokupedzisira munguva yemberi. (Judha 6) Yeukawo kuti tinodzivirirwa nengirozi dzaJehovha dzine simba. (2 Madzimambo 6:1517) Ngirozi idzodzo dzinofarira zvikuru kutiona tichibudirira pakurwisa midzimu yakaipa. Ngirozi dzakarurama dzinoita
sedziri kutikurudzira dzichitirovera maoko. Saka ngatirambei
tiri pedyo naJehovha nemhuri yake yezvisikwa zvomudzimu
zvakatendeka. Ngatidziviseiwo kuita zvemidzimu kwose, togara tichishandisa zano reShoko raMwari. (1 Petro 5:6, 7; 2 Petro 2:9) Izvozvo zvingaita kuti tive nechokwadi chokuti tichakunda pakurwisana kwedu nezvisikwa zvemidzimu yakaipa.
19 Asi nei Mwari akabvumira midzimu yakaipa uye uipi kuti
zvirambe zviripo, izvo zvakonzera kuti vanhu vatambure zvikuru? Mubvunzo iwoyo uchapindurwa muchitsauko chinotevera.
18, 19. (a) Nei tingava nechokwadi chokuti tichakunda pakurwisana
kwedu nezvisikwa zvomudzimu zvakaipa? (b) Mubvunzo upi uchapindurwa muchitsauko chinotevera?
ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI
ˇ Ngirozi dzakatendeka dzinobatsira vaya
vanoshumira Jehovha.—VaHebheru 1:7, 14.
ˇ Satani nemadhimoni ake vari kunyengedza uye
kutsausa vanhu pana Mwari.—Zvakazarurwa
12:9.
ˇ Kana ukaita zvinoda Mwari uye woshora Dhiyabhorosi, Satani achakutiza.—Jakobho 4:7, 8.
CHITSAUKO 11
Nei Mwari Achibvumira
Kutambura?
Mwari ndiye akakonzera kutambura
kuri munyika here?
Inyaya ipi yakamutswa mumunda weEdheni?
Mwari achabvisa sei migumisiro
yokutambura kwevanhu?
PASHURE pokurwisana kwakaipa mune imwe nyika yasakadzwa nehondo, zviuru zvevakadzi nevana vasiri varwi vakanga
vaurayiwa vakavigwa muguva rimwe chete rakanga rakapoteredzwa notumichinjikwa. Kamuchinjikwa kamwe nekamwe
kaiva neshoko iri: “Nei?” Dzimwe nguva iwoyo ndiwo mubvunzo unorwadza zvikuru unobvunzwa nevanhu vose. Vanhu vanoubvunza vakasuruvara apo hondo, njodzi, hosha,
kana kuti mhosva inoparwa zvinouraya vanhu vavanoda vasina mhosva, zvinoparadza misha yavo, kana kuti zvinounza
kutambura kusingatauriki nedzimwe nzira. Vanoda kuziva nei
matambudziko akadaro achivawira.
2 Nei Mwari achibvumira kutambura? Kana Jehovha Mwari aine simba rose, aine rudo, akachenjera, uye akarurama, nei
nyika izere kwazvo noruvengo uye kusaruramisira? Wakambonetseka nezvinhu izvi iwe pachako here?
3 Zvakaipa here kubvunza kuti nei Mwari achibvumira kutambura? Vamwe vanonetseka kuti kubvunza mubvunzo wakadaro kunoreva kuti havana kutenda kwakakwana kana kuti
1, 2. Mazuva ano vanhu vanotarisana nokutambura kwakaita sei, zvichiita kuti vakawanda vabvunze mibvunzo ipi?
3, 4. (a) Chii chinoratidza kuti hazvina kuipa kubvunza kuti nei
Mwari achibvumira kutambura? (b) Jehovha anonzwa sei pamusoro
pouipi uye kutambura?
107
Jehovha achagumisa kutambura kwose
vari kuratidza kusaremekedza Mwari. Zvisinei, paunenge uchiverenga Bhaibheri, uchaona kuti vanhu vakanga vakatendeka,
vaitya Mwari, vaiva nemibvunzo yakafanana. Somuenzaniso,
muprofita Habhakuki akabvunza Jehovha kuti: “Nei muchiita
kuti ndione zvinhu zvinokuvadza, uye muchiramba makatarira zvinhu zvinongotambudza? Nei kupamba nokuita zvechisimba zviri pamberi pangu, nei kupopotedzana kuchiitika, uye
nei kukakavara kuchiitwa?”—Habhakuki 1:3.
4 Jehovha akatuka here muprofita wacho akatendeka Habhakuki nokuti akanga abvunza mibvunzo yakadaro? Kwete. Pane kudaro, Mwari akabatanidza mashoko aHabhakuki omwoyo wose munhoroondo yakafuridzirwa yeBhaibheri.
Mwari akamubatsirawo kuti anyatsonzwisisa zvinhu uye kuti ave nokutenda kwakasimba. Jehovha anoda kukuitira zvakafanana. Yeuka kuti Bhaibheri rinodzidzisa kuti “iye ane hanya
nemi.” (1 Petro 5:7) Mwari anovenga uipi uye kutambura kwahunokonzera kupfuura chero munhu upi zvake. (Isaya 55:8, 9)
Saka, nei munyika muine kutambura kwakawanda kudai?
5
NEI PAINE KUTAMBURA KWAKAWANDA KUDAI?
Vanhu vezvitendero zvakasiyana-siyana vakaenda kuva-
5. Ndezvipi zvikonzero zvinopiwa dzimwe nguva pakutsanangura kutambura kwevanhu, asi Bhaibheri rinodzidzisei?
108
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
fundisi vavo nevadzidzisi kunobvunza nei paine kutambura kwakawanda kudai. Kakawanda, mhinduro ndeyokuti kutambura kuda kwaMwari uye kuti kare kare akasarudza zvose zvaizoitika, kusanganisira zviitiko zvinotyisa. Vakawanda
vanoudzwa kuti maitiro aMwari haatsananguriki kana kuti
iye anouraya vanhu—kunyange vana—kuti ave navo kudenga.
Zvisinei, sezvawakadzidza, Jehovha Mwari haambokonzeri
zvinhu zvakaipa. Bhaibheri rinoti: “Mwari wechokwadi haamboiti zvakaipa, uye Wemasimbaose haamboiti zvisina kururama!”—Jobho 34:10.
6 Unoziva here nei vanhu vachiita chikanganiso chokupa Mwari mhosva yokutambura kwose kuri munyika? Kakawanda, vanopa Mwari Wemasimbaose mhosva nokuti vanofunga kuti ndiye mutongi chaiye wenyika ino. Havazivi chokwadi chiri nyore asi chinokosha chinodzidziswa neBhaibheri. Wakadzidza chokwadi ichocho muChitsauko 3 chebhuku
rino. Mutongi chaiye wenyika ino ndiSatani Dhiyabhorosi.
7 Bhaibheri rinotaura zviri pachena kuti: “Nyika yose iri
musimba reakaipa.” (1 Johani 5:19) Paunofunga nezvazvo,
izvozvo hazvina musoro here? Nyika ino inoratidza unhu
hwechisikwa chomudzimu chisingaoneki chiri “kutsausa nyika yose inogarwa.” (Zvakazarurwa 12:9) Satani ane ruvengo,
anonyengera, uye ane utsinye. Saka nyika iri musimba rake
yakazarawo noruvengo, kunyengera uye utsinye. Ndicho chimwe chikonzero nei paine kutambura kwakawanda kudai.
8 Chikonzero chechipiri nei paine kutambura kwakawanda kudai ndechokuti, sezvakakurukurwa muChitsauko 3, vanhu vave vasina kukwana uye vaine zvivi kubvira vanhu pavakapanduka mumunda weEdheni. Vanhu vane zvivi vanowanzorwira kutonga vamwe, uye izvi zvinoguma nehondo,
6. Nei vanhu vakawanda vachiita chikanganiso chokupa Mwari mhosva yokutambura kuri munyika?
7, 8. (a) Nyika inoratidza sei unhu hwomutongi wayo? (b) Kusakwana kwevanhu uye “nguva nezviitiko zvisingafanoonekwi” zvinoitawo
sei kuti vanhu vatambure?
Nei Mwari Achibvumira Kutambura?
109
udzvinyiriri, uye kutambura. (Muparidzi 4:1; 8:9) Chikonzero
chechitatu chokutambura i“nguva nezviitiko zvisingafanoonekwi.” (Muparidzi 9:11) Munyika umo Jehovha asiri Mutongi anodzivirira, vanhu vangatambura nokuti zvinongoitikawo kuti vanova munzvimbo ine ngozi panguva inoitika njodzi yacho.
9 Zvinotinyaradza kuziva kuti Mwari haakonzeri kutambura. Haasi iye anokonzera hondo, kuparwa kwemhosva, udzvinyiriri, kana kunyange njodzi dzinongoitika dzoga izvo zvinoita kuti vanhu vatambure. Asi, tinofanira kuziva kuti, Nei Jehovha achibvumira kutambura kwose uku? Kana ari iye Wemasimbaose, ane simba rokumisa kutambura. Saka, nei asingashandisi simba rake? Mwari ane rudo watinoziva anofanira kuva nechikonzero chakanaka.—1 Johani 4:8.
NYAYA INOKOSHA INOMUTSWA
Kuti tizive kuti nei Mwari achibvumira kutambura, tinofanira kufunga zvakaitika kare panguva apo kutambura kwakatanga. Satani paakaita kuti Adhamu naEvha vasateerere Jehovha, nyaya inokosha yakamutswa. Satani haana kuramba
kuti Jehovha ane simba. Iye anotoziva kuti simba raJehovha harina parinogumira. Asi chaakaramba ikodzero yokutonga yaJehovha. Nokutaura kuti Mwari aiva murevi wenhema
anonyima vanhu vaanotonga zvinhu zvakanaka, Satani akapomera Jehovha kuti mutongi akaipa. (Genesisi 3:2-5) Satani
akataura nenzira isina kunanga kuti vanhu vaizobudirira vasingatongwi naMwari. Izvi zvakadenha uchangamire hwaJehovha, kodzero yake yokutonga.
11 Adhamu naEvha vakapandukira Jehovha. Chaizvoizvo,
vakati: ‘Hatidi kuti Jehovha ave Mutongi wedu. Tinogona kuzvisarudzira chakanaka nechakaipa.’ Jehovha aizogadzirisa sei
10
9. Nei tingava nechokwadi chokuti Jehovha ane chikonzero chakanaka chokubvumira kuti kutambura kupfuurire?
10. Satani akaramba chii, uye sei?
11. Nei Jehovha asina kungoparadza vapanduki muEdheni?
Mudzidzi anokwanisa kupfuura mudzidzisi here?
nyaya iyoyo? Aizodzidzisa sei zvisikwa zvose zvakangwara kuti vapanduki vacho vakanga vasina kururama uye kuti nzira
yake zvechokwadi ndiyo yakanakisisa? Mumwe munhu angataura kuti Mwari aifanira kunge akangoparadza vapanduki
vacho ndokutanga patsva. Asi Jehovha akanga ataura chinangwa chake chokuzadza pasi nevana vaAdhamu naEvha, uye
aida kuti vararame muparadhiso pasi pano. (Genesisi 1:28) Jehovha anozadzisa zvinangwa zvake nguva dzose. (Isaya 55:10,
11) Kunze kwaizvozvo, kuparadza vapanduki muEdheni kungadai kusina kugadzirisa nyaya yakanga yamutswa yaiva nechokuita nekodzero yaJehovha yokutonga.
12 Ngatimbofungei nezvomuenzaniso. Chimbofungidzira
kuti mudzidzisi ari kuudza vadzidzi vake kuti vangagadzirisa sei dambudziko rakaoma. Mumwe mudzidzi akangwara asi
anopandukira anotaura kuti nzira iri kushandiswa nomudzidzisi kugadzirisa dambudziko racho haina kururama. Achiratidza kuti mudzidzisi haakwanisi, mupanduki uyu anoomerera pakuti anoziva nzira iri nani yokugadzirisa dambudziko
racho. Vamwe vadzidzi vanofunga kuti akarurama, uye vano12, 13. Enzanisira nei Jehovha akabvumira Satani kuva mutongi wenyika ino uye kuti nei Mwari akabvumira kuti vanhu vazvitonge.
Nei Mwari Achibvumira Kutambura?
111
pandukawo. Mudzidzisi wacho anofanira kuitei? Kana akadzinga vapanduki vacho mukirasi, izvi zvichaita kuti vamwe vadzidzi vaitei? Havazofungi here kuti mumwe wavo wavanodzidza naye uye vamwe vabatana naye vakarurama? Vamwe
vadzidzi vose vari mukirasi yacho vangasvika pakusaremekedza mudzidzisi wacho, vachifunga kuti anotya kuratidzwa kuti haana kururama. Asi ngatitii mudzidzisi wacho anobvumira mupanduki wacho kuratidza kirasi kuti iye aizogadzirisa dambudziko racho sei.
13 Jehovha akaita zvakafanana nezvinoitwa nomudzidzisi
wacho. Yeuka kuti vapanduki vaiva muEdheni handivo chete
vaibatanidzwa. Mamiriyoni engirozi akanga akatarisa. (Jobho
38:7; Dhanieri 7:10) Kugadzirisa kwakaita Jehovha kupanduka
kwacho kwaizova nezvakwaizoita zvakanyanya pangirozi dzose idzodzo uye pakupedzisira pazvisikwa zvose zvakangwara.
Saka, Jehovha akaitei? Akabvumira Satani kuti aratidze matongero aaizoita vanhu. Mwari akabvumirawo vanhu kuti vazvitonge vachitungamirirwa naSatani.
14 Mudzidzisi womumuenzaniso wedu anoziva kuti mupanduki wacho nevamwe vadzidzi vari kumutsigira havana kururama. Asi anozivawo kuti kuvapa mukana wokuedza kuratidza pfungwa yavo kuchabatsira kirasi yose. Vapanduki vacho pavanokundikana, vadzidzi vose vakatendeseka vachaona kuti mudzidzisi ndiye chete anokwanisa kutungamirira kirasi. Vachanzwisisa nei mudzidzi achizobvisa chero vapi zvavo vanopanduka mukirasi yacho. Saizvozvowo, Jehovha anoziva kuti vanhu vose vane mwoyo yakatendeseka uye ngirozi
vachabatsirwa nokuona kuti Satani nevamwe vaakapanduka
navo vakundikana uye kuti vanhu havagoni kuzvitonga. Kufanana naJeremiya womunguva yekare, vachadzidza chokwadi
ichi chinokosha: “Haiwa Jehovha, ndinonyatsoziva kuti nzira
yomunhu wepanyika haisi yake. Munhu anofamba haakwanisi kudzora nhanho dzake.”—Jeremiya 10:23.
14. Kusarudza kwaJehovha kuti vanhu vazvitonge kuchabatsirei?
112
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
NEI KWENGUVA REFU KUDAI?
Zvisinei, nei Jehovha akabvumira kuti kutambura kupfuurire kwenguva refu kudai? Nei asingaiti kuti zvinhu zvakaipa zvirege kuitika? Funga zvinhu zviviri izvo mudzidzisi womumuenzaniso wedu aisazoita. Kutanga, aisazodzivisa mudzidzi wacho apanduka kutaura nzira yake yokugadzirisa zvinhu. Chechipiri, mudzidzisi wacho aisazobatsira mupanduki
wacho kugadzirisa zvinhu. Saizvozvowo, funga nezvezvinhu
zviviri izvo Jehovha akatsunga kusaita. Kutanga, haana kudzivisa Satani nevaya vanomutsigira kuedza kuratidza kuti vakarurama. Saka zvave zvakakodzera kubvumira kuti nguva ipfuure. Muzviuru zvemakore zvenhoroondo yevanhu, vanhu vakaedza kuzvitonga kwakasiyana-siyana, kana kuti hurumende dzevanhu. Vanhu vakabudirira mune zvesayenzi nezvimwe zvinhu, asi kusaruramisira, urombo, kuparwa kwemhosva, uye hondo zvakatonyanya kuwedzera. Iye zvino kutonga
kwevanhu kwaratidza kuti kwakundikana.
16 Chechipiri, Jehovha haana kubatsira Satani kutonga nyika ino. Somuenzaniso, kudai Mwari aizodzivisa mhosva dzakaipa kwazvo dzinoparwa, chaizvoizvo aisazova achitsigira
kuti vapanduki vakarurama here? Mwari aisazova achiita kuti
vanhu vafunge kuti zvimwe vanhu vanogona kuzvitonga pasina matambudziko anovapo here? Kudai Jehovha aizoita izvozvo, aizotsigirawo nhema. Zvisinei, ‘hazvibviri kuti Mwari areve nhema.’—VaHebheru 6:18.
17 Zvisinei, zvakadini nezvakaipa zvose zvakaitwa munguva refu Mwari paange achipandukirwa? Tinofanira kuyeuka
kuti Jehovha ane masimba ose. Saka, anogona uye achabvisa migumisiro yose yokutambura kwevanhu. Sezvatakatodzidza, kuparadzwa kuri kuitwa nyika yedu kuchagadziriswa nokuchinja nyika yacho kuti ive Paradhiso. Migumisiro yechivi
15
15, 16. (a) Nei Jehovha akabvumira kuti kutambura kupfuurire kwenguva yakareba kudai? (b) Nei Jehovha asina kudzivisa zvinhu
zvakadai semhosva dzakaipa kwazvo dzinoparwa?
17, 18. Jehovha achaitei nezvakaipa zvose zvakakonzerwa nokutonga
kwevanhu uye kukanganisa kwaSatani?
Nei Mwari Achibvumira Kutambura?
113
ichabviswa nokutenda chibayiro chorudzikinuro chaJesu, uye
migumisiro yorufu ichachinjwa pachishandiswa rumuko. Saka Mwari achashandisa Jesu “kuti aputse mabasa aDhiyabhorosi.” (1 Johani 3:8) Jehovha achaita zvose izvi panguva yakakodzera chaiyo. Tinogona kufara kuti haana kukurumidza kuzviita, nokuti kushivirira kwake kwakatipa mukana wokudzidza chokwadi uye kumushumira. (2 Petro 3:9, 10) Munguva
iyi, Mwari ave achishingaira kutsvaka vanhu vanomunamata
nomwoyo wose uye kuvabatsira kutsungirira chero kutambura kupi zvako kungauya pavari munyika ino yatambura.—Johani 4:23; 1 VaKorinde 10:13.
18 Vamwe vangashamisika kuti, Kutambura kwose uku kungadai kusina kudziviswa here kudai Mwari akanga asika Adhamu naEvha nenzira yokuti vaisazopanduka? Kuti mubvunzo iwoyo upindurwe, unofanira kuyeuka chipo chinokosha chawakapiwa naJehovha.
UCHASHANDISA SEI CHIPO
CHAKABVA KUNA MWARI?
19 Sezvatakaona muChitsauko 5, vanhu vakasikwa vaine rusununguko rwokusarudza. Unoziva here kuti ichocho chipo chinokosha zvakadini? Mwari akasika mhuka dzisingaverengeki, uye idzi dzinoita zvinhu nouchenjeri
hwadzakapiwa pakusikwa. (Zvirevo 30:24) Munhu akagadzira marobhoti anogona kurongerwa kuti aite zvose zvaanenge arayirwa. Taizofara here kudai Mwari akanga atisika saizvozvo? Kwete, tinofara kuti tine rusununguko
rwokusarudza kuti tinoda kuva vanhu vakaita
19. Jehovha akatipa chipo chipi chinokosha, uye nei
tichifanira kuchikoshesa?
Mwari achakubatsira
kutsungirira
kutambura
114
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
sei, mararamiro atinoda, ushamwari hwatinoda kuva nahwo,
nezvimwewo. Tinofarira kuva norusununguko rwakati, uye
izvozvo ndizvo izvo Mwari anoda kuti tive nazvo.
20 Jehovha haafariri basa rinoitwa munhu achiita zvokumanikidzwa. (2 VaKorinde 9:7) Kuenzanisira: Ndezvipi zvaizonyanya kufadza mubereki—kutaura kwomwana kuti “Ndinokudai” nokuti anenge audzwa kuti adaro kana kuti kutaura
izvozvo zvichibva pamwoyo? Saka mubvunzo ndewokuti, Iwe
uchashandisa sei kuzvisarudzira kwawakapiwa naJehovha?
Satani, Adhamu, uye Evha vakashandisa kuzvisarudzira nenzira yakaipa kwazvo. Vakaramba Jehovha Mwari. Iwe uchaitei?
21 Une mukana wokushandisa zvakanaka kwazvo chipo chinoshamisa ichocho chokuzvisarudzira. Unogona kubatana
nemamiriyoni evanhu vakasarudza kutsigira Jehovha. Vanoita kuti Mwari afare nokuti vanoshingairira kuratidza kuti Satani murevi wenhema uye mutongi akundikana zvinosiririsa. (Zvirevo 27:11) Iwewo unogona kuita izvozvo nokusarudza
mararamiro akarurama. Izvi zvichatsanangurwa muchitsauko
chinotevera.
20, 21. Tingashandisa sei chipo chokuzvisarudzira nenzira yakanaka
kwazvo, uye nei tichifanira kuita izvozvo?
ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI
ˇ Mwari haakonzeri mamiriro ezvinhu akaipa ari
munyika.—Jobho 34:10.
ˇ Nokutaura kuti Mwari murevi wenhema uye kuti
anonyima vanhu vaanotonga zvinhu zvakanaka,
Satani akaratidza kusava nechokwadi nekodzero
yaJehovha yokutonga.—Genesisi 3:2-5.
ˇ Jehovha achashandisa Mwanakomana wake,
Mutongi woUmambo hwaMesiya, kuti agumise
kutambura kwose kwevanhu uye kuti abvise
migumisiro yakwo yose.—1 Johani 3:8.
CHITSAUKO 12
Kurarama Nenzira
Inofadza Mwari
Ungava sei shamwari yaMwari?
Kushora kwaSatani kodzero yaJehovha
yokutonga kunokubatanidza sei?
Maitiro api asingafadzi Jehovha?
Ungararama sei nenzira inofadza Mwari?
WAIZOSARUDZA munhu akaita sei kuti ave shamwari yako?
Zvichida waizoda kushamwaridzana nomunhu ane maonero
akafanana neako, zvaunofarira, uye zvaunokoshesa. Uye waizonzwa uchida kushamwaridzana nomunhu ane unhu hwakanaka, hwakadai sokutendeseka uye mutsa.
2 Pane zvose zvakaitika kare, Mwari akasarudza vamwe vanhu kuti vave shamwari dzake dzepedyo. Somuenzaniso, Jehovha akadana Abrahamu kuti shamwari yake. (Isaya 41:8; Jakobho 2:23) Mwari akataura nezvaDhavhidhi so“munhu anodiwa nomwoyo wangu” nokuti aiva rudzi rwomunhu runodiwa
naJehovha. (Mabasa 13:22) Uye Jehovha aiona muprofita Dhanieri so“munhu anodiwa kwazvo.”—Dhanieri 9:23.
3 Nei Jehovha akaona Abrahamu, Dhavhidhi, uye Dhanieri seshamwari dzake? Iye akaudza Abrahamu kuti: “Wateerera
inzwi rangu.” (Genesisi 22:18) Saka Jehovha anoswedera pedyo nevaya vanoita zvaanovakumbira vachizvininipisa. “Teererai inzwi rangu,” iye akaudza vaIsraeri kudaro, uye “ndichava Mwari wenyu, imi muchava vanhu vangu.” (Jeremiya 7:
1, 2. Ipa mienzaniso yevanhu avo Jehovha aiona seshamwari dzake
dzepedyo.
3. Nei Jehovha achisarudza vamwe vanhu kuti vave shamwari dzake?
116
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
23) Kana ukateerera Jehovha, iwewo unogona kuva shamwari
yake!
JEHOVHA ANOSIMBISA SHAMWARI DZAKE
Chimbofunga zvinoreva kuva shamwari yaMwari. Bhaibheri rinotaura kuti Jehovha ari kutsvaka mikana yo“kuti aratidze simba rake nokuda kwevaya vane mwoyo wakakwana kwaari.” (2 Makoronike 16:9) Jehovha angaratidza sei
simba rake nokuda kwako? Imwe nzira inotaurwa pana Pisarema 32:8, patinoverenga kuti: “[Ini Jehovha] ndichaita kuti uve
nenjere uye ndichakurayiridza nzira yaunofanira kufamba nayo. Ndichakupa zano ziso rangu rakakutarira.”
5 Ikoko kutaura kunobaya mwoyo zvechokwadi kunoratidza kutarisira kwaJehovha! Achakupa murayiro unodiwa,
okutarisira sezvaunoshandisa murayiro wacho. Mwari anoda
kukubatsira kuti utsungirire miedzo yako. (Pisarema 55:22)
Naizvozvo kana ukashumira Jehovha nomwoyo wakakwana,
unogona kuva nechivimbo kufanana nomunyori wepisarema
uyo akati: “Ndakaisa Jehovha pamberi pangu nguva dzose.
Nokuti ari kuruoko rwangu rworudyi, handizozununguswi.”
(Pisarema 16:8; 63:8) Chokwadi, Jehovha anogona kukubatsira kurarama nenzira inomufadza. Asi, sezvaunoziva, kune
muvengi waMwari angada kukudzivisa kuita izvi.
4
KUSHORA KWASATANI
Chitsauko 11 chebhuku rino chakatsanangura kuti Satani Dhiyabhorosi akashora sei uchangamire hwaMwari. Satani akapomera Mwari kureva nhema uye akataura zvisina kunanga kuti Jehovha akanga asina kururama kusabvumidza Adhamu naEvha kuzvisarudzira chakanga chakanaka uye
chakanga chakaipa. Pashure pokunge Adhamu naEvha vatadza uye nyika zvayakatanga kuzadzwa nevana vavo, Satani haana kuva nechokwadi nevavariro dzevanhu vose. “Vanhu havashumiri Mwari nokuti vanomuda,” Satani akapomera ku6
4, 5. Jehovha anoratidza simba rake nokuda kwevanhu vake sei?
6. Satani akapomerei vanhu?
Kurarama Nenzira Inofadza Mwari
117
daro. “Ndipei mukana, uye ndinogona kuita kuti chero ani
zvake apandukire Mwari.” Nhoroondo yomurume ainzi Jobho inoratidza kuti izvi ndizvo zvaidavirwa naSatani. Jobho
aiva ani, uye akabatanidzwa sei mukushora kwaSatani?
7 Jobho akararama makore anenge 3 600 akapfuura. Aiva
munhu akanaka, nokuti Jehovha akati: “Hakuna akafanana
naye panyika, murume asina chaanopomerwa, akarurama,
anotya Mwari uye anonzvenga zvakaipa.” (Jobho 1:8) Jobho
aifadza Mwari.
8 Satani haana kuva nechokwadi nevavariro yaJobho yokushumira Mwari. Dhiyabhorosi akati kuna Jehovha: “Imi hamuna kumupoteredza [Jobho] noruzhowa, iye neimba yake
nezvinhu zvose zvaainazvo kumativi ose here? Makakomborera basa remaoko ake, uye zvipfuwo zvake zvakapararira kwose kwose panyika. Asi ndapota, chimbochinjai, mutambanudze ruoko rwenyu, mugunzve zvinhu zvose zvaainazvo muone
kana asingazokutukii pamberi penyu chaipo.”—Jobho 1:10, 11.
9 Saka Satani akapikisa kuti Jobho aishumira Mwari nokuda
kwezvaaiwana chete. Dhiyabhorosi akataurawo kuti kudai Jobho aizoedzwa, aizopandukira Mwari. Jehovha akaita sei nokushora kwaSatani? Nyaya yacho zvayaibatanidza vavariro yaJobho, Jehovha akabvumira Satani kuti aedze Jobho. Neiyi
nzira, kuda Mwari kwaJobho—kana kuti kusamuda—kwaizoratidzwa pachena.
JOBHO ANOEDZWA
Munguva pfupi yakatevera, Satani akaedza Jobho nenzira dzakasiyana-siyana. Zvimwe zvipfuwo zvaJobho zvakabiwa,
uye zvimwe zvakaurayiwa. Vakawanda vevashandi vake vakapondwa. Izvi zvakaunza nhamo yemari. Rimwe dambudziko
rakauya vana vaJobho gumi pavakaurayiwa nedutu. Pasinei
10
7, 8. (a) Chii chakaita kuti Jobho ave akasiyana nevamwe vanhu
vepanguva iyoyo? (b) Satani haana kuva nechokwadi nevavariro yaJobho sei?
9. Jehovha akaita sei nokushora kwaSatani, uye nei?
10. Miedzo ipi yakawira Jobho, uye iye akaita sei?
Jobho akapiwa mubayiro
nokuda kwokutendeka kwake
Kurarama Nenzira Inofadza Mwari
119
nezviitiko izvi zvakaipa kwazvo, “Jobho haana kutadza kana
kutaura chinhu chisina kukodzera kuna Mwari.”—Jobho 1:22.
11 Satani haana kukanda mapfumo pasi. Anofanira kuva
akafunga kuti kunyange zvazvo Jobho aigona kutsungirira kurasikirwa nezvinhu zvake, vashandi, uye vana, aizopandukira
Mwari kudai aizorwara. Jehovha akarega Satani achirova Jobho nechirwere chaisemesa, chairwadza chaizvo. Asi kunyange izvi hazvina kuita kuti Jobho arege kutenda muna Mwari.
Panzvimbo paizvozvo, akataura zvakasimba kuti: “Handizorasi kuvimbika kwangu kusvikira ndafa!”—Jobho 27:5.
12 Jobho akanga asingazivi kuti Satani ndiye aikonzera matambudziko ake. Asingazivi mashoko akadzama pamusoro
pokushora kwaDhiyabhorosi uchangamire hwaJehovha, Jobho akatyira kuti zvimwe matambudziko ake akanga achibva kuna Mwari. (Jobho 6:4; 16:11-14) Kunyange zvakadaro, akaramba akavimbika kuna Jehovha. Uye kutaura kwaSatani kwokuti Jobho aishumira Mwari nokuda kwezvikonzero
zvoudyire kwakaratidzwa kuti kwaiva kwenhema nokuramba
kwaJobho akatendeka!
13 Kutendeka kwaJobho kwakaita kuti Jehovha apindure zvine simba kushora kwaSatani kwaizvidza. Zvechokwadi
Jobho akanga ari shamwari yaJehovha, uye Mwari akamupa
mubayiro nokuda kwokutendeka kwake.—Jobho 42:12-17.
KUBATANIDZWA KWAUNOITWA
Nyaya yokuvimbika kuna Mwari yakamutswa naSatani yakanga isina kunangana naJobho chete. Iwewo unobatanidzwa. Izvi zvinoratidzwa pachena pana Zvirevo 27:11, Shoko
14
11. (a) Ndokupi kupomera kwechipiri uko Satani akaita pamusoro
paJobho, uye Jehovha akaita sei? (b) Jobho akaita sei nechirwere chake chairwadza chaizvo?
12. Maitiro aJobho akaratidza sei kuti kushora kwaDhiyabhorosi kwaiva kwenhema?
13. Chii chakaitika pamusana pokuti Jobho akanga akatendeka kuna
Mwari?
14, 15. Nei tingati kupomera kwaSatani kwaibatanidza Jobho kunoshandawo kuvanhu vose?
120
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
raJehovha parinoti: “Mwanakomana wangu, iva akachenjera
ufadze mwoyo wangu, kuti ndigone kupindura iye anondishora.” Mashoko aya, akanyorwa mazana emakore pashure pokunge Jobho afa, anoratidza kuti Satani akanga achiri kushora Mwari uye kupomera vashumiri vake. Patinorarama nenzira
inofadza Jehovha, chaizvoizvo tinobatsira kupindura kupomera kwenhema kwaSatani, uye nenzira iyoyo tinoita kuti mwoyo waMwari ufare. Izvozvo zvinoita kuti unzwe sei? Zvaisazova
zvakanaka here kuitawo chimwe chinhu pakupindura kupomera kwenhema kwaDhiyabhorosi, kunyange zvazvo zvichireva kuchinja zvimwe zvinhu muupenyu hwako?
15 Ona kuti Satani akati: “Munhu achapa zvose zvaainazvo
nokuda kwomweya wake.” (Jobho 2:4) Nokutaura kuti “munhu,” Satani akabudisa pachena kuti zvaaipomera zvaishanda
kwete kuna Jobho chete asi kuvanhu vose. Iyoyo ipfungwa
inokosha zvikuru. Satani haana chokwadi nokuvimbika kwako kuna Mwari. Dhiyabhorosi angada kukuona usingateereri Mwari uye uchisiya nzira yakarurama panomuka matambudziko. Satani angaedza sei kuita izvi?
16 Sezvakakurukurwa muChitsauko 10, Satani anoshandisa
nzira dzakasiyana-siyana kuedza kutsausa vanhu pana Mwari. Anorwisa “seshumba inodzvova, ichitsvaka kudya mumwe
munhu.” (1 Petro 5:8) Saka kushanda kwaSatani kungaoneka apo shamwari, hama, kana kuti vamwe vanhu vanoshora
zvaunoedza kuita kuti udzidze Bhaibheri uye kushandisa zvaunodzidza.1 (Johani 15:19, 20) Uyewo, Satani “anoramba achizvichinja kuva ngirozi yechiedza.” (2 VaKorinde 11:14) Dhiyabhorosi anogona kushandisa nzira dzisinganyatsooneki kuti akutsause uye akukwezve achikubvisa pamararamiro anodi1 Izvi hazvirevi kuti vaya vanokushora vanodzorwa naSatani ivo pachavo. Asi Satani ndimwari wemamiriro ezvinhu aripo, uye nyika yose iri musimba rake. (2 VaKorinde 4:4; 1 Johani 5:19) Saka tinogona
kutarisira kuti kurarama upenyu hunodiwa naMwari hakuzofarirwi
nevakawanda, uye vamwe vachakushora.
16. (a) Satani anoedza kutsausa vanhu pana Mwari achishandisa nzira dzipi? (b) Dhiyabhorosi angashandisa sei nzira idzi kwauri?
Kurarama Nenzira Inofadza Mwari
121
wa naMwari. Angashandisawo kuora mwoyo, zvichida achiita
kuti ufunge kuti hauzomboiti zvinoita kuti Mwari afare. (Zvirevo 24:10) Pasinei nokuti Satani ari kuita “seshumba inodzvova” kana kuti se“ngirozi yechiedza,” kupomera kwake kunoramba kuri kumwe chete: Anoti paunotarisana nemiedzo, ucharega kushumira Mwari. Ungapindura sei kupomera kwake woratidza kuvimbika kwako kuna Mwari, sezvakaitwa naJobho?
KUTEERERA MIRAYIRO YAJEHOVHA
Unogona kupindura kupomera kwaSatani nokurarama
nenzira inofadza Mwari. Izvozvo zvinosanganisirei? Bhaibheri rinopindura kuti: “Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nesimba rako rose.” (Dheuteronomio 6:5) Kuda kwako Mwari zvakunowedzera, uchazara
nechido chokuita zvaanoda kuti uite. “Kuda Mwari kunoreva izvi,” akanyora kudaro muapostora Johani, “kuti tichengete mirayiro yake.” Kana uchida Jehovha nomwoyo wako wose,
uchaona kuti “mirayiro yake hairemi.”—1 Johani 5:3.
18 Mirayiro yaJehovha chii? Mimwe yacho inosanganisira
maitiro atinofanira kudzivisa. Somuenzaniso, ona bhokisi riri papeji 122, rine musoro unoti “Dzivisa Zvinovengwa naJehovha.” Ipapo uchawana maitiro akarongwa ayo Bhaibheri
rinoshora zviri pachena. Paunotanga kuaona, mamwe maitiro akarongwa ipapo angaita seasina kunyanya kuipa. Asi pashure pokufungisisa magwaro akaiswa ipapo, zvichida uchaona uchenjeri huri mumitemo yaJehovha. Kuchinja zvimwe
zvinhu pamaitiro ako kungava dambudziko guru rawati wambotarisana naro. Asi, kurarama nenzira inofadza Mwari kunounza kugutsikana kukuru uye mufaro. (Isaya 48:17, 18) Uye
ichocho chinhu chaunokwanisa kuita. Tinoziva sei izvozvo?
19 Jehovha haambodi zvinopfuura zvatinokwanisa kuita.
(Dheuteronomio 30:11-14) Anoziva zvatinokwanisa kuita uye
17
17. Chikonzero chikuru chokuteerera mirayiro yaJehovha ndechei?
18, 19. (a) Ndeipi mimwe yemirayiro yaJehovha? (Ona bhokisi riri
papeji 122.) (b) Tinoziva sei kuti Mwari haadi zvakawanda kupfuura
zvatinokwanisa?
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
122
zvatisingakwanisi kupfuura kuzviziva kwatinoita. (Pisarema
103:14) Uyezve, Jehovha anogona kutipa simba rokuti timuteerere. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Mwari akatendeka,
uye haangakuregei muchiedzwa kupfuura zvamunogona kutsungirira, asi pamwe chete nomuedzo achaitawo nzira yokubuda nayo kuti mukwanise kuutsungirira.” (1 VaKorinde 10:
13) Kuti akubatsire kutsungirira, Jehovha angatokupa “simba
rinopfuura renguva dzose.” (2 VaKorinde 4:7) Pashure pokutsungirira miedzo yakawanda, Pauro aigona kuti: “Ndine simba rokuita zvinhu zvose nokuda kwaiye anondipa simba.”
—VaFiripi 4:13.
DZIVISA ZVINOVENGWA NAJEHOVHA
Kuponda.—Eksodho 20:13; 21:
22, 23.
Zvirevo 22:24, 25; Maraki 2:16;
VaGaratiya 5:20.
Unzenza.—Revhitiko 20:10, 13,
15, 16; VaRoma 1:24, 26, 27, 32;
1 VaKorinde 6:9, 10.
Kutaura kusina kukodzera.
Kuita zvemidzimu.—Dheute-
Kushandisa ropa zvisina
kukodzera.—Genesisi 9:4;
ronomio 18:9-13; 1 VaKorinde 10:
21, 22; VaGaratiya 5:20, 21.
Kunamata zvidhori.
—1 VaKorinde 10:14.
Udhakwa.—1 VaKorinde 5:11.
Kuba.—Revhitiko 6:2, 4;
VaEfeso 4:28.
Kureva nhema.—Zvirevo 6:16,
19; VaKorose 3:9; Zvakazarurwa
22:15.
—Revhitiko 19:16; VaEfeso 5:4;
VaKorose 3:8.
Mabasa 15:20, 28, 29.
Kuramba kugovera vemhuri yako.—1 Timoti 5:8.
Kubatanidzwa
muhondo kana kukakavadzana kwezvematongerwo
enyika ino.—Isaya 2:4; Johani
6:15; 17:16.
Makaro.—1 VaKorinde 5:11.
Kushandisa fodya kana
kuti zvinhu zvinodhaka
kunoitirwa kuzvivaraidza.
Chisimba.—Pisarema 11:5;
—Mako 15:23; 2 VaKorinde 7:1.
Kurarama Nenzira Inofadza Mwari
123
KUVA NOUNHU HUNODIWA NAMWARI
Chokwadi, zvakawanda zvinobatanidzwa pakufadza Jehovha kupfuura kudzivisa zvinhu zvaanovenga. Unofanirawo kuda zvaanoda. (VaRoma 12:9) Haunzwi uchida kuva pedyo nevaya vanoona zvinhu sezvaunoita, vanofarira zvaunofarira, uye vanokoshesa zvaunokoshesa here? Jehovha anodarowo. Saka dzidza kuda zvinhu zvinodiwa naJehovha.
Zvimwe zvacho zvinorondedzerwa pana Pisarema 15:1-5,
20
20. Unofanira kuva nounhu hupi hunodiwa naMwari, uye nei huchikosha?
124
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
patinoverenga nezvevaya vanonzi naMwari ishamwari dzake. Shamwari dzaJehovha dzinoratidza chinonzi neBhaibheri “chibereko chomudzimu.” Chinosanganisira unhu hwakadai so“rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako,
kutenda, unyoro, kuzvidzora.”—VaGaratiya 5:22, 23.
21 Kugara uchiverenga uye uchidzidza Bhaibheri kuchakubatsira kuva nounhu hunodiwa naMwari. Uye kudzidza zvinodiwa naMwari kuchakubatsira kuita kuti zvaunofunga zvienderane nezvinofungwa naMwari. (Isaya 30:20, 21) Kana ukasimbisa kuda kwaunoita Jehovha, chido chako chokurarama
nenzira inofadza Mwari chichavawo chikuru.
22 Kushanda zvakaoma kunodiwa kuti urarame nenzira inofadza Jehovha. Bhaibheri rinofananidza kuchinja upenyu hwako nokubvisa unhu hwako hwekare, uchipfeka hutsva. (VaKorose 3:9, 10) Asi nezvemirayiro yaJehovha, munyori wepisarema akanyora kuti: ‘Kuichengeta kunounza mubayiro mukuru.’ (Pisarema 19:11) Iwewo uchaona kuti kurarama
nenzira inofadza Mwari kunounza mubayiro mukuru. Nokuita saizvozvo, uchapindura kupomera kwaSatani, woita kuti
mwoyo waJehovha ufare!
21. Chii chichakubatsira kuva nounhu hunodiwa naMwari?
22. Uchaitei kana ukararama nenzira inofadza Mwari?
ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI
ˇ Unogona kuva shamwari yaMwari
nokumuteerera.—Jakobho 2:23.
ˇ Satani akashora kuvimbika kwevanhu vose.
—Jobho 1:8, 10, 11; 2:4; Zvirevo 27:11.
ˇ Tinofanira kudzivisa tsika dzisingafadzi
Mwari.—1 VaKorinde 6:9, 10.
ˇ Tinogona kufadza Jehovha nokuvenga
zvaanovenga uye kuda zvaanoda.
—VaRoma 12:9.
CHITSAUKO 13
Ona Upenyu Sezvinoita Mwari
Mwari anoona sei upenyu?
Mwari anoona sei kubvisa pamuviri?
Tinoratidza sei kuti tinoremekedza upenyu?
“CHOKWADI Jehovha ndiMwari,” akadaro muprofita Jeremiya. “Ndiye Mwari mupenyu.” (Jeremiya 10:10) Uyezve, Jehovha Mwari ndiye Musiki wezvinhu zvose zvipenyu. Zvisikwa
zvokudenga zvakati kwaari: “Makasika zvinhu zvose, uye nemhaka yokuda kwenyu zvakavapo uye zvakasikwa.” (Zvakazarurwa 4:11) Paaiimba rwiyo rwokurumbidza Mwari, Mambo
Dhavhidhi akati: “Kwamuri ndiko kune tsime roupenyu.” (Pisarema 36:9) Saka, upenyu chipo chinobva kuna Mwari.
2 Jehovha anotsigirawo upenyu hwedu. (Mabasa 17:28)
Anotipa zvokudya zvatinodya, mvura yatinonwa, mhepo yatinofema, uye nyika yatinogara. (Mabasa 14:15-17) Jehovha
akaita izvi nenzira inoita kuti upenyu hunakidze. Asi kuti tinakidzwe noupenyu zvizere, tinofanira kudzidza mitemo yaMwari, toiteerera.—Isaya 48:17, 18.
KURATIDZA KUTI TINOREMEKEDZA UPENYU
Mwari anoda kuti tiremekedze upenyu—hwedu nohwevamwe. Somuenzaniso, kare mumazuva aAdhamu naEvha,
mwanakomana wavo Kaini akatsamwira kwazvo munun’una
wake Abheri. Jehovha akanyevera Kaini kuti hasha dzake dzaizoita kuti atadze zvakakomba. Kaini haana kuteerera nyevero iyoyo. “Akarwisa Abheri munun’una wake, akamuuraya.”
3
1. Ndiani akasika zvinhu zvose zvipenyu?
2. Mwari anoitei kuti atsigire upenyu hwedu?
3. Mwari akaona sei kupondwa kwaAbheri?
TINOREMEKEDZA UPENYU
ˇ nokusauraya mwana
asati aberekwa
ˇ nokurega tsika
dzisina kuchena
ˇ nokubvisa zvachose kuvenga
vamwe mumwoyo medu
Ona Upenyu Sezvinoita Mwari
127
(Genesisi 4:3-8) Jehovha akaranga Kaini nokuda kwokuponda
munun’una wake.—Genesisi 4:9-11.
4 Zviuru zvemakore gare gare, Jehovha akapa vaIsraeri mitemo yaivabatsira kuti vamushumire zvinogamuchirika. Mitemo iyi zvayakapiwa pachishandiswa muprofita Mosesi, dzimwe nguva inonzi Mutemo waMosesi. Mumwe woMutemo
waMosesi waiti: “Usaponda.” (Dheuteronomio 5:17) Izvi zvairatidza vaIsraeri kuti Mwari anokoshesa upenyu hwevanhu
uye kuti vanhu vanofanira kukoshesa upenyu hwevamwe.
5 Zvakadini noupenyu hwomwana asati aberekwa? Maererano noMutemo waMosesi, kukonzera rufu rwomwana akanga achiri mudumbu raamai kwakanga kusina kururama.
Chokwadi, kunyange upenyu hwomwana asati aberekwa hunokosha kuna Jehovha. (Eksodho 21:22, 23; Pisarema 127:3)
Izvi zvinoreva kuti kubvisa pamuviri kwakaipa.
6 Kuremekedza upenyu kunosanganisira kuona vamwe vanhu zvakarurama. Bhaibheri rinoti: “Munhu wose anovenga
hama yake muurayi, uye munoziva kuti hapana muurayi ane
upenyu husingaperi hunoramba huri maari.” (1 Johani 3:15)
Kana tichida upenyu husingaperi, tinofanira kubvisa zvachose mumwoyo medu kuvenga vamwe chero kupi zvako, nokuti
kuvenga ndiko kunokonzera kuita zvechisimba kwakawanda.
(1 Johani 3:11, 12) Zvinokosha kuti tidzidze kudanana.
7 Zvakadini nokuremekedza upenyu hwedu pachedu? Vanhu havawanzodi kufa, asi vamwe vanoisa upenyu pangozi
nokuda kwemafaro. Somuenzaniso, vakawanda vanoshandisa fodya, vanosvuta mbanje, kana kuti vanoshandisa zvinhu
zvinodhaka kuti vavaraidzwe. Zvinhu zvakadaro zvinokuvadza muviri uye zvinowanzouraya vanozvishandisa. Munhu
ane tsika yokushandisa zvinhu izvi haaoni upenyu sohutsve4. MuMutemo waMosesi, Mwari akasimbisa sei maonero akarurama
anofanira kuitwa upenyu?
5. Tinofanira kuona sei kubvisa pamuviri?
6. Nei tisingafaniri kuvenga vamwe?
7. Ndedzipi dzimwe tsika dzinoratidza kusaremekedza upenyu?
128
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
ne. Tsika idzi hadzina kuchena kuna Mwari. (VaRoma 6:19;
12:1; 2 VaKorinde 7:1) Kuti tishumire Mwari zvinogamuchirika, tinofanira kurega tsika dzakadaro. Kunyange zvazvo kuita
izvozvo kungava kwakaoma zvikuru, Jehovha anogona kutipa
rubatsiro runodiwa. Uye anokoshesa zvatinoedza kuita kuti tibate upenyu sechipo chinokosha chinobva kwaari.
8 Kana tichiremekedza upenyu, tichagara tichifunga nezvokuhuchengetedza. Hatizovi vasina hanya uye hatizozviisi pangozi nokuda kwemafaro chete. Tichadzivisa kutyaira motokari kune ngozi uye mitambo yechisimba kana kuti ine ngozi. (Pisarema 11:5) Mutemo waMwari nokuda kwevaIsraeri vekare waiti: “Kana ukavaka imba itsva [ine denga rakati sandara], unofanira kugadzirawo karusvingo kanodzivirira padenga reimba yako, kuti urege kuisa mhosva yeropa paimba
yako nokuti mumwe munhu angawa achibva pariri.” (Dheuteronomio 22:8) Maererano nomurayiro wakataurwa mumutemo iwoyo, ita kuti pamasitepisi omumusha mako pagare pasina zvinhu zvinopingirisha kuitira kuti mumwe munhu arege kupunzika, akakuvadzwa zvakakomba. Kana uine motokari, iva nechokwadi chokuti yakakodzera kuti ifambiswe mumugwagwa. Usaita kuti musha wako kana kuti motokari yako
ive ngozi kwauri kana kuti kune vamwe.
9 Zvakadini noupenyu hwemhuka? Ihwowo hutsvene kuMusiki. Mwari anobvumira kuuraya mhuka kuti tiwane nyama uye zvokupfeka kana kuti kudzivirira vanhu pangozi. (Genesisi 3:21; 9:3; Eksodho 21:28) Zvisinei, kuitira mhuka utsinye kana kuti kudziurayira kunakidzwa hakuna kururama uye
izvozvo kusaremekedza zvachose utsvene hwoupenyu.—Zvirevo 12:10.
10
KUREMEKEDZA ROPA
Pashure pokunge Kaini auraya munun’una wake Abheri,
8. Nei tichifanira kugara tichifunga nezvokuchengeteka kwoupenyu?
9. Kana tichiremekedza upenyu, tichabata sei mhuka?
10. Mwari akaratidza sei kuti upenyu neropa zvakabatana?
Ona Upenyu Sezvinoita Mwari
129
Jehovha akaudza Kaini kuti: “Ropa romunun’una wako riri
kushevedzera kwandiri riri panyika.” (Genesisi 4:10) Mwari
paakataura nezveropa raAbheri, akanga achitaura nezvoupenyu hwaAbheri. Kaini akanga auraya Abheri, uye zvino Kaini aifanira kurangwa. Zvaiita sokuti ropa raAbheri, kana kuti upenyu, rakanga richishevedzera kuna Jehovha kuti aruramisire. Kubatana kwoupenyu neropa kwakazoratidzwazve
pashure peMafashamo omunguva yaNoa. Mafashamo asati auya, vanhu vaingodya michero chete, miriwo, zviyo, uye
nzungu. Pashure peMafashamo, Jehovha akaudza Noa nevanakomana vake kuti: “Mhuka dzose mhenyu dzinofamba
dzingava zvokudya zvenyu. Ndinokupai dzose, sezvandakaita zvinomera zvakasvibirira.” Zvisinei, Mwari akavarambidza
izvi: “Nyama bedzi ine mweya wayo [kana kuti, upenyu]—iro
ropa rayo—musaidya.” (Genesisi 1:29; 9:3, 4) Zviri pachena
kuti Jehovha anobatanidza chaizvo upenyu neropa rechisikwa.
11 Tinoratidza kuremekedza ropa nokusaridya. MuMutemo
uyo Jehovha akapa vaIsraeri, akarayira kuti: “Munhu wose . . .
anobata mhuka kana kuti shiri inodyiwa paanenge achivhima, anofanira kudurura ropa rayo orifukidza neguruva. . . .
Ndakati kuvanakomana vaIsraeri: ‘Hamufaniri kudya ropa renyama chero ipi zvayo.’ ” (Revhitiko 17:13, 14) Murayiro waMwari wokusadya ropa remhuka wakatanga kupiwa Noa makore 800 akanga apfuura, wakanga uchiri kushanda. Maonero
aiita Jehovha akanga akajeka: Vashumiri vake vaigona kudya
nyama yemhuka asi kwete ropa. Vaifanira kudururira ropa racho pasi—chokwadi, kudzosera upenyu hwechisikwa chacho
kuna Mwari.
12 Murayiro wakafanana uripowo pavaKristu. Vaapostora
nevamwe varume vaitungamirira pakati pevateveri vaJesu
11. Mwari akarambidza kushandiswa kweropa kupi kubvira munguva
yaNoa?
12. Murayiro upi une chokuita neropa wakapiwa nomudzimu mutsvene muzana remakore rokutanga uye uchiri kushanda mazuva ano?
130
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
muzana remakore rokutanga vakaungana kuti vasarudze kuti mirayiro ipi yaifanira kuteererwa nevanhu vose vaiva muungano yechiKristu. Vakagumisa kuti: “Mudzimu mutsvene
nesu tasarudza kusawedzera mumwe mutoro kwamuri, kunze
kwezvinhu izvi zvakakodzera, kuti murambe muchirega zvinhu zvakabayirwa zvidhori, ropa, zvinhu zvakadzipwa [kurega ropa riri munyama] uye ufeve.” (Mabasa 15:28, 29; 21:25)
Saka tinofanira ‘kuramba tichirega ropa.’ Kuna Mwari, kuita
kwedu izvozvo kunokosha kufanana nokudzivisa kwatinoita
kunamata zvidhori uye unzenza.
13 Murayiro wokurega ropa unosanganisira kuwedzerwa ropa here? Hungu. Kuenzanisira: Ngatitii chiremba aizokuudza kuti urege doro. Izvozvo zvaizongoreva kuti haufaniri kunwa doro asi kuti unogona kuripinza mutsinga dzako here?
Chokwadika, kwete! Saizvozvowo, kurega ropa kunoreva kusatomboripinza mumiviri yedu. Saka murayiro wokurega ropa unoreva kuti hatizobvumiri chero munhu upi zvake kupinza ropa mutsinga dzedu.
14 Zvakadini kana muKristu akakuvara chaizvo kana kuti achifanira kuvhiyiwa zvakanyanya? Ngatitii vanachiremba
vanoti anofanira kuwedzerwa ropa, kana zvikasadaro achafa.
Chokwadi, muKristu angasada kufa. Achiedza kuchengetedza
chipo chinokosha chaMwari choupenyu, angabvuma kumwe
kurapa kusingasanganisiri kushandiswa kweropa kusina kukodzera. Saka, angatsvaka kurapa kwakadaro kana kuchiwanika uye angabvuma zvimwe zvingashandiswa zvakasiyana-siyana pane kubvuma ropa.
15 MuKristu angatyora mutemo waMwari kuti angorebesa
upenyu zvishoma mumamiriro ano ezvinhu here? Jesu akati: “Munhu wose anoda kuponesa mweya wake [kana kuti,
upenyu] acharasikirwa nawo; asi munhu wose anorasikirwa
13. Enzanisira nei murayiro wokurega ropa uchisanganisira kuwedzerwa ropa.
14, 15. Kana vanachiremba vakati muKristu anofanira kuwedzerwa
ropa, iye angaitei, uye nei?
Ona Upenyu Sezvinoita Mwari
nomweya wake nokuda kwangu achauwana.” (Mateu 16:25) Hatidi kufa. Asi
kudai taizoedza kuponesa upenyu hwedu hwepanguva ino nokutyora mutemo
waMwari, taizova mungozi yokurasikirwa noupenyu husingaperi. Saka, kuchenjera kuti tivimbe nokururama kwomutemo waMwari, tiine chivimbo chizere chokuti kana tikaurayiwa nechero chii zvacho, Mupi wedu woUpenyu
achatiyeuka paanomutsa vanhu, otidzosera chipo chinokosha choupenyu.—Johani 5:28, 29; VaHebheru 11:6.
16 Mazuva ano, vashumiri vaMwari
vakatendeka vanotsunga kutevera zvaanorayira pamusoro peropa. Havazodyi
ropa chero ripi zvaro. Uyewo havazoribvumi nokuda kwezvikonzero zvokurapa.1 Vane chokwadi chokuti Musiki weropa anoziva zvakavanakira. Unodavira
here kuti ndizvo zvaanoita?
Kudai chiremba wako
aizokuudza kuti
urege doro, waizoripinza mutsinga
dzako here?
KUSHANDISWA KWEROPA
KUMWE CHETE KWAKAKODZERA
17 Mutemo waMosesi waisimbisa kushandiswa kweropa kumwe chete kwakakodzera. Nezvokunamata kwaidiwa kuvaIsraeri vekare, Jehovha akarayira kuti:
“Mweya [kana kuti, upenyu] wenyama uri muropa, uye ini
ndakariisa pamusoro peatari kuti imi muyananisire mweya
1 Kuti uwane mamwe mashoko ane chokuita nokumwe kurapa kungashandiswa pane kuwedzerwa ropa, ona mapeji 13-17 ebhurocha rinonzi Ropa Rinogona Sei Kuponesa Upenyu Hwako? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
16. Vashumiri vaMwari vanotsunga kuitei pamusoro peropa?
17. KuvaIsraeri vekare, ndokupi kwaiva kushandiswa kweropa kumwe
chete kwaigamuchirwa naJehovha Mwari?
132
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
yenyu, nokuti ropa ndiro rinoyananisira.” (Revhitiko 17:
11) VaIsraeri pavaitadza, vaigona kukanganwirwa nokubayira
mhuka uye kuita kuti rimwe ropa rayo riiswe paatari yaiva patebhenekeri kana kuti gare gare patemberi yaMwari. Kushandiswa kweropa kumwe chete kwakanga kwakakodzera kwaiva pakubayira zvibayiro kwakadaro.
18 VaKristu vechokwadi havasi pasi poMutemo waMosesi,
saka havabayiri zvibayiro zvemhuka uye havaisi ropa remhuka paatari. (VaHebheru 10:1) Zvisinei, kushandiswa kweropa
paatari mumazuva evaIsraeri vekare kwaimirira chibayiro chinokosha choMwanakomana waMwari, Jesu Kristu. Sezvatakadzidza muChitsauko 5 chebhuku rino, Jesu akatipa upenyu
hwake hwomunhu nokubvumira kuti ropa rake riteurwe sechibayiro. Akabva akwira kudenga uye kamwe chete zvachose
18. Ndezvipi zvinhu zvatinobatsirwa nazvo uye zvikomborero zvatinowana kubva mukuteurwa kweropa raJesu?
Ungaremekedza sei upenyu uye ropa?
Ona Upenyu Sezvinoita Mwari
133
akapa Mwari kukosha kweropa rake rakateurwa. (VaHebheru
9:11, 12) Izvozvo zvakaita kuti tikwanise kukanganwirwa zvivi
zvedu uye zvakaita kuti pave nomukana wokuwana upenyu
husingaperi. (Mateu 20:28; Johani 3:16) Kushandiswa kweropa ikoko kwakaratidza kuti kunokosha zvakanyanya! (1 Petro
1:18, 19) Tinokwanisa kuponeswa chete nokutenda kukosha
kweropa raJesu rakateurwa.
19 Tinogona kuonga zvikuru Jehovha Mwari nokuda kwechipo choupenyu chinoratidza rudo! Uye izvozvo hazvifaniri kutikurudzira kuudza vamwe nezvomukana uripo wokuwana upenyu husingaperi nokuda kwokutenda chibayiro chaJesu here? Kuratidza kuva nehanya noupenyu hwevamwe vanhu sezvinoita Mwari kuchaita kuti tiite izvi nechido uye tichishingaira. (Ezekieri 3:17-21) Kana tikashingairira kuita basa iri, tichakwanisa kutaura sezvakaitwa nomuapostora Pauro
kuti: “Ndakachena paropa revanhu vose, nokuti handina kurega kukuudzai zvose zvakasarudzwa naMwari.” (Mabasa 20:
26, 27) Kuudza vanhu nezvaMwari uye zvinangwa zvake inzira yakanaka kwazvo yokuratidza kuti tinoremekedza zvikuru
upenyu uye ropa.
19. Chii chatinofanira kuita kuti tive va“kachena paropa revanhu vose”?
ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI
ˇ Upenyu chipo chinobva kuna Mwari.
—Pisarema 36:9; Zvakazarurwa 4:11.
ˇ Kubvisa pamuviri kwakaipa, nokuti upenyu
hwomwana asati aberekwa hunokosha kuna
Mwari.—Eksodho 21:22, 23; Pisarema 127:3.
ˇ Tinoremekedza upenyu nokusahuisa pangozi
uye nokusadya ropa.—Dheuteronomio 5:17;
Mabasa 15:28, 29.
CHITSAUKO 14
Kuita Kuti Upenyu Hwenyu
Hwemhuri Hufadze
Chii chinodiwa kuti uve murume akanaka?
Mukadzi angaitei kuti ave mudzimai anobudirira?
Ndezvipi zvinodiwa kuti munhu
ave mubereki akanaka?
Vana vangabatsira sei kuita kuti upenyu
hwemhuri hufadze?
JEHOVHA MWARI anoda kuti upenyu hwenyu hwemhuri hufadze. Shoko rake, Bhaibheri, rinoudza nhengo yoga yoga yemhuri zvokuita, richitsanangura basa iro Mwari anoda kuti
mumwe nomumwe aite. Nhengo dzemhuri padzinoita mabasa adzo maererano nezano raMwari, migumisiro yacho inogutsa zvikuru. Jesu akati: “Vanofara vaya vanonzwa shoko raMwari vachirichengeta!”—Ruka 11:28.
2 Kufara kwemhuri kunonyanya kubva pakuziva kwedu kuti mhuri yakatangwa naJehovha, uyo Jesu akadana kuti “Baba
vedu.” (Mateu 6:9) Mhuri dzose dziri panyika dziripo nokuda
kwaBaba vedu vokudenga—uye zvechokwadi vanoziva chinoita kuti mhuri dzifare. (VaEfeso 3:14, 15) Saka, Bhaibheri rinodzidzisei nezvebasa renhengo yoga yoga yemhuri?
MHURI YAKATANGWA NAMWARI
Jehovha akasika vanhu vokutanga, Adhamu naEvha, akavabatanidza somurume nomudzimai. Akavaisa mumusha
3
1. Chii chinoita kuti pave noupenyu hwemhuri hunofadza?
2. Kufara kwemhuri kunobva pakuziva kwedu chii?
3. Bhaibheri rinotsanangura sei kutanga kwemhuri yevanhu, uye nei
tichiziva kuti zvarinotaura ichokwadi?
Kuita Kuti Upenyu Hwenyu Hwemhuri Hufadze
135
weparadhiso pasi pano wakanga wakanaka—munda weEdheni—akavaudza kuti vave nevana. “Berekai muwande, muzadze nyika,” akadaro Jehovha. (Genesisi 1:26-28; 2:18, 21-24)
Iyi haisi nyayawo zvayo kana kuti ngano, nokuti Jesu akaratidza kuti zvinotaurwa naGenesisi pamusoro pokutanga kwakaita upenyu hwemhuri ichokwadi. (Mateu 19:4, 5) Kunyange
zvazvo tichitarisana nematambudziko akawanda uye iye zvino upenyu husina kuita sezvaida Mwari kuti huve, ngationei
kuti nei mhuri ichigona kufara.
4 Nhengo yoga yoga yemhuri inogona kubatsira kuita kuti
upenyu hwemhuri hufadze nokutevedzera Mwari mukuratidza rudo. (VaEfeso 5:1, 2) Zvisinei, tingatevedzera Mwari sei,
isu tisingagoni kunyange kumuona? Tinogona kudzidza zvinoitwa naMwari nokuti akatuma Mwanakomana wake wedangwe kubva kudenga achiuya panyika. (Johani 1:14, 18) Paaiva panyika, Mwanakomana uyu, Jesu Kristu, akanyatsotevedzera Baba vake vokudenga zvokuti kuona uye kunzwa zvaitaurwa naJesu kwakanga kwakangofanana nokuva pamwe chete naJehovha uye kunzwa zvaaitaura. (Johani 14:9) Saka, nokudzidza nezvorudo rwakaratidzwa naJesu uye kutevera muenzaniso wake, mumwe nomumwe wedu anogona kubatsira
kuita kuti upenyu hwemhuri hufadze zvikuru.
MUENZANISO NOKUDA KWEVARUME
Bhaibheri rinotaura kuti varume vanofanira kubata madzimai avo sokubata kwaiita Jesu vadzidzi vake. Funga zvinorayirwa neBhaibheri zvokuti: “Varume, rambai muchida
madzimai enyu, Kristu zvaakadawo ungano, akazvipa nokuda kwayo . . . Saizvozvo varume vanofanira kuda madzimai
avo semiviri yavo. Anoda mudzimai wake anozvida, nokuti
5
4. (a) Nhengo yoga yoga yemhuri ingaitei kuti mhuri ifare? (b) Nei
kudzidza nezvoupenyu hwaJesu kuchikosha zvikuru pakuita kuti
mhuri ifare?
5, 6. (a) Nzira iyo Jesu anobata nayo ungano inoratidza sei muenzaniso nokuda kwevarume? (b) Kuti munhu akanganwirwe zvivi
anofanira kuitei?
136
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
hapana murume akambovenga nyama yake; asi anoipa zvokudya uye anoitarisira, sezvinoitirawo Kristu ungano.”—VaEfeso 5:23, 25-29.
6 Kuda kwaJesu ungano yake yevadzidzi kunoratidza muenzaniso wakakwana nokuda kwevarume. Jesu “akavada kusvikira kumugumo,” achibayira upenyu hwake nokuda kwavo,
kunyange zvazvo vakanga vasina kukwana. (Johani 13:1; 15:
13) Saizvozvowo, varume vanokurudzirwa kuti: “Rambai muchida madzimai enyu uye musaatsamwira kwazvo.” (VaKorose 3:19) Chii chichabatsira murume kushandisa zano rakadai, kunyanya kana mudzimai wake dzimwe nguva achikundikana kushandisa ungwaru? Anofanira kuyeuka kuti iye
anokanganisawo uye zvaanofanira kuita kuti akanganwirwe
naMwari. Anofanira kuitei? Anofanira kukanganwira vaya vanomutadzira, uye izvozvo zvinosanganisira mudzimai wake.
Chokwadi, mudzimai wacho anofanira kuitawo saizvozvo.
(Mateu 6:12, 14, 15) Unoona here nei vamwe vakataura kuti mhuri inobudirira mubatanidzwa wevanhu vaviri vanokanganwirana?
7 Varume vanofanirawo kucherechedza kuti Jesu aigara
achiratidza kuva nehanya nevadzidzi vake. Aifunga nezvezvinhu zvavaisakwanisa uye zvavaida zvokunyama. Somuenzaniso, pavakanga vaneta, akati: “Uyai, imi, muri moga kunzvimbo isina vanhu muzorore zvishoma.” (Mako 6:30-32)
Madzimai anofanirawo kufungwa nezvawo. Bhaibheri rinoarondedzera so“mudziyo usina simba” uyo varume vanorayirwa kuti va‘kudze.’ Nei? Nokuti varume nemadzimai vanowana “nyasha dzoupenyu dzisina kukodzera kuwanwa” pamwe
chete. (1 Petro 3:7) Varume vanofanira kuyeuka kuti chinhu
chinoita kuti munhu akoshe kuna Mwari kutendeka, kwete
kuti munhurume kana kuti munhukadzi.—Pisarema 101:6.
8 Bhaibheri rinotaura kuti murume “anoda mudzimai wake
7. Jesu aifunga nezvechii, achiratidza muenzaniso upi nokuda kwevarume?
8. (a) Murume “anoda mudzimai wake anozvida” sei? (b) Kuva “nyama imwe” kunorevei kumurume nomudzimai wake?
Kuita Kuti Upenyu Hwenyu Hwemhuri Hufadze
137
anozvida.” Izvi zvakadaro nokuti murume nomudzimai wake “havasisirizve vaviri, asi nyama imwe,” sezvakataurwa naJesu. (Mateu 19:6) Saka vanofanira kungorara pamwe chete ivo
voga kwete nomumwe munhu. (Zvirevo 5:15-21; VaHebheru
13:4) Vanogona kuita izvi kana vachiratidza kuva nehanya kusina udyire pane zvinodiwa nomumwe. (1 VaKorinde 7:3-5)
Chinokosha chiyeuchidzo ichi: “Hapana murume akambovenga nyama yake; asi anoipa zvokudya uye anoitarisira.” Varume vanofanira kuda madzimai avo sezvavanozviita, vachiyeuka kuti vanozvidavirira kumusoro wavo, Jesu Kristu.—VaEfeso 5:29; 1 VaKorinde 11:3.
9 Muapostora Pauro akataura nezvo‘rudo rukuru runa Kristu Jesu.’ (VaFiripi 1:8) Unyoro hwaJesu hwaiva unhu hwaizorodza, hwaifadza vakadzi vaya vakava vadzidzi vake. (Johani
20:1, 11-13, 16) Uye vakadzi vanoda chaizvo kudiwa nevarume vavo.
MUENZANISO NOKUDA KWEVAKADZI
Mhuri isangano, uye kuti ishande zvakanaka, inoda musoro. Kunyange Jesu ane Uya waanofanira kuzviisa pasi soMusoro wake. “Musoro waKristu ndiMwari,” “musoro womukadzi [zvaari] murume.” (1 VaKorinde 11:3) Kuzviisa pasi poumusoro hwaMwari kwaJesu muenzaniso wakanaka zvikuru,
tose zvedu zvatiine musoro watinofanira kuzviisa pasi pawo.
11 Varume vasina kukwana vanokanganisa uye vanowanzotadza kuva misoro yemhuri inonzi ndiyo yakanaka. Saka, mudzimai anofanira kuitei? Haafaniri kuzvidza zvinoitwa nomurume wake kana kuti kuedza kutora umusoro hwake. Mudzimai anofanira kuyeuka kuti kuna Mwari, kuva munhu akanyarara uye munyoro kunokosha zvikuru. (1 Petro 3:4) Nokuratidza unhu hwakadaro, achazviona zviri nyore zvikuru
10
9. Unhu hupi hwaJesu hunotaurwa pana VaFiripi 1:8, uye nei varume
vachifanira kuratidza unhu uhwu kumadzimai avo?
10. Jesu anoratidza sei muenzaniso nokuda kwemadzimai?
11. Mudzimai anofanira kuva nemafungiro api pamusoro pomurume
wake, uye mufambiro wake ungaguma nei?
138
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
kuzviisa pasi sezvinodiwa naMwari, kunyange mumamiriro
ezvinhu anoedza. Uyezve, Bhaibheri rinoti: “Mudzimai anofanira kuremekedza murume wake kwazvo.” (VaEfeso 5:33)
Asi zvakadini kana murume wacho asingabvumi Kristu soMusoro wake? Bhaibheri rinokurudzira madzimai kuti: “Zviisei pasi pevarume venyu, kuti kana paine vasingateereri shoko, muvawane nomufambiro wenyu pasina shoko rinotaurwa, nokuva kwavo zvapupu zvakaona mufambiro wenyu
wakachena pamwe chete noruremekedzo rukuru.”—1 Petro 3:
1, 2.
12 Zvisinei nokuti mudzimai anonamata pamwe chete nomurume wake kana kuti kwete, kana akataura zvaanofunga
nokungwarira zvinosiyana nezvomurume wake, anenge asiri kuratidza kusaremekedza. Maonero ake angava akarurama,
uye mhuri yose inogona kubatsirwa kana murume akamuteerera. Kunyange zvazvo Abrahamu asina kubvuma apo mudzimai wake Sara, akataura zvaibatsira pakugadzirisa rimwe dambudziko romumhuri, Mwari akamuudza kuti: “Teerera inzwi rake.” (Genesisi 21:9-12) Chokwadi, murume paanoita chisarudzo chokupedzisira chisingapesani nomutemo
waMwari, mudzimai wake anoratidza kuzviisa pasi nokuchitsigira.—Mabasa 5:29; VaEfeso 5:24.
13 Pakuita basa rake, mudzimai anogona kuita zvakawanda
pakutarisira mhuri. Somuenzaniso, Bhaibheri rinoratidza kuti vakadzi vakaroorwa vanofanira ‘kuda varume vavo, vana vavo, kuva nepfungwa dzakanaka, vakachena, vanoita mabasa
epamba, vakanaka, vanozviisa pasi pevarume vavo.’ (Tito 2:
4, 5) Mudzimai ane vana anoita saizvozvi achadiwa uye acharemekedzwa zvechigarire nemhuri yake. (Zvirevo 31:10, 28)
Zvisinei, kuroorana zvakuri mubatanidzwa wevanhu vasina
kukwana, mamwe mamiriro ezvinhu akanyanyisa angaguma
nokuparadzana kana kuti kurambana. Bhaibheri rinobvumi12. Nei zvisina kuipa kuti mudzimai ataure zvaanofunga nenzira yokuremekedza?
13. (a) Tito 2:4, 5 inokurudzira vakadzi vakaroorwa kuitei? (b) Bhaibheri rinotii nezvokuparadzana uye kurambana?
Sara akaratidza muenzaniso upi wakanaka
nokuda kwemadzimai?
ra kuti vanhu vaparadzane mune mamwe mamiriro ezvinhu.
Asi, kuparadzana inyaya yakakomba, nokuti Bhaibheri rinopa
zano rokuti: “Mudzimai haafaniri kubva kumurume wake; . . .
uye murume haafaniri kusiya mudzimai wake.” (1 VaKorinde
7:10, 11) Uye ufeve chete hunoitwa nomumwe wavo ndihwo
hunopa chikonzero chomuMagwaro chokurambana.—Mateu
19:9.
MUENZANISO WAKAKWANA NOKUDA KWEVABEREKI
14 Jesu akaratidza muenzaniso wakakwana nokuda kwevabereki munzira yaakabata nayo vana. Vamwe pavakaedza kudzivisa vana kuuya kuna Jesu, iye akati: “Regai vana vaduku
vauye kwandiri; musaedza kuvadzivisa.” Bhaibheri rinotaura
kuti akabva “agumbatira vana mumaoko ake, akatanga kuvakomborera, achiisa maoko ake pavari.” (Mako 10:13-16) Sezvo
Jesu akapedza nguva aine vana, iwe haufaniri kuitawo saizvozvo kuvanakomana nevanasikana vako here? Havangodi nguva yako shomanana, asi yakawanda. Unofanira kuwana nguva yokuvadzidzisa, nokuti izvozvo ndizvo izvo Jehovha anorayira vabereki kuti vaite.—Dheuteronomio 6:4-9.
14. Jesu akabata sei vana, uye vana vanodei kuvabereki vavo?
140
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
Nyika ino zvairi kuramba ichiipa, vana vanoda vabereki
vachavadzivirira pavanhu vanotsvaka kuita zvounzenza navo.
Funga nzira iyo Jesu akadzivirira nayo vadzidzi vake, vaakadana norudo kuti “vana vaduku.” Paakasungwa uye ava kuda kunourayiwa, Jesu akaita kuti vakwanise kutiza. (Johani 13:
33; 18:7-9) Somubereki, unofanira kungwarira kuedza kunoita Dhiyabhorosi kukuvadza vana vako. Unofanira kugara wavanyevera.1 (1 Petro 5:8) Kuchengeteka kwavo mumuviri, pa15
1 Rubatsiro pakudzivirira vana runowanika muchitsauko 32 chebhuku rinonzi Dzidza Kumudzidzisi Mukuru, rakabudiswa neZvapupu
zvaJehovha.
15. Vabereki vangaitei kuti vadzivirire vana vavo?
Vabereki vangadzidzei panzira iyo
Jesu akabata nayo vana?
Kuita Kuti Upenyu Hwenyu Hwemhuri Hufadze
141
kunamata, uye mutsika hakuna kumbova pangozi zvakanyanya saiye zvino.
16 Pausiku hwokupedzisira Jesu asati afa, vadzidzi vake vakaitirana nharo pamusoro pokuti ndiani aiva mukuru pakati
pavo. Panzvimbo pokuvatsamwira, Jesu nenzira yorudo akaramba achivakumbira kuti vasadaro neshoko uye nomuenzaniso. (Ruka 22:24-27; Johani 13:3-8) Kana uri mubereki, unogona kuona here kutevera kwaungaita muenzaniso waJesu
pakururamisa kwaunoita vana vako? Chokwadi, vanoda kurangwa, asi kunofanira kuitwa “zvakafanira” uye usina kutsamwa. Waisazoda kutaura usina kufunga ‘sokubaya kunoita
bakatwa.’ (Jeremiya 30:11; Zvirevo 12:18) Kuranga kunofanira
kuitwa zvokuti mwana wako anozoona kuti kwange kwakakodzera sei.—VaEfeso 6:4; VaHebheru 12:9-11.
MUENZANISO NOKUDA KWEVANA
Vana vanogona kudzidza kuna Jesu here? Chokwadi, vanogona! Nomuenzaniso wake, Jesu akaratidza kuteerera vabereki kunofanira kuita vana. “Ndinotaura,” iye akadaro, “sokudzidziswa kwandakaitwa naBaba.” Akawedzera kuti: “Ndinogara ndichiita zvinhu zvinomufadza.” (Johani 8:28, 29) Jesu
aiteerera Baba vake vokudenga, uye Bhaibheri rinoudza vana
kuti vateerere vabereki vavo. (VaEfeso 6:1-3) Kunyange zvazvo
Jesu akanga ari mwana akakwana, aiteerera vabereki vake vevanhu, Josefa naMariya, vakanga vasina kukwana. Chokwadi,
izvozvo zvakaita kuti nhengo yoga yoga yemhuri yaJesu ifare!
—Ruka 2:4, 5, 51, 52.
18 Vana vangaona here nzira idzo vangava saJesu zvakanyanya, voita kuti vabereki vavo vafare? Chokwadi, vaduku dzimwe nguva vangazviona zvakaoma kuteerera vabereki vavo,
17
16. Vabereki vangadzidzei pane zvakaitwa naJesu nokusakwana kwevadzidzi vake?
17. Jesu akaratidza muenzaniso wakakwana nokuda kwevana munzira dzipi?
18. Nei Jesu aiteerera Baba vake vokudenga nguva dzose, uye ndiani
anofara vana pavanoteerera vabereki vavo mazuva ano?
142
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
asi izvozvo ndizvo izvo Mwari anoda kuti vana vaite. (Zvirevo 1:8; 6:20) Jesu aiteerera Baba vake vokudenga nguva dzose, kunyange mumamiriro ezvinhu akaoma. Pane imwe nguva, Mwari paaida kuti Jesu aite chimwe chinhu chakanga chakaoma kwazvo, Jesu akati: “Bvisai kapu iyi [chimwe chinhu
chaidiwa] kwandiri.” Kunyange zvakadaro, Jesu akaita zvakakumbirwa naMwari, nokuti aiziva kuti Baba vake vaiziva zvakanga zvakanakisisa. (Ruka 22:42) Nokudzidza kuteerera, vana vachaita kuti vabereki vavo naBaba vavo vokudenga vafare
kwazvo.1—Zvirevo 23:22-25.
19 Dhiyabhorosi akaedza Jesu, uye tinogona kuva nechokwadi chokuti achaedzawo vaduku kuti vaite zvakaipa. (Mateu 4:1-10) Satani Dhiyabhorosi anoshandisa kuda kufanana
nevezera rako, uko kungave kwakaoma kuti urwise. Saka, zvinokosha zvikuru kuti vana varege kushamwaridzana nevanhu
vanoita zvakaipa! (1 VaKorinde 15:33) Mwanasikana waJakobho ainzi Dhina aishamwaridzana nevaya vaisanamata Jehovha, uye izvi zvakaguma nematambudziko akawanda. (Genesisi 34:1, 2) Funga kuti mhuri yaizorwadziwa sei kudai imwe
nhengo yayo yaizoita unzenza!—Zvirevo 17:21, 25.
1 Kudai mubereki aizokumbira mwana kutyora mutemo waMwari, ipapo ndipo chete pazvaizova zvakarurama kuti mwana
asateerere.—Mabasa 5:29.
19. (a) Satani anoedza sei vana?
(b) Maitiro akaipa evana angaitei
kuvabereki?
Vanhu vaduku
vanofanira
kufunga nezvechii
pavanoedzwa?
Kuita Kuti Upenyu Hwenyu Hwemhuri Hufadze
143
CHINHU CHINOKOSHA CHINOITA KUTI MHURI IFARE
20 Matambudziko emhuri ari nyore kurarama nawo kana zano reBhaibheri rikashandiswa. Chokwadi, kushandisa zano rakadaro ndiko kunoita kuti mhuri ifare. Saka varume, idai madzimai enyu, uye abatei sokubatwa kunoitwa ungano naJesu.
Madzimai, zviisei pasi poumusoro hwevarume venyu, uye teverai muenzaniso womukadzi anokwanisa anorondedzerwa pana
Zvirevo 31:10-31. Vabereki, rovedzai vana venyu. (Zvirevo 22:6)
Vanababa, ‘tungamirirai dzimba dzenyu zvakanaka.’ (1 Timoti
3:4, 5; 5:8) Uye vana, teererai vabereki venyu. (VaKorose 3:20)
Mumhuri hapana akakwana, nokuti vose vanokanganisa. Naizvozvo zvininipisei, muchikumbirana ruregerero.
21 Zvechokwadi, Bhaibheri rizere nemazano anokosha uye
murayiridzo zvine chokuita noupenyu hwemhuri. Uyezve, rinotidzidzisa nezvenyika itsva yaMwari uye paradhiso yepasi pano inenge izere nevanhu vanofara vanonamata Jehovha. (Zvakazarurwa 21:3, 4) Chokwadi idzodzo itarisiro dzinoshamisa dziri mberi! Kunyange iye zvino, tinogona kuva noupenyu
hwemhuri hunofadza nokushandisa mirayiridzo yaMwari iri
muShoko rake, Bhaibheri.
20. Kuti upenyu hwemhuri hufadze, nhengo yoga yoga yemhuri inofanira kuitei?
21. Itarisiro dzipi dzinoshamisa dziri mberi, uye tingava sei noupenyu
hwemhuri hunofadza iye zvino?
ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI
ˇ Varume vanofanira kuda madzimai avo
semiviri yavo.—VaEfeso 5:25-29.
ˇ Madzimai anofanira kuda mhuri dzawo uye
kuremekedza varume vawo.—Tito 2:4, 5.
ˇ Vabereki vanofanira kuda, kudzidzisa, uye
kudzivirira vana vavo.—Dheuteronomio 6:4-9.
ˇ Vana vanofanira kuteerera vabereki vavo.
—VaEfeso 6:1-3.
CHITSAUKO 15
Kunamata
Kunobvumirwa naMwari
Zvitendero zvose zvinofadza Mwari here?
Tingaziva sei chitendero chechokwadi?
Ndivanaani vanamati vaMwari
vechokwadi panyika mazuva ano?
JEHOVHA MWARI ane hanya nesu zvikuru uye anoda kuti tibatsirwe nomurayiro wake worudo. Kana tikamunamata zvakarurama, tichafara uye tichadzivisa matambudziko akawanda
muupenyu. Iye achatikomborerawo uye achatibatsira. (Isaya
48:17) Zvisinei, kune zviuru zvezvitendero zvinoti zvinodzidzisa chokwadi pamusoro paMwari. Asi zvinosiyana zvikuru pane
zvazvinodzidzisa pamusoro pokuti Mwari ndiani uye zvaanoda kwatiri.
2 Ungaziva sei nzira yakarurama yokunamata Jehovha? Haufaniri hako kudzidza uye kuenzanisa zvinodzidziswa nezvitendero zvose zvakawanda. Unongofanira kudzidza chaizvo zvinodzidziswa neBhaibheri pamusoro pokunamata kwechokwadi. Kuenzanisira: Munyika dzakawanda, mune dambudziko remari yokunyepera. Kudai waizopiwa basa rokuona kuti mari
yokunyepera yakadaro ndeipi, waizozviita sei? Nokuziva nomusoro mari yose yokunyepera here? Kwete. Zvaizobatsira kushandisa nguva yako kuongorora mari chaiyo. Wava kuziva kuti mari chaiyo yakaita sei, waizogona kuziva yokunyepera. Saizvozvowo, patinodzidza maziviro atingaita chitendero chechokwadi, tinogonawo kuziva zvitendero zvenhema.
1. Tichabatsirwa sei kana tikanamata Mwari zvakarurama?
2. Tingadzidza sei nzira yakarurama yokunamata Jehovha, uye muenzaniso upi unotibatsira kunzwisisa izvi?
Kunamata Kunobvumirwa naMwari
145
Zvinokosha kuti tinamate Jehovha nenzira yaanobvumira. Vanhu vakawanda vanodavira kuti zvitendero zvose zvinofadza Mwari, asi Bhaibheri haridzidzisi izvozvo. Hazvina kukwana kungozviti uri muKristu. Jesu akati: “Haasi munhu wose anoti kwandiri, ‘Ishe, Ishe,’ achapinda muumambo hwokumatenga, asi uya anoita kuda kwaBaba vangu vari kumatenga.” Saka, kuti tifarirwe naMwari, tinofanira kudzidza zvinoda Mwari kwatiri, tozviita. Jesu akadana vaya vasingaiti zvinoda Mwari kuti “vasingateereri mutemo.” (Mateu 7:21-23)
Kufanana nemari yokunyepera, chitendero chenhema hachina ukoshi chaihwo. Zvakatoipa ndezvokuti chitendero chakadaro zvechokwadi chinokuvadza.
4 Jehovha anopa munhu wose ari panyika mukana wokuwana upenyu husingaperi. Zvisinei, kuti tive noupenyu husingagumi muParadhiso, tinofanira kunamata Mwari zvakakodzera uye iye zvino torarama nenzira yaanogamuchira. Zvinosuruvarisa kuti vakawanda vanoramba kuita izvozvo. Ndokusaka Jesu akati: “Pindai nepagedhi rakamanikana; nokuti mugwagwa wakafara uye wakapamhama unoenda mukuparadzwa, uye vazhinji ndivo vanopinda nawo; asi gedhi rakamanikana uye mugwagwa wakatetepa unoenda kuupenyu, uye vashomanana ndivo vanouwana.” (Mateu 7:13, 14) Chitendero
chechokwadi chinoita kuti tiwane upenyu husingaperi. Chitendero chenhema chinoita kuti tiparadzwe. Jehovha haadi kuti
chero munhu upi zvake aparadzwe, ndokusaka ari kupa vanhu
kwose kwose mukana wokudzidza nezvake. (2 Petro 3:9) Saka,
manamatiro atinoita Mwari anoreva kuti zvichida tichawana
upenyu kana kuti tichafa.
3
NZIRA YOKUZIVA NAYO CHITENDERO CHECHOKWADI
5 ‘Mugwagwa unoenda kuupenyu’ ungawanika sei? Jesu
3. Maererano naJesu, tinofanira kuitei kana tichida kuti Mwari atifarire?
4. Mashoko aJesu ane chokuita nemigwagwa miviri anorevei, uye mugwagwa mumwe nomumwe unoenda kupi?
5. Tingaziva sei vaya vane chitendero chechokwadi?
146
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
akati chitendero chechokwadi chaizooneka noupenyu hwevanhu vacho. “Muchavaziva nezvibereko zvavo,” iye akadaro.
“Muti wose wakanaka unobereka chibereko chakanaka.” (Mateu 7:16, 17) Nemamwe mashoko, vaya vane chitendero chechokwadi vaizozivikanwa nezvavanotenda uye maitiro avo.
Kunyange zvazvo vasina kukwana uye vachikanganisa, vanamati vechokwadi seboka vanoedza kuita zvinoda Mwari. Ngatikurukurei zvinhu zvitanhatu zvinoratidza vaya vane chitendero chechokwadi.
6 Vashumiri vaMwari vanotora zvavanodzidzisa muBhaibheri. Bhaibheri pacharo rinoti: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa
naMwari uye runobatsira pakudzidzisa, pakutsiura, pakururamisa zvinhu, pakuranga nokururama, kuti munhu waMwari
akwanise zvizere, akashongedzerwa zvakakwana kuita mabasa
ose akanaka.” (2 Timoti 3:16, 17) Muapostora Pauro akanyorera vaKristu vaainamata navo, kuti: “Pamakagamuchira shoko
raMwari, ramakanzwa kwatiri, hamuna kurigamuchira seshoko revanhu, asi, sezvariri chaizvo, seshoko raMwari.” (1 VaTesaronika 2:13) Saka, zvinotendwa uye zvinoitwa muchitendero chechokwadi hazvitorwi pamaonero evanhu kana kuti tsika. Zvinobva muShoko raMwari rakafuridzirwa, Bhaibheri.
7 Jesu Kristu akaratidza muenzaniso wakakodzera nokutora zvaaidzidzisa muShoko raMwari. Achinyengetera kuna Baba vake vokudenga, iye akati: “Shoko renyu ichokwadi.” (Johani 17:17) Jesu aidavira Shoko raMwari, uye zvose zvaaidzidzisa zvaienderana neMagwaro. Kakawanda Jesu aiti: “Zvakanyorwa kuti.” (Mateu 4:4, 7, 10) Jesu aibva ataura mashoko orugwaro. Saizvozvowo, vanhu vaMwari mazuva ano havadzidzisi zvavanofunga. Vanodavira kuti Bhaibheri iShoko raMwari,
uye vanotora zvavanodzidzisa pane zvarinotaura chete.
8 Vaya vari muchitendero chechokwadi vanongonamata Jehovha chete uye vanozivisa zita rake. Jesu akazivisa kuti: “Jehovha
6, 7. Vashumiri vaMwari vanoona sei Bhaibheri, uye Jesu akaratidza
sei muenzaniso pane izvi?
8. Kunamata Jehovha kunosanganisirei?
VAYA VANONAMATA MWARI WECHOKWADI
ˇ
ˇ
ˇ
ˇ
ˇ
ˇ
vanotora zvavanodzidzisa muBhaibheri
vanonamata Jehovha chete uye vanozivisa zita rake
vanodanana zvechokwadi
vanobvuma Jesu senzira yaMwari yokuponesa vanhu
havasi venyika
vanoparidza Umambo hwaMwari setariro
chete yevanhu
148
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
Mwari wako ndiye waunofanira kunamata, uye ndiye oga waunofanira kuitira basa dzvene.” (Mateu 4:10) Saka vashumiri vaMwari vanongonamata Jehovha chete. Kunamata uku kunosanganisira kuita kuti vanhu vazive zita raMwari wechokwadi
uye zvaakaita. Pisarema 83:18 rinoti: “Imi, mune zita rokuti Jehovha, imi moga ndimi Wokumusorosoro kumusoro kwenyika yose.” Jesu akaratidza muenzaniso pakubatsira vamwe kuti
vazive Mwari, sezvaakataura achinyengetera kuti: “Ndakaratidza vanhu vamakandipa panyika zita renyu.” (Johani 17:6)
Saizvozvowo, vanamati vechokwadi mazuva ano vanodzidzisa
vamwe zita raMwari, zvinangwa zvake, uye unhu hwake.
9 Vanhu vaMwari vanodanana zvechokwadi, vasingatarisiri
kuwana zvimwe zvinhu. Jesu akati: “Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.” (Johani 13:35) VaKristu vepakutanga vaidanana saizvozvo. Rudo
rwatinonzi tive narwo naMwari haruna basa nezvipingamupinyi zvedzinza, zvenzanga, uye zvemarudzi uye runobatanidza
vanhu muchisungo chisingadambuki chokuva hama dzechokwadi. (VaKorose 3:14) Nhengo dzezvitendero zvenhema hadzidanani sehama saizvozvo. Tinoziva sei izvozvo? Vanourayana pamusana pokuti vane rudzi kana kuti dzinza rakasiyana.
VaKristu vechokwadi havashandisi zvombo kuti vauraye hama dzavo dzechiKristu kana kuti mumwe munhu. Bhaibheri rinoti: “Vana vaMwari nevana vaDhiyabhorosi vanoonekwa
neizvi: Munhu wose asingarambi achiita zvakarurama haabvi
kuna Mwari, uyewo ndizvo zvakaita uya asingadi hama yake.
. . . Tinofanira kudanana; hatifaniri kuita saKaini, akabva kune akaipa, akaponda munun’una wake.”—1 Johani 3:10-12; 4:
20, 21.
10 Chokwadi, rudo rwechokwadi runoreva zvinopfuura kusauraya vamwe. VaKristu vechokwadi vanoshandisa nguva yavo, simba, uye zvinhu kuti vabatsirane nokukurudzirana, vasingatarisiri kuwana zvimwe zvinhu. (VaHebheru 10:24, 25)
Vanobatsirana panguva yenhamo, uye vanoitirana zvinhu ne9, 10. VaKristu vechokwadi vanodanana munzira dzipi?
Kunamata Kunobvumirwa naMwari
149
vamwe nokutendeseka. Chokwadi, vanoshandisa zano reBhaibheri muupenyu hwavo roku‘itira vose zvakanaka.’—VaGaratiya 6:10.
11 VaKristu vechokwadi vanobvuma Jesu Kristu senzira yaMwari yokuponesa nayo vanhu. Bhaibheri rinoti: “Hapana mumwe angaponesa vanhu, nokuti hapana rimwe zita pasi pedenga rakapiwa pakati pevanhu ratinofanira kuponeswa naro.” (Mabasa 4:12) Sezvatakaona muChitsauko 5, Jesu akapa
upenyu hwake kuti huve rudzikinuro rwevanhu vanoteerera.
(Mateu 20:28) Uyewo, Jesu ndiye Mambo akagadzwa waMwari
muUmambo hwokudenga huchatonga nyika yose. Uye Mwari
anoda kuti titeerere Jesu uye tishandise zvaakadzidzisa kana tichida upenyu husingaperi. Ndokusaka Bhaibheri richiti: “Anotenda muMwanakomana ane upenyu husingaperi; asingateereri Mwanakomana haazooni upenyu.”—Johani 3:36.
12 Vanamati vechokwadi havasi venyika. Paakanga achitongwa ari pamberi pomutongi weRoma, Pirato, Jesu akati:
“Umambo hwangu hahusi hwenyika ino.” (Johani 18:36) Zvisinei nokuti vanogara munyika ipi, vateveri vaJesu vechokwadi vanhu vanotongwa noUmambo hwake hwokudenga uye
vanoramba vasina kwavanotsigira munyaya dzezvematongerwo enyika. Havabatanidzwi mukurwisana kwayo. Zvisinei,
vanamati vaJehovha havapindiri pane izvo vamwe vanosarudza kuita pakubatana nebato rezvematongerwo enyika, kuwana chinzvimbo, kana kuti kuvhota. Uye kunyange zvazvo vanamati vaMwari vechokwadi vasina kwavanotsigira mune zvematongerwo enyika, ivo vanoteerera mutemo. Nei? Nokuti
Shoko raMwari rinovarayira ‘kuzviisa pasi’ pe“masimba makuru” ehurumende. (VaRoma 13:1) Kana zvinodiwa naMwari
zvapesana nezvinodiwa nevezvematongerwo enyika, vanamati vechokwadi vanotevera muenzaniso wevaapostora, avo vakati: “Tinofanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.”—Mabasa 5:29; Mako 12:17.
11. Nei zvichikosha kubvuma Jesu Kristu senzira yaMwari yokuponesa nayo vanhu?
12. Kusava wenyika kunosanganisirei?
150
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
Vateveri vaJesu vechokwadi vanoparidza kuti Umambo
hwaMwari ndihwo tariro chete yevanhu. Jesu akafanotaura kuti: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa munyika
yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro kuguma kuchasvika.” (Mateu 24:14) Panzvimbo pokukurudzira vanhu kuvimba nevatongi vevanhu kuti vagadzirise ma13
13. Vateveri vaJesu vechokwadi vanoona sei Umambo hwaMwari, uye
nokuda kwaizvozvo vanoitei?
Nokushumira Jehovha pamwe nevanhu vake, uchawana
zvakawanda kwazvo kupfuura zvaungarasikirwa nazvo
Kunamata Kunobvumirwa naMwari
151
tambudziko avo, vateveri vaJesu Kristu vechokwadi vanozivisa
Umambo hwaMwari hwokudenga setariro chete yevanhu. (Pisarema 146:3) Jesu akatidzidzisa kunyengeterera hurumende
iyoyo yakakwana paakati: “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda
kwenyu ngakuitwe panyika, sezvakunoitwa kudenga.” (Mateu
6:10) Shoko raMwari rakafanotaura kuti Umambo uhwu hwokudenga “huchapwanya, hwogumisa umambo hwose uhwu
[huripo iye zvino], uye ihwo huchamira nokusingagumi.”
—Dhanieri 2:44.
14 Kubva pane zvatichangobva kukurukura, zvibvunze kuti: ‘Iboka ripi rechitendero rinotora zvose zvarinodzidzisa muBhaibheri uye rinozivisa zita raJehovha? Iboka ripi rinoratidza
rudo runodiwa naMwari, rinotenda muna Jesu, risingaiti zvenyika, uye rinozivisa kuti Umambo hwaMwari ndihwo tariro
yechokwadi chete yevanhu? Pamapoka ose ezvitendero ari panyika, nderipi rinoita izvi zvose zvinodiwa?’ Chokwadi chinoratidza pachena kuti Zvapupu zvaJehovha ndizvo boka racho.
—Isaya 43:10-12.
UCHAITEI?
Kungotenda muna Mwari hakuna kukwana kuti timufadze. Chokwadi, Bhaibheri rinotaura kuti kunyange madhimoni anotenda kuti Mwari aripo. (Jakobho 2:19) Kunyange zvakadaro, zviri pachena kuti haaite zvinoda Mwari uye iye haaafariri. Kuti tifarirwe naMwari, hatingofaniri kutenda chete kuti aripo, asi tinofanirawo kuita zvaanoda. Tinofanira kusiyanawo nechitendero chenhema, togamuchira kunamata kwechokwadi.
16 Muapostora Pauro akaratidza kuti hatifaniri kubatanidzwa
mukunamata kwenhema. Akanyora kuti: “ ‘Ibvai pakati pavo,
15
14. Nderipi boka rechitendero raunofunga kuti rinoita zvinodiwa pakunamata kwechokwadi?
15. Kuwedzera pakutenda kuti iye aripo, ndezvipi zvimwe zvinodiwa
naMwari?
16. Munhu anofanira kuitei kana achibatanidzwa muchitendero chenhema?
152
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
muzviparadzanise,’ anodaro Jehovha, ‘musabata chinhu chisina kuchena’; ‘uye ini ndichakugamuchirai.’ ” (2 VaKorinde 6:
17; Isaya 52:11) Saka vaKristu vechokwadi vanodzivisa chero
chinhu chipi zvacho chine chokuita nokunamata kwenhema.
17 Bhaibheri rinoratidza kuti zvitendero zvose zvenhema
zvakawanda chikamu che“Bhabhironi Guru.”1 (Zvakazarurwa
17:5) Zita iroro rinotiyeuchidza nezveguta reBhabhironi rekare, makatangira kunamata kwenhema pashure peMafashamo
omunguva yaNoa. Dzidziso dzakawanda uye tsika dzakakurumbira iye zvino muchitendero chenhema zvakatanga kare kare
muBhabhironi. Somuenzaniso, vaBhabhironi vainamata vanamwari vatatu vatatu. Mazuva ano, dzidziso huru yezvitendero zvakawanda ndeyoUtatu. Asi Bhaibheri rinodzidzisa zviri
pachena kuti kunongova naMwari mumwe chete wechokwadi, Jehovha, uye kuti Jesu Kristu Mwanakomana wake. (Johani
17:3) VaBhabhironi vaidavirawo kuti vanhu vane mweya usingafi unobuda mumuviri pashure pokufa uye unogona kutambura uri munzvimbo yokutambudzirwa. Mazuva ano, kutenda mumweya usingafi kana kuti mudzimu uyo unogona kutambura uri muhero ine moto kunodzidziswa nezvitendero
zvakawanda.
18 Kunamata kwekare kweBhabhironi zvakwakapararira panyika pose, Bhabhironi Guru remazuva ano rinogona kuzivikanwa zvakakodzera soumambo hwenyika hwechitendero
chenhema. Uye Mwari akafanotaura kuti umambo uhwu hwechitendero chenhema huchangoerekana hwaguma. (Zvakazarurwa 18:8) Unoona here nei zvichikosha kuti usiyane nechikamu chose cheBhabhironi Guru? Jehovha Mwari anoda kuti ukurumidze ‘kubuda mariri’ pachine nguva.—Zvakazarurwa
18:4.
1 Kuti uwane mamwe mashoko nei Bhabhironi Guru richimiririra
umambo hwenyika hwechitendero chenhema, ona Mashoko Okuwedzera, mapeji 219-20.
17, 18. “Bhabhironi Guru” chii, uye nei vanhu vachifanira kukurumidza ‘kubuda mariri’?
Kunamata Kunobvumirwa naMwari
153
Somugumisiro wokusarudza kwako kubuda muchitendero chenhema, vamwe vangasarudza kurega kushamwaridzana
newe. Zvisinei, nokushumira Jehovha pamwe nevanhu vake,
uchawana zvakawanda kwazvo kupfuura zvaungarasikirwa nazvo. Kufanana nevadzidzi vaJesu vepakutanga vakasiya zvimwe
zvinhu kuti vamutevere, uchava nehama nehanzvadzi dzakawanda dzaunonamata nadzo. Uchava nhengo yemhuri huru
iri munyika yose ine mamiriyoni evaKristu vechokwadi, vanokuda zvechokwadi. Uye uchava netariro inoshamisa youpenyu
husingaperi “mumamiriro ezvinhu epanguva inouya.” (Mako
10:28-30) Zvichida pashure penguva yakati, vaya vakakuramba
nokuda kwezvaunotenda vachadzidza zvinodzidziswa neBhaibheri, vova vanamati vaJehovha.
20 Bhaibheri rinodzidzisa kuti Mwari achakurumidza kugumisa mamiriro ezvinhu akaipa aripo, oatsiva nenyika itsva
yakarurama inenge ichitongwa noUmambo hwake. (2 Petro
3:9, 13) Chokwadi iyoyo ichange iri nyika yakanaka kwazvo!
Uye mumamiriro ezvinhu matsva iwayo akarurama, muchange muine chitendero chimwe chete, kunamata kwechokwadi kumwe chete. Hakusi kuchenjera here kuti utore matanho
anodiwa kuti ubatane nevanamati vechokwadi iye zvino chaiye?
19
19. Uchawanei nokushumira Jehovha?
20. Vaya vari muchitendero chechokwadi vachaitirwei munguva yemberi?
ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI
ˇ Kunongova nechitendero chimwe chete
chechokwadi.—Mateu 7:13, 14.
ˇ Chitendero chechokwadi chinozivikanwa nezvachinodzidzisa uye zvachinoita.—Mateu 7:16, 17.
ˇ Zvapupu zvaJehovha zvinonamata sezvinodiwa
naMwari.—Isaya 43:10.
CHITSAUKO 16
Tsigira Kunamata
Kwechokwadi
Bhaibheri rinodzidzisei nezvokushandiswa
kwemifananidzo uye kunamata
madzitateguru?
VaKristu vanoona sei mazororo echitendero?
Ungatsanangurira sei vamwe zvaunotenda
usingavagumburi?
NGATITII waziva kuti nzvimbo yose yauri kugara yakasvibiswa. Mumwe munhu ave achirasira marara ane chepfu munzvimbo yacho pachivande, uye iye zvino mamiriro acho ezvinhu ava kuisa upenyu pangozi. Waizoita sei? Hapana mubvunzo kuti waizobva imomo kana waikwanisa. Asi pashure pokuita izvozvo, waizongotarisana nomubvunzo uyu unokosha,
‘Ndakakuvadzwa here nechepfu?’
2 Mamiriro ezvinhu akafanana anovapo pane zvechitendero chenhema. Bhaibheri rinodzidzisa kuti kunamata kwakadaro kwakasvibiswa nedzidziso uye maitiro zvisina kuchena. (2 VaKorinde 6:17) Ndokusaka zvichikosha kuti ubude mu“Bhabhironi Guru,” umambo hwenyika hwechitendero chenhema. (Zvakazarurwa 18:2, 4) Wakaita izvi here? Kana zvakadaro, unofanira kurumbidzwa. Zvisinei, hazvina kukwana kungozviparadzanisa kana kuti kubuda muchitendero chenhema. Pashure paizvozvo, unofanira kuzvibvunza kuti, ‘Ndichine
zvimwe zvinhu zvokunamata kwenhema zvakasaririra mandiri here?’ Funga nezvemimwe mienzaniso.
1, 2. Mubvunzo upi waunofanira kuzvibvunza pashure pokusiya chitendero chenhema, uye nei uchifunga kuti izvi zvinokosha?
155
MIFANANIDZO UYE
KUNAMATA MADZITATEGURU
3 Kwemakore vamwe vave vaine mifananidzo kana kuti
nzvimbo dzinochengeterwa zvinhu zvitsvene mumusha mavo. Ko iwe unazvo here? Kana zvakadaro, ungafunga kuti hazvinzwisisiki kana kuti hazvina kururama kunyengetera kuna Mwari pasina rubatsiro rwezvinhu zvinooneka zvakadaro.
Ungatozviona zvakaoma kuti usiyane nezvimwe zvinhu izvi.
Asi Mwari ndiye anotaura manamatirwo aanofanira kuitwa,
uye Bhaibheri rinodzidzisa kuti haadi kuti tishandise mifananidzo. (Eksodho 20:4, 5; Pisarema 115:4-8; Isaya 42:8; 1 Johani 5:21) Naizvozvo unogona kutsigira kunamata kwechokwadi
nokuparadza zvinhu chero zvipi zvazvo zvauinazvo zvine chokuita nokunamata kwenhema. Zvechokwadi, svika pakuzviona sokuonekwa kwazvinoitwa naJehovha—sechinhu “chinosemesa.”—Dheuteronomio 27:15.
3. (a) Bhaibheri rinotii nezvokushandiswa kwemifananidzo, uye nei
vamwe vangaomerwa nokubvuma maonero aMwari? (b) Chii chaunofanira kuita nezvinhu chero zvipi zvazvo zvauinazvo zvine chokuita
nokunamata kwenhema?
156
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
Kunamata madzitateguru kwakazara muzvitendero zvenhema zvakawanda. Vasati vadzidza chokwadi cheBhaibheri,
vamwe vaidavira kuti vakafa vane zvavanoziva vari munzvimbo isingaoneki uye kuti vanogona kubatsira kana kuti kukuvadza vapenyu. Zvichida waiwanzoita zvakawanda kuti ufadze
madzitateguru ako akafa. Asi sezvawakadzidza muChitsauko 6
chebhuku rino, vakafa hapana kwavari uye havana chavanoziva. Saka, kuedza kukurukura navo hakubatsiri. Mashoko chero
api zvawo anoita seanobva kumudiwa akafa zvechokwadi anobva kumadhimoni. Saka, Jehovha akarambidza vaIsraeri kuedza kutaura nevakafa kana kuti kuita zvemidzimu chero kupi
zvako.—Dheuteronomio 18:10-12.
5 Kana kushandisa mifananidzo kana kuti kunamata madzitateguru zvaiva manamatiro ako ekare, ungaitei? Verenga uye
fungisisa zvikamu zveBhaibheri zvinokuratidza maonero anoita Mwari zvinhu izvi. Nyengetera kuna Jehovha zuva nezuva
nezvechido chako chokutsigira kunamata kwechokwadi, uye
mukumbire kuti akubatsire kufunga sezvaanoita.—Isaya 55:9.
4
KRISIMASI—YAISAPEMBERERWA
NEVAKRISTU VEPAKUTANGA
6 Kunamata kwomunhu kungasvibiswa nechitendero chenhema panyaya dzemazororo akakurumbira. Somuenzaniso,
funga nezveKrisimasi. Krisimasi inonzi kupemberera kuberekwa kwaJesu Kristu, uye zvinenge zvitendero zvose zvinoti ndezvechiKristu zvinoipemberera. Asi, hapana uchapupu hwokuti vadzidzi vaJesu vomuzana remakore rokutanga vakachengeta zororo rakadaro. Bhuku rinonzi Sacred Origins of Profound
Things rinoti: “Kwemazana maviri emakore pashure pokubere4. (a) Tinoziva sei kuti kunamata madzitateguru hakubatsiri? (b) Nei
Jehovha akarambidza vanhu vake kuita zvemidzimu chero kupi zvako?
5. Ungaitei kana kare waishandisa mifananidzo kana kuti wainamata
madzitateguru?
6, 7. (a) Krisimasi inonzi kupemberera chii, uye vateveri vaJesu vomuzana remakore rokutanga vakaichengeta here? (b) Kupembererwa
kwemazuva okuberekwa kwakanga kwakabatana nechii munguva yevadzidzi vaJesu vepakutanga?
Tsigira Kunamata Kwechokwadi
157
kwa kwaKristu, hapana aiziva, uye vanhu vashomanana ndivo
vaiva nehanya nomusi chaiwo waakaberekwa.”
7 Kunyange kudai vadzidzi vaJesu vakaziva musi chaiwo waakaberekwa, vangadai vasina kuupemberera. Nei? Nokuti, sokutaura kunoita The World Book Encyclopedia, vaKristu vepakutanga “vaiona kupemberera kuberekwa kwomunhu chero upi zvake setsika yechihedheni.” Kuchengetwa kwemazuva okuberekwa kunongotaurwa muBhaibheri chete ndokuya
kwevatongi vaviri vakanga vasinganamati Jehovha. (Genesisi
40:20; Mako 6:21) Kupemberera mazuva okuberekwa kwaiitirwawo kuremekedza vanamwari vechihedheni. Somuenzaniso, pana May 24 vaRoma vaipemberera zuva rokuberekwa
kwamwarikadzi Diana. Pazuva raitevera, vaichengeta zuva rokuberekwa kwamwari wavo wezuva, Apollo. Saka, kupembererwa kwemazuva okuberekwa kwakanga kwakabatana nechihedheni, kwete nechiKristu.
8 Pane chimwe chikonzero nei vaKristu vomuzana remakore
rokutanga vaisapemberera zuva rokuberekwa kwaJesu. Zvingangodaro kuti vadzidzi vake vaiziva kuti kupemberera mazuva
okuberekwa kwakanga kwakabatana nemashura. Somuenzaniso, vaGiriki vakawanda nevaRoma vomunguva yekare vaidavira kuti mudzimu waivapo pakuberekwa kwomunhu mumwe nomumwe uye waidzivirira munhu iyeye kwoupenyu
hwose. “Mudzimu uyu waiva noukama husinganzwisisiki namwari aiva nezuva rokuzvarwa rakaberekwa munhu wacho,”
rinodaro bhuku rinonzi The Lore of Birthdays. Chokwadi Jehovha aisazofadzwa nomutambo chero upi zvawo waizobatanidza Jesu nokutenda mashura. (Isaya 65:11, 12) Saka Krisimasi
yakasvika sei pakupembererwa nevanhu vakawanda?
9
KWAKABVA KRISIMASI
Vanhu vakatanga kuchengeta kuberekwa kwaJesu pana
8. Tsanangura kubatana kwakaita kupembererwa kwezuva rokuberekwa nokutenda mashura.
9. December 25 akasarudzwa sei kuti ave musi wokupemberera kuberekwa kwaJesu?
158
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
December 25 patodarika mazana emakore anoverengeka pashure pokunge ararama pano pasi. Asi iwoyo handiwo waiva musi wakaberekwa Jesu, nokuti zviri pachena kuti akaberekwa muna October.1 Saka nei December 25 akasarudzwa? Gare gare, zvichida vamwe vaizviti vaKristu “vakashuva kuti musi wacho uwirirane nomutambo wechihedheni weRoma wokupemberera ‘musi wokuberekwa kwezuva risingakundwi.’ ”
(The New Encyclopædia Britannica) Muchando, zuva paraiita
sokuti harina simba zvakanyanya, vahedheni vaiita mitambo
yokuita kuti zuva iri raiunza kudziya nechiedza ridzoke richibva kwarainge raenda kure kure. Vaifunga kuti December 25
ndiwo musi waitanga kudzoka zuva. Vachiedza kutendeutsa
vahedheni, vatungamiriri vezvitendero vakagamuchira mutambo uyu ndokuedza kuita kuti uite sowe“chiKristu.”2
10 Vanhu vave vachiziva kwenguva refu kuti Krisimasi inobva kuchihedheWaizodya
here suwiti
ni. Zvayaisabva mumagwaro, Krisimayakanhongwa
si yakarambidzwa muEngland uye mumunoyerera
ne dzimwe nyika dzaiva pasi peAmerimvura
yetsvina?
ca muzana remakore rechi17. Chero
munhu upi zvake aigara kumba achirega kuenda kubasa pazuva reKrisimasi aifanira kubhadhariswa. Zvisinei, munguva pfupi, tsika dzacho dzekare dzakanga
dzadzoka, uye dzimwe itsva dzakawedzerwa. Krisimasi yakavazve zororo guru, uye ndizvo zvaichiri munyika dzaka1 Ona Mashoko Okuwedzera, mapeji 221-2.
2 Mutambo unonzi Saturnalia wakabatsirawo pakusarudzwa kwaDecember 25. Mutambo uyu waikudza mwari wokurima weRoma waiitwa pana December 17-24. Kuita mabiko, kufara, uye kupa zvipo zvaiitwa pamutambo weSaturnalia.
10. Munguva yakapfuura, nei vamwe vanhu
vaisapemberera Krisimasi?
Tsigira Kunamata Kwechokwadi
159
wanda. Zvisinei, nokuda kwokubatana kwakaita Krisimasi nechitendero chenhema, vaya vanoda kufadza Mwari havaipembereri kana kuti chero mamwe mazororo anobva mukunamata kwechihedheni.1
KWAKABVA MAZORORO
KUNOMBONYANYA KUKOSHA HERE?
11 Vamwe vanobvuma kuti mazororo akadai seKrisimasi akabva kuchihedheni asi vanofunga kuti hazvina kuipa kuapemberera. Chokwadika, vanhu vakawanda vanenge vasingafungi nezvokunamata kwenhema pavanochengeta mazororo. Iyi
nguva inoitawo kuti mhuri dzive nemikana yokuva pamwe
chete. Aya ndiwo manzwiro aunoita here? Kana zvakadaro, zvimwe kuda mhuri, kwete kuda chitendero chenhema, ndiko
kunoita kuti kutsigira kunamata kwechokwadi kuite sokwakaoma. Iva nechokwadi chokuti Jehovha, uyo akatanga mhuri,
anoda kuti uve noukama hwakanaka nehama dzako. (VaEfeso 3:14, 15) Asi unogona kusimbisa kubatana kwakadaro nenzira dzinofarirwa naMwari. Nezvenyaya yatinofanira kunyanya kuva nehanya nayo, muapostora Pauro akanyora kuti: “Rambai muchiva nechokwadi chezvinhu zvinogamuchirika kunaShe.”—VaEfeso 5:10.
12 Zvimwe unofunga kuti kwakabva mazororo hakunei nokupembererwa kwaanoitwa mazuva ano. Kwaakabva kunombonyanya kukosha here? Hungu! Kuenzanisira: Ngatitii waizoona suwiti iri munoyerera mvura yetsvina. Waizonhonga suwiti iyoyo woidya here? Chokwadika kwete! Suwiti iyoyo haina kuchena. Kufanana nesuwiti iyoyo, mazororo angaita seakanaka, asi akatorwa munzvimbo dzisina kuchena. Kuti titsigire kunamata kwechokwadi, tinofanira kuva nemaonero akaita
1 Kuti uwane kukurukurwa kwokuti vaKristu vechokwadi vanoona
sei mazororo akakurumbira, ona Mashoko Okuwedzera, mapeji 222-3.
11. Nei vamwe vanhu vachipemberera mazororo, asi chii chatinofanira kunyanya kuva nehanya nacho?
12. Enzanisira nei tichifanira kudzivisa tsika uye mhemberero zvakabva munzvimbo dzisina kuchena.
160
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
seaya omuprofita Isaya, uyo akaudza vanamati vechokwadi kuti: “Musabata chinhu chisina kuchena.”—Isaya 52:11.
SHANDISA UNGWARU PANE ZVAUNOITA NEVAMWE
Matambudziko angamuka paunosarudza kusabatanidzwa
mumazororo. Somuenzaniso, vaunoshanda navo vanganetseka kuti nei usingaiti zvimwe zvinoitwa pabasa zvine chokuita nemazororo. Zvakadini kana ukapiwa chipo cheKrisimasi?
Zvaizova zvakaipa here kuchitambira? Zvakadini kana wawakaroorana naye asingatendi zvaunotenda? Ungava sei nechokwadi chokuti vana vako havanzwi sokuti vari kunyimwa chimwe chinhu nokuti havapembereri mazororo?
14 Ungwaru hunodiwa kuti unzwisise zvokuita mumamiriro ezvinhu mamwe nemamwe. Kana ukangonzi muve nezororo rakanaka, unogona kungotenda munhu wacho. Asi ngatitii uri kukurukura nomunhu waunogara uchiona kana kuti waunoshanda naye. Kana zvakadaro, ungasarudza kutaura
zvakawanda. Muzviitiko zvose, ngwarira. Bhaibheri rinopa zano rokuti: “Kutaura kwenyu ngakuve nenyasha nguva dzose,
kwakarungwa nomunyu, kuti muzive mapinduriro amunofanira kuita.” (VaKorose 4:6) Ngwarira kuti urege kuratidza kuti hauremekedzi vamwe. Asi, nounyanzvi tsanangura maonero
ako. Nyatsotsanangura kuti haushori kupa zvipo uye kuungana asi unosarudza kubatanidzwa muzviitiko izvi panguva yakasiyana.
15 Zvakadini kana mumwe munhu achida kukupa chipo?
Zvakawanda zvine chokuita nemamiriro acho ezvinhu. Munhu wacho anenge achikupa angati: “Ndinoziva kuti haupembereri zororo racho. Asi ndiri kuda kukupa izvi.” Ungasarudza kuti kutambira chipo chacho mumamiriro ezvinhu iwayo
hakuna kufanana nokubatanidzwa muzororo racho. Chokwadi, kana munhu wacho ari kukupa asingazivi zvaunotenda,
13
13. Matambudziko api angamuka pausingabatanidzwi mumazororo?
14, 15. Ungaita sei kana ukanzi muve nezororo rakanaka kana kuti
kana mumwe munhu achida kukupa chipo?
Tsigira Kunamata Kwechokwadi
161
ungataura kuti hauchengeti zororo racho. Izvi zvaizobatsira
kutsanangura nei uchigamuchira chipo asi usingapiwo chipo
panguva yakadaro. Ukuwo, kwaizova kuchenjera kusatambira
chipo kana chikapiwa nevavariro iri pachena yokuratidza kuti hauomereri pane zvaunotenda kana kuti waizobvuma kuti
uwane zvinhu zvokunyama.
ZVAKADINI NENHENGO DZEMHURI?
Zvakadini kana nhengo dzemhuri dzisingatendi zvaunotenda? Zvakare, zviite nokungwarira. Hapana chikonzero chokupikisa tsika yoga yoga kana kuti mhemberero iyo hama dzako dzinosarudza kuchengeta. Asi, remekedza maonero adzo,
iwe sezvaunoda kuti dziremekedze maonero ako. (Mateu 7:12)
Dzivisa maitiro chero api zvawo angaita kuti ubatanidzwe muzororo racho. Asi, ratidza kunzwisisa pazvinhu zvisinei nokupemberera kwacho chaiko. Chokwadi, nguva dzose unofanira kuita zvinhu zvinokusiya uine hana yakanaka.—1 Timoti 1:
18, 19.
17 Ungaitei kuti vana vako varege kunzwa sokuti vari kunyimwa chimwe chinhu nokuti havapembereri mazororo asiri omumagwaro? Zvakawanda zvine chokuita nezvaunoita pane dzimwe nguva dzegore. Vamwe vabereki vanoronga nguva dzokupa vana vavo zvipo. Chimwe chezvipo zvakanakisisa
chaungapa vana vako inguva yako uye kutarisira kworudo.
16
NAMATA NENZIRA YECHOKWADI
Kuti ufadze Mwari, unofanira kuramba kunamata kwenhema, wotsigira kunamata kwechokwadi. Izvi zvinosanganisirei? Bhaibheri rinoti: “Ngatirangarirane kuti tikurudzirane
18
16. Ungashandisa sei unyanzvi pakukurukura nyaya dzine chokuita
nemazororo?
17. Ungabatsira sei vana vako kuti varege kunzwa sokuti vari kunyimwa chimwe chinhu nokuti vanoona kuti vamwe vari kupemberera
mazororo?
18. Kupinda misangano yechiKristu kungakubatsira sei kutsigira kunamata kwechokwadi?
162
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
kuva norudo nemabasa akanaka kwazvo, tisingaregi kuungana
kwedu, setsika ine vamwe, asi tikurudzirane, kunyanya zvamunoona zuva richiswedera pedyo.” (VaHebheru 10:24, 25) Misangano yechiKristu inguva dzinofadza dzokuti unamate Mwari nenzira yaanofarira. (Pisarema 22:22; 122:1) Pamisangano
yakadaro, vaKristu vakatendeka ‘vanokurudzirana.’—VaRoma
1:12.
19 Imwe nzira yaungatsigira nayo kunamata kwechokwadi ndeyokuudza vamwe zvinhu zvawakadzidza muBhaibheri
neZvapupu zvaJehovha. Zvechokwadi, vanhu vakawanda vari “kuchema nokugomera” nokuda kwezvakaipa zviri kuitika munyika mazuva ano. (Ezekieri 9:4) Zvimwe unoziva vanhu vari kudaro. Wadii kutaura navo nezvetariro yako inobva
muBhaibheri yenguva yemberi? Sezvaunoshamwaridzana nevaKristu vechokwadi uye sezvaunoudza vamwe chokwadi cheBhaibheri chinoshamisa chawakadzidza, uchaona kuti kuda
tsika dzokunamata kwenhema chero kupi zvako kungave kwakasara mumwoyo mako kuchanyangarika zvishoma nezvishoma. Iva nechokwadi chokuti uchafara zvikuru uye uchawana
zvikomborero zvakawanda kana ukatsigira kunamata kwechokwadi.—Maraki 3:10.
19. Nei zvichikosha kuti uudze vamwe zvinhu zvawakadzidza muBhaibheri?
ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI
ˇ Mifananidzo kana kuti kunamata madzitateguru
hazvina chero nzvimbo ipi zvayo mukunamata
kwechokwadi.—Eksodho 20:4, 5; Dheuteronomio
18:10-12.
ˇ Hazvina kururama kubatanidzwa mumhemberero
dzakabva kuchihedheni.—VaEfeso 5:10.
ˇ VaKristu vechokwadi vanofanira kungwarira pavanotsanangurira vamwe zvavanotenda.—VaKorose 4:6.
Kunamata nenzira
yechokwadi kunounza
mufaro chaiwo
CHITSAUKO 17
Swedera Pedyo naMwari
Nokunyengetera
Nei tichifanira kunyengetera kuna Mwari?
Tinofanira kuitei kuti Mwari atinzwe?
Mwari anopindura sei minyengetero yedu?
NYIKA iduku chaizvo kana ichienzaniswa nezvimwe zvinhu
zvose zvakasikwa. Kutaura chokwadi, kuna Jehovha, “Muiti
wedenga nenyika,” marudzi evanhu akaita sedonhwe remvura dukuduku rinobva mumugomo. (Pisarema 115:15; Isaya 40:
15) Asi Bhaibheri rinoti: “Jehovha ari pedyo navose vaya vanodana kwaari, navose vanodana kwaari zvechokwadi. Achaita zvinodiwa navose vanomutya, achanzwa kuchemera kwavo
kubatsirwa.” (Pisarema 145:18, 19) Chimbofungidzira zvinorehwa naizvozvo! Musiki ane masimba ose ari pedyo nesu uye
achatinzwa kana tika“dana kwaari zvechokwadi.” Kunyengetera kwatinoita kuna Mwari iropafadzo chaiyo!
2 Zvisinei, kana tichida kuti Jehovha ateerere minyengetero
yedu, tinofanira kunyengetera kwaari nenzira yaanofarira. Tingaita sei izvi kana tikasanzwisisa zvinodzidziswa neBhaibheri nezvomunyengetero? Zvinokosha kuti tizive zvinotaura Magwaro panyaya iyi, nokuti munyengetero unotibatsira kuswedera pedyo naJehovha.
NEI TICHIFANIRA KUNYENGETERA KUNA JEHOVHA?
Chimwe chikonzero chinokosha nei tichifanira kunye-
3
1, 2. Nei tichifanira kuona munyengetero seropafadzo huru, uye nei
tichifanira kuziva zvinodzidziswa neBhaibheri nezvawo?
3. Ndechipi chimwe chikonzero chinokosha nei tichifanira kunyengetera kuna Jehovha?
165
“Muiti wedenga
nenyika” anoda
kunzwa minyengetero
yedu
ngetera kuna Jehovha ndechokuti anotikumbira kuita kudaro. Shoko rake rinotikurudzira kuti: “Musazvidya mwoyo pamusoro pechinhu chero chipi zvacho, asi muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari nokunyengetera nokuteterera pamwe chete nokuonga; uye rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yenyu nesimba renyu rokufunga pachishandiswa Kristu Jesu.” (VaFiripi 4:6, 7)
Chokwadi, taisazoda kusava nehanya nourongwa hwomutsa
hwakadai, hwatakaitirwa noMutongi Mukuru Zvikuru wezvinhu zvose zvakasikwa!
4 Chimwe chikonzero chokuti tinyengetere ndechokuti, kugara tichinyengetera kuna Jehovha inzira yokusimbisa nayo
ukama hwedu naye. Shamwari dzechokwadi hadzingokurukurirani padzinenge dzichida chimwe chinhu. Asi shamwari dzakanaka dzinofarirana, uye ushamwari hwadzo hunosimba padzinotaura zvadzinofunga, zvinodzinetsa, uye manzwiro adzo
dzakasununguka. Mune dzimwe nzira, mamiriro acho ezvinhu akafanana noukama hwedu naJehovha Mwari. Uchibatsirwa nebhuku rino, wakadzidza zvakawanda zvinodzidziswa
4. Kugara tichinyengetera kuna Jehovha kunosimbisa sei ukama hwedu naye?
166
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
neBhaibheri nezvaJehovha, unhu hwake, uye zvinangwa zvake. Wava kumuziva somunhu chaiye. Munyengetero unokupa
mukana wokutaura naBaba vako vokudenga zvaunofunga uye
manzwiro aunoita mukatikati. Sezvaunoita izvozvo, unoswedera pedyo naJehovha.—Jakobho 4:8.
NDEZVIPI ZVINODIWA ZVATINOFANIRA KUITA?
Jehovha anoteerera minyengetero yose here? Funga zvaakaudza vaIsraeri vakanga vapanduka mumazuva omuprofita Isaya, zvokuti: “Kunyange mukaita minyengetero mizhinji,
handizoteereri; maoko enyu azere neropa.” (Isaya 1:15) Saka,
mamwe maitiro angaita kuti Mwari arege kuteerera minyengetero yedu. Naizvozvo, kuti minyengetero yedu inzwiwe naMwari, pane zvinodiwa zvinokosha zvatinofanira kuita.
6 Chinodiwa chinokosha ndechokuti tive nokutenda. (Mako 11:24) Muapostora Pauro akanyora kuti: “Pasina kutenda
hazvibviri kunyatsomufadza [Mwari], nokuti iye anosvika kuna Mwari anofanira kutenda kuti ariko uye kuti anopa mubayiro vaya vanomutsvaka nomwoyo wose.” (VaHebheru 11:6)
Kuva nokutenda kwechokwadi hakusi kungozivawo zvako kuti Mwari ariko, kuti anonzwa uye anopindura minyengetero.
Kutenda kunoratidzwa nezvatinoita. Tinofanira kupa uchapupu huri pachena hwokuti tine kutenda nemararamiro edu
ezuva nezuva.—Jakobho 2:26.
7 Jehovha anodawo kuti vaya vanonyengetera kwaari vaite izvozvo vachizvininipisa uye nomwoyo wose. Hatina here chikonzero chokuzvininipisa patinenge tichitaura naJehovha? Vanhu pavanova nomukana wokutaura namambo kana kuti purezidhendi, vanowanzoita izvozvo vachimuremekedza, vachibvuma nzvimbo yepamusoro yomutongi wacho.
5
5. Chii chinoratidza kuti Jehovha haateereri minyengetero yose?
6. Kuti Mwari ateerere minyengetero yedu, ndechipi chinodiwa chinokosha, uye tingava sei nacho?
7. (a) Nei tichifanira kuva vanoremekedza patinenge tichitaura naJehovha mumunyengetero? (b) Patinenge tichinyengetera kuna Mwari,
tingaratidza sei kuzvininipisa uye kuva vomwoyo wose?
Swedera Pedyo naMwari Nokunyengetera
167
Isu tinotofanira kuremekedza Jehovha zvakanyanya patinonyengetera kwaari! (Pisarema 138:6) Chokwadika, iye ndiye “Mwari Wemasimbaose.” (Genesisi 17:1) Patinonyengetera kuna Mwari, maitiro edu anofanira kuratidza kuti tinobvuma nzvimbo yedu pamberi pake tichizvininipisa. Kuzvininipisa kwakadaro kuchaitawo kuti tinyengetere nomwoyo wose, tichidzivisa minyengetero yokungoitawo, yokudzokorora.
—Mateu 6:7, 8.
8 Chimwe chinodiwa kuti Mwari atinzwe ndechokuti tiite
maererano neminyengetero yedu. Jehovha anotarisira kuti tiite zvose zvatinokwanisa kuti tishandire zvatinonyengeterera.
Somuenzaniso, kana tikanyengetera kuti, “Tipei nhasi zvokudya zvedu zvanhasi,” tinofanira kushanda zvakaoma pabasa
chero ripi zvaro rinenge riripo ratinokwanisa kuita. (Mateu 6:
11; 2 VaTesaronika 3:10) Kana tikanyengeterera kubatsirwa kuti tikunde kusava nesimba kwenyama, tinofanira kungwarira
kuti tidzivise mamiriro ezvinhu angaita kuti tiedzwe. (VaKorose 3:5) Kuwedzera pane zvinodiwa zvinokosha izvi, pane mibvunzo ine chokuita nomunyengetero yatinoda kuti ipindurwe.
KUPINDURA MIBVUNZO INE
CHOKUITA NOMUNYENGETERO
9 Tinofanira kunyengetera kuna ani? Jesu akadzidzisa vateveri vake kuti vanyengetere kuna “Baba vedu vari kumatenga.”
(Mateu 6:9) Saka, minyengetero yedu inofanira kuendeswa
kuna Jehovha Mwari chete. Zvisinei, Jehovha anoda kuti tibvume nzvimbo yoMwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, Jesu Kristu. Sezvatakadzidza muChitsauko 5, Jesu
akatumwa pasi pano kuti atidzikinure muchivi norufu. (Johani 3:16; VaRoma 5:12) Iye ndiye Mupristi Mukuru uye Mutongi akagadzwa. (Johani 5:22; VaHebheru 6:20) Saka, Magwaro anotirayira kuti tinyengetere nokuna Jesu. Iye pachake akati: “Ndini nzira nechokwadi noupenyu. Hapana anouya kuna
8. Tingaita sei maererano nezvatinonyengeterera?
9. Tinofanira kunyengetera kuna ani, uye tichienda nokuna ani?
168
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
Baba asi nokwandiri.” (Johani 14:6) Kuti minyengetero yedu
inzwiwe, tinofanira kunyengetera kuna Jehovha chete tichienda nokuMwanakomana wake.
10 Patinenge tichinyengetera, pane zvatinofanira kunge takanyatsoita muviri wedu here? Kwete. Jehovha haadi hake kuti tive nezvatinenge takanyatsoita muviri, zvichida zvine chokuita nemaoko kana kuti muviri wose. Bhaibheri rinodzidzisa kuti zvinogamuchirika kuti munhu anyengetere akagara,
akakotama, akapfugama, uye akamira. (1 Makoronike 17:16;
Nehemiya 8:6; Dhanieri 6:10; Mako 11:25) Chinokosha zvechokwadi handi kuti wakaita sei muviri, izvo zvingaonekwa
nevamwe, asi kuva nomwoyo wakarurama. Kutaura chokwadi, patinenge tichiita mabasa edu ezuva nezuva kana kuti patinotarisana nezvinoda kukurumidza kuitwa, tinganyengetera chinyararire chero papi zvapo patingava. Jehovha anonzwa
minyengetero yakadaro kunyange zvazvo vamwe vanenge varipo vangasatomboona kuti tiri kunyengetera.—Nehemiya 2:
1-6.
11 Tinganyengeterera chii? Bhaibheri rinotsanangura kuti:
“Zvisinei nokuti chii chatinokumbira maererano nezvaanoda, iye [Jehovha] anotinzwa.” (1 Johani 5:14) Naizvozvo tinganyengeterera chero chinhu chipi zvacho chinoenderana nezvinoda Mwari. Anoda here kuti tinyengeterere zvinhu zvinotidya mwoyo? Chokwadi anoda kuti tidaro! Kunyengetera kuna Jehovha kunogona kuva kwakafanana nokutaura
neshamwari yepedyo. Tingataura takasununguka, ‘tichidurura mwoyo yedu’ kuna Mwari. (Pisarema 62:8) Zvakakodzera
kuti tikumbire mudzimu mutsvene nokuti uchatibatsira kuita
zvakarurama. (Ruka 11:13) Tinogona kukumbirawo kutungamirirwa pakuita zvisarudzo zvokuchenjera uye kuti tiwane simba rokutsungirira matambudziko. (Jakobho 1:5) Patinotadza, tinofanira kukumbira kukanganwirwa nokuda kwechiba10. Nei patinonyengetera tisingafaniri hedu kuva nezvatinenge takanyatsoita muviri?
11. Ndezvipi zvimwe zvinhu zvedu pachedu zvakakodzera kuti tinyengeterere?
Swedera Pedyo naMwari Nokunyengetera
169
yiro chaKristu. (VaEfeso 1:3, 7) Chokwadika, zvinhu zvedu pachedu hazvifaniri kungova zvinhu zvatinonyengeterera chete. Hatifaniri kungozvinyengeterera isu chete, tinofanira kunyengetererawo vamwe vanhu—nhengo dzemhuri uyewo vatinonamata navo.—Mabasa 12:5; VaKorose 4:12.
12 Zvinhu zvine chokuita naJehovha Mwari zvinofanira kuiswa pokutanga muminyengetero yedu. Chokwadi tine chikonzero chokumurumbidza nomwoyo wose uye kumuonga nokuda kwezvinhu zvake zvose zvakanaka. (1 Makoronike 29:
10-13) Jesu akapa munyengetero wokuenzanisira, wakanyorwa pana Mateu 6:9-13, paakatidzidzisa kunyengeterera kuti
zita raMwari ritsveneswe, kureva kuti riitwe dzvene. Kuti Umambo hwaMwari huuye uye kuti kuda kwake kuitwe panyika
sezvakunoitwa kudenga ndizvo zvinotaurwa pashure paizvozvo. Jesu akazotaura nezvezvinhu zvinotidya mwoyo pashure
pokunge ataura zvinhu izvi zvinokosha zvine chokuita naJehovha. Isu patinoisawo Mwari panzvimbo inokosha zvikuru
patinonyengetera, tinoratidza kuti hatingofariri kugara kwedu zvakanaka chete.
13 Minyengetero yedu inofanira kuva yakareba sei? Bhaibheri
haritauri kuti minyengetero yomunhu oga kana kuti inoitwa
paine vamwe inofanira kuva yakareba zvakadini. Ingasiyana
kubva pamunyengetero mupfupi vanhu vasati vadya kusvika kumunyengetero murefu unoitwa nomunhu oga patinodurura mwoyo yedu kuna Jehovha. (1 Samueri 1:12, 15) Zvisinei, Jesu akashora vanhu vaizviti vakarurama vaiita minyengetero mirefu, yokushamisira pamberi pevamwe. (Ruka 20:
46, 47) Minyengetero yakadaro haimbofadzi Jehovha. Chinokosha ndechokuti tinyengetere kubva mumwoyo medu. Saka,
urefu hweminyengetero inogamuchirika hungasiyana maererano nezvinodiwa uye mamiriro ezvinhu.
12. Tingaisa sei zvinhu zvine chokuita naBaba vedu vokudenga panzvimbo yokutanga patinonyengetera?
13. Magwaro anoratidzei nezvourefu hweminyengetero inogamuchirika?
170
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
Tinofanira kunyengetera kakawanda sei? Bhaibheri rinotikurudzira kuti ‘tirambe tichinyengetera.’ (Mateu 26:41; VaRoma 12:12; 1 VaTesaronika 5:17) Chokwadika, mashoko aya haarevi kuti tinofanira kugara tichinyengetera kuna Jehovha nguva yose mukati mezuva. Asi, Bhaibheri riri kutikurudzira kugara tichinyengetera, kuramba tichionga Jehovha nokuda kwezvakanaka zvaanotiitira uye kutsvaka kutungamirirwa naye,
kunyaradzwa, uye kutipa simba. Hazvinyaradzi here kuziva
kuti Jehovha haaisi muganhu paurefu hwenguva yatingataura naye tichinyengetera uye kuti kakawanda sei? Kana zvechokwadi tichikoshesa ropafadzo yokunyengetera, tichawana mikana yakawanda yokunyengetera kuna Baba vedu vokudenga.
15 Nei tichifanira kuti “Ameni” panopera munyengetero? Shoko rokuti “ameni” rinoreva kuti “zvechokwadi,” kana kuti
“ngazvive saizvozvo.” Mienzaniso yomuMagwaro inoratidza
kuti zvakakodzera kuti “Ameni” panopera munyengetero womunhu oga uye inoitwa paine vamwe vanhu. (1 Makoronike
16:36; Pisarema 41:13) Nokuti “Ameni” panopera munyengetero wedu, tinosimbisa kuti zvatataura ndezvomwoyo wose.
Patinoti “Ameni”—zvichida chinyararire kana kuti zvinonzwika—panopera munyengetero waitwa nomumwe munhu paine vamwe, tinoratidza kuti tinobvumirana nepfungwa dzacho dzataurwa.—1 VaKorinde 14:16.
14
KUPINDURA KUNOITA MWARI MINYENGETERO YEDU
16 Chaizvoizvo Jehovha anopindura minyengetero here?
Chokwadi, anodaro! Tine chikonzero chakasimba chokuti tive nechivimbo chokuti “Munzwi womunyengetero” anopindura minyengetero yomwoyo wose inopiwa nemamiriyoni
evanhu. (Pisarema 65:2) Jehovha angapindura minyengetero
yedu nenzira dzakasiyana-siyana.
14. Bhaibheri rinorevei parinotikurudzira ‘kuramba tichinyengetera,’
uye chii chinonyaradza pamusoro peizvi?
15. Nei tichifanira kuti “Ameni” panopera minyengetero yomunhu
oga uye inoitwa paine vamwe vanhu?
16. Tingava nechivimbo chipi pamusoro pomunyengetero?
Swedera Pedyo naMwari Nokunyengetera
171
Jehovha anoshandisa ngirozi dzake uye vashumiri vake vari
pasi pano kupindura minyengetero. (VaHebheru 1:13, 14) Pane
zvakaitika zvakawanda zvevanhu vakanyengetera kuna Mwari
kuti vabatsirwe kunzwisisa Bhaibheri, vakabva vashanyirwa nomumwe wevashumiri vaJehovha izvozvo zvichangobva kuitika. Zvakaitika zvakadaro zvinopa uchapupu hwokutungamirira kwengirozi basa rokuparidza Umambo. (Zvakazarurwa 14:6)
Kuti apindure minyengetero yedu yatinonyengetera munguva
17
17. Nei zvinganzi Mwari anoshandisa ngirozi dzake uye vashumiri vake vari pasi pano kupindura minyengetero yedu?
Munyengetero wako
unogona kunzwiwa chero
panguva ipi zvayo
Kuti apindure minyengetero
yedu, Jehovha angaita kuti
mumwe muKristu atibatsire
yatinenge tiine zvatiri kuda chaizvo, Jehovha angaita kuti mumwe muKristu
atibatsire.—Zvirevo 12:25;
Jakobho 2:16.
18 Jehovha Mwari anoshandisawo mudzimu mutsvene wake uye Shoko rake, Bhaibheri, kupindura
minyengetero yevashumiri
vake. Angapindura minyengetero yedu yokuti tibatsirwe kutsungirira miedzo nokutitungamirira uye kutipa simba achishandisa mudzimu mutsvene
wake. (2 VaKorinde 4:7) Kakawanda mhinduro dzeminyengetero yedu yokuti titungamirirwe dzinobva muBhaibheri, umo
Jehovha anotipa rubatsiro rwokuita zvisarudzo zvokuchenjera.
Magwaro anobatsira angawanikwa patinenge tichidzidza Bhaibheri somunhu oga uye sezvatinoverenga mabhuku echiKristu,
akaita sebhuku rino. Tingaudzwa pfungwa dzinobva muMagwaro dzatinoda kufunga nezvadzo nezvinotaurwa pamusangano wechiKristu kana kuti pane zvinotaurwa nomukuru ane hanya ari muungano.—VaGaratiya 6:1.
19 Kana Jehovha achiita seari kunonoka kupindura minyengetero yedu, izvi hazvimborevi kuti haakwanisi kuipindura.
Asi, tinofanira kuyeuka kuti Jehovha anopindura minyengetero maererano nezvaanoda uye panguva yake yakakodzera.
Anoziva zvatinoda uye kuti zvingatarisirwa sei zviri nani kupfuura zvatinoita. Kakawanda anotibvumira kuti ‘tirambe ti18. Jehovha anoshandisa sei mudzimu mutsvene wake uye Shoko rake kupindura minyengetero yevashumiri vake?
19. Chii chatinofanira kufunga nezvacho kana minyengetero yedu
dzimwe nguva ichiita seisingapindurwi?
173
chikumbira, tichitsvaka, uye tichigogodza.’
(Ruka 11:5-10) Kutsungirira kwakadaro kunoratidza Mwari kuti chido chedu chikuru kwazvo uye kuti kutenda kwedu ndokwechokwadi. Uyezve, Jehovha angapindura minyengetero yedu nenzira isiri pachena
kwatiri. Somuenzaniso, angapindura munyengetero wedu une chokuita nomuedzo
wakati, kwete nokubvisa dambudziko racho, asi nokutipa simba rokuti tiritsungirire.
—VaFiripi 4:13.
20 Tinoonga zvikuru kuti Musiki wezvinhu zvose zvakasikwa ari pedyo navose vanodana kwaari zvakakodzera vachinyengetera! (Pisarema 145:18) Ngatishandisei zvizere ropafadzo inokosha yomunyengetero.
Kana tikadaro, tichava netarisiro inofadza yokuramba tichiswedera pedyo naJehovha, Munzwi womunyengetero.
20. Nei tichifanira kushandisa zvizere ropafadzo inokosha yomunyengetero?
ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI
ˇ Kugara tichinyengetera kuna Jehovha kunotibatsira kuswedera pedyo naye.—Jakobho 4:8.
ˇ Kuti minyengetero yedu inzwiwe naMwari, tinofanira kunyengetera tiine kutenda, tichizvininipisa
uye nomwoyo wose.—Mako 11:24.
ˇ Tinofanira kunyengetera kuna Jehovha chete
tichienda nokuMwanakomana wake.—Mateu 6:9;
Johani 14:6.
ˇ Jehovha, “Munzwi womunyengetero,” anoshandisa ngirozi dzake, vashumiri vake vari pasi pano,
mudzimu mutsvene wake, uye Shoko rake kupindura minyengetero.—Pisarema 65:2.
CHITSAUKO 18
Kubhabhatidzwa uye
Ukama Hwako naMwari
Munhu anofanira kubhabhatidzwa
sei kuti ave muKristu?
Kuti ukwanise kubhabhatidzwa,
matanho api aunofanira kutora?
Munhu anozvitsaurira sei kuna Mwari?
Ndechipi chikonzero chaicho nei munhu
achifanira kubhabhatidzwa?
“TARIRA! Mvura zhinji; chii chinonditadzisa kubhabhatidzwa?” Mubvunzo iwoyo wakabvunzwa nomukuru mukuru wedare wokuItiopiya muzana remakore rokutanga. MuKri1. Nei mukuru mukuru wedare wokuItiopiya akakumbira kubhabhatidzwa?
Kubhabhatidzwa uye Ukama Hwako naMwari
175
stu ainzi Firipi akanga amuratidza kuti Jesu ndiye aiva Mesiya
akapikirwa. Abayiwa mwoyo nezvaakanga adzidza muMagwaro, murume wacho wokuItiopiya akaita maererano nezvaakanga adzidza. Akaratidza kuti aida kubhabhatidzwa!—Mabasa 8:
26-36.
2 Kana wakanyatsodzidza zvitsauko zvokutanga zvebhuku rino nomumwe weZvapupu zvaJehovha, unganzwa wagadzirira kubvunza kuti, ‘Chii chinonditadzisa kubhabhatidzwa?’ Kusvika iye zvino wadzidza nezvechipikirwa cheBhaibheri choupenyu husingaperi muParadhiso. (Ruka 23:43; Zvakazarurwa
21:3, 4) Wadzidzawo nezvemamiriro ezvinhu echokwadi evakafa uye tariro yorumuko. (Muparidzi 9:5; Johani 5:28, 29) Zvichida wave uchishamwaridzana neZvapupu zvaJehovha pamisangano yazvo yeungano uye wazvionera kuti vanonamata sei
zvechokwadi. (Johani 13:35) Zvinotonyanya kukosha ndezvokuti zvichida wakatotanga kuva noukama hwomunhu oga naJehovha Mwari.
3 Ungaratidza sei kuti unoda kushumira Mwari? Jesu akaudza vateveri vake kuti: “Endai munoita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi, muchivabhabhatidza.” (Mateu 28:19)
Jesu pachake akaratidza muenzaniso nokubhabhatidzwa mumvura. Haana kusaswa mvura, uye haana kungodirwa mvura
mumusoro. (Mateu 3:16) Shoko rokuti “bhabhatidza” rinobva
mushoko rechiGiriki rinoreva “kunyudza.” Saka rubhabhatidzo rwechiKristu runoreva kunyatsonyudzwa mumvura.
4 Vose vanoda kuva noukama naJehovha Mwari vanofanira kubhabhatidzwa mumvura. Rubhabhatidzo runoratidza pachena chido chako chokushumira Mwari. Runoratidza kuti
unofara kuita zvinoda Jehovha. (Pisarema 40:7, 8) Zvisinei, kuti ukwanise kubhabhatidzwa, pane matanho chaiwo aunofanira kutora.
2. Nei uchifanira kufunga zvakadzama nezvorubhabhatidzo?
3. (a) Jesu akarayirei vadzidzi vake? (b) Rubhabhatidzo rwomumvura runoitwa sei?
4. Rubhabhatidzo rwomumvura runoratidzei?
176
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
ZIVO UYE KUTENDA ZVINODIWA
Wakatotanga kutora danho rokutanga. Sei? Nokuwana zivo pamusoro paJehovha Mwari naJesu Kristu, zvichida nokudzidza Bhaibheri zvakarongeka. (Johani 17:3) Asi pachine
zvakawanda zvokuti udzidze. VaKristu vanoda kuti ‘vazadzwe
nezivo yakarurama pamusoro pokuda kwaMwari.’ (VaKorose 1:9) Kupinda misangano yeungano yeZvapupu zvaJehovha
kunokubatsira zvikuru pakuita izvi. Zvinokosha kuti upinde
misangano yakadaro. (VaHebheru 10:24, 25) Kupinda misangano nguva dzose kuchakubatsira kuwedzera zivo yako pamusoro paMwari.
6 Chokwadi, haufaniri hako kuziva zvose zviri muBhaibheri kuti ukwanise kubhabhatidzwa. Mukuru mukuru wedare
wokuItiopiya akanga aine zivo yakati, asi aida kubatsirwa kuti anzwisise zvimwe zvikamu zveMagwaro. (Mabasa 8:30,
31) Saizvozvowo, uchine zvakawanda zvokuti udzidze. Kutaura chokwadi, hauzombomiri kudzidza nezvaMwari. (Muparidzi 3:11) Zvisinei, usati wabhabhatidzwa, unofanira kuziva
uye kubvuma dzidziso dzinokosha dzeBhaibheri. (VaHebheru 5:12) Dzidziso dzakadaro dzinosanganisira chokwadi chine chokuita nemamiriro ezvinhu evakafa uye kukosha kwezita raMwari uye Umambo hwake.
7 Zvisinei, zivo chete haina kukwana, nokuti “pasina kutenda hazvibviri kunyatsomufadza” Mwari. (VaHebheru 11:6)
Bhaibheri rinotiudza kuti vamwe vanhu muguta rekare reKorinde pavakanzwa zvaiparidzwa nevaKristu, “vakatanga kutenda, vakabhabhatidzwa.” (Mabasa 18:8) Saizvozvowo, kudzidza Bhaibheri kunofanira kukuzadza nokutenda kuri muShoko raMwari rakafuridzirwa. Kudzidza Bhaibheri kunofanira
5
5. (a) Nderipi danho rokutanga rokuti ukwanise kubhabhatidzwa?
(b) Nei misangano yechiKristu ichikosha?
6. Unofanira kuva nezivo yeBhaibheri yakawanda zvakadini kuti
ukwanise kubhabhatidzwa?
7. Kudzidza Bhaibheri kunofanira kuita kuti uite sei?
Kubhabhatidzwa uye Ukama Hwako naMwari
177
kukubatsira kutenda zvipikirwa zvaMwari uye simba rinoponesa rechibayiro chaJesu.—Joshua 23:14; Mabasa 4:12; 2 Timoti 3:16, 17.
KUUDZA VAMWE
CHOKWADI CHEBHAIBHERI
8 Kutenda zvakunokura mumwoyo mako, uchaona zvakaoma kusaudza vamwe zvawakadzidza. (Jeremiya 20:9) Uchanzwa uchida zvakasimba kuudza vamwe nezvaMwari uye zvinangwa zvake.—2 VaKorinde 4:13.
9 Ungatanga kuudza vamwe chokwadi cheBhaibheri nokutaura nezvacho nokungwarira kuhama dzako, shamwari, vavakidzani, uye vaunoshanda navo. Pashure penguva yakati,
uchanzwa uchida kuita basa rokuparidza rakarongeka reZvapupu zvaJehovha. Panguva iyoyo, inzwa wakasununguka kutaura nezvazvo neChapupu chiri kukudzidzisa Bhaibheri. Kana zvikaonekwa kuti unokwanisa kuita ushumiri hwepachena, urongwa huchaitwa hwokuti iwe nomudzidzisi wako muonane nevakuru vaviri veungano.
10 Izvi zvichaita kuti ukwanise kuzivana nevamwe vakuru
vechiKristu zviri nani, avo vanofudza boka raMwari. (Mabasa
20:28; 1 Petro 5:2, 3) Kana vakuru ava vakaona kuti unonzwisisa uye unodavira dzidziso dzeBhaibheri dzinokosha, vakaona kuti uri kurarama maererano nechokwadi chaMwari chinokosha, uye kuti zvechokwadi unoda kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha, vachakuudza kuti unokwanisa kuita ushumiri hwepachena somuparidzi wemashoko akanaka asati
abhabhatidzwa.
11 Ivo vangaonawo kuti ungada kuchinja zvimwe zvinhu
8. Chii chichaita kuti uudze vamwe zvawakadzidza?
9, 10. (a) Ungatanga kuudza ani chokwadi cheBhaibheri? (b) Unofanira kuitei kana uchida kuita basa rakarongeka rokuparidza reZvapupu
zvaJehovha?
11. Vamwe vangafanira kuchinja zvinhu zvipi vasati vakwanisa kuita
ushumiri hwepachena?
178
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
mumararamiro ako uye tsika kuti ukwanise kuita ushumiri
hwepachena. Izvi zvingasanganisira kurega zvimwe zvinhu
zvawave uchiita pachivande. Saka, usati wabvunza nezvokuva
muparidzi asati abhabhatidzwa, unofanira kunge usina chivi
chakakomba, chakadai sokuita unzenza, udhakwa, uye kushandisa zvisina kukodzera zvinhu zvinodhaka.—1 VaKorinde 6:
9, 10; VaGaratiya 5:19-21.
KUPFIDZA UYE KUTENDEUKA
Unofanira kutora mamwe matanho usati wakwanisa kubhabhatidzwa. Muapostora Petro akati: “Pfidzai, mutendeuke kuti zvivi zvenyu zvidzimwe.” (Mabasa 3:19) Kupfidza kunoreva kuzvidemba nomwoyo wose nokuda kwechimwe chinhu chawakaita. Zviri pachena kuti kupfidza kunofanirawo
kuitwa kana munhu airarama upenyu hwounzenza, asi zvakakodzerawo kunyange kana munhu airarama upenyu hwaiva netsika dzakati nakei. Nei? Nokuti vanhu vose vatadzi uye
vanoda kukanganwirwa naMwari. (VaRoma 3:23; 5:12) Usati
wadzidza Bhaibheri, waisaziva zvaidiwa naMwari. Saka waizorarama sei zvizere maererano nezvaanoda? Naizvozvo, kupfidza kunofanira kuitwa.
13 Kupfidza kunofanira kuteverwa nokutendeuka. Haufaniri kungozvidemba chete. Unofanira kuramba mararamiro
ako ekare, wotsunga kwazvo kuti uchaita zvakarurama kubvira zvino zvichienda mberi. Kupfidza uye kutendeuka matanho aunofanira kutora usati wabhabhatidzwa.
12
KUZVITSAURIRA
Pane rimwe danho rinokosha raunofanira kutora usati wabhabhatidzwa. Unofanira kuzvitsaurira kuna Jehovha
Mwari.
14
12. Nei kupfidza kuchifanira kuitwa?
13. Kutendeuka kuita sei?
14. Nderipi danho rinokosha raunofanira kutora usati wabhabhatidzwa?
Kubhabhatidzwa uye Ukama Hwako naMwari
179
Paunozvitsaurira kuna Jehovha Mwari uchinyengetera
nomwoyo wose, unovimbisa kuzvipira zvachose kwaari nokusingaperi. (Dheuteronomio 6:15) Zvisinei, nei munhu aizoda
kuita izvozvo? Kuti tipindure mubvunzo iwoyo, ngatitii murume atanga kupfimba mukadzi. Paanoziva zvakawanda nezvomukadzi wacho uye paanoona kuti ane unhu hwakanaka,
zvinoitawo kuti anzwe achida kuva pedyo naye zvakanyanya.
Nokufamba kwenguva, zvinotarisirwa kuti anozomuudza kuti ava kuda kumuroora. Chokwadi, kuroorana kuchareva kuva
nemamwe mabasa okuwedzera. Asi rudo ruchaita kuti murume wacho atore danho iroro rinokosha.
16 Paunosvika pakuziva uye kuda Jehovha, unonzwa uchida
kumushumira usingambozezi kana kuti kuisa miganho pakumunamata. Munhu wose anoda kutevera Mwanakomana waMwari, Jesu Kristu, anofanira ‘kuzviramba.’ (Mako 8:34) Tinozviramba nokuva nechokwadi chokuti zvatinoda isu pachedu
uye zvatinovavarira hazvititadzisi kuteerera Mwari zvizere. Saka, usati wabhabhatidzwa, kuita zvinoda Jehovha Mwari kunofanira kuva chinangwa chako chikuru muupenyu.—1 Petro
4:2.
15
KUKUNDA
KUTYA KUZOKUNDIKANA
17 Vamwe vanozengurira kuzvitsaurira kuna Jehovha nokuti vanoti ityei kutora danho rakakomba kudaro. Vangatya kuzozvidavirira kuna Mwari somuKristu akazvitsaurira.
Vachityira kuti vangazokundikana uye vangazoodza mwoyo
Jehovha, vanofunga kuti zvakanakisisa kusazvitsaurira kwaari.
18 Sezvaunodzidza kuda Jehovha, uchanzwa uchida kuzvitsaurira kwaari uye kuita zvose zvaunokwanisa kuti urarame
15, 16. Kuzvitsaurira kuna Mwari kunorevei, uye chii chinoita kuti
munhu aite izvi?
17. Nei vamwe vangazengurira kuzvitsaurira kuna Mwari?
18. Chii chingaita kuti uzvitsaurire kuna Jehovha?
Kuwana zivo yakarurama
yeShoko raMwari idanho
rinokosha rokuti uzokwanisa
kubhabhatidzwa
Kutenda kunofanira
kuita kuti uudze vamwe
zvaunotenda
maererano nako. (Muparidzi
5:4) Pashure pokuzvitsaurira,
chokwadi uchada ‘kufamba zvakakodzera Jehovha, kuti
umufadze kwazvo.’ (VaKorose 1:10) Pamusana pokuda kwako Mwari, hauzofungi kuti kuita zvaanoda kwakanyanya kuoma. Hapana mubvunzo kuti uchabvumirana nomuapostora Johani, uyo akanyora kuti: “Kuda Mwari kunoreva izvi,
kuti tichengete mirayiro yake; uye mirayiro yake hairemi.”
—1 Johani 5:3.
19 Haufaniri hako kuva munhu akakwana kuti uzvitsaurire
kuna Mwari. Jehovha anoziva zvausingakwanisi kuita uye haambotarisiri kuti uite zvakawanda kupfuura zvaunokwanisa.
(Pisarema 103:14) Anoda kuti ubudirire uye achakutsigira no19. Nei usingafaniri kutya kuzvitsaurira kuna Mwari?
Kubhabhatidzwa uye Ukama Hwako naMwari
181
kukubatsira. (Isaya 41:10) Unogona kuva nechokwadi chokuti kana ukavimba naJehovha nomwoyo wako wose, iye “acharuramisa makwara ako.”—Zvirevo 3:5, 6.
KURATIDZA KUZVITSAURIRA
KWAKO NOKUBHABHATIDZWA
20 Kufunga nezvezvinhu zvatichangobva kukurukura kungakubatsira kuzvitsaurira kuna Jehovha uchinyengetera. Mu20. Nei kuzvitsaurira kuna Jehovha kusingagoni kuramba kuri nyaya
isingazivikanwi nevamwe?
Wakazvitsaurira
kuna Mwari
uchinyengetera
here?
Kubhabhatidzwa
kunoreva kuti
hatichararamizve
sezvataiita kare uye tava
kuraramira kuita
zvinoda Mwari
182
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
nhu wose anoda Mwari zvechokwadi anofanirawo ‘kuzivisa pachena kuti awane ruponeso.’ (VaRoma 10:10) Unoita sei
izvozvo?
21 Udza murongi mudare revakuru weungano yenyu kuti
unoda kubhabhatidzwa. Iye acharonga kuti vamwe vakuru
vadzokorore newe mibvunzo inoverengeka inotaura nezvedzidziso dzeBhaibheri dzinokosha. Kana vakuru ava vakabvumirana kuti unokwanisa, vachakuudza kuti unogona kubhabhatidzwa pamukana unotevera.1 Hurukuro inodzokorora
zvinorehwa norubhabhatidzo inowanzopiwa pazviitiko zvakadaro. Mukurukuri wacho anobva akumbira vose vanenge
vachida kubhabhatidzwa kuti vapindure mibvunzo miviri iri
nyore seimwe nzira yoku“zivisa pachena” kutenda kwavo.
22 Rubhabhatidzo pacharwo ndirwo runokuzivisa pachena
somunhu akazvitsaurira kuna Mwari uye ava mumwe weZvapupu zvaJehovha. Vanenge vachida kubhabhatidzwa vanonyatsonyudzwa mumvura kuti varatidze pachena kuti vakazvitsaurira kuna Jehovha.
ZVINOREHWA NOKUBHABHATIDZWA KWAKO
Jesu akataura kuti vadzidzi vake vaizobhabhatidzwa “muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene.”
(Mateu 28:19) Izvi zvinoreva kuti munhu anenge achibhabhatidzwa anobvuma chiremera chaJehovha Mwari uye chaJesu Kristu. (Pisarema 83:18; Mateu 28:18) Anobvumawo kushanda uye basa romudzimu mutsvene waMwari, kana kuti
simba rinoita basa.—VaGaratiya 5:22, 23; 2 Petro 1:21.
24 Zvisinei, kubhabhatidzwa hakusi kungozvinyudza mu23
1 Kubhabhatidzwa kunogara kuchiitwa pamagungano egore negore
uye kokorodzano dzinoitwa neZvapupu zvaJehovha.
21, 22. Unga“zivisa pachena” sei kutenda kwako?
23. Kubhabhatidzwa “muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene” kunorevei?
24, 25. (a) Kubhabhatidzwa kunoratidzei? (b) Mubvunzo upi unofanira kupindurwa?
Kubhabhatidzwa uye Ukama Hwako naMwari
183
mvura. Kune zvakunomirira zvinokosha kwazvo. Kunyura
pasi pemvura kunoratidza kuti hauchararamizve sezvawaiita kare. Kubudiswa mumvura kunoratidza kuti iye zvino wava kuraramira kuita zvinoda Mwari. Yeukawo kuti wakazvitsaurira kuna Jehovha Mwari pachake, kwete kubasa, chinangwa, vamwe vanhu, kana kuti sangano. Kuzvitsaurira kwako uye kubhabhatidzwa ndiko kutanga kwoushamwari chaihwo naMwari—ukama hwepedyo pedyo naye.—Pisarema
25:14.
25 Kubhabhatidzwa hakurevi kuti uchaponeswa. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Rambai muchishandira kuponeswa kwenyu nokutya nokudedera.” (VaFiripi 2:12) Kubhabhatidzwa kunongova zvako mavambo. Mubvunzo ndewokuti, Ungaramba sei uri murudo rwaMwari? Chitsauko chedu chokupedzisira chichapindura.
ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI
ˇ Kubhabhatidzwa kuti uve muKristu
kunosanganisira kunyatsonyudzwa mumvura,
kwete kungosaswa mvura.—Mateu 3:16.
ˇ Matanho okuti ubhabhatidzwe anotanga
nokuwana zivo uye kuratidza kutenda
kunoteverwa nokupfidza, kutendeuka, uye
kuzvitsaurira kuna Mwari.—Johani 17:3;
Mabasa 3:19; 18:8.
ˇ Kuti uzvitsaurire kuna Jehovha, unofanira
kuzviramba, kungofanana nokuzviramba
kunoita vanhu kuti vatevere Jesu.
—Mako 8:34.
ˇ Kubhabhatidzwa kunoratidza kuti
hauchararamizve sezvawaiita kare uye wava
kuraramira kuita zvinoda Mwari.—1 Petro 4:2.
CHITSAUKO 19
Ramba Uri Murudo rwaMwari
Kuda Mwari kunorevei?
Tingaramba sei tiri murudo rwaMwari?
Jehovha achapa sei mubayiro vaya
vanoramba vari murudo rwake?
Uchaita kuti
Jehovha ave
nzvimbo yako
yokupotera
munguva dzino
dzakaita
semadutu
here?
FUNGIDZIRA uchifamba mumugwagwa pazuva rakunenge kuine dutu. Denga rinokwidibira. Mheni dzinotanga kupenya, kunova nemabhanan’ana, mvura yobva yatsvotsvoma.
Unomhanya, uchitsvaka pokupotera. Pedyo
nomugwagwa, unoona chivako chakasimba,
mukati macho makaoma, uye makanaka chaizvo. Chokwadi unokoshesa nzvimbo yakachengeteka yakadaro!
2 Tiri kurarama munguva dzakaita semadutu. Mamiriro ezvinhu enyika ari kuramba
achingoipa. Asi pane chivako chakachengeteka, nzvimbo yokupotera inogona kutichengetedza kuti tirege kukuvadzwa zvechigarire. Chivako chacho chii? Ona zvinodzidziswa
neBhaibheri zvokuti: “Ndichati kuna Jehovha:
‘Ndimi nzvimbo yangu yokupotera nenhare
yangu, Mwari wangu, wandinovimba naye.’ ”
—Pisarema 91:2.
3 Fungidzira izvozvo! Jehovha, Musiki uye
Changamire wezvinhu zvose zvakasikwa, ano1, 2. Mazuva ano tingawana kupi nzvimbo yakachengeteka yokupotera?
3. Tingaita sei kuti Jehovha ave nzvimbo yedu yokupotera?
Ramba Uri Murudo rwaMwari
185
gona kuva nzvimbo yedu yokupotera inodzivirira. Anogona kutichengetedza, nokuti ane simba kwazvo kupfuura chero ani zvake kana kuti chero chinhu chipi zvacho chingatirwisa. Kunyange kana tikakuvadzwa, Jehovha anogona kubvisa migumisiro yacho yose yakaipa. Tingaita sei kuti Jehovha
ave nzvimbo yedu yokupotera? Tinofanira kuvimba naye. Uyezve, Shoko raMwari rinotikurudzira kuti: “Rambai muri murudo rwaMwari.” (Judha 21) Chokwadi, tinofanira kuramba tiri
murudo rwaMwari, tichiramba takabatanidzwa norudo naBaba vedu vokudenga. Tikaita izvozvo tinogona kuva nechokwadi chokuti iye ndiye nzvimbo yedu yokupotera. Asi tingava sei
vakabatana saizvozvo?
ZIVA RUDO RWAMWARI UYE ITA CHIMWE CHINHU
Kuti tirambe tiri murudo rwaMwari, tinofanira kunzwisisa
kuratidzwa kwatakaitwa rudo naJehovha. Funga nezvedzimwe
dzidziso dzeBhaibheri dzawakadzidza uchibatsirwa nebhuku
rino. SoMusiki, Jehovha akatipa nyika kuti ive musha wedu
unofadza. Akaizadza nezvokudya zvakawanda uye mvura, zviwanikwa, mhuka dzinofadza kwazvo, uye nzvimbo dzokuona
dzakanaka. SoMuridzi weBhaibheri, Mwari akatizivisa zita rake
uye unhu hwake. Uyezve, Shoko rake rinozivisa kuti akatuma
Mwanakomana wake anodiwa panyika, achibvumira Jesu kuti
atambure ndokutifira. (Johani 3:16) Chipo ichocho chinorevei
kwatiri? Chinotipa tariro yenguva yemberi inoshamisa.
5 Tariro yedu yenguva yemberi inobvawo pane chimwe chinhu chakaitwa naMwari. Jehovha akagadza hurumende yokudenga, Umambo hwaMesiya. Ihwo huchakurumidza kugumisa kutambura kwose uye huchaita kuti nyika ive paradhiso. Fungidzira izvozvo! Tinogona kugara imomo tiine rugare uye mufaro nokusingaperi. (Pisarema 37:29) Munguva ino,
Mwari anotipa mazano okuti tingararama sei nenzira yakanakisisa iye zvino. Akatipawo chipo chomunyengetero, nzira
yokukurukurirana naye takasununguka. Idzi dzinongova nzira
4
4, 5. Ndedzipi dzimwe nzira idzo Jehovha akatiratidza nadzo rudo?
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
shomanana idzo Jehovha akaratidza nadzo rudo kuvanhu vose
zvavo uye kwauri somunhu oga.
6 Mubvunzo unokosha wokuti ufunge nezvawo ndouyu: Ndichaita sei norudo rwandakaratidzwa naJehovha? Vakawanda vachati, “Ndinofanirawo kuda Jehovha.” Ndiwo manzwiro aunoita here? Jesu akataura kuti murayiro uyu
ndiwo mukuru pane mimwe yose: “Ida Jehovha Mwari wako
nomwoyo wako wose nomweya wako wose nepfungwa dzako
dzose.” (Mateu 22:37) Chokwadi une zvikonzero zvakawanda
nei uchifanira kuda Jehovha Mwari. Kuti zvinzi unoda Jehovha
nomwoyo wako wose, mweya, uye pfungwa unofanira kungonzwa kuti ndizvo zvauri kuita here?
7 Sezvinotsanangurwa muBhaibheri, kuda Mwari kunoreva
zvinopfuura kungonzwa kuti unomuda. Kutaura chokwadi,
kunyange zvazvo kunzwa kuti unoda Jehovha kuchikosha, kunzwa ikoko kunongova mavambo okumuda chaiko. Mhodzi
yomuapuro inokosha pakuita kuti muti womuapuro unobereka zvibereko uvepo. Zvisinei, kudai waida apuro, waizogutsikana here kudai mumwe munhu aizongokupa mhodzi yomuapuro? Kana! Saizvozvowo, kunzwa uchida Jehovha Mwari kunongova mavambo. Bhaibheri rinodzidzisa kuti: “Kuda Mwari
kunoreva izvi, kuti tichengete mirayiro yake; uye mirayiro yake
hairemi.” (1 Johani 5:3) Kuti kuve kwechokwadi, kuda Mwari
kunofanira kubereka zvibereko zvakanaka. Kunofanira kuratidzwa nezvatinoita.—Mateu 7:16-20.
8 Tinoratidza kuda kwatinoita Mwari patinochengeta mirayiro yake uye patinoshandisa chokwadi chake chinokosha. Kuita izvozvo hakuna kunyanya kuoma. Panzvimbo pokuva inorema, mitemo yaJehovha yakaitirwa kuti itibatsire kurarama
6. Ungaiteiwo norudo rwawakaratidzwa naJehovha?
7. Kuti zvinzi unoda Mwari unofanira kungonzwa kuti unomuda chete here? Tsanangura.
8, 9. Tingaratidza sei rudo rwedu uye kuonga kwatinoita Mwari?
Ramba Uri Murudo rwaMwari
187
upenyu hwakanaka, hunofadza uye hunogutsa. (Isaya 48:17,
18) Patinorarama maererano nokutungamirira kwaJehovha,
tinoratidza Baba vedu vokudenga kuti tinoonga zvechokwadi
zvinhu zvose zvavakatiitira. Zvinosuruvarisa kuti mazuva ano
vanhu vashomanana vari munyika vanoratidza kuonga kwakadaro. Isu hatidi kuva vanhu vasingaongi, sevamwe vanhu
vakararama Jesu paaiva pasi pano. Jesu akaporesa vanhu gumi vaiva nemaperembudzi, asi mumwe chete ndiye akadzoka
kuzomutenda. (Ruka 17:12-17) Chokwadi taizoda kuva souya
mumwe chete aionga, kwete sevapfumbamwe vaisaonga!
9 Saka, mirayiro yaJehovha yatinofanira kuchengeta ndeipi?
Takurukura inoverengeka yayo mubhuku rino, asi ngatidzokororei mishomanana. Kuchengeta mirayiro yaMwari kuchatibatsira kuramba tiri murudo rwaMwari.
RAMBA UCHISWEDERA PEDYO NAJEHOVHA
Kudzidza nezvaJehovha idanho rinokosha pakuswedera
pedyo naye. Chinhu chinofanira kuramba chi10
10. Tsanangura kuti nei zvichikosha kuti urambe
uchiwana zivo pamusoro paJehovha Mwari.
Kufanana nomoto, kuda kwako Jehovha
kunoda huni kuti kurambe kwakasimba
188
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
chiitwa. Kudai waiva panze usiku kuchitonhora chaizvo, uchidziya moto, waizorega moto wacho uchipera, wobva wadzima here? Kwete. Waizoramba uchiwedzera huni kuti moto wacho urambe uchibvira. Upenyu hwako hungava pangozi! Huni zvadzinoramba dzichiita kuti moto ubvire, saizvozvowo “zivo pamusoro paMwari” inoita kuti kuda kwedu Jehovha kurambe kwakasimba.—Zvirevo 2:1-5.
11 Jesu aida kuti vateveri vake varambe vachiita kuti kuda kwavo Jehovha neShoko rake rinokosha rechokwadi kurambe kwakasimba. Pashure pokunge amutswa, Jesu akadzidzisa vamwe vadzidzi vake vaviri nezvohumwe uprofita huri muMagwaro echiHebheru hwakazadzika paari. Zvakaguma nei?
Gare gare ivo vakati: “Mwoyo yedu yanga isingatsvi here zvaanga achitaura nesu mumugwagwa, zvaanga achitivhurira kwazvo Magwaro?”—Ruka 24:32.
12 Pawakatanga kudzidza zvinonyatsodzidziswa neBhaibheri, wakaona here kuti mwoyo wako wakatanga kupisa nomufaro, kushingaira, uye kuda Mwari? Hapana mubvunzo kuti wakadaro. Vakawanda vakanzwa saizvozvo. Dambudziko iye
zvino nderokuti uchengete rudo rukuru irworwo rwakasimba
uye kuita kuti rukure. Hatidi kutevera zvinoitwa nenyika mazuva ano. Jesu akafanotaura kuti: “Rudo rwevazhinji ruchatonhora.” (Mateu 24:12) Ungaita sei kuti kuda kwako Jehovha
uye kuda chokwadi chiri muBhaibheri kurege kutonhora?
13 Ramba uchiwana zivo pamusoro paJehovha Mwari naJesu Kristu. (Johani 17:3) Fungisisa zvaunodzidza muShoko raMwari, uchizvibvunza kuti: ‘Izvi zvinondidzidzisei nezvaJehovha Mwari? Zvinondipa chimwe chikonzero chipi chokuti ndimude nomwoyo wangu wose, pfungwa, uye mweya?’ (1 Timoti 4:15) Kufungisisa kwakadaro kuchaita kuti kuda kwaunoita
Jehovha kurambe kwakasimba.
11. Kudzidzisa kwaJesu kwakaitei pavateveri vake?
12, 13. (a) Pavanhu vazhinji varipo nhasi, chii chakaitika pakuda
kwavo Mwari uye Bhaibheri? (b) Tingaitei kuti rudo rwedu rurege kutonhora?
Ramba Uri Murudo rwaMwari
189
Imwe nzira yokuita kuti kuda kwaunoita Jehovha kurambe kwakasimba ndeyokugara uchinyengetera. (1 VaTesaronika 5:17) MuChitsauko 17 chebhuku rino, takadzidza kuti munyengetero chipo chinokosha chinobva kuna Mwari. Ukama
hwevanhu zvahunokura nokugara vanhu vachikurukurirana
vakasununguka, saizvozvowo ukama hwedu naJehovha hunogara hwakanaka uye hwakasimba patinogara tichinyengetera
kwaari. Zvinokosha kuti tisamborega minyengetero yedu ichiva yokungoitawo—mashoko atinogara tichingodzokorora asina chaizvo zvaanoreva. Tinofanira kutaura naJehovha sezvinoita mwana nababa vanodiwa. Chokwadika, tinoda kutaura
naye tichimuremekedza, asi takasununguka, nokutendeseka,
uye zvichibva mumwoyo. (Pisarema 62:8) Chokwadi, kudzidza Bhaibheri uri woga uye kunyengetera zvichibva mumwoyo zvinhu zvinokosha pakunamata kwedu uye zvinotibatsira
kuramba tiri murudo rwaMwari.
14
NAKIDZWA NOKUNAMATA
Kudzidza Bhaibheri uri woga uye kunyengetera mabasa
okunamata atingaita tiri toga. Zvisinei, zvino ngatikurukurei
chikamu chokunamata kwatinoita pachena: kutaura nevamwe
pamusoro pezvatinotenda. Wakatoudza vamwe here chokwadi
cheBhaibheri? Kana wakadaro, wakava neropafadzo inoshamisa. (Ruka 1:74) Patinoudza vamwe chokwadi chatakadzidza nezvaJehovha Mwari, tinenge tichiita basa rinokosha zvikuru rakapiwa vaKristu vose vechokwadi—riya rokuparidza mashoko
akanaka oUmambo hwaMwari.—Mateu 24:14; 28:19, 20.
16 Muapostora Pauro aiona ushumiri hwake sechinhu chinokosha, achihudana kuti pfuma. (2 VaKorinde 4:7) Kutaura
nevanhu nezvaJehovha Mwari uye zvinangwa zvake ndiro basa rakanaka kwazvo raungaita. Iko kushumira Tenzi akanaka
kwazvo, uye kunoita kuti tibatsirwe zvikuru. Nokuita basa iri,
15
14. Munyengetero ungatibatsira sei kuita kuti kuda kwatinoita Jehovha kurambe kwakasimba?
15, 16. Nei tingaona zvakakodzera basa rokuparidza Umambo seropafadzo uye pfuma?
190
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
uri kubatsira vanhu vane mwoyo yakatendeseka kuti vaswedere pedyo naBaba vedu vokudenga uye kutanga kufamba mumugwagwa unoenda kuupenyu husingaperi! Pane rimwe basa
here ringagutsa kudarika iri? Uyezve, kupupura nezvaJehovha
neShoko rake kunowedzera kutenda kwako uye kunosimbisa
Jehovha anoda kuti uve no“upenyu
chaihwo.” Uchava nahwo here?
Ramba Uri Murudo rwaMwari
191
kumuda kwaunoita. Uye Jehovha anokoshesa kushanda zvakaoma kwaunoita. (VaHebheru 6:10) Kuramba uchiita basa rakadai uchishingaira kunokubatsira kuramba uri murudo rwaMwari.—1 VaKorinde 15:58.
17 Zvinokosha kuti tiyeuke kuti basa rokuparidza Umambo
rinofanira kukurumidza kuitwa. Bhaibheri rinoti: ‘Paridza shoko, zviite nokukurumidza.’ (2 Timoti 4:2) Nei izvi zvichifanira kukurumidza kuitwa mazuva ano? Shoko raMwari rinotiudza kuti: “Zuva guru raJehovha rava pedyo. Rava pedyo, uye
riri kukurumidza kwazvo.” (Zefaniya 1:14) Chokwadi, nguva
iri kukurumidza kuuya Jehovha paachagumisa mamiriro ezvinhu ose aripo iye zvino. Vanhu vanofanira kunyeverwa! Vanofanira kuziva kuti iye zvino ndiyo nguva yokusarudza kuti
Jehovha ave Changamire wavo. Mugumo ‘hauzononoki.’—Habhakuki 2:3.
18 Jehovha anoda kuti timunamate pachena takabatana nevaKristu vechokwadi. Ndokusaka Shoko rake richiti: “Ngatirangarirane kuti tikurudzirane kuva norudo nemabasa akanaka kwazvo, tisingaregi kuungana kwedu, setsika ine vamwe,
asi tikurudzirane, kunyanya zvamunoona zuva richiswedera
pedyo.” (VaHebheru 10:24, 25) Patinoungana nevamwe vatinonamata navo pamisangano yechiKristu, tinova nomukana
unoshamisa wokurumbidza uye kunamata Mwari wedu anodiwa. Tinosimbisana uye tinokurudziranawo.
19 Sezvatinoshamwaridzana nevamwe vanamati vaJehovha,
tinosimbisa kubatanidzwa kwatinoitwa norudo uye ushamwari muungano. Zvinokosha kuti titsvake zvakanaka mune vamwe, sezvo Jehovha achitsvaka zvakanaka matiri. Usatarisira
kuti vamwe vaunonamata navo vave vakakwana. Yeuka kuti vose vari pazvidanho zvakasiyana-siyana zvokukura pakunamata
17. Nei ushumiri hwechiKristu huchifanira kukurumidza kuitwa mazuva ano?
18. Nei tichifanira kunamata Jehovha pachena takabatana nevaKristu
vechokwadi?
19. Tingasimbisa sei kubatanidzwa kwatinoitwa norudo muungano
yechiKristu?
192
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
uye kuti mumwe nomumwe wedu anokanganisa. (VaKorose 3:
13) Tsvaka kuva noushamwari hwepedyo nevaya vanoda Jehovha zvakanyanya, uye uchaona uchikura pakunamata. Chokwadi, kunamata Jehovha pamwe chete nehama dzako nehanzvadzi dzechiKristu kuchakubatsira kuramba uri murudo
rwaMwari. Jehovha anopa sei mubayiro vaya vanomunamata
vakatendeka uye vanoramba vari murudo rwake?
VAVARIRA KUWANA “UPENYU CHAIHWO”
Jehovha anopa vashumiri vake vakatendeka mubayiro
woupenyu, asi upenyu hwakaita sei? Iye zvino uri mupenyu zvechokwadi here? Vakawanda vedu taizoti mhinduro yacho iri pachena. Tinofema, tinodya, uye tinonwa. Chokwadi
tinofanira kuva tiri vapenyu. Uye panguva dzatinenge tichifara chaizvo, tingatoti, “Chokwadi uhwu ndihwo hunonzi upenyu!” Zvisinei, Bhaibheri rinoratidza kuti mupfungwa inokosha, mazuva ano hapana munhu mupenyu zvechokwadi.
21 Shoko raMwari rinotikurudzira kuti ‘tibatisise upenyu
chaihwo.’ (1 Timoti 6:19) Mashoko iwayo anoratidza kuti
“upenyu chaihwo” chinhu chatinotarisira kuwana munguva
yemberi. Chokwadi, patinenge takwana, tinenge tava vapenyu
mupfungwa izere yeshoko racho, nokuti tinenge tava kurarama seizvo Mwari aida pakutanga. Patinenge tichirarama muparadhiso pasi pano tiine utano hwakakwana, rugare, uye mufaro, pakupedzisira tichava no“upenyu chaihwo”—upenyu husingaperi. (1 Timoti 6:12) Iyoyo haisi tariro inoshamisa here?
22 ‘Tingabatisisa sei upenyu chaihwo’? Mumashoko ari pamashure pacho, Pauro akakurudzira vaKristu “kuti vaite zvakanaka” uye “vapfume pamabasa akanaka.” (1 Timoti 6:18) Saka,
zviri pachena kuti zvakawanda zvine chokuita nemashandisiro
atinoita chokwadi chatakadzidza muBhaibheri. Asi Pauro aireva here kuti tinogona kuwana “upenyu chaihwo” nokungoita
mabasa akanaka? Kwete, nokuti tarisiro dzinoshamisa dzakadaro zvechokwadi dzinobva pakuwana “mutsa usina kukodze20
20, 21. “Upenyu chaihwo” chii, uye nei iyoyo iri tariro inoshamisa?
22. ‘Ungabatisisa sei upenyu chaihwo’?
Ramba Uri Murudo rwaMwari
193
ra kuwanwa” waMwari. (VaRoma 5:15) Zvisinei, Jehovha anofarira kupa mubayiro vaya vanomushumira vakatendeka. Anoda kukuona uchirarama “upenyu chaihwo.” Upenyu husingaperi hwakadaro hunofadza, hune rugare huri mberi nokuda
kwevaya vanoramba vari murudo rwaMwari.
23 Mumwe nomumwe wedu anofanira kuzvibvunza kuti, ‘Ndiri kunamata Mwari nenzira yaanoratidza muBhaibheri here?’ Kana tikava nechokwadi chokuti, zuva nezuva, mhinduro yacho ndihungu, saka tiri panzira yakarurama. Tinogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha ndiye nzvimbo yedu yokupotera. Achachengeta vanhu vake vakatendeka vakachengeteka mumazuva okupedzisira ane nhamo emamiriro ezvinhu
aripo iye zvino. Jehovha achatinunurawo, otipinza mumamiriro ezvinhu matsva anoshamisa ava pedyo. Chokwadi tichafara
zvikuru kuva nenguva iyoyo! Uye tichafara kuti takaita zvisarudzo zvakarurama mumazuva ano okupedzisira! Kana ukaita
zvisarudzo zvakadaro iye zvino, uchava no“upenyu chaihwo,”
upenyu hwaidiwa naJehovha Mwari, nokusingagumi!
23. Nei zvichikosha kuti tirambe tiri murudo rwaMwari?
ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI
ˇ Tinoratidza kuti tinoda Mwari zvechokwadi
nokuchengeta mirayiro yake uye kushandisa
chokwadi chake chinokosha.—1 Johani 5:3.
ˇ Kudzidza Shoko raMwari, kunyengetera kuna
Jehovha nomwoyo wose, kudzidzisa vamwe
nezvake, uye kumunamata pamisangano
yechiKristu zvichatibatsira kuramba tiri murudo
rwaMwari.—Mateu 24:14; 28:19, 20; Johani 17:3;
1 VaTesaronika 5:17; VaHebheru 10:24, 25.
ˇ Vaya vanoramba vari murudo rwaMwari vane
tariro yokuva no“upenyu chaihwo.”—1 Timoti
6:12, 19; Judha 21.
MASHOKO OKUWEDZERA
NYAYA
PEJ I
Zita raMwari—Kushandiswa Kwaro uye Zvarinoreva 9 9 9 9 9 9 195
Kuzivisa Kunoita Uprofita
hwaDhanieri Kusvika kwaMesiya 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 197
Jesu Kristu—Mesiya Akapikirwa 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 199
Chokwadi Pamusoro paBaba,
Mwanakomana, uye Mudzimu Mutsvene 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 201
Nei vaKristu Vechokwadi
Vasingashandisi Muchinjikwa Pakunamata 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 204
Kudya kwaShe Kwemanheru
—Chiitiko Chinokudza Mwari 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 206
“Mweya” uye “Mudzimu”—Mashoko Aya
Anomborevei Chaizvo? 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 208
Sheori uye Hadhesi Chii? 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 212
Zuva Rokutongwa—Chii? 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 213
1914—Gore Rinokosha Muuprofita hweBhaibheri 9 9 9 9 9 9 9 9 215
Mikaeri Ngirozi Huru Ndiani? 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 218
Kuziva “Bhabhironi Guru” 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 219
Jesu Akaberekwa Muna December Here? 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 221
Tinofanira Kupemberera Mazororo Here? 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 9 222
195
Zita raMwari
—Kushandiswa Kwaro uye Zvarinoreva
MUBHAIBHERI rako, Pisarema 83:18 rakashandurwa sei? Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene inoshandura ndima iyi seizvi: “Kuti vanhu vazive kuti imi, mune zita rokuti Jehovha, Imi
moga ndimi Wokumusorosoro kumusoro kwenyika yose.” Dzimwe shanduro dzeBhaibheri dzinoverengeka dzinoshandura zvakafanana. Zvisinei, shanduro dzakawanda dzinosiya zita rokuti Jehovha, dzichiritsiva nemazita okuremekedza akadai sokuti “Ishe”
kana kuti “Asingagumi.” Chii chinofanira kushandiswa pandima
iyi? Zita rokuremekedza here kana kuti zita chairo rokuti Jehovha?
Ndima iyi inotaura nezvezita chairo. MuchiHebheru chepakutanga chakashandiswa kunyora zvakawanda zviri muBhaibheri, pano pandima iyi pane zita chairo rinomusiyanisa nevamwe vose. Rinopereterwa Zita raMwari rakakuti ˘˙˘˝ (YHWH) nemabhii echiHebhenyorwa nemabhii
ru. MuchiShona, shanduro inozivikanwa
echiHebheru
zvakanyanya yezita iroro ndeyokuti “Jehovha.” Zita iroro rinongova mundima imwe chete yeBhaibheri here? Kwete. Mumashoko epakutanga eMagwaro echiHebheru ririmo kanoda kusvika ka7 000!
Zita raMwari rinokosha zvakadini? Funga nezvomunyengetero
wokuenzanisira wakapiwa naJesu Kristu. Unotanga seizvi: “Baba
vedu vari kumatenga, zita renyu ngaritsveneswe.” (Mateu 6:9) Gare gare, Jesu akanyengetera kuna Mwari achiti: “Baba, kudzai zita renyu.” Achipindura, Mwari akataura ari kudenga, achiti: “Ndakarikudza uye ndicharikudzazve.” (Johani 12:28) Zviri pachena
kuti zita raMwari rinokosha zvakanyanya. Saka, nei vamwe vashanduri vakasiya zita iri chairo mushanduro dzavo dzeBhaibheri
vakaritsiva nemazita okuremekedza?
Panoita sepane zvikonzero zvikuru zviviri. Chokutanga, vakawanda vanoti zita racho harifaniri kushandiswa nokuti madudzirwo araiitwa kare haazivikanwi mazuva ano. ChiHebheru chekare chainyorwa chisina mavhawero. Saka, mazuva ano hapana ane
chokwadi chaicho chokuti vanhu vomunguva inotaurwa muBhaibheri vaidudza sei YHWH. Zvisinei, izvi zvinofanira kutitadzisa
˘˙˘˝
196
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
kushandisa zita raMwari here? Munguva inotaurwa muBhaibheri, zita rokuti Jesu ringave raidudzwa kuti Yeshua kana kuti zvichida Yehoshua—hapana anogona kuva nechokwadi. Asi, vanhu munyika yose nhasi vanoshandisa madudzirwo akasiyana-siyana ezita rokuti Jesu, vachizviita maererano nezvinonyanya kuzivikanwa
mumutauro wavo. Havambozezi kushandisa zita racho pamusana
pokuti havazivi kuti muzana remakore rokutanga raidudzwa sei.
Saizvozvowo, kudai waizoenda kune imwe nyika, zvichida waizoona kuti zita rako pachako rinonzwika zvakasiyana chaizvo mune
mumwe mutauro. Saka, kusava nechokwadi nemadudzirwo ekare
ezita raMwari hachisi chikonzero chokurega kurishandisa.
Chikonzero chechipiri chinowanzopiwa chokusiya zita raMwari muBhaibheri chine chokuita netsika yechiJudha yave iripo kwenguva refu. Vakawanda vavo vanodavira kuti zita raMwari harimbofaniri kududzwa. Zviri pachena kuti kudavira izvi kunobva pakushandiswa zvisina kururama kwomutemo weBhaibheri unoti:
“Usashandisa zita raJehovha Mwari wako pasina, nokuti Jehovha
haazoregi kuranga munhu anoshandisa zita rake pasina.”—Eksodho 20:7.
Mutemo uyu unorambidza kushandiswa zvisina kukodzera kwezita raMwari. Asi unorambidza here kushandiswa kwezita rake nenzira yokuremekedza? Kana. Vanyori veBhaibheri rechiHebheru
(“Testamende Yekare”) vose zvavo vaiva varume vakanga vakatendeka vakararama maererano noMutemo uyo Mwari akapa vaIsraeri vekare. Asi, vaiwanzoshandisa zita raMwari. Somuenzaniso, vakarinyora mumapisarema akawanda aiimbwa zvinonzwika nemapoka evanamati. Jehovha Mwari akatorayira vanamati vake kuti
vadane zita rake, uye vaya vakanga vakatendeka vakateerera. (Joeri 2:32; Mabasa 2:21) Saka, mazuva ano vaKristu havazenguriri
kushandisa zita raMwari nenzira yokuremekedza, sezvakangoitwa
naJesu.—Johani 17:26.
Pavanotsiva zita chairo raMwari nemazita okuremekedza, vashanduri veBhaibheri vanoita chikanganiso chakakomba. Vanoita kuti zviite sokuti Mwari ari kure uye haasi munhu, asi Bhaibheri richikurudzira vanhu kuva “shamwari yepedyo yaJehovha.” (Pisarema 25:14) Funga nezveshamwari yako yepedyo. Zvechokwadi, maizova pedyo zvakadini kudai usina kumboziva zita reshamwari yako? Saizvozvowo, vanhu pavanoramba vasingazivi zita raMwari rokuti Jehovha, zvechokwadi vangava sei pedyo naMwari? Uyezve,
Mashoko Okuwedzera
197
vanhu pavasingashandisi zita raMwari, havasviki pakuzivawo zvarinoreva zvinoshamisa. Zita raMwari rinorevei?
Mwari pachake akatsanangura zvinoreva zita rake kumushumiri
wake akanga akatendeka Mosesi. Mosesi paakabvunza zita raMwari, Jehovha akapindura kuti: “Ndichava iye wandichava.” (Eksodho 3:14) Shanduro yaRotherham inoshandura mashoko iwayo
kuti: “Ndichava chero zvandinoda kuva.” Saka, Jehovha anogona
kuva chero zvinenge zvichidiwa kuti azadzise zvinangwa zvake.
Ngatitii waigona kuva chero zvaunoda kuva. Waizoitirei shamwari dzako? Kudai imwe yadzo yaizorwara zvakanyanya, waizova
chiremba ane unyanzvi woiporesa. Kudai imwe yaizoshaya mari,
waizova mubatsiri akapfuma woiyamura. Zvisinei, chokwadi ndechokuti pane zvinokutadzisa kuva zvaungada kuva. Tose zvedu tinazvo. Sezvaunodzidza Bhaibheri, uchashamisika kuona kuti Jehovha anova sei chero chinenge chichidiwa kuti azadzise zvipikirwa zvake. Uye zvinomufadza kushandisa simba rake kubatsira vaya vanomuda. (2 Makoronike 16:9) Izvi zvinhu zvakanaka chaizvo zvine chokuita nounhu hwaJehovha hazviwanikwi nevaya vasingazivi zita rake.
Zviri pachena kuti zita rokuti Jehovha rinofanira kushandiswa
muBhaibheri. Kuziva zvarinoreva uye kurishandisa takasununguka pakunamata kwedu kunobatsira chaizvo pakuswedera pedyo
naBaba vedu vokudenga, Jehovha.1
1 Kuti uwane mamwe mashoko ane chokuita nezita raMwari, zvarinoreva, uye zvikonzero nei richifanira kushandiswa pakunamata, ona bhurocha rinonzi Zita raMwari Richagara Nokusingaperi, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
Kuzivisa Kunoita Uprofita
hwaDhanieri Kusvika kwaMesiya
MUPROFITA Dhanieri akararama makore anopfuura 500 Jesu
asati aberekwa. Kunyange zvakadaro, Jehovha akazivisa Dhanieri mashoko aizoita kuti zviite kutaura nguva chaiyo yaizozodzwa
Jesu kana kuti yaaizogadzwa, kuti ave Mesiya, kana kuti Kristu.
Dhanieri akaudzwa kuti: “Ziva, unzwisise kuti kubvira pachataurwa shoko rokudzorera nokuvakazve Jerusarema kusvikira kuna
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
198
Mesiya Mutungamiriri, pachava nevhiki nomwe, uye vhiki dzine
makumi matanhatu nembiri.”—Dhanieri 9:25.
Kuti tiwane nguva yaizosvika Mesiya, tinofanira kutanga taziva
pokutangira kuverenga nguva inozotisvitsa kuna Mesiya. Maererano nouprofita hwacho, inotangira ‘paizotaurwa shoko rokudzorera nokuvakazve Jerusarema.’ ‘Kutaurwa kweshoko’ uku kwakaitika
rini? Maererano nomunyori weBhaibheri anonzi Nehemiya, shoko rokunovakazve masvingo okupoteredza Jerusarema rakataurwa
“mugore rechimakumi maviri ramambo Atashasta.” (Nehemiya 2:
1, 5-8) Vanyori venyaya dzakaitika kare vanosimbisa kuti gore ra474 B.C.E. ndiro raiva gore rizere rokutanga raAtashasta somuto-
“VHIKI DZINE MAKUMI MANOMWE”
Makore 490
Vhiki 7
Vhiki 62
Vhiki 1
(Makore 49)
(Makore 434)
(Makore 7)
455
406
“Shoko
rokudzorera
. . . Jerusarema”
Jerusarema
rinovakwazve
& B.C.E. C.E. )
29
33
36
Mesiya
anosvika
Mesiya
‘anourayiwa’
Kupera
kwe“vhiki
dzine
makumi
manomwe”
Mashoko Okuwedzera
199
ngi. Saka, gore rechi20 rokutonga kwake raiva 455 B.C.E. Iye zvino
tava nepokutangira uprofita hwaDhanieri hwaiva nechokuita naMesiya, kureva 455 B.C.E.
Dhanieri anoratidza kuti nguva inotisvitsa pakusvika kwa“Mesiya Mutungamiriri” yaizova yakareba zvakadini. Uprofita hwacho
hunotaura nezve“vhiki nomwe, uye vhiki dzine makumi matanhatu nembiri”—dzose dzichikwana vhiki 69. Nguva iyi yakareba
sei? Shanduro dzeBhaibheri dzinoverengeka dzinoratidza kuti idzi
hadzisi vhiki dzemazuva manomwe, asi vhiki dzemakore. Kureva kuti vhiki yoga yoga inomirira makore manomwe. Iyi pfungwa
yevhiki dzemakore, kana kuti zvikamu zvemakore manomwe manomwe, yakanga yakajairika kuvaJudha vekare. Somuenzaniso, vaichengeta gore reSabata pagore rechinomwe roga roga. (Eksodho
23:10, 11) Saka, vhiki 69 dzouprofita dzinokwana zvikamu 69, chimwe nechimwe chiine makore 7, kana kuti makore anokwana 483.
Iye zvino changosara kuverenga chete. Kana tikaverenga kubva
muna 455 B.C.E., makore 483 anotisvitsa mugore ra29 C.E. Iroro
ndiro gore chairo rakabhabhatidzwa Jesu, akava Mesiya!1 (Ruka 3:
1, 2, 21, 22) Ikoko hakusi kuzadzika kwouprofita hweBhaibheri kunoshamisa here?
1 Kubva muna 455 B.C.E. kusvika muna 1 B.C.E. pane makore 454. Kubva muna 1 B.C.E. kusvika muna 1 C.E. pane gore rimwe chete (pakanga
pasina gore razero). Uye kubva muna 1 C.E. kusvika muna 29 C.E. pane
makore 28. Kusanganisa nhamba nhatu idzi kunotipa makore anokwana 483. Jesu ‘akaurayiwa’ muna 33 C.E., muvhiki yemakore yechi70.
(Dhanieri 9:24, 26) Ona bhuku rinonzi Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
chitsauko 11, uye Insight on the Scriptures, Volume 2, mapeji 899-901.
Ose akabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
Jesu Kristu
—Mesiya Akapikirwa
KUTI atibatsire kuziva Mesiya, Jehovha Mwari akafuridzira vaprofita vakawanda vanotaurwa muBhaibheri kuti vape mashoko
akadzama pamusoro pokuberekwa, ushumiri, uye rufu zvoMununuri uyu akapikirwa. Uprofita hwose uhwu huri muBhaibheri
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
200
UPROFITA HUNE CHOKUITA NAMESIYA
CHIIT IKO
UPROFITA
KUZADZIKA
Akaberekerwa mudzinza raJudha
Genesisi 49:10
Ruka 3:23-33
Akaberekwa nemhandara
Isaya 7:14
Mateu 1:18-25
Aiva wedzinza raMambo Dhavhidhi
Isaya 9:7
Mateu 1:1, 6-17
Jehovha akamuti aiva
Mwanakomana wake
Pisarema 2:7
Mateu 3:17
Vakawanda havana kumutenda
Isaya 53:1
Johani 12:37, 38
Akapinda muJerusarema
akatasva mbongoro
Zekariya 9:9
Mateu 21:1-9
Akatengeswa neshamwari yepedyo
Pisarema 41:9
Johani 13:18, 21-30
Akatengeswa nemasirivha 30
Zekariya 11:12
Mateu 26:14-16
Akanyarara pamberi pevapomeri vake Isaya 53:7
Mateu 27:11-14
Mijenya yakakandwa panguo dzake
Pisarema 22:18
Mateu 27:35
Akatukwa paaiva padanda
Pisarema 22:7, 8 Mateu 27:39-43
Hapana pfupa rake rimwe rakatyorwa Pisarema 34:20
Johani 19:33, 36
Akavigwa pamwe nevapfumi
Isaya 53:9
Mateu 27:57-60
Akamutswa asati aora
Pisarema 16:10
Mabasa 2:24, 27
Akakwidziridzwa kurudyi rwaMwari
Pisarema 110:1
Mabasa 7:56
hwakazadzika pana Jesu Kristu. Hwakarurama uye hwakadzama
zvinoshamisa. Kuti tienzanisire izvi, ngatikurukurei uprofita hushomanana hwakafanotaura zviitiko zvaiva nechokuita nokuberekwa kwaMesiya uye nguva yaaiva muduku.
Muprofita Isaya akafanotaura kuti Mesiya aizova muzukuru
Mashoko Okuwedzera
201
waMambo Dhavhidhi. (Isaya 9:7) Zvechokwadi Jesu akaberekerwa mudzinza raDhavhidhi.—Mateu 1:1, 6-17.
Mika, mumwe muprofita waMwari, akafanotaura kuti mwana uyu aizova mutongi uye kuti aizoberekerwa mu“Bhetrehema
Efrata.” (Mika 5:2) Panguva yakaberekwa Jesu, paiva nemataundi
maviri muIsraeri ainzi Bhetrehema. Rimwe raiva pedyo neNazareta munharaunda yokumusoro kwenyika yacho, uye rimwe raiva
pedyo neJerusarema muJudha. Bhetrehema raiva pedyo neJerusarema raimbonzi Efrata. Jesu akaberekerwa mutaundi iroro, sezvakanga zvafanotaurwa nouprofita chaizvo!—Mateu 2:1.
Humwe uprofita hwomuBhaibheri hwakafanotaura kuti Mwanakomana waMwari aizoshevedzwa “kuti abude muIjipiti.” Paaiva mwana, Jesu akaendeswa kuIjipiti. Akadzoswa pashure pokufa kwaHerodhi, izvi zvichizadzisa uprofita hwacho.—Hosea 11:1;
Mateu 2:15.
Pachati iri papeji 200, magwaro akarongwa pasi pomusoro unoti “Uprofita” ane mashoko akadzama ane chokuita naMesiya. Tapota aenzanise nemagwaro akarongwa pasi pomusoro unoti “Kuzadzika.” Kuita izvozvo kuchasimbisazve kutenda kwako kwokuti
Shoko raMwari nderechokwadi.
Paunenge uchiongorora magwaro aya, yeuka kuti aya ane
uprofita akanyorwa mazana emakore Jesu asati aberekwa. Jesu
akati: “Zvinhu zvose zvakanyorwa mumutemo waMosesi neZvakanyorwa nevaprofita nomuMapisarema pamusoro pangu zvinofanira kuzadzika.” (Ruka 24:44) Sezvaungaona muBhaibheri
rako pachako, chokwadi zvakazadzika—zvose zvazvo!
Chokwadi Pamusoro paBaba,
Mwanakomana, uye Mudzimu Mutsvene
VANHU vanodavira dzidziso yoUtatu vanoti Mwari vanhu vatatu
—Baba, Mwanakomana uye Mudzimu Mutsvene. Mumwe nomumwe wevanhu vatatu ava anonzi akaenzana nevamwe vacho, ane
masimba ose uye haana paakatangira. Saka, maererano nedzidziso
yoUtatu, Baba ndiMwari, Mwanakomana ndiMwari, uye Mudzimu
Mutsvene ndiMwari, asi pachingova naMwari mumwe chete.
202
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
Vakawanda vanodavira Utatu vanobvuma kuti havagoni kutsanangura dzidziso iyi. Asi, vangafunga kuti inodzidziswa muBhaibheri. Zvinokosha kuziva kuti shoko rokuti “Utatu” harimbowaniki muBhaibheri. Asi pfungwa yoUtatu inowanika imomo here? Kuti tipindure mubvunzo uyu, ngationei rugwaro runowanzotaurwa
nevanhu vanotsigira Utatu.
“SHOKO RAKANGA RIRI MWARI”
Johani 1:1 inoti: “Pakutanga Shoko rakanga riripo, Shoko rakanga riri kuna Mwari, Shoko rakanga riri Mwari.” (Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Gare gare muchitsauko ichocho, muapostora Johani anoratidza pachena kuti “Shoko” ndiJesu. (Johani 1:14)
Zvisinei, Shoko zvarinonzi Mwari, vamwe vanofunga kuti Mwanakomana naBaba vanofanira kuva chikamu chaMwari mumwe
chete.
Yeuka kuti ndima iyi yeBhaibheri pakutanga yakanyorwa nechiGiriki. Gare gare, vashanduri vakashandura rugwaro rwacho rwechiGiriki vachiruisa mune mimwe mitauro. Zvisinei, vashanduri veBhaibheri vanoverengeka havana kushandisa mashoko okuti
“Shoko rakanga riri Mwari.” Nei? Vachitorera paruzivo rwavo rwechiGiriki chakashandiswa pakunyora Bhaibheri, vashanduri ivavo
vakafunga kuti mashoko okuti “Shoko rakanga riri Mwari” anofanira kushandurwa zvakasiyana. Sei? Heino mienzaniso mishomanana: “Logos [Shoko] raiva nechokuita naMwari.” (A New Translation of the Bible) “Shoko raiva mwari.” (The New Testament in
an Improved Version) “Shoko rakanga riina Mwari uye rakaita saiye.” (The Translator’s New Testament) Maererano neshanduro idzi,
Shoko harisi Mwari pachake.1 Asi, nokuda kwenzvimbo yaro yepamusoro pakati pezvisikwa zvaJehovha, Shoko rinonzi “mwari”
(ana “m” muduku). Pano shoko rokuti “mwari” rinoreva “munhu
ane simba.”
WANA MAMWE MASHOKO
Vanhu vakawanda havazivi chiGiriki chakashandiswa pakunyora Bhaibheri. Saka ungaziva sei chaizvo zvairehwa nomuapostora Johani? Funga nezvomuenzaniso uyu: Mudzidzisi anotsanangu1 Kana uchida mamwe mashoko anokurukura nezvaJohani 1:1, ona
mapeji 24-25 eNharireyomurindi yaNovember 1, 2008 yakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
Mashoko Okuwedzera
203
rira vadzidzi vake imwe nyaya. Pashure, vadzidzi vanosiyana manzwisisire avaita tsanangudzo yacho. Vadzidzi vacho vangagadzirisa sei nyaya yacho? Vanogona kubvunza mudzidzisi wacho kuti avape mamwe mashoko. Hapana mubvunzo kuti mamwe mashoko aizovabatsira kunzwisisa nyaya yacho zviri nani. Saizvozvowo, kuti unzwisise zvinorehwa naJohani 1:1, unogona kutarira
muEvhangeri yaJohani kuti uwane mamwe mashoko ane chokuita nenzvimbo yaJesu. Kudzidza nezvemamwe mashoko panyaya
iyi kuchakubatsira kunzwisisa nyaya yacho zvakarurama.
Somuenzaniso, funga zvimwe zvakanyorwa naJohani muchitsauko 1, ndima 18, kuti: “Hapana munhu akamboona Mwari [Wemasimbaose] chero panguva ipi zvayo.” Zvisinei, vanhu vakaona Jesu, Mwanakomana, nokuti Johani anoti: “Shoko [Jesu] rakava nyama rikagara pakati pedu, uye takaona kubwinya kwake.”
(Johani 1:14) Saka, Mwanakomana aigona sei kuva chikamu chaMwari Wemasimbaose? Johani anotaurawo kuti Shoko rakanga
“riina Mwari.” Munhu angava sei nomumwe munhu asi panguva imwe chete ari munhu wacho? Uyezve, sezvakanyorwa pana Johani 17:3, Jesu anobudisa pachena kusiyana kwaakaita naBaba vake vokudenga. Anodana Baba vake kuti “Mwari wechokwadi chete.” Uye nechokunoperera Evhangeri yake, Johani anotaura zvinhu nemashoko mashoma achiti: “Izvi zvakanyorwa kuti imi mutende kuti Jesu ndiye Kristu Mwanakomana waMwari.” (Johani
20:31) Ona kuti Jesu anonzi Mwanakomana waMwari, kwete Mwari. Aya mashoko okuwedzera anopiwa muEvhangeri yaJohani anoratidza kunzwisiswa kunofanira kuitwa Johani 1:1. Jesu, Shoko,
ndi“mwari” mupfungwa yokuti ane nzvimbo yepamusoro asi haana kuenzana naMwari Wemasimbaose.
NYATSOWANA CHOKWADI
Funga zvakare pamusoro pomuenzaniso womudzidzisi nevadzidzi vake. Fungidzira kuti vamwe havana chokwadi, kunyange pashure pokuteerera tsanangudzo dzokuwedzera dzomudzidzisi. Vangaitei? Vanogona kubvunza mumwe mudzidzisi kuti avape mamwe mashoko panyaya iyoyo. Kana mudzidzisi wechipiri akasimbisa tsanangudzo yewokutanga, kusava nechokwadi kwevadzidzi vakawanda kungapera. Saizvozvowo, kana usina chokwadi nezvainyatsotaurwa nomunyori weBhaibheri, Johani, pamusoro poukama
hwaJesu naMwari Wemasimbaose, unogona kuenda kune mumwe
204
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
munyori weBhaibheri kuti uwane mamwe mashoko. Somuenzaniso, funga zvakanyorwa naMateu. Nezvokuguma kwemamiriro ezvinhu aripo, iye anotaura mashoko aJesu achiti: “Hapana munhu
anoziva nezvezuva iroro neawa, kunyange ngirozi dzokumatenga
kana Mwanakomana, asi Baba voga.” (Mateu 24:36) Mashoko aya
anosimbisa sei kuti Jesu haasi Mwari Wemasimbaose?
Jesu anotaura kuti Baba vanoziva zvakawanda kupfuura zvinozivikanwa noMwanakomana. Zvisinei, kudai Jesu aiva chikamu chaMwari Wemasimbaose, aizoziva zvinhu zvakafanana nezvinozivikanwa naBaba vake. Saka, Mwanakomana naBaba havangavi vakaenzana. Asi vamwe vangati: ‘Jesu akanga aine masikirwo maviri.
Pano anotaura somunhu.’ Asi kunyange kudai zvakanga zvakadaro, zvakadini nomudzimu mutsvene? Kana uri chikamu chaMwari
mumwe chete iyeye saBaba, nei Jesu asingatauri kuti unoziva zvinozivikanwa naBaba?
Sezvaunoramba uchidzidza Bhaibheri, uchaziva zvimwe zvikamu zvakawanda zveBhaibheri zvine chokuita nenyaya iyi. Zvinosimbisa chokwadi chine chokuita naBaba, Mwanakomana, uye mudzimu mutsvene.—Pisarema 90:2; Mabasa 7:55; VaKorose 1:15.
Nei vaKristu Vechokwadi Vasingashandisi
Muchinjikwa Pakunamata
MUCHINJIKWA unonamatwa uye unoremekedzwa nemamiriyoni
evanhu. The Encyclopædia Britannica inodana muchinjikwa kuti
“chiratidzo chikuru chechitendero chechiKristu.” Kunyange zvakadaro, vaKristu vechokwadi havashandisi muchinjikwa pakunamata. Nei?
Chikonzero chinokosha ndechokuti Jesu Kristu haana kufira pamuchinjikwa. Shoko rechiGiriki rinowanzoshandurwa kuti “muchinjikwa” ndistau·ros. Rinongoreva “bango rakatwasuka kana
kuti danda.” The Companion Bible rinoti: “Shoko rokuti [stau·ros]
harimborevi mapango maviri akachinjikana . . . MuchiGiriki che[Testamende Itsva] hamuna chinotombopa kapfungwa kemapango maviri.”
Mune dzimwe ndima dzinoverengeka, vanyori veBhaibheri va-
Mashoko Okuwedzera
205
noshandisa rimwe shoko nokuda kwepakaurayirwa Jesu. Ishoko
rechiGiriki rokuti xylon. (Mabasa 5:30; 10:39; 13:29; VaGaratiya 3:
13; 1 Petro 2:24) Shoko iri rinongoreva “bango” kana kuti “chimuti, tsvimbo, kana kuti muti.”
Richitsanangura nei dandawo zvaro raiwanzoshandiswa kuurayira vanhu, bhuku rinonzi Das Kreuz und die Kreuzigung (Muchinjikwa uye Kurovererwa paMuchinjikwa), rakanyorwa naHermann Fulda, rinoti: “Miti yakanga isingawaniki pose pose panzvimbo dzaisarudzwa kuti dziurayirwe vanhu, vamwe vachiona. Saka
dandawo zvaro raidzikwa muvhu. Vakasimudza maoko mudenga,
vanhu vaityora mutemo vaisungirirwa padanda iri kana kuti kurovererwa maoko uye kakawanda makumbo avo airovererwawo.”
Zvisinei, uchapupu hwakasimba kupfuura humwe hwose, hunobva muShoko raMwari. Muapostora Pauro anoti: “Kristu wakatidzikinura pakutuka kwomurayiro, iye akaitwa chakatukwa nokuda kwedu, nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Vakatukwa vose vanoturikwa pamuti!” (VaGaratiya 3:13, Bhaibheri muNdimi yeUnion
Shona) Pano Pauro ari kudzokorora mashoko aDheuteronomio 21:
22, 23 ayo anotaura zvakajeka nezvomuti, kwete muchinjikwa. Sezvo kuurayiwa neiyi nzira kwaiita kuti munhu wacho ave “akatukwa,” zvaisazova zvakakodzera kuti vaKristu vashongedze misha
yavo nemifananidzo yaKristu akarovererwa.
Hapana uchapupu hwokuti kwemakore 300 okutanga pashure
pokufa kwaKristu, vaya vaizviti vaKristu vakashandisa muchinjikwa pakunamata. Zvisinei, muzana remakore rechina, Mambo wechihedheni ainzi Constantine akatendeukira kuchiKristu chakaramba kutenda, akatsigira kuti muchinjikwa uve chiratidzo chechiKristu. Hazvinei kuti Constantine aiva nevavariro dzei, muchinjikwa hauna chokuita naJesu Kristu. Chokwadika, muchinjikwa wakatanga nevahedheni. New Catholic Encyclopedia inobvuma kuti:
“Muchinjikwa unowanika mutsika dzaivapo chiKristu chisati chavapo uye mune dzisiri dzechiKristu.” Mamwe mabhuku akasiyanasiyana akabatanidza muchinjikwa nokunamatwa kwezvinhu zvakasikwa uye tsika dzokurara nomumwe munhu dzechihedheni.
Saka, nei ichi chiratidzo chechihedheni chakasimudzirwa? Zviri pachena kuti zvakaitirwa kuti vahedheni vagamuchire “chiKristu” zviri nyore. Kunyange zvakadaro, kuzvipira kuchiratidzo chechihedheni chero chipi zvacho kunoshorwa neBhaibheri zviri pachena. (2 VaKorinde 6:14-18) Magwaro anorambidzawo kunamata
206
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
zvidhori kwose. (Eksodho 20:4, 5; 1 VaKorinde 10:14) Saka, nechikonzero chakanaka chaizvo, vaKristu vechokwadi havashandisi muchinjikwa pakunamata.1
1 Kuti uwane kukurukurwa kwakadzama kwomuchinjikwa, ona mapeji 49-53 ebhuku rinonzi Kurangarira muMagwaro, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
Kudya kwaShe Kwemanheru
—Chiitiko Chinokudza Mwari
VAKRISTU vanorayirwa kuchengeta Chirangaridzo chorufu rwaKristu. Chiitiko ichi chinonziwo “kudya kwaShe kwemanheru.”
(1 VaKorinde 11:20) Chii chinomboita kuti chiitiko ichocho chive chinokosha zvikuru? Chinofanira kuchengetwa rini uye sei?
Jesu Kristu akatanga chiitiko ichi usiku hwePaseka yechiJudha
muna 33 C.E. Paseka yaiva mutambo waiitwa kamwe chete pagore, pazuva rechi14 romwedzi wechiJudha waNisani. Kuti vawane
musi iwoyo, zviri pachena kuti vaJudha vaimirira zuva muchirimo rinenge riine maawa anenge 12 echiedza uye 12 erima. Kugara kwomwedzi kunooneka kwokutanga kunenge kuri pedyo nezuva iri kwairatidza kutanga kwaNisani. Paseka yaisvika mazuva 14 gare gare, pashure
pokunyura kwezuva.
Jesu akachengeta Paseka pamwe chete nevaapostora vake, akadzinga Judhasi Iskariyoti, akabva atanga
Kudya kwaShe Kwemanheru. Kudya uku kwakatsiva
Paseka yechiJudha, saka kunofanira kuitwa kamwe
chete pagore.
Evhangeri yaMateu inoshuma kuti: “Jesu akatora chingwa uye, akumbira chikomborero, akachimedura uye,
achichipa vadzidzi, akati: ‘Torai,
mudye. Ichi chinomirira muviri wangu.’ Uyewo, akatora
kapu uye aonga, akaipa kwavari, achiti: ‘Inwai, imi mose; nokuti
iyi inomirira “ropa rangu resungano,” ri-
Mashoko Okuwedzera
207
chadururirwa vazhinji nokuda kwokukanganwirwa zvivi.’ ”—Mateu 26:26-28.
Vamwe vanodavira kuti Jesu akachinja chingwa chacho kuva
nyama yake chaiyo uye waini yacho kuva ropa rake. Zvisinei, muviri wenyama waJesu wakanga uchakakwana paakavapa chingwa
ichi. Vaapostora vaJesu zvechokwadi vakanga vachidya nyama yake chaiyo uye vachinwa ropa rake here? Kwete, nokuti izvozvo zvingadai zvakava kudya nyama yomunhu uye kutyorwa kwomutemo waMwari. (Genesisi 9:3, 4; Revhitiko 17:10) Maererano naRuka 22:20, Jesu akati: “Kapu iyi inomirira sungano itsva muropa rangu, ramuchadururirwa.” Kapu iyoyo yakava chaizvoizvo “sungano itsva” here? Izvozvo zvaisaita, sezvo sungano chiri chibvumirano, kwete chinhu chinobatika.
Saka, zvose zviri zviviri, chingwa newaini zvinhu zvokungofananidzira chete. Chingwa chinofananidzira muviri waKristu wakakwana. Jesu akashandisa chingwa chakasara pakudya Paseka.
Chingwa chacho chaigadzirwa chisina mbiriso. (Eksodho 12:8)
Bhaibheri rinowanzoshandisa mbiriso sechiratidzo chechivi kana
kuti uori. Saka chingwa chinomirira muviri wakakwana wakabayirwa naJesu. Iwo wakanga usina chivi.—Mateu 16:11, 12; 1 VaKorinde 5:6, 7; 1 Petro 2:22; 1 Johani 2:1, 2.
Waini tsvuku inomirira ropa raJesu. Ropa iroro rinoita kuti sungano itsva ishande. Jesu akati ropa rake rakadururwa “nokuda
kwokukanganwirwa zvivi.” Saka vanhu vanogona kuva vakachena kuna Mwari uye vanogona kupinda musungano itsva naJehovha. (VaHebheru 9:14; 10:16, 17) Sungano iyi, kana kuti chibvumirano, inoita kuti vaKristu vakatendeka 144 000 vakwanise kuenda kudenga. Ikoko vachanoshumira vari madzimambo nevapristi kuti vamwe vanhu vose vakomborerwe.—Genesisi 22:18; Jeremiya 31:31-33; 1 Petro 2:9; Zvakazarurwa 5:9, 10; 14:1-3.
Ndivanaani vanofanira kudya izvi zviratidzo zveChirangaridzo? Zvinonzwisisika kuti vaya chete vari musungano itsva—kureva vaya vane tariro yokuenda kudenga—ndivo vanofanira kudya
chingwa uye kunwa waini. Mudzimu mutsvene waMwari unoita
kuti vakadaro vave nechokwadi chokuti vakasarudzwa kuti vave
madzimambo okudenga. (VaRoma 8:16) Ivowo vari musungano
yoUmambo naJesu.—Ruka 22:29.
Zvakadini nevaya vane tariro yokurarama nokusingaperi muPa-
208
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
radhiso pasi pano? Vanoteerera murayiro waJesu uye vanopinda
Kudya kwaShe Kwemanheru, asi vanenge vachingova vacherechedzi vanoremekedza, kwete vaya vanodya. Kamwe chete pagore pashure pokunyura kwezuva pana Nisani 14, Zvapupu zvaJehovha zvinochengeta Kudya kwaShe Kwemanheru. Kunyange zvazvo zviuru zvishomanana chete munyika yose zvichiti zvine tariro yokumatenga, chiitiko ichi chinokosha kuvaKristu vose. Inguva apo vanhu vose vanogona kufungisisa rudo rwakanaka kwazvo
rwaJehovha Mwari naJesu Kristu.—Johani 3:16.
“Mweya” uye “Mudzimu”
—Mashoko Aya Anomborevei Chaizvo?
PAUNONZWA shoko rokuti “mweya” uye rokuti “mudzimu,”
chii chinouya mupfungwa dzako? Vakawanda vanodavira kuti
mashoko aya anoreva chimwe chinhu chisingaoneki uye chisingafi chiri matiri. Vanofunga kuti parufu ichi chikamu chomunhu chisingaoneki chinobuda mumuviri chopfuurira kurarama.
Chitendero ichi zvachakapararira kwazvo, vakawanda vanoshamisika kudzidza kuti izvozvo handizvo zvinodzidziswa neBhaibheri. Saka, mweya chii, uye mudzimu chii maererano neShoko
raMwari?
“MWEYA” SOKUSHANDISWA
KUNOITWA SHOKO RACHO MUBHAIBHERI
Kutanga, funga nezvomweya. Ungayeuka kuti pakutanga Bhaibheri rakanyorwa kunyanya muchiHebheru nechiGiriki. Pavainyora nezvomweya, vanyori veBhaibheri vaishandisa shoko rechiHebheru rokuti nephesh kana kuti shoko rechiGiriki
rokuti psy·khe. Mashoko aya anooneka muMagwaro kanopfuura ka800, uye Shanduro yeNyika Itsva inoashandura zvakafanana kuti “mweya.” Paunoongorora mashandisirwo anoitwa shoko rokuti “mweya” muBhaibheri, zvinova pachena kuti shoko iri
rinonyanya kureva (1) vanhu, (2) mhuka, kana kuti (3) upenyu
uhwo munhu kana kuti mhuka inahwo. Ngatikurukurei mamwe
magwaro anopa pfungwa idzi nhatu dzakasiyana.
Mashoko Okuwedzera
209
Vanhu. “Mumazuva aNoa . . . vanhu vashoma, iyo mweya misere, yakatakurwa yakachengeteka nomumvura.” (1 Petro 3:20)
Pano, zviri pachena kuti shoko rokuti “mweya” rinoreva vanhu
—Noa, mudzimai wake, vanakomana vake vatatu, uye madzimai
avo. Eksodho 16:16 inotaura nezvemirayiridzo yakapiwa vaIsraeri nezvokuunganidza mana. Vakaudzwa kuti: “Zvinhongei, . . .
maererano nokuwanda kwemweya iyo mumwe nomumwe wenyu anayo mutende rake.” Saka chitsama chemana yaiunganidzwa chaienderana nokuwanda kwevanhu vaiva mumhuri yoga
yoga. Mimwe mienzaniso yomuBhaibheri yokushandiswa kunoitwa shoko rokuti “mweya” kumunhu kana kuti vanhu inowanika pana Genesisi 46:18; Joshua 11:11; Mabasa 27:37; uye VaRoma
13:1.
Mhuka. Munhoroondo yeBhaibheri yokusika, tinoverenga kuti: “Mwari akabva ati: ‘Mvura ngaizare nemweya mipenyu mizhinji uye zvisikwa zvinobhururuka ngazvibhururuke pamusoro
penyika pakatarisana nenzvimbo huru yematenga.’ Mwari akabva ati: ‘Nyika ngaibudise mweya mipenyu maererano nemarudzi ayo, zvipfuwo nezvinokambaira nemhuka dzomusango dzenyika maererano nemarudzi azvo.’ Uye zvakaita saizvozvo.” (Genesisi 1:20, 24) Mundima idzi, hove, zvipfuwo, uye mhuka dzomusango zvose zvinoshandisirwa shoko rakafanana—“mweya.”
Shiri nedzimwe mhuka dzinonzi mweya pana Genesisi 9:10; Revhitiko 11:46; uye Numeri 31:28.
Upenyu hwomunhu. Dzimwe nguva shoko rokuti “mweya” rinoreva upenyu hwomunhu. Jehovha akaudza Mosesi kuti: “Varume vose vakanga vachivhima mweya wako vakafa.” (Eksodho
4:19) Vavengi vaMosesi vakanga vachivhimei? Vakanga vachitsvaka kugumisa upenyu hwaMosesi. Nguva yakanga yapfuura,
Rakeri paakanga achisununguka mwanakomana wake Bhenjamini, ‘mweya wake wakanga uchibuda (nokuti akafa).” (Genesisi 35:16-19) Panguva iyoyo, Rakeri akarasikirwa noupenyu hwake. Fungawo nezvemashoko aJesu okuti: “Ndini mufudzi akanaka kwazvo; mufudzi akanaka kwazvo anopa mweya wake nokuda kwemakwai.” (Johani 10:11) Jesu akapa mweya wake, kana kuti upenyu, nokuda kwevanhu. Mundima idzi dzeBhaibheri, shoko rokuti “mweya” rinotaura zviri pachena nezvoupenyu hwomunhu. Uchawana mimwe mienzaniso yepfungwa iyi yeshoko
210
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
rokuti “mweya” pana 1 Madzimambo 17:17-23; Mateu 10:39; Johani 15:13; uye Mabasa 20:10.
Kudzidzazve Shoko raMwari kuchakuratidza kuti hapana muBhaibheri rose panobatanidzwa mashoko okuti “kusafa” kana
kuti “kusaguma” neshoko rokuti “mweya.” Asi, Magwaro anotaura kuti mweya unofa. (Ezekieri 18:4, 20) Saka, Bhaibheri rinodana munhu anenge afa kuti “mweya . . . wakafa.”—Revhitiko
21:11.
KUZIVA CHINONZI “MUDZIMU”
Iye zvino ngatikurukurei kushandiswa kunoitwa shoko rokuti “mudzimu” muBhaibheri. Vamwe vanhu vanofunga kuti “mudzimu” rinongova rimwe shoko rokuti “mweya.” Zvisinei, izvozvo handizvo. Bhaibheri rinojekesa kuti shoko rokuti “mudzimu”
nerokuti “mweya” anoreva zvinhu zviviri zvakasiyana. Anosiyana
sei?
Vanyori veBhaibheri vakashandisa shoko rechiHebheru rokuti ruach kana kuti rechiGiriki rokuti pneuma pavainyora nezvo“mudzimu.” Magwaro pachawo anoratidza zvinoreva mashoko
iwayo. Somuenzaniso, Pisarema 104:29 rinoti: “Kana [Jehovha]
mukabvisa simba razvo roupenyu [mudzimu kana kuti ruach],
izvo zvinofa, uye zvinodzokera kuguruva razvo.” Uye Jakobho 2:
26 inoratidza kuti ‘muviri usina simba roupenyu [mudzimu kana kuti pneuma] wakafa.’ Saka, mundima idzi “mudzimu” unoreva chinoita kuti muviri uve mupenyu. Pasina mudzimu, muviri
wakafa. Saka, muBhaibheri shoko rokuti ruach haringoshandurwi kuti “mudzimu” chete asiwo “simba,” kana kuti simba roupenyu. Somuenzaniso, nezveMafashamo omunguva yaNoa, Mwari
akati: “Ndiri kuunza mafashamo emvura panyika kuti ndiparadze
nyama yose ine simba [ruach] roupenyu rinoshanda mairi iri pasi pedenga.” (Genesisi 6:17; 7:15, 22) Saka, shoko rokuti “mudzimu” rinoreva simba risingaoneki (chinhu chinopa upenyu) chinoita kuti zvisikwa zvose zvipenyu zvirarame.
Mweya nomudzimu hazvina kufanana. Muviri unoda mudzimu kufanana neredhiyo inoda magetsi—kuti ushande. Kuenzanisirazve izvi, funga nezvekaredhiyo kanotakurika. Paunoisa
mabhatiri mukaredhiyo kanotakurika, wokabatidza, magetsi ari
mumabhatiri acho anoita kuti karedhiyo kaite sokuti kava nou-
Mashoko Okuwedzera
211
penyu. Zvisinei, pasina mabhatiri, karedhiyo kacho kakafa. Ndizvo zvakaitawo imwe redhiyo painobviswa pamagetsi. Saizvozvowo, mudzimu isimba rinoita kuti miviri yedu ive mipenyu. Uyewo, kufanana nemagetsi, mudzimu haunzwi uye haugoni kufunga. Isimbawo zvaro risiri munhu. Asi pasina mudzimu iwoyo,
kana kuti simba roupenyu, miviri yedu ‘inofa, uye inodzokera
kuguruva rayo,’ sezvakataurwa nomunyori wepisarema.
Ichitaura nezvokufa kwomunhu, Muparidzi 12:7 inoti: “Guruva [romuviri wake] rinodzokera kuivhu sezvarakanga rakaita uye
simba roupenyu [kana kuti mudzimu] rinodzokera kuna Mwari wechokwadi akaripa.” Mudzimu, kana kuti simba roupenyu,
paunobuda mumuviri, muviri unofa uye unodzokera kwawakabva—kuvhu. Saizvozvowo, simba roupenyu rinodzokera kwarakabva—kuna Mwari. (Jobho 34:14, 15; Pisarema 36:9) Izvi hazvirevi kuti simba roupenyu rinonyatsofamba richienda kudenga.
Asi zvinoreva kuti kumunhu anofa, tariro chero ipi zvayo youpenyu hwomunguva yemberi iri kuna Jehovha Mwari. Zvakaita sokuti upenyu hwake huri mumaoko aMwari. Mudzimu, kana kuti
simba roupenyu, unogona kudzorerwa kuti munhu araramezve
pachishandiswa simba raMwari chete.
Zvinonyaradza kwazvo kuziva kuti izvi ndizvo chaizvo zvichaitwa naMwari kune vose vaya vakazorora “mumakuva”! (Johani 5:28, 29) Panguva yokumuka, Jehovha achagadzirira munhu
akarara murufu muviri mutsva oita kuti uve mupenyu nokuisa
mudzimu, kana kuti simba roupenyu mauri. Chokwadi iroro richava zuva rinofadza zvikuru!
Kana uchida kudzidza zvakawanda nezveshoko rokuti “mweya” uye rokuti “mudzimu” sokushandiswa kwaanoitwa muBhaibheri, uchawana mashoko anokosha mubhurocha rinonzi Chii Chinoitika Kwatiri
Patinofa? uye pamapeji 24752 ne266-70 ebhuku rinonzi
Kurangarira muMagwaro, ose
akabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
212
Sheori uye Hadhesi Chii?
MUMITAURO yaro yepakutanga, Bhaibheri rinoshandisa shoko rechiHebheru rokuti sheohl uye rarakafanana naro rechiGiriki rokuti haides kanopfuura ka70. Mashoko acho ari maviri ane chokuita norufu. Dzimwe shanduro dzeBhaibheri dzinoashandura kuti “guva,” “hero,” kana kuti “gomba.” Zvisinei,
mumitauro yakawanda hamuna mashoko anopa pfungwa chaiyo yemashoko aya, rechiHebheru uye rechiGiriki. Saka, Shanduro yeNyika Itsva inoshandisa shoko rokuti “Sheori” uye “Hadhesi.” Mashoko aya anomborevei chaizvo? Ngationei mashandisirwo aanoitwa mundima dzeBhaibheri dzakasiyana-siyana.
Muparidzi 9:10 inoti: “MuSheori, iyo nzvimbo yauri kuenda,
hamuna basa kana kuronga mazano kana zivo kana uchenjeri.”
Izvi zvinoreva here kuti Sheori inoreva guva chairo, kana kuti
guva roga roga ratingave takaviga mudiwa wedu? Kwete. Bhaibheri parinotaura nezveguva chairo, rinoshandisa mamwe mashoko, rechiHebheru uye rechiGiriki, kwete sheohl uye haides. (Genesisi 23:7-9; Mateu 28:1) Uyewo, Bhaibheri harishandisi shoko rokuti “Sheori” nokuda kweguva rinovigwa vanhu vanoverengeka pamwe chete, zvakadai seguva remhuri kana kuti
guva rinovigwa vanhu vakawanda.—Genesisi 49:30, 31.
Saka, shoko rokuti “Sheori” rinoreva nzvimbo yakaita sei?
Shoko raMwari rinoratidza kuti shoko rokuti “Sheori,” kana kuti “Hadhesi,” anoreva chinhu chinotopfuura guva guru rinovigwa vanhu vakawanda. Somuenzaniso, Isaya 5:14 inotaura kuti
Sheori ‘yakakura uye yakashama muromo wayo kwazvo kupfuura miganhu.’ Kunyange zvazvo Sheori ichitaurwa sokunge yakatomedza vanhu vakafa vasingaverengeki, inogara ichiita seiri kungoda vamwe. (Zvirevo 30:15, 16) Kusiyana neguva chairo chero ripi zvaro, rinongopinda vanhu vakafa vashoma chete,
‘Sheori haiguti.’ (Zvirevo 27:20) Sheori haimbozari. Haina miganhu. Saka, Sheori, kana kuti Hadhesi, haisi nzvimbo chaiyo
iri kune imwe nharaunda. Asi, iguva revanhu vose vakafa, nzvimbo yokufananidzira uko vakawanda vevanhu vanorara murufu.
Dzidziso yeBhaibheri yorumuko inotibatsira kunzwisisazve
Mashoko Okuwedzera
213
zvinoreva shoko rokuti “Sheori” uye rokuti “Hadhesi.” Shoko raMwari rinobatanidza Sheori uye Hadhesi norufu ruchazova norumuko.1 (Jobho 14:13; Mabasa 2:31; Zvakazarurwa 20:
13) Shoko raMwari rinoratidzawo kuti vaya vari muSheori, kana
kuti Hadhesi, havangosanganisiri vaya chete vakashumira Jehovha asiwo vazhinji vasina kumushumira. (Genesisi 37:35; Pisarema 55:15) Saka, Bhaibheri rinodzidzisa kuti kuchava “nokumuka kwevakarurama nevasina kururama.”—Mabasa 24:15.
1 Kusiyana naizvozvo, vakafa vasingazomutswi vanorondedzerwa sevari “muGehena,” kwete muSheori, kana kuti Hadhesi. (Mateu 5:30; 10:
28; 23:33) Kufanana neSheori uye Hadhesi, Gehena harisi nzvimbo chaiyoiyo.
Zuva Rokutongwa—Chii?
UNOFUNGIDZIRA kuti Zuva Rokutongwa richange rakaita sei?
Vakawanda vanofunga kuti mabhiriyoni evanhu achaunzwa pamberi pechigaro choumambo chaMwari akaita mudungwe. Ipapo, munhu oga oga achatongwa. Vamwe vachapiwa mubayiro weparadhiso yokudenga, uye vamwe vachatongerwa kutambudzwa
kusingagumi. Zvisinei, Bhaibheri rinoratidza zvakasiyana chaizvo
pamusoro penguva iyi. Shoko raMwari rinoirondedzera senguva
yetariro uye yokugadzirisa zvinhu, kwete senguva inotyisa.
Pana Zvakazarurwa 20:11, 12, tinoverenga tsanangudzo yomuapostora Johani yeZuva Rokutongwa, inoti: “Ndakaona chigaro
choumambo chikuru chichena naiye akanga agere pachiri. Denga
nenyika zvakatiza pamberi pake, uye hazvina kuwanirwa nzvimbo. Ndakaona vakafa, vakuru nevaduku, vamire pamberi pechigaro choumambo, uye mipumburu yakavhurwa. Asi mumwe
mupumburu wakavhurwa; ndiwo mupumburu woupenyu. Vakafa vakatongwa nezvinhu zviya zvakanga zvakanyorwa mumipumburu maererano nemabasa avo.” Mutongi anotsanangurwa pano ndiani?
Jehovha Mwari ndiye Mutongi mukuru wevanhu anopfuura
vose. Zvisinei, anopa vamwe basa racho chairo rokutonga. Maererano naMabasa 17:31, muapostora Pauro akataura kuti Mwari
214
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
“akatara zuva raanoda kutonga naro nyika inogarwa, nokururama
achishandisa munhu waakagadza.” Mutongi uyu akagadzwa ndiJesu Kristu akamutswa. (Johani 5:22) Zvisinei, Zuva Rokutongwa
rinotanga rini? Rakareba zvakadini?
Bhuku raZvakazarurwa rinoratidza kuti Zuva Rokutongwa rinotanga pashure pehondo yeAmagedhoni, mamiriro ezvinhu aSatani ari panyika paanenge aparadzwa.1 (Zvakazarurwa 16:14, 16;
19:19–20:3) Pashure peAmagedhoni, Satani nemadhimoni ake vachaiswa mujeri mugomba rakadzikadzika kwemakore ane chiuru.
Munguva iyoyo, vagari venhaka vokudenga vane 144 000 vachava vatongi uye vachatonga “semadzimambo naKristu kwemakore ane chiuru.” (Zvakazarurwa 14:1-3; 20:1-4; VaRoma 8:17) Zuva
Rokutongwa harisi chiitiko chichakurumidza kuitwa chakangoreba maawa 24. Rinotora makore ane chiuru.
Munguva iyoyo yemakore ane chiuru, Jesu Kristu “achatonga
vapenyu nevakafa.” (2 Timoti 4:1) “Vapenyu” vachange vari “boka guru revanhu” vanopona paAmagedhoni. (Zvakazarurwa 7:917) Muapostora Johani akaonawo “vakafa . . . vamire pamberi pechigaro choumambo” chokutonga. Sezvakapikirwa naJesu, achishandisa rumuko, “vari mumakuva vachayeukwa uye vachanzwa
inzwi [raKristu], vobuda.” (Johani 5:28, 29; Mabasa 24:15) Asi vose vachatongerwa chii?
Maererano nezvakaratidzwa muapostora Johani, “mipumburu yakavhurwa,” uye “vakafa vakatongwa nezvinhu zviya zvakanga zvakanyorwa mumipumburu maererano nemabasa avo.” Mipumburu iyi zvinhu zvakanyorwa zvakaitwa kare nevanhu vacho
here? Kwete, kutonga kwacho hakuzoitwi nokuda kwezvakaitwa
nevanhu vasati vafa. Tinoziva sei izvozvo? Bhaibheri rinoti: “Uya
anenge afa asunungurwa pachivi chake.” (VaRoma 6:7) Saka vaya
vanomutswa vanodzoka kuupenyu vadzimirwa zvivi zvavo zvose. Naizvozvo, mipumburu inofanira kumirira zvimwe zvinodiwa
naMwari. Kuti vanopona paAmagedhoni uye vaya vanomutswa
vararame nokusingaperi, vachafanira kuteerera mirayiro yaMwari, kusanganisira zvimwe zvitsva zvichange zvichidiwa izvo Jehovha angazivisa mumakore ane chiuru. Saka, vanhu vachatongerwa zvavachaita munguva yeZuva Rokutongwa.
1 NezveAmagedhoni, tapota ona Insight on the Scriptures, Volume 1,
mapeji 594-5, 1037-8, uye chitsauko 20 chebhuku rinonzi Namata Mwari Wechokwadi Bedzi, ose akabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
Mashoko Okuwedzera
215
Zuva Rokutongwa richapa mabhiriyoni evanhu mukana wavo
wokutanga wokuti vadzidze zvinodiwa naMwari uye kuti vaite
maererano nazvo. Izvi zvinoreva kuti pachava nebasa guru rokudzidzisa. Zvechokwadi, “vagari vomunyika inobereka vachadzidza kururama.” (Isaya 26:9) Zvisinei, havasi vose vanenge vachida kuita maererano nezvinoda Mwari. Isaya 26:10 inoti: “Kunyange munhu akaipa akanzwirwa nyasha, haazombodzidzi kururama. Achaita zvisina kururama munyika yokururama uye haazooni ukuru hwaJehovha.” Vakaipa ava vachaurayiwa zvachose munguva yeZuva Rokutongwa.—Isaya 65:20.
Panozopera Zuva Rokutongwa, vanhu vanopona vanenge ‘vava vapenyu’ zvizere sevanhu vakakwana. (Zvakazarurwa 20:5)
Saka munguva yeZuva Rokutongwa vanhu vachadzorerwa pakukwana kwaivapo pakutanga. (1 VaKorinde 15:24-28) Panguva iyoyo pachava nomuedzo wokupedzisira. Satani achasunungurwa mujeri rake, obvumirwa kuedza kutsausa vanhu kokupedzisira. (Zvakazarurwa 20:3, 7-10) Vaya vanomurwisa vachawana kuzadzika kuzere kwechipikirwa cheBhaibheri chinoti: “Vakarurama
vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi.” (Pisarema 37:29) Chokwadi, Zuva Rokutongwa richava chikomborero
kuvanhu vose vakatendeka!
1914—Gore Rinokosha
Muuprofita hweBhaibheri
KUCHINE makumi emakore, vadzidzi veBhaibheri vakazivisa kuti muna 1914 maizova nezviitiko zvinokosha. Izvozvi zvaiva chii,
uye uchapupu hupi hunoratidza 1914 kuva gore rinokosha zvakadaro?
Sezvakanyorwa pana Ruka 21:24, Jesu akati: “Jerusarema richatsikwa-tsikwa nemamwe marudzi, kusvikira nguva dzakatarwa
dzemamwe marudzi [“nguva dzavahedheni,” Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona] dzakwana.” Jerusarema raimbova riri guta guru rorudzi rwechiJudha—maiva nechigaro chokutonga chemadzimambo aitevedzana eimba yaMambo Dhavhidhi. (Pisarema 48:
1, 2) Zvisinei, madzimambo aya akanga akasiyana nevamwe
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
216
vatungamiriri venyika. Iwo aigara pa“chigaro choumambo chaJehovha” sevamiririri vaMwari pachake. (1 Makoronike 29:23) Saka, Jerusarema rakanga riri chiratidzo chokutonga kwaJehovha.
Zvisinei, kutonga kwaMwari kwaizotanga ku“tsikwa-tsikwa nemamwe marudzi” sei uye rini? Izvi zvakaitika muna 607 B.C.E. Jerusarema parakakundwa nevaBhabhironi. Hapana akava pa“chigaro choumambo chaJehovha,” uye madzimambo aitevedzana
akabva kuna Dhavhidhi akambomiswa. (2 Madzimambo 25:126) ‘Kutsika-tsika’ uku kwaizopfuurira nokusingaperi here? Kwete, nokuti uprofita hwaEzekieri hwakati nezvamambo wokupedzisira weJerusarema, Zedhekiya: “Bvisa ngowani, ubvise korona. . . .
Izviwo, hazvizovi zvomunhu chero upi zvake kusvikira ane kodzero yepamutemo asvika, uye ndichamupa izvozvo.” (Ezekieri 21:
26, 27) Munhu wacho ane “kodzero yepamutemo” yokuwana korona yaDhavhidhi ndiKristu Jesu. (Ruka 1:32, 33) Saka ‘kutsikatsika’ kwacho kwaizoguma Jesu paaizova Mambo.
Chiitiko ichocho chinokosha chaizoitika rini? Jesu akaratidza
“NGUVA NOMWE”
Makore 2 520
Makore 606 1/4
Makore 1 913 3/4
October 607 B.C.E. kusvika
kuna December 31, 1 B.C.E.
January 1, 1 C.E. kusvika
kuna October 1914
607
“Jerusarema
richatsikwa-tsikwa
nemamwe marudzi”
& B.C.E. C.E. )
1914
‘Ane kodzero
yepamutemo anosvika’
Mashoko Okuwedzera
217
kuti Vemamwe Marudzi vaizotonga kwenguva yakatarwa. Nhoroondo iri muchitsauko 4 chaDhanieri ine mashoko anotibatsira kuziva kuti nguva iyoyo yaizova yakareba zvakadini. Inorondedzera hope dzouprofita dzakarotwa naMambo Nebhukadhinezari weBhabhironi. Akaona muti mukuru kwazvo wakatemerwa pasi. Chigutsa chawo chaisagona kukura nokuti chakanga chakasungwa nesimbi uye ndarira. Ngirozi yakazivisa kuti: “Nguva nomwe
ngadzipfuure chiripo.”—Dhanieri 4:10-16.
MuBhaibheri, dzimwe nguva miti inoshandiswa kumirira kutonga. (Ezekieri 17:22-24; 31:2-5) Saka kutemwa kwomuti wokufananidzira kunoratidza kuti kutonga kwaMwari kwaiitwa pachishandiswa madzimambo aiva muJerusarema, kwaizombomiswa.
Zvisinei, zvakaratidzwa zvacho zvakazivisa kuti uku ‘kutsikwa-tsikwa kweJerusarema’ kwaizova kwenguva duku chete—“nguva nomwe.” Iyoyo inguva yakareba zvakadini?
Zvakazarurwa 12:6, 14 inoratidza kuti nguva nhatu nehafu dzakaenzana ne“mazuva ane chiuru nemazana maviri nemakumi
matanhatu.” Saka, “nguva nomwe” dzaizova dzakareba kakapetwa kaviri, kana kuti mazuva 2 520. Asi mamwe marudzi haana
kurega ‘kutsika-tsika’ kutonga kwaMwari mazuva 2 520 chete pashure pokunge Jerusarema raparara. Saka zviri pachena kuti uprofita uhwu ndohwenguva yakareba. Tichitorera pana Numeri 14:34
uye Ezekieri 4:6, anotaura nezve“zuva richiva gore,” “nguva nomwe” dzaizova makore 2 520.
Makore acho 2 520 akatanga muna October 607 B.C.E., Jerusarema parakaparadzwa nevaBhabhironi uye mambo weimba
yaDhavhidhi paakabviswa pachigaro chake choumambo. Nguva yacho yakaguma muna October 1914. Panguva iyoyo, “nguva
dzakatarwa dzemamwe marudzi” dzakaguma, uye Jesu Kristu akagadzwa saMambo waMwari wokudenga.1—Pisarema 2:1-6; Dhanieri 7:13, 14.
Sezvakanga zvafanotaurwa naJesu, “kuvapo” kwake saMambo
1 Kubva muna October 607 B.C.E. kusvika pana October 1 B.C.E. pane
makore 606. Sezvo pasina gore razero, kubva pana October 1 B.C.E. kusvika muna October 1914 C.E. pane makore 1 914. Kana tikasanganisa makore 606 nemakore 1 914, tinowana makore 2 520. Kuti uwane mamwe
mashoko ane chokuita nokuparara kweJerusarema muna 607 B.C.E., ona
nyaya inoti “Chronology” mubhuku rinonzi Insight on the Scriptures, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
218
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
wokudenga kwave kuchiratidzwa nezviitiko zvenyika zvikuru
—hondo, nzara, kudengenyeka kwenyika uye matenda. (Mateu
24:3-8; Ruka 21:11) Zviitiko zvakadaro zvinopa uchapupu hune
simba hunoratidza kuti zvechokwadi 1914 akaratidza kuberekwa
kwoUmambo hwaMwari hwokudenga uye kutanga kwe“mazuva
okupedzisira” emamiriro ezvinhu akaipa aripo iye zvino.—2 Timoti 3:1-5.
Mikaeri Ngirozi Huru Ndiani?
CHISIKWA chomudzimu chinonzi Mikaeri hachiwanzotaurwi
muBhaibheri. Zvisinei, pachinotaurwa, chinenge chichibishaira. Mubhuku raDhanieri, Mikaeri anenge achirwa nengirozi dzakaipa; mutsamba yaJudha, anenge achiita nharo naSatani; uye muna Zvakazarurwa, anenge achirwa naDhiyabhorosi nemadhimoni ake. Nokudzivirira kutonga kwaJehovha uye
kurwisa vavengi vaMwari, Mikaeri anorarama maererano nezvinorehwa nezita rake—“Ndiani Akaita saMwari?” Asi Mikaeri
ndiani?
Dzimwe nguva, vanhu vanozivikanwa nemazita anopfuura
rimwe chete. Somuenzaniso, tateguru Jakobho anozivikanwawo saIsraeri, uye muapostora Petro saSimoni. (Genesisi 49:1, 2;
Mateu 10:2) Saizvozvowo, Bhaibheri rinoratidza kuti Mikaeri
nderimwe zita raJesu Kristu, asati ararama pano pasi uye pashure pokurarama kwake pasi pano. Ngatifungei nezvezvikonzero
zvinobva muMagwaro nei tichidaro.
Ngirozi huru. Shoko raMwari rinotaura nezvaMikaeri “ngirozi huru.” (Judha 9) Ona kuti Mikaeri anonzi ngirozi huru. Izvi
zvinoratidza kuti panongova nengirozi imwe chete yakadaro.
Kutaura chokwadi, mashoko okuti “ngirozi huru” anowanika
muBhaibheri achitaura nezvomunhu mumwe chete, kwete vakawanda. Uyezve, Jesu ane chokuita nenzvimbo yengirozi huru. NezvaIshe Jesu Kristu akamutswa, 1 VaTesaronika 4:16 inoti:
“Ishe achaburuka kudenga achishevedzera nesimba, nenzwi rengirozi huru.” Saka inzwi raJesu rinotsanangurwa seriya rengi-
Mashoko Okuwedzera
219
rozi huru. Naizvozvo rugwaro urwu runoratidza kuti Jesu pachake ndiye ngirozi yacho huru, Mikaeri.
Mutungamiriri weuto. Bhaibheri rinotaura kuti “Mikaeri nengirozi dzake vakarwa nedhiragoni . . . nengirozi dzayo.” (Zvakazarurwa 12:7) Saka, Mikaeri ndiye Mutungamiriri weuto rengirozi dzakatendeka. Bhuku raZvakazarurwa rinotsanangura
Jesu soMutungamiriri weuto rengirozi dzakatendeka. (Zvakazarurwa 19:14-16) Uye muapostora Pauro anotaura zvakananga
nezva“Ishe Jesu” ne“ngirozi dzake dzine simba.” (2 VaTesaronika 1:7) Naizvozvo Bhaibheri rinotaura nezvaMikaeri ne“ngirozi
dzake” uye Jesu ne“ngirozi dzake.” (Mateu 13:41; 16:27; 24:31;
1 Petro 3:22) Sezvo Shoko raMwari pasina parinoratidza kuti
pane mauto maviri engirozi dzakatendeka kudenga—rimwe rinotungamirirwa naMikaeri uye rimwe rinotungamirirwa naJesu—zvine musoro kugumisa kuti Mikaeri ndiye chete Jesu Kristu pabasa rake rokudenga.1
1 Mamwe mashoko anoratidza kuti zita rokuti Mikaeri rinoshanda kuMwanakomana waMwari anowanika muVhoriyamu 2, mapeji 393-4, yebhuku rinonzi Insight on the Scriptures, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
Kuziva “Bhabhironi Guru”
BHUKU raZvakazarurwa rine mashoko asingafaniri kunzwisiswa sezvaari chaizvo. (Zvakazarurwa 1:1) Somuenzaniso, rinotaura nezvomukadzi akanyorwa zita rokuti “Bhabhironi Guru”
pahuma yake. Mukadzi uyu anonzi akagara pamapoka evanhu
nemarudzi.” (Zvakazarurwa 17:1, 5, 15) Sezvo pasina mukadzi
chaiye angaita izvi, Bhabhironi Guru rinofanira kuva rokufananidzira. Saka, hure iri rokufananidzira rinomirirei?
Pana Zvakazarurwa 17:18, mukadzi wokufananidzira mumwe chete iyeye anorondedzerwa se“guta guru rine umambo
pamusoro pemadzimambo enyika.” Shoko rokuti “guta” rinoratidza boka revanhu vakarongeka. “Guta guru” iri zvarinodzora “madzimambo enyika,” mukadzi wacho anonzi Bhabhironi
220
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
Guru anofanira kuva sangano rine simba riri munyika dzose. Nenzira yakakodzera ringanzi umambo hwenyika. Umambo
hworudzii? Hwechitendero. Ona kuti dzimwe ndima dzakada
kufanana dziri mubhuku raZvakazarurwa dzinoita sei kuti tigumise saizvozvi.
Umambo hunogona kuva hwezvematongerwo enyika, hwezvokutengeserana, kana kuti hwechitendero. Mukadzi anonzi
Bhabhironi Guru haasi umambo hwezvematongerwo enyika
nokuti Shoko raMwari rinotaura kuti “madzimambo enyika,”
kana kuti vezvematongerwo enyika ino, “akaita ufeve” naye.
Ufeve hwake hune chokuita nokubatana kwake kwaakaita nevatongi venyika ino uye hunotsanangura nei achinzi “hure guru.”—Zvakazarurwa 17:1, 2; Jakobho 4:4.
Bhabhironi Guru haringavi umambo hwezvokutengeserana
nokuti ‘vanotengesa vepanyika,’ avo vanomirira vezvokutengeserana, vachange vachirichema panguva yarinoparadzwa. Kutaura chokwadi, madzimambo nevanotengesa vanorondedzerwa sevakatarira Bhabhironi Guru vari “kure zvishoma.” (Zvakazarurwa 18:3, 9, 10, 15-17) Saka, zvine musoro kugumisa kuti Bhabhironi Guru harisi umambo hwezvematongerwo enyika
kana kuti hwezvokutengeserana, asi hwechitendero.
Kuzivikanwa kwechitendero kweBhabhironi Guru kunosimbiswazve nemashoko okuti rinotsausa marudzi ose ne‘tsika
yaro yokuita zvemidzimu.’ (Zvakazarurwa 18:23) Kuita zvemidzimu kwose zvakunokonzerwa nechitendero uye zvemadhimoni, hazvishamisi kuti Bhabhironi Guru i“nzvimbo inogarwa nemadhimoni.” (Zvakazarurwa 18:2; Dheuteronomio 18:
10-12) Umambo uhwu hunorondedzerwawo sohunobishairira
kushora chitendero chechokwadi, huchitambudza “vaprofita”
uye “vatsvene.” (Zvakazarurwa 18:24) Kutaura chokwadi, Bhabhironi Guru rinovenga kwazvo chitendero chechokwadi zvokuti rinotambudza nechisimba uye rinotouraya “zvapupu zvaJesu.” (Zvakazarurwa 17:6) Saka, zviri pachena kuti mukadzi
uyu ane zita rokuti Bhabhironi Guru anomirira umambo hwenyika hwechitendero chenhema, uhwo hunosanganisira zvitendero zvose zvinoshora Jehovha Mwari.
221
Jesu Akaberekwa Muna December Here?
BHAIBHERI haritiudzi pakaberekwa Jesu. Zvisinei, rinotipa chikonzero chakanaka chokugumisa kuti haana kuberekwa muna
December.
Funga nezvemamiriro okunze panguva iyoyo yegore muBhetrehema, umo Jesu akaberekerwa. Mwedzi wechiJudha waKisrevhi (unoenderana naNovember/December) waiva mwedzi waitonhora uye wainaya. Mwedzi waitevera iwoyo waiva Tebheti (December/January). Ndiwo waitonhora zvakanyanyisa pagore, uchitombova nesinou munzvimbo dzakakwirira. Ngationei
zvatinoudzwa neBhaibheri nezvemamiriro okunze enzvimbo
iyoyo.
Munyori weBhaibheri anonzi Ezra anoratidza kuti zvechokwadi Kisrevhi waiva mwedzi waizivikanwa kuti waitonhora uye
wainaya. Pashure pokutaura kuti boka revanhu vakanga vaungana muJerusarema “mumwedzi wechipfumbamwe [Kisrevhi]
pazuva rechimakumi maviri romwedzi,” Ezra anotaura kuti vanhu ‘vaidedereswa nemvura yainaya.’ Nezvemamiriro okunze
panguva iyoyo yegore, vanhu vakanga vaungana vakati: “Uno
Jesu paakaberekwa, vafudzi
nemapoka avo ezvipfuwo vaiva
musango usiku
222
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
mwaka wokunaya kwemvura, hazvibviri kumira panze.” (Ezra
10:9, 13; Jeremiya 36:22) Hazvishamisi kuti vafudzi vaigara kudivi iroro renyika vaiva nechokwadi chokuti ivo nemapoka avo
ezvipfuwo vaisava kunze usiku December paaisvika!
Zvisinei, Bhaibheri rinotaura kuti vafudzi vakanga vari musango vachifudza mapoka avo ezvipfuwo usiku pakaberekwa Jesu.
Kutaura chokwadi, munyori weBhaibheri Ruka anoratidza kuti panguva iyoyo, “vafudzi vaigara kunze kwemisha vachitarisira mapoka avo ezvipfuwo panguva dzokurinda usiku” pedyo
neBhetrehema. (Ruka 2:8-12) Ona kuti zvechokwadi vafudzi vaigara kunze kwemisha, kwete kungofamba-famba kunze mukati mezuva. Vaiva nemapoka avo ezvipfuwo musango usiku. Kutsanangurwa ikoko kwokugara kunze kwemisha kunokodzera
mamiriro okunze anotonhora uye okunaya eBhetrehema muna
December here? Kwete, hakukodzeri. Naizvozvo mamiriro ezvinhu ane chokuita nokuberekwa kwaJesu anoratidza kuti haana
kuberekwa muna December.1
Shoko raMwari rinotiudza nguva chaiyo yakafa Jesu, asi rinotipa mashoko mashomanana ane chokuita nepaakaberekwa.
Izvi zvinotiyeuchidza mashoko aMambo Soromoni okuti: “Zita
rakanaka riri nani pane mafuta akanaka, uye zuva rokufa riri nani pane zuva rokuberekwa kwomunhu.” (Muparidzi 7:1) Saka,
hazvishamisi kuti Bhaibheri rinopa mashoko akawanda, akadzama ane chokuita noushumiri hwaJesu uye rufu asi mashoko mashomanana ane chokuita nenguva yaakaberekwa.
1 Kuti uwane mamwe mashoko, ona mapeji 199-202 ebhuku rinonzi
Kurangarira muMagwaro rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
Tinofanira Kupemberera Mazororo Here?
MUBHAIBHERI hamusi imo munobva mazororo akakurumbira
echitendero uye enyika anopembererwa munyika dzakawanda
mazuva ano. Saka, mhemberero dzakadaro dzakabva kupi? Kana uchikwanisa kuenda kuraibhurari, uchanakidzwa kuona zvinotaurwa nemabhuku anoshandiswa pakutsvakurudza pamu-
Mashoko Okuwedzera
223
soro pemazororo akakurumbira kwaunogara. Funga nezvemienzaniso mishomanana.
Isita. “MuTestamende Itsva hamuna chinomboratidza kuchengetwa kwomutambo weIsita,” inodaro The Encyclopædia Britannica. Isita yakatanga sei? Yakabva mukunamata kwechihedheni. Kunyange zvazvo zororo iri richinzi nderokuyeuka kumuka kwaJesu, tsika dzine chokuita nenguva yeIsita hadzisi dzechiKristu. Somuenzaniso, nezve“Tsuro yeIsita,” yakakurumbira,
The Catholic Encyclopedia inoti: “Tsuro yacho chiratidzo chechihedheni uye yagara iri chiratidzo chokubereka.”
Kupemberera Gore Idzva. Musi uye tsika zvine chokuita nokupemberera Gore Idzva zvinosiyana munyika nenyika. Nezvekwakabva kupemberera uku, The World Book Encyclopedia inoti:
“Mutongi weRoma ainzi Julius Caesar akaita kuti musi waJanuary 1 uve Zuva Regore Idzva muna 46 B.C. VaRoma vakatsaurira zuva iri kuna Janus, mwari wemagedhi, misuo, uye wokutanga kwezvinhu. Mwedzi waJanuary wakapiwa zita raJanus, uyo
aiva nezviso zviri—chimwe chakatarira mberi uye chimwe chacho chakatarira shure.” Saka kupemberera Gore Idzva kunobva
mutsika dzechihedheni.
Halloween. The Encyclopedia Americana inoti: “Zvimwe zvinhu zvetsika dzine chokuita neHalloween zvinodzokera shure
kumutambo wevaDruid [vapristi vekare vechiCelt] waiitwa nguva yechiKristu isati yasvika. VaCelt vaiitira mitambo vanamwari
vakuru vaviri—mwari wezuva uye mwari wevakafa . . . , ane mutambo waiitwa pana November 1, kutanga kweGore Idzva revaCelt. Mutambo wacho wevakafa wakazopinzwa mutsika yechiKristu zvishoma nezvishoma.”
Mamwe Mazororo. Hazviiti kukurukura mimwe mitambo yose inoitwa munyika yose. Zvisinei, mazororo anokudza vanhu
kana kuti masangano evanhu haagamuchiriki kuna Jehovha.
(Jeremiya 17:5-7; Mabasa 10:25, 26) Yeukawo kuti kwakabva
mhemberero dzechitendero kune chokuita nokuti dzinofadza
Mwari here kana kuti kwete. (Isaya 52:11; Zvakazarurwa 18:4)
Chokwadi chinokosha chiri muBhaibheri chinotaurwa muChitsauko 16 chebhuku rino, chichakubatsira kuziva kuti Mwari
anoona sei kubatanidzwa mumazororo enyika.
Ungada mamwe mashoko here?
Tumira chikumbiro chako kuZvapupu zvaJehovha paIndaneti pawww.jw.org.